RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • nwt 2 Samueri 1:1-24:25
  • 2 Samueri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • 2 Samueri
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
2 Samueri

BHUKU RECHIPIRI RASAMUERI

1 Pashure pekunge Sauro afa, uye Dhavhidhi adzoka kubva kunokunda* vaAmareki, Dhavhidhi akagara muZikragi+ kwemazuva maviri. 2 Pazuva rechitatu, mumwe murume akauya achibva kumusasa waSauro aine nguo dzakabvaruka, neguruva mumusoro. Paakasvika kuna Dhavhidhi, akabva apfugama, akadzikisa musoro wake.

3 Dhavhidhi akamubvunza kuti: “Uri kubva kupi?” Iye akati: “Ndatiza kumusasa wevaIsraeri.” 4 Dhavhidhi akamubvunza kuti: “Zvinhu zvafamba sei? Ndapota ndiudze.” Iye akati: “Vanhu vatiza kubva kuhondo uye vanhu vazhinji vafa. Sauro nemwanakomana wake Jonatani vafawo.”+ 5 Dhavhidhi akabva ati kujaya rakauya nemashoko acho: “Wazviziva sei kuti Sauro nemwanakomana wake Jonatani vafa?” 6 Jaya racho rakapindura kuti: “Zvakangoitikawo kuti ndakanga ndiri muGomo reGiribhoa,+ uye ndakaona Sauro akazvitsigira nepfumo rake uye akanga atobatwa nengoro dzehondo nevatasvi vemabhiza.+ 7 Paakatendeuka akandiona, akandishevedza ndikati, ‘Matii ishe wangu?’ 8 Akandibvunza kuti, ‘Ndiwe ani?’ Ndikapindura kuti, ‘Ndiri muAmareki.’+ 9 Akabva ati, ‘Ndapota huya kuno undiuraye, nekuti marwadzo angu anyanya, asi ndichiri mupenyu.’* 10 Saka ndakaenda pedyo naye ndikamuuraya,+ nekuti ndakaona kuti akanga asingazorarami pashure pekunge awira pasi akuvara. Ndakabva ndatora korona yaiva mumusoro make nechishongo chaakanga akapfeka muruoko rwake, uye ndauya nazvo kuno kunashe wangu.”

11 Dhavhidhi akabva abata nguo dzake akadzibvarura, uye varume vese vaaiva navo vakaitawo saizvozvo. 12 Vakaridza mhere vachichema uye vakatsanya+ kusvika manheru, nekuti Sauro, nemwanakomana wake Jonatani, nevanhu vaJehovha, nevaIsraeri vakawanda,+ vakanga vaurayiwa nebakatwa.

13 Dhavhidhi akabvunza jaya rakauya nemashoko acho kuti: “Unobvepi?” Iro rikati: “Ndiri mwanakomana wemutorwa, muAmareki.” 14 Dhavhidhi akabva ati kwariri: “Sei usina kutya kusimudza ruoko rwako kuti uuraye muzodziwa waJehovha?”+ 15 Dhavhidhi akabva ashevedza mumwe wevarume vaaiva navo, akati: “Huya umuuraye.” Saka akamubaya akafa.+ 16 Dhavhidhi akati kwaari: “Wazviurayisa wega,* nekuti muromo wako pachako wakupa mhosva pawati, ‘Ndini ndakauraya muzodziwa waJehovha.’”+

17 Dhavhidhi akabva aimba rwiyo urwu rwekuchema Sauro nemwanakomana wake Jonatani+ 18 uye akati vanhu veJudha vadzidziswe rwiyo rwacho rwekuchema runonzi “Uta,” urwo rwakanyorwa mubhuku raJashari runoti:+

19 “Haiwa iwe Israeri, runako rwako rwaurayirwa munzvimbo dzako dzakakwirira.+

Varume vane simba vawa!

20 Musazvitaura muGati;+

Musazvizivise mumigwagwa yeAshkeroni,

Nekuti vanasikana vevaFiristiya vangafara,

Nekuti vanasikana vevarume vasina kuchecheudzwa vangapembera nemufaro.

21 Imi makomo eGiribhoa,+

Dova kana mvura ngazvirege kuva pamusoro penyu,

Kana minda inoita kuti pave nemipiro mitsvene,+

Nekuti nhoo yevane simba yakasvibiswa ipapo,

Nhoo yaSauro haisisina kuzodzwa nemafuta.

22 Paropa revakaurayiwa, pamafuta evane simba,

Uta hwaJonatani hwaisakundikana,+

Uye bakatwa raSauro raisadzoka risina kubudirira.+

23 Sauro naJonatani,+ vaidiwa chaizvo uye vaikosheswa* pakurarama kwavo,

Uye pakufa havana kuparadzaniswa.+

Vaimhanya kupfuura makondo,+

Vaine simba kupfuura shumba.+

24 Haiwa vanasikana vaIsraeri, chemai Sauro,

Uyo aikupfekedzai zvipfeko zvitsvuku nezvinhu zvakanaka kwazvo,

Uye aiisa zvishongo zvegoridhe pazvipfeko zvenyu.

25 Chokwadi vane simba vafira muhondo!

Jonatani aurayiwa uye ati rabada pasi panzvimbo dzako dzakakwirira!+

26 Ndiri kunetseka chaizvo pamusoro pako, hama yangu Jonatani;

Ndaikuda chaizvo.+

Madiro awaindiita aishamisa kupfuura rudo rwevakadzi.+

27 Chokwadi vane simba vawa

Uye zvombo zvehondo zvaparara!”

2 Pashure paizvozvo Dhavhidhi akabvunza Jehovha+ kuti: “Ndiende kune rimwe remaguta eJudha here?” Jehovha akati kwaari: “Enda.” Dhavhidhi akabva abvunza kuti: “Ndiende kupi?” Iye akati: “KuHebroni.”+ 2 Saka Dhavhidhi akakwidza ikoko nemadzimai ake maviri, Ahinoamu+ wekuJezreeri naAbhigairi+ chirikadzi yakasiyiwa naNabhari wekuKameri. 3 Dhavhidhi akaendawo nevarume vaaiva navo,+ mumwe nemumwe neimba yake, vakanogara mumaguta akapoteredza Hebroni. 4 Varume veJudha vakabva vaenda vakazodza Dhavhidhi ikoko kuti ave mambo weimba yaJudha.+

Vakaudza Dhavhidhi kuti: “Varume vekuJabheshi-giriyedhi ndivo vakaviga Sauro.” 5 Saka Dhavhidhi akatuma nhume kuvarume vekuJabheshi-giriyedhi akati kwavari: “Jehovha ngaakukomborerei, nekuti makaratidza rudo rusingachinji kunashe wenyu Sauro nekumuviga kwamakaita.+ 6 Jehovha ngaakuratidzei rudo rusingachinji uye ngaatendeke kwamuri. Iniwo ndichakuitirai mutsa nemhaka yezvamakaita.+ 7 Simbai muve varume vakashinga, nekuti Sauro ishe wenyu akafa, uye imba yaJudha yandizodza kuti ndive mambo wayo.”

8 Asi Abhineri+ mwanakomana waNeri, mukuru weuto raSauro, akanga atora Ishi-bhosheti,+ mwanakomana waSauro, akayambuka naye kuMahanaimu+ 9 akamugadza kuti ave mambo weGiriyedhi,+ wevaAshuri, weJezreeri,+ wevanhu vekwaEfremu,+ nevekwaBhenjamini, neIsraeri yese. 10 Ishi-bhosheti mwanakomana waSauro aiva nemakore 40 paakava mambo weIsraeri, uye akatonga kwemakore maviri. Asi imba yaJudha yakatsigira Dhavhidhi.+ 11 Dhavhidhi akaita makore 7 nemwedzi 6 ari mambo muHebroni, achitonga imba yaJudha.+

12 Nekufamba kwenguva, Abhineri mwanakomana waNeri nevaranda vaIshi-bhosheti, mwanakomana waSauro, vakabuda muMahanaimu+ vakaenda kuGibhiyoni.+ 13 Joabhi+ mwanakomana waZeruya+ nevaranda vaDhavhidhi vakabudawo vakanosangana navo padziva reGibhiyoni; rimwe boka rakagara kune rimwe divi redziva, rimwe rikagara kune rimwe divi redziva racho. 14 Abhineri akazoti kuna Joabhi: “Majaya ngaasimuke arwisane* pamberi pedu.” Joabhi akabva ati: “Ngaasimuke.” 15 Saka majaya akanga asarudzwa akasimuka akayambuka, 12 ekwaBhenjamini naIshi-bhosheti, mwanakomana waSauro, uye 12 kubva kuvaranda vaDhavhidhi. 16 Majaya acho akabatana misoro, uye mumwe nemumwe akabaya parutivi pewaairwa naye nebakatwa, uye vese vakawira pasi pamwe chete. Saka nzvimbo iyoyo iri muGibhiyoni yakatumidzwa kuti Herikati-hazurimu.

17 Pakabva parwiwa zvinotyisa zuva iroro, uye Abhineri nevarume veIsraeri vakazokundwa nevaranda vaDhavhidhi. 18 Vanakomana vatatu vaZeruya+ vaiti: Joabhi,+ Abhishai,+ naAsaheri+ vaivapowo; uye Asaheri aimhanya chaizvo semhara iri kumhanya musango. 19 Asaheri akadzingirira Abhineri, uye akaramba akati name name naAbhineri asingambomusiyi. 20 Abhineri paakacheuka akabvunza kuti: “Ndiwe Asaheri here?” iye akati: “Ehe ndini.” 21 Abhineri akabva ati kwaari: “Rega kunditevera ubate rimwe jaya, utore chero zvinhu zvariinazvo.” Asi Asaheri akanga asingadi kumusiya. 22 Saka Abhineri akatizve kuna Asaheri: “Usaramba uchinditevera. Unodirei kuti ndikuuraye? Ndingazotarisana sei nemukoma wako Joabhi?” 23 Asi akaramba kumira, saka Abhineri akamubaya mudumbu nekunoperera mubato wepfumo,+ uye pfumo racho rakabuda nekumusana; achibva awira pasi, akafira ipapo. Munhu wese aisvika panzvimbo yakanga yafira Asaheri aimbomira ipapo.

24 Joabhi naAbhishai vakadzingirira Abhineri. Zuva parakanga rava kudoka, vakasvika pachikomo cheAma, chiri pakatarisana neGiya, panzira inoenda kurenje reGibhiyoni. 25 VaBhenjamini vakaungana vari shure kwaAbhineri, vakamira vari boka rimwe chete pamusoro pechikomo. 26 Abhineri akabva ashevedzera kuna Joabhi achiti: “Bakatwa richaramba richingoparadza here? Hauzivi here kuti zvichangoguma nekurwadziwa? Saka uchasvika riini usingaudzi vanhu kuti vachirega kudzingirira hama dzavo?” 27 Joabhi akabva ati: “NaMwari wechokwadi mupenyu, kudai wanga usina kutaura, vanhu vangadai varamba vachidzingirira hama dzavo kusvikira mangwana mangwanani.” 28 Joabhi akabva aridza hwamanda, uye varume vake vakarega kudzingirira vaIsraeri, uye kurwisana kwakabva kwamira.

29 Abhineri nevarume vake vakabva vafamba nemuArabha+ usiku ihwohwo hwese, vakayambuka Jodhani, vakaramba vachitevedza goronga,* kusvikira vasvika kuMahanaimu.+ 30 Joabhi paakadzoka kubva kunodzingirira Abhineri, akaunganidza vanhu vese. Pavaranda vaDhavhidhi, pakashayikwa vanhu 19, kuwedzera pana Asaheri. 31 Asi varanda vaDhavhidhi vakanga vakunda vaBhenjamini nevarume vaAbhineri, uye vakauraya varume vavo 360. 32 Vakatakura Asaheri,+ vakamuviga muguva rababa vake riri kuBhetrehema.+ Joabhi nevarume vake vakabva vafamba usiku hwese, vakasvika kuHebroni+ kwava kuedza.

3 Kurwisana kweimba yaSauro neimba yaDhavhidhi kwakaramba kuchienderera mberi; Dhavhidhi akaramba achiwedzera kuva nesimba,+ asi imba yaSauro yairamba ichingodzikira.+

2 Munguva iyi, Dhavhidhi akabereka vanakomana muHebroni.+ Dangwe rake raiva Amnoni+ akaberekwa naAhinoamu+ wekuJezreeri. 3 Wechipiri aiva Kireyabhu akaberekwa naAbhigairi+ chirikadzi yakasiyiwa naNabhari wekuKameri; wechitatu aiva Absaromu+ mwanakomana waMaaka, mwanasikana waTarimai+ mambo weGeshuri. 4 Wechina aiva Adhonija+ mwanakomana waHagiti, wechishanu aiva Shefatiya mwanakomana waAbhitari. 5 Wechi6 aiva Itreyamu akaberekwa naEgra, mudzimai waDhavhidhi. Ava ndivo vakaberekwa naDhavhidhi muHebroni.

6 Hondo yaiva pakati peimba yaSauro neimba yaDhavhidhi payaienderera mberi, Abhineri+ akaramba achisimbisa chinzvimbo chake muimba yaSauro. 7 Zvino Sauro akanga ambova nemurongo* ainzi Rizpa,+ mwanasikana waAya. Gare gare Ishi-bhosheti+ akati kuna Abhineri: “Wakararirei nemurongo wababa vangu?”+ 8 Abhineri akatsamwa chaizvo nemashoko aIshi-bhosheti akati: “Ndiri imbwa* yekwaJudha here ini? Kusvikira nhasi ndanga ndichiratidza rudo rusingachinji kuimba yababa vako Sauro nekuhama neshamwari dzavo, uye handina kukutengesa muruoko rwaDhavhidhi; asi nhasi wava kunditongesa nemhosva ine chekuita nemukadzi. 9 Mwari ngaarange Abhineri zvinorwadza kwazvo kana ndikasaitira Dhavhidhi zvakapikwa naJehovha kwaari.+ 10 Akapika kwaari kuti achabvisa umambo muimba yaSauro uye kuti achasimbisa chigaro cheumambo chaDhavhidhi pana Israeri uye pana Judha, kubva kuDhani kusvika kuBheeri-shebha.”+ 11 Haana kana shoko raakazotaurazve achipindura Abhineri, nekuti aimutya.+

12 Abhineri akabva angotuma nhume kuna Dhavhidhi, achiti: “Nyika ndeyaani?” Akatiwo: “Ita sungano neni, uye ndichaita zvese zvandinogona kuti ndiunze vaIsraeri vese kudivi rako.”+ 13 Iye akapindura kuti: “Zvakanaka! Ndichaita sungano newe. Chandiri kungokukumbira chete ndechekuti usatomboonana neni kunze kwekunge wauya naMikari+ mwanasikana waSauro paunouya kuzondiona.” 14 Dhavhidhi akabva atuma nhume kuna Ishi-bhosheti,+ mwanakomana waSauro, achiti: “Ndipe mudzimai wangu Mikari, wandakabhadharira zvikanda zvepamberi 100 zvevaFiristiya ndichivimbisa kumuroora.”+ 15 Saka Ishi-bhosheti akatuma nhume kunomutora kumurume wake, Paritieri+ mwanakomana waRaishi. 16 Asi murume wake akaramba achifamba naye, achimutevera achichema kusvika kuBhahurimu.+ Abhineri akabva ati kwaari: “Dzokera!” Iye akabva adzokera.

17 Munguva iyi Abhineri akatumira shoko kuvakuru vaIsraeri achiti: “Mava nenguva muchida kuti Dhavhidhi ave mambo wenyu. 18 Saka onai zvekuita, nekuti Jehovha akati kuna Dhavhidhi: ‘Ndichaponesa vanhu vangu vaIsraeri kubva mumaoko evaFiristiya nemumaoko evavengi vavo vese ndichishandisa ruoko rwemushumiri wangu Dhavhidhi.’”+ 19 Abhineri akabva ataura nevanhu vekwaBhenjamini.+ Abhineri akaendawo kunotaura naDhavhidhi pachivande kuHebroni, kuti amuudze zvakanga zvabvumiranwa nevaIsraeri neimba yese yaBhenjamini.

20 Abhineri paakasvika kwaiva naDhavhidhi kuHebroni aine varume 20, Dhavhidhi akaitira Abhineri nevarume vaaiva navo mutambo. 21 Abhineri akabva ati kuna Dhavhidhi: “Regai ndiende kunounganidza vaIsraeri vese kuti vauye kunashe wangu mambo, kuti vaite sungano nemi, uye muchava mambo wezvese zvamunoda.”* Saka Dhavhidhi akarega Abhineri achienda, uye akaenda murugare.

22 Panguva iyoyo, Joabhi nevaranda vaDhavhidhi vakabva vadzoka kubva kunopamba, uye vakauya nezvinhu zvakawanda zvavakanga vapamba. Abhineri akanga atosimuka kubva kuHebroni kwaiva naDhavhidhi, nekuti Dhavhidhi akanga amurega achienda murugare. 23 Joabhi+ neuto rese raaiva naro pavakasvika, Joabhi akaudzwa kuti: “Abhineri+ mwanakomana waNeri+ auya kuna mambo, iye akamurega achienda, uye aenda murugare.” 24 Saka Joabhi akapinda maiva namambo akati: “Chii chamaita? Onai Abhineri auya kwamuri. Mamuregerei achienda asina zvaaitwa? 25 Munomuziva Abhineri mwanakomana waNeri! Auya pano kuzokunyengedzai nekukuongororai uye kuti azive zvese zvamuri kuita.”

26 Saka Joabhi akabva kwaiva naDhavhidhi akatuma nhume kuti dzitevere Abhineri, dzikabva dzamudzosa ava pamugodhi wemvura weSira; asi Dhavhidhi haana chaaiziva nezvazvo. 27 Abhineri paakadzoka kuHebroni,+ Joabhi akamutora akaenda naye pagedhi kuti ataure naye vari vega. Zvisinei, akamubaya mudumbu vari ipapo, akafa;+ akamuuraya nekuti akanga auraya Asaheri* munin’ina wake.+ 28 Dhavhidhi paakazozvinzwa, akati: “Ini neumambo hwangu hatina mhosva pamberi paJehovha nekusingaperi pakuurayiwa kwaAbhineri mwanakomana waNeri.+ 29 Mhosva yacho ngaive pamusoro waJoabhi+ nepaimba yese yababa vake. Mumba maJoabhi ngamurege kumboshayika murume ane chirwere chekubuda zvinoyerera+ kana ane maperembudzi+ kana murume anoshandisa mudziyo wekugadzirisa shinda* kana munhu anourayiwa nebakatwa kana anoshayiwa zvekudya!”+ 30 Saka Joabhi nemwana waamai vake Abhishai+ vakauraya Abhineri+ nekuti akanga auraya Asaheri munin’ina wavo muhondo+ kuGibhiyoni.

31 Dhavhidhi akabva ati kuna Joabhi nevanhu vese vaaiva navo: “Bvarurai nguo dzenyu mupfeke masaga, mucheme Abhineri.” Mambo Dhadhivhi pachake aifamba ari kumashure kwehwanyanza.* 32 Vakaviga Abhineri muHebroni uye mambo akaridza mhere paguva raAbhineri, vanhu vese vakachemawo. 33 Mambo akaimbira Abhineri achiti:

“Abhineri aifanira kufa sebenzi here?

34 Maoko ako akanga asina kusungwa,

Uye tsoka dzako dzakanga dzisina kusungwa nezvisungo zvemumakumbo.*

Wafa semunhu aurayiwa nematsotsi.”*+

Vanhu vese vakabva vamuchemazve.

35 Gare gare vanhu vese vakauya kuna Dhavhidhi kusati kwadoka kuzomupa zvekudya kuti vamunyaradze, asi Dhavhidhi akapika achiti: “Mwari ngaandirange zvinorwadza kwazvo kana ndikaravira zvekudya kana chero chinhu chipi zvacho zuva risati radoka!”+ 36 Vanhu vese vakazviona, uye zvakavafadza. Vakafara nazvo sekufadzwa kwavaiitwa nezvimwe zvinhu zvese zvaiitwa namambo. 37 Saka vanhu vese nevaIsraeri vese vakaziva zuva iroro kuti mambo haasi iye akanga aita kuti Abhineri mwanakomana waNeri aurayiwe.+ 38 Mambo akabva ati kuvaranda vake: “Hamuzivi here kuti munhu afa nhasi muchinda uye mukuru muIsraeri?+ 39 Ini nhasi handina simba kunyange ndakazodzwa kuva mambo,+ uye varume ava, ivo vanakomana vaZeruya,+ vane utsinye chaizvo.+ Jehovha ngaatsive munhu anoita zvakaipa maererano nezvakaipa zvake.”+

4 Mwanakomana waSauro Ishi-bhosheti*+ paakanzwa kuti Abhineri akanga afa muHebroni,+ zvakamupedza simba* uye vaIsraeri vese vakanetseka. 2 Kwaiva nevarume vaviri vaitungamirira mapoka aipamba emwanakomana waSauro: mumwe ainzi Bhaana mumwe achinzi Rekabhi. Vaiva vanakomana vaRimoni wekuBheeroti, wedzinza raBhenjamini. (Nekuti Bheeroti+ yaiverengwawo seyaBhenjamini. 3 VaBheeroti vakatizira kuGitaimu,+ uye nanhasi vachiri kugara ikoko sevatorwa.)

4 Zvino Jonatani+ mwanakomana waSauro aiva nemwanakomana akanga akaremara tsoka.+ Mwana wacho aiva nemakore mashanu pakasvika shoko pamusoro paSauro naJonatani kubva kuJezreeri,+ uye mureri wake akamusimudza akatiza, asi paakanga achitiza arohwa nehana, mwana wacho akabva adonha akaremara. Mwana wacho ainzi Mefibhosheti.+

5 Vanakomana vaRimoni wekuBheeroti, Rekabhi naBhaana, vakaenda kumba kwaIshi-bhosheti panguva yekupisa kwezuva, paakanga akazorora masikati. 6 Vakapinda mumba macho vachiita sevari kutora gorosi, vakamubaya mudumbu; Rekabhi naBhaana+ vakabva vatiza. 7 Panguva yavakapinda mumba macho, iye akanga akarara pamubhedha wake muimba yake yekurara, uye vakamubaya vakamuuraya, vachibva vamudimbura musoro. Vakabva vatora musoro wake, vakafamba usiku hwese nemugwagwa unoenda kuArabha. 8 Vakaenda nemusoro waIshi-bhosheti+ kuna Dhavhidhi kuHebroni, vakati kuna mambo: “Heuno musoro waIshi-bhosheti mwanakomana waSauro muvengi wenyu+ aida kukuurayai.*+ Nhasi Jehovha atsiva Sauro nevana vake achiitira ishe wangu mambo.”

9 Asi Dhavhidhi akapindura Rekabhi naBhaana, vanakomana vaRimoni wekuBheeroti, achiti: “Chokwadi naJehovha mupenyu, uyo akandinunura* pamatambudziko ese,+ 10 pandakaudzwa nemumwe munhu kuti, ‘Sauro afa,’+ achifunga kuti auya nemashoko anofadza, ini ndakamubata ndikamuuraya+ muZikragi. Ndiwo mubayiro wenhume wandakamupa! 11 Ko kuzoti kana varume vakaipa vauraya murume akarurama ari mumba make pamubhedha wake! Handifaniri kubvunza ropa rake mumaoko enyu here,+ ndokubvisai panyika?” 12 Dhavhidhi akabva audza majaya kuti avauraye.+ Majaya acho akadimbura maoko avo netsoka dzavo, akavaturika+ pedyo nedziva riri muHebroni. Asi akatora musoro waIshi-bhosheti akauviga munzvimbo yemakuva yaAbhineri kuHebroni.

5 Nekufamba kwenguva, madzinza ese aIsraeri akauya kwaiva naDhavhidhi kuHebroni,+ akati kwaari: “Inzwai! Tiri pfupa renyu nenyama yenyu.*+ 2 Kare Sauro paaiva mambo wedu, ndimi maitungamirira vaIsraeri pavaienda kunorwa.*+ Uye Jehovha akati kwamuri: ‘Uchafudza vanhu vangu vaIsraeri, uye uchava mutungamiriri wevaIsraeri.’”+ 3 Saka vakuru vese vaIsraeri vakauya kwaiva naMambo Dhavhidhi kuHebroni, uye mambo akaita sungano navo+ pamberi paJehovha muHebroni. Vakabva vazodza Dhavhidhi kuva mambo wevaIsraeri.+

4 Dhavhidhi aiva nemakore 30 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 40.+ 5 Akatonga Judha muHebroni kwemakore 7 nemwedzi 6, uye akatonga vaIsraeri vese nevaJudha muJerusarema+ kwemakore 33. 6 Mambo nevarume vake vakaenda kuJerusarema kunorwa nevaJebhusi+ vaigara munyika yacho. VaJebhusi vakashora Dhavhidhi vachiti: “Hausi kuzopinda muno! Kunyange mapofu nevakaremara vachakudzinga.” Mupfungwa dzavo vaiti, ‘Dhavhidhi haasi kuzopinda muno.’+ 7 Kunyange zvakadaro, Dhavhidhi akakunda nhare* yeZiyoni, iyo yava kunzi Guta raDhavhidhi.+ 8 Saka Dhavhidhi akati pazuva iroro: “Vanhu vanorwisa vaJebhusi vanofanira kuenda nemumugero wemvura kuti vanouraya ‘vakaremara nemapofu,’ vanovengwa naDhavhidhi!”* Ndokusaka zvichinzi: “Mapofu nevakaremara havazopindi mumba macho.” 9 Dhavhidhi akatanga kugara munhare yacho, uye yakatumidzwa* kuti Guta raDhavhidhi; uye Dhavhidhi akatanga kuvaka kumativi ese achitangira kuMurwi Wevhu*+ achipinda mukati.+ 10 Saka Dhavhidhi akaramba achiwedzera kuva nesimba,+ uye Jehovha Mwari wemauto aiva naye.+

11 Mambo Hiramu+ weTire akatuma nhume kuna Dhavhidhi, nematanda emisidhari, nevavezi vematanda,+ nevavezi vematombo ekuvakisa, uye vakatanga kuvakira Dhavhidhi imba.*+ 12 Dhavhidhi akaziva kuti Jehovha akanga asimbisa umambo hwake pana Israeri+ uye kuti akanga asimudzira umambo hwake+ achiitira vanhu vake vaIsraeri.+

13 Dhavhidhi akatora vamwe varongo+ nemadzimai muJerusarema pashure pekunge abva kuHebroni, uye Dhavhidhi akabereka vamwe vanakomana nevanasikana.+ 14 Aya ndiwo mazita evana vaakabereka muJerusarema: Shamua, Shobhabhu, Natani,+ Soromoni,+ 15 Ibhari, Erishua, Nefegi, Jafiya, 16 Erishama, Eriyadha, naErifereti.

17 VaFiristiya pavakanzwa kuti Dhavhidhi akanga azodzwa kuva mambo weIsraeri,+ vaFiristiya vese vakakwidza vachienda kunotsvaga Dhavhidhi.+ Dhavhidhi paakazvinzwa, akabva adzika kunhare.+ 18 VaFiristiya vakabva vauya, vakapararira muBani reRefaimu.+ 19 Dhavhidhi akabvunza Jehovha,+ achiti: “Ndiende kunorwa nevaFiristiya here? Muchavaisa muruoko rwangu here?” Jehovha akabva ati kuna Dhavhidhi: “Enda, nekuti chokwadi ndichaisa vaFiristiya muruoko rwako.”+ 20 Saka Dhavhidhi akaenda kuBhaari-perazimu, uye Dhavhidhi akavauraya ikoko. Akabva ati: “Jehovha apaza vavengi vangu+ pamberi pangu, sekupazwa kunoitwa madziro nemvura.” Ndokusaka akatumidza nzvimbo iyoyo kuti Bhaari-perazimu.*+ 21 VaFiristiya vakasiya zvidhori zvavo ipapo, Dhavhidhi nevarume vake vakazvitora.

22 Gare gare vaFiristiya vakauyazve, vakapararira muBani reRefaimu.+ 23 Dhavhidhi akabvunza Jehovha, asi iye akati: “Usaenda wakavananga. Asi pota nekuseri kwavo, uvarwise uri mberi kwemakwenzi emibheka. 24 Uye paunonzwa ruzha pamusoro pemakwenzi emibheka runenge rwevanhu vari kufora, ibva wakurumidza kuona zvekuita, nekuti Jehovha achange aenda mberi kwako kunoparadza uto revaFiristiya.” 25 Saka Dhavhidhi akaita zvaakarayirwa naJehovha, akauraya vaFiristiya+ kubva kuGebha+ kusvika kuGezeri.+

6 Dhavhidhi akaunganidzazve mauto ese aiva shasha dzekurwa muIsraeri, varume 30 000. 2 Dhavhidhi nevarume vese vaaiva navo vakabva vasimuka vachienda kuBhaare-judha kuti vanotora Areka yaMwari wechokwadi kubva ikoko.+ Vanhu vanodana zita raJehovha wemauto,+ pamberi peAreka yacho, uyo akagara pachigaro cheumambo pamusoro* pemakerubhi.+ 3 Asi vakaisa Areka yaMwari wechokwadi mungoro itsva,+ kuti vaitakure kubva kuimba yaAbhinadhabhi,+ yaiva pachikomo; uye Uza naAhiyo, vanakomana vaAbhinadhabhi, vakanga vachifambisa ngoro yacho itsva.

4 Saka vakatakura Areka yaMwari wechokwadi kubva kumba kwaAbhinadhabhi pachikomo, uye Ahiyo akanga achifamba ari mberi kweAreka. 5 Dhavhidhi nevanhu vese veimba yaIsraeri vakanga vachipembera pamberi paJehovha nezviridzwa zvemhando dzese zvemuti wemujunipa, neudimbwa, nezvimwe zviridzwa zvine tambo,+ nematambureni,+ nematare, nesimbi dzinorovaniswa.+ 6 Asi pavakasvika paburiro* raNakoni, Uza akatambanudzira ruoko rwake kuAreka yaMwari wechokwadi, akaibata,+ nekuti yakanga yava kudonhedzwa nemombe. 7 Jehovha akabva atsamwira Uza zvikuru, Mwari wechokwadi akamurova+ ipapo nemhaka yekusaremekedza kwaakaita,+ uye akafira ipapo padivi peAreka yaMwari wechokwadi. 8 Asi Dhavhidhi akatsamwa nekuti Jehovha akanga aratidza hasha dzake kuna Uza; uye nzvimbo iyoyo inonzi Perezi-uza* nanhasi. 9 Saka Dhavhidhi akatya Jehovha+ pazuva iroro, uye akati: “Zvino Areka yaJehovha ichasvika kuguta rangu here?”+ 10 Dhavhidhi haana kuda kuunza Areka yaJehovha kuGuta raDhavhidhi kwaaiva.+ Asi Dhavhidhi akaita kuti iendeswe kumba kwaObhedhi-edhomu+ wekuGati.

11 Areka yaJehovha yakaramba iri kumba kwaObhedhi-edhomu wekuGati kwemwedzi mitatu, uye Jehovha akaramba achikomborera Obhedhi-edhomu neimba yake yese.+ 12 Mambo Dhavhidhi akaudzwa kuti: “Jehovha akomborera imba yaObhedhi-edhomu nezvinhu zvese zvaainazvo nemhaka yeAreka yaMwari wechokwadi.” Saka Dhavhidhi akaenda achifara chaizvo kunotora Areka yaMwari wechokwadi kumba kwaObhedhi-edhomu kuti aiunze kuGuta raDhavhidhi.+ 13 Vatakuri+ veAreka yaJehovha pavakanga vafamba nhanho 6, akabva abayira mukono wemombe neimwe mhuka yakakodzwa.

14 Dhavhidhi akanga achitamba pamberi paJehovha nesimba rake rese; nguva yese iyi Dhavhidhi akanga akapfeka efodhi* yejira.+ 15 Dhavhidhi neimba yese yaIsraeri vakanga vachiuya neAreka+ yaJehovha vachishevedzera nemufaro+ uye vachiridza hwamanda.+ 16 Asi Areka yaJehovha payakasvika muGuta raDhavhidhi, Mikari,+ mwanasikana waSauro akatarisa pasi nepahwindo, akaona Mambo Dhavhidhi achisvetuka uye achitamba pamberi paJehovha achitenderera; uye akatanga kumushora mumwoyo make.+ 17 Saka vakapinda neAreka yaJehovha vakaiisa panzvimbo yayo mutende rayakanga yadzikirwa naDhavhidhi.+ Dhavhidhi akabva apa zvibayiro zvinopiswa+ nezvibayiro zverugare+ pamberi paJehovha.+ 18 Dhavhidhi paakapedza kupa zvibayiro zvinopiswa nezvibayiro zverugare, akakomborera vanhu muzita raJehovha wemauto. 19 Uyewo akapa vaIsraeri vese, murume wese nemukadzi wese, chingwa cheraundi,* nekeke remichero yemichindwe, nekeke remazambiringa akaomeswa, vanhu vese vachibva vaenda mumwe nemumwe kumba kwake.

20 Dhavhidhi paakadzoka kuti akomborere imba yake, Mikari+ mwanasikana waSauro akabuda ndokuenda kwaari. Akati: “Inga mambo waIsraeri azvikwidziridza chaizvo paazvipfekenura nhasi pamberi pevarandasikana vevashandi vake, sekuzvipfekenura kunoita benzi pamberi pevanhu!”+ 21 Dhavhidhi akabva ati kuna Mikari: “Ndapemberera pamberi paJehovha, uyo akandisarudza panzvimbo pababa vako neimba yavo yese, uye akandigadza kuti ndive mutungamiriri wevaIsraeri,+ ivo vanhu vaJehovha. Saka ndichapemberera pamberi paJehovha, 22 uye ndichazvininipisa kutopfuura ipapo uye ini pachangu ndichatozviona semunhu akaderera. Asi varandasikana vawataura vachandikudza.” 23 Saka Mikari+ mwanasikana waSauro, haana kuva nevana kusvikira pazuva raakafa.

7 Mambo paakanga agadzikana muimba yake*+ uye Jehovha amupa zororo pavavengi vake vese vakanga vakamupoteredza, 2 mambo akati kumuprofita Natani:+ “Onai ini ndiri kugara muimba yemiti yemisidhari+ asi Areka yaMwari wechokwadi iri kugara mumachira etende.”+ 3 Natani akapindura mambo achiti: “Endai munoita chero zviri mumwoyo menyu, nekuti Jehovha anemi.”+

4 Usiku ihwohwo chaihwo, shoko raJehovha rakauya kuna Natani, richiti: 5 “Enda unoti kumushumiri wangu Dhavhidhi, ‘Zvanzi naJehovha: “Ungandivakira imba yekuti ndigare here?+ 6 Nekuti handina kugara mumba kubvira pazuva randakabudisa vaIsraeri muIjipiti kusvikira nhasi,+ asi ndanga ndichifamba ndiri mutende uye mutebhenekeri.+ 7 Nguva yese yandakafamba nevaIsraeri* vese, pane here shoko randakambotaura kune mumwe wevakuru vemadzinza aIsraeri wandakagadza kuti afudze vanhu vangu vaIsraeri, ndichiti, ‘Nei musina kundivakira imba yemiti yemisidhari?’”’ 8 Saka udza mushumiri wangu Dhavhidhi kuti, ‘Zvanzi naJehovha wemauto: “Ndakakutora kumafuro kwawaifudza makwai+ kuti uve mutungamiriri wevanhu vangu vaIsraeri.+ 9 Ndichava newe kwese kwaunoenda,+ uye ndichaparadza* vavengi vako vese pamberi pako;+ ndichaita kuti uve nezita guru,+ rakafanana nerevarume vanokudzwa panyika. 10 Ndichasarudzira vanhu vangu vaIsraeri nzvimbo ndoita kuti vagare mairi, vachagara imomo uye havazonetswi zvakare; varume vakaipa havazovatambudzizve sezvavaimboita kare,+ 11 kubvira pazuva randakagadza vatongi+ pavanhu vangu vaIsraeri. Uye ndichakuzorodza pavavengi vako vese.+

“‘“Uyewo Jehovha akuudza kuti Jehovha achaita kuti uve nemba.*+ 12 Pauchafa,+ woradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ako, ndichaita kuti mwana* wako, mwanakomana wauchabereka,* ave mambo pashure pako, uye ndichasimbisa umambo hwake.+ 13 Ndiye achavaka imba yekuti zita rangu rikudzwe,+ uye ndichasimbisa chigaro chake cheumambo nekusingaperi.+ 14 Ndichava baba vake, uye iye achava mwanakomana wangu.+ Kana akakanganisa, ndichamururamisa neshamhu uye ndichamuranga neshamhu sezvinoita vanakomana vevanhu.*+ 15 Rudo rwangu haruzobvi paari semabvisiro andakaruita pana Sauro,+ uyo wandakabvisa pamberi pako. 16 Imba yako neumambo hwako zvicharamba zviripo nekusingaperi; chigaro chako cheumambo chicharamba chakasimba nekusingaperi.”’”+

17 Natani akaudza Dhavhidhi mashoko aya ese nezvinhu zvese izvi zvaakaratidzwa.+

18 Mambo Dhavhidhi akabva apinda akagara pasi pamberi paJehovha, akati: “Nhai Changamire Ishe Jehovha, ndini aniwo zvangu? Uye imba yangu chii zvamandiitira zvese izvi?+ 19 Kuwedzera pane izvozvo, haiwa Changamire Ishe Jehovha, muri kutaurawo kuti imba yemushumiri wenyu ichagara kwenguva refu; uye uyu murayiro* kuvanhu vese, haiwa Changamire Ishe Jehovha. 20 Chii chimwe chingataurwa nemushumiri wenyu Dhavhidhi, imi Changamire Ishe Jehovha muchinyatsondiziva kudaro?+ 21 Maita zvinhu zvese izvi zvikuru nekuti ndizvo zvamunoda* uye ndizvo zvamakavimbisa uye maita kuti mushumiri wenyu azvizive.+ 22 Ndokusaka muri mukuru zvechokwadi,+ haiwa Changamire Ishe Jehovha. Hakuna mumwe akaita semi,+ uye hakuna mumwe Mwari kunze kwenyu;+ zvinhu zvese zvatakanzwa nenzeve dzedu zvinoratidza kuti ichi ichokwadi. 23 Nderupi rumwe rudzi panyika rwakaita sevanhu venyu vaIsraeri?+ Mwari akaenda akanovadzikinura kuti vave vanhu vake,+ akaita kuti zita rake rive nemukurumbira+ paakavaitira zvinhu zvikuru uye zvinoshamisa.+ Makadzinga marudzi navanamwari vawo muchiitira vanhu venyu vamakadzikinura muIjipiti. 24 Makaita kuti vaIsraeri varambe vari vanhu venyu;+ uye imi haiwa Jehovha, makava Mwari wavo.+

25 “Zvino imi Jehovha Mwari, zadzisai nekusingaperi vimbiso yamaita pamusoro pemuranda wenyu neimba yake uye itai sezvamavimbisa.+ 26 Zita renyu ngarikudzwe nekusingaperi+ kuti vanhu vataure kuti, ‘Jehovha wemauto ndiMwari waIsraeri,’ uye imba yemushumiri wenyu Dhavhidhi ngaisimbiswe pamberi penyu.+ 27 Nekuti imi Jehovha wemauto, Mwari waIsraeri, mazivisa mushumiri wenyu zvichaitika muchiti, ‘Ndichakuvakira imba.’*+ Ndokusaka mushumiri wenyu ashinga kunyengetera kwamuri seizvi. 28 Changamire Ishe Jehovha, ndimi Mwari wechokwadi, uye mashoko enyu ndeechokwadi,+ uye mavimbisa mushumiri wenyu zvinhu izvi zvakanaka. 29 Saka farirai kukomborera imba yemushumiri wenyu, uye ngairambe iri pamberi penyu nekusingaperi;+ nekuti imi Changamire Ishe Jehovha, mavimbisa, uye imba yemushumiri wenyu ngaive nechikomborero chenyu nekusingaperi.”+

8 Nekufamba kwenguva, Dhavhidhi akarwisa vaFiristiya+ akavakunda,+ uye Dhavhidhi akatorera vaFiristiya Metegi-ama.

2 Akakunda vaMoabhi,+ akaita kuti varare pasi vari mumutsara. Akayera mutsara wacho netambo kuti zvikamu zviviri pazvitatu zvevanhu vaiva pamutsara wacho zviurayiwe uye kuti chikamu chimwe chete chisaurayiwa.+ Uye vaMoabhi vakava varanda vaDhavhidhi, vachibhadhariswa mutero.+

3 Dhavhidhi akakunda Hadhadhezeri mwanakomana waRehobhu mambo weZobha+ uyo aiva munzira kuti anotangazve kutonga kuRwizi rwaYufratesi.+ 4 Dhavhidhi akamutorera vatasvi vemabhiza 1700 nevarwi vaifamba netsoka 20 000. Uye Dhavhidhi akadimbura marunda* emakumbo emabhiza ese aidhonza ngoro, akasiya mabhiza 100.+

5 VaSiriya vekuDhamasiko+ pavakauya kuzobatsira Mambo Hadhadhezeri weZobha, Dhavhidhi akauraya vaSiriya 22 000.+ 6 Dhavhidhi akabva aisa mapoka evarwi muSiriya yekuDhamasiko, uye vaSiriya vakava varanda vaDhavhidhi, vachibhadhara mutero kwaari. Jehovha aiita kuti Dhavhidhi akunde* kwese kwaaienda.+ 7 Dhavhidhi akatorawo nhoo dzegoridhe dzeraundi dzevaranda vaHadhadhezeri, akaenda nadzo kuJerusarema.+ 8 Mambo Dhavhidhi akatora mhangura yakawanda kwazvo kuBheta nekuBherotai, maguta aHadhadhezeri.

9 Zvino Mambo Toi weHamati+ akanzwa kuti Dhavhidhi akanga akunda uto rese raHadhadhezeri.+ 10 Saka Toi akatuma mwanakomana wake Joramu kuna Mambo Dhavhidhi kunomubvunza kuti akadii nekumukorokotedza kuti akanga arwa naHadhadhezeri akamukunda (nekuti Hadhadhezeri akanga amborwisana naToi kakawanda), uye akauya nezvinhu zvesirivha, zvegoridhe, nezvemhangura. 11 Mambo Dhavhidhi akatsaura* zvinhu izvi kuti zvive zvaJehovha, pamwe chete nesirivha negoridhe zvaakanga atora kumarudzi ese aakanga akunda,+ 12 kureva zvaakatora kuvaSiriya nekuMoabhi,+ kuvaAmoni, vaFiristiya,+ vaAmareki,+ uye pazvinhu zvakapambwa kuna Hadhadhezeri+ mwanakomana waRehobhu mambo weZobha. 13 Dhavhidhi akaitawo mukurumbira paakadzoka kubva kunouraya vaEdhomu 18 000 muBani reMunyu.+ 14 Akaisa mapoka evarwi muEdhomu. Akaisa mapoka acho muEdhomu yese, uye vaEdhomu vese vakava varanda vaDhavhidhi.+ Jehovha aiita kuti Dhavhidhi akunde* kwese kwaaienda.+

15 Dhavhidhi akaramba achitonga vaIsraeri vese,+ uye Dhavhidhi aiitira vanhu vake vese zvakarurama,+ achiita kuti nyaya dzavo dzitongwe zvakanaka.+ 16 Joabhi+ mwanakomana waZeruya ndiye aiva mukuru weuto, uye Jehoshafati+ mwanakomana waAhirudhi aiva munyori wezvaiitika. 17 Zadhoki+ mwanakomana waAhitubhu naAhimereki mwanakomana waAbhiyatari vaiva vapristi, uye Seraya aiva munyori. 18 Bhenaya+ mwanakomana waJehoyadha ndiye aitungamirira vaKereti nevaPereti.+ Uye vanakomana vaDhavhidhi vakava machinda makuru.*

9 Dhavhidhi akabva ati: “Pachiine mumwe munhu asara weimba yaSauro here wandingaratidza rudo rusingachinji nekuda kwaJonatani?”+ 2 Zvino kwaiva nemushandi weimba yaSauro ainzi Zibha.+ Saka vakamushevedza kuti auye kuna Dhavhidhi, uye mambo akamubvunza kuti: “Ndiwe Zibha here?” Iye akati: “Ndini muranda wenyu.” 3 Mambo akabva ati: “Pachiine mumwe munhu weimba yaSauro here wandingaratidza rudo rwaMwari rusingachinji?” Zibha akapindura mambo kuti: “Pachiine mwanakomana waJonatani; ane tsoka dzakaremara.”+ 4 Mambo akamubvunza kuti: “Ari kupi?” Zibha akati kuna mambo: “Ari kumba kwaMakiri+ mwanakomana waAmieri kuRo-dhebhari.”

5 Mambo Dhavhidhi akabva aita kuti anotorwa kumba kwaMakiri mwanakomana waAmieri kuRo-dhebhari. 6 Mefibhosheti mwanakomana waJonatani mwanakomana waSauro paakapinda maiva naDhavhidhi, akabva apfugama, akadzikisa musoro wake. Dhavhidhi akabva ati: “Mefibhosheti!” iye akati: “Ndiri pano ishe wangu.” 7 Dhavhidhi akati kwaari: “Usatya, nekuti chokwadi ndichakuratidza rudo rusingachinji+ nemhaka yababa vako Jonatani, uye ndichakudzorera munda wese wasekuru vako Sauro, uye uchadya* patafura yangu nguva dzese.”+

8 Akabva apfugama, akadzikisa musoro wake akati: “Muranda wenyu chiiko, zvamayeuka iniwo zvangu imbwa yakafa?”+ 9 Mambo akabva aita kuti Zibha mushandi waSauro anoshevedzwa, akati kwaari: “Ndiri kupa muzukuru watenzi wako zvinhu zvese zvaiva zvaSauro nezveimba yake yese.+ 10 Uchamurimira munda, iwe nevanakomana vako nevaranda vako, uye uchakohwa zvirimwa zvacho kuti mhuri yemuzukuru watenzi wako idye. Asi Mefibhosheti, muzukuru watenzi wako, achadya patafura yangu nguva dzese.”+

Zibha aiva nevanakomana 15 nevaranda 20.+ 11 Zibha akabva ati kuna mambo: “Muranda wenyu achaita zvese zvinenge zvarayirwa nashe wangu mambo.” Saka Mefibhosheti aidya patafura yaDhavhidhi* semumwe wevanakomana vamambo. 12 Mefibhosheti aivawo nemwanakomana mudiki ainzi Maika;+ uye vese vaigara mumba maZibha vakava varanda vaMefibhosheti. 13 Mefibhosheti aigara muJerusarema nekuti aidya patafura yamambo nguva dzese;+ uye tsoka dzake dzakanga dzakaremara.+

10 Mambo wevaAmoni+ akazofa, uye mwanakomana wake Hanuni akava mambo panzvimbo yake.+ 2 Dhavhidhi akabva ati: “Ndicharatidza rudo rusingachinji kuna Hanuni mwanakomana waNahashi, sekuratidzwa kwandakaitwa rudo rusingachinji nababa vake.” Saka Dhavhidhi akatuma varanda vake kuti vanomunyaradza nekuti akanga afirwa nababa vake. Asi varanda vaDhavhidhi pavakasvika munyika yevaAmoni, 3 machinda evaAmoni akati kuna Hanuni ishe wavo: “Munofunga kuti kutumira kwaita Dhavhidhi vanyaradzi kwamuri kukudza baba venyu here? Dhavhidhi haana kukutumirai varanda vake kuti vazoona zvakaita guta nekurisora* kuti variparadze here?” 4 Saka Hanuni akatora varanda vaDhavhidhi, akagera ndebvu dzavo divi rimwe chete rechiso,+ akadimbura nguo dzavo nepakati nechepamagaro avo, akavadzinga. 5 Dhavhidhi paakaudzwa nezvazvo, akabva angotumira varume kuti vanosangana navo, nekuti varume vacho vakanga vanyadziswa zvakanyanya; uye mambo akavaudza kuti: “Garai muJeriko+ kusvikira ndebvu dzenyu dzakura, mozodzoka henyu.”

6 Nekufamba kwenguva, vaAmoni vakaona kuti vakanga vava kuvengwa chaizvo naDhavhidhi, saka vaAmoni vakatumira vanhu kuti vanobhadhara vaSiriya vekuBheti-rehobhu+ nevaSiriya vekuZobha+ kuti vavabatsire kurwa, varwi 20 000 vaifamba netsoka; namambo weMaaka+ nevarume vake 1 000; uye varume 12 000 vekuIshtobhu.*+ 7 Dhavhidhi paakanzwa nezvazvo, akatuma Joabhi neuto rese, kusanganisira varwi vake vaiva nesimba kupfuura vese.+ 8 VaAmoni vakabva vabuda, vakaronga mauto avo pagedhi reguta, asi vaSiriya vekuZobha nevekuRehobhu, nevarwi vekuIshtobhu* nevekuMaaka vakanga vari kwavo vega musango.

9 Joabhi paakaona kuti mauto acho akanga achiuya kuzorwisana naye vamwe vari mberi vamwe vari shure, akasarudza vamwe vevarwi vaiva shasha dzekurwa muIsraeri akavaronga kuti varwe nevaSiriya.+ 10 Akaisa vamwe varume vese mumaoko aAbhishai+ mwana waamai vake, kuti avaronge kuti varwe nevaAmoni.+ 11 Akabva ati: “Kana vaSiriya vava kundikunda, unofanira kuuya kuzondinunura; asi kana vaAmoni vava kukukunda, ndichauya kuzokununura. 12 Tinofanira kutosimba uye kushinga+ kuti tirwire vanhu vedu uye maguta aMwari wedu, uye Jehovha achaita zvaanoona kuti ndizvo zvakanaka.”+

13 Joabhi nevarume vaaiva navo vakabva vafamba vachienda kunorwisana nevaSiriya, uye ivo vakamutiza.+ 14 VaAmoni pavakaona kuti vaSiriya vakanga vatiza, vakabva vatizawo Abhishai vakapinda muguta. Pashure paizvozvo Joabhi akadzoka kubva kuvaAmoni, akasvika kuJerusarema.

15 VaSiriya pavakaona kuti vakanga vakundwa nevaIsraeri, vakaunganidzanazve.+ 16 Hadhadhezeri+ akatuma nhume kuti vaSiriya vaiva munharaunda yeRwizi*+ vauye, uye vakasvika kuHeramu, vachitungamirirwa naShobhaki mukuru weuto raHadhadhezeri.

17 Dhavhidhi paakaudzwa nezvazvo, akabva aunganidza vaIsraeri vese, akayambuka Jodhani, akasvika kuHeramu. VaSiriya vakabva varonga mauto avo kuti vasangane naDhavhidhi, vakarwa naye.+ 18 Asi vaSiriya vakatiza vaIsraeri; Dhavhidhi akauraya vatyairi vengoro 700 nevatasvi vemabhiza 40 000 vevaSiriya, uye akabaya Shobhaki mukuru weuto ravo, akafira ipapo.+ 19 Madzimambo ese aiva pasi paHadhadhezeri paakaona kuti akanga akundwa nevaIsraeri, akakurumidza kuyanana nevaIsraeri akava pasi pavo;+ uye vaSiriya vakanga vava kutya kubatsira vaAmoni zvakare.

11 Pakutanga kwegore,* panguva yaienda madzimambo kunorwa, Dhavhidhi akatuma Joabhi nevaranda vake neuto rese reIsraeri kuti vanoparadza vaAmoni, uye vakakomba Rabha,+ Dhavhidhi akasara ari muJerusarema.+

2 Mumwe musi ari manheru,* Dhavhidhi akamuka pamubhedha wake, akatanga kufamba-famba pamusoro pedenga reimba yamambo. Ari pamusoro pedenga reimba akaona mumwe mukadzi achigeza, uye mukadzi wacho akanga akanaka chaizvo. 3 Dhavhidhi akabva atumira munhu kuti anobvunza nezvemukadzi wacho, uye akadzoka achiti: “Haasi Bhati-shebha+ mwanasikana waEriyamu,+ mudzimai waUriya+ muHiti here?”+ 4 Dhavhidhi akabva atuma nhume kuti dzinomutora.+ Saka mukadzi wacho akapinda maaiva, uye akarara naye.+ (Izvi zvakaitika mukadzi wacho paaizvichenesa pakusachena kwake.*)+ Pashure paizvozvo, mukadzi wacho akadzokera kumba kwake.

5 Mukadzi wacho akava nepamuviri uye akatumira shoko kuna Dhavhidhi achiti: “Ndava nepamuviri.” 6 Dhavhidhi akabva atumira shoko kuna Joabhi, achiti: “Nditumire Uriya muHiti.” Saka Joabhi akatumira Uriya kuna Dhavhidhi. 7 Uriya paakasvika kwaari, Dhavhidhi akamubvunza kuti Joabhi akanga akadii, kuti mauto akanga akadii, uye kuti hondo yaifamba sei. 8 Dhavhidhi akabva ati kuna Uriya: “Enda kumba kwako unozorora.”* Uriya paakabuda mumba mamambo, mambo akamutumira chipo.* 9 Zvisinei, Uriya akarara pasuo reimba yamambo nevamwe varanda vese vashe wake, uye haana kuenda kumba kwake. 10 Saka Dhavhidhi akaudzwa kuti: “Uriya haana kuenda kumba kwake.” Dhavhidhi akabva ati kuna Uriya: “Handiti uchangobva parwendo here? Nei usina kuenda kumba kwako?” 11 Uriya akapindura Dhavhidhi kuti: “Areka+ nevaIsraeri nevaJudha vari kugara mumatumba, uye ishe wangu Joabhi nevaranda vashe wangu vakadzika musasa musango. Saka ndingaenda kumba kwangu kuti ndidye, ndinwe uye ndirare nemudzimai wangu here?+ Chokwadi ndinopika pamberi penyu kuti neupenyu hwenyu,* handisi kuzoita chinhu chakadaro!”

12 Dhavhidhi akabva ati kuna Uriya: “Ramba uri kuno nhasi, uye ndichakurega uchienda mangwana.” Saka Uriya akaramba ari muJerusarema zuva iroro neraitevera racho. 13 Dhavhidhi akabva aita kuti anoshevedzwa kuti auye kuzodya nekunwa naye uye akamudhakisa. Asi ava manheru, akabuda akaenda kunorara pamubhedha wake nevaranda vashe wake, uye haana kuenda kumba kwake. 14 Ava mangwanani Dhavhidhi akanyorera Joabhi tsamba, akaitumira naUriya. 15 Akanyora mutsamba yacho kuti: “Isai Uriya pamberi panenge pachinyanya kupisa hondo. Imi mubve matiza muchimusiya kuti abayiwe afe.”+

16 Joabhi akanga agara achinyatsoongorora guta racho, uye akaisa Uriya paaiziva kuti paiva nevarwi vane simba. 17 Varume veguta racho pavakabuda ndokurwisa Joabhi, vamwe varanda vaDhavhidhi vakaurayiwa, uye Uriya muHiti aivawo pane vakaurayiwa.+ 18 Joabhi akabva audza Dhavhidhi zvese zvakaitika muhondo yacho. 19 Akarayira nhume kuti: “Paunopedza kuudza mambo zvese zvaitika muhondo, 20 mambo anogona kutsamwa oti kwauri, ‘Manga muchienderei kunorwa muri pedyo zvakadaro neguta? Manga musingazivi here kuti vachapfura vari pamusoro perusvingo? 21 Ndiani akauraya Abhimereki+ mwanakomana waJerubhesheti?+ Haasi mukadzi here akanga ari pamusoro perusvingo akamutema nehuyo akamuuraya kuTebhezi? Manga muchienderei pedyo nerusvingo zvakadaro?’ Ubve wati, ‘Muranda wenyu Uriya muHiti afawo.’”

22 Saka nhume yacho yakaenda ikanoudza Dhavhidhi zvese zvayakanga yanzi naJoabhi inotaura. 23 Nhume yacho yakabva yati kuna Dhavhidhi: “Varume vacho vatikunda, uye vabuda vakauya kuzotirwisa musango; asi tavadzingirira kusvikira pagedhi reguta. 24 Vanopfura neuta vanga vachipfura varanda venyu vari pamusoro perusvingo, uye vamwe varanda vamambo vafa; muranda wenyu Uriya muHiti afawo.”+ 25 Dhavhidhi akabva ati kunhume yacho: “Uti kuna Joabhi: ‘Usanetseka hako nazvo, nekuti bakatwa rinoparadza chero warananga. Rwisa guta racho zvakasimba urikunde.’+ Uye iwe unofanira kumushingisa.”

26 Mudzimai waUriya paakanzwa kuti murume wake Uriya akanga afa, akatanga kuchema murume wake. 27 Nguva yekuchema payakanga yangopfuura, Dhavhidhi akamushevedza akamuunza kumba kwake, uye akava mudzimai wake,+ akamuberekera mwanakomana. Asi zvakaitwa naDhavhidhi zvakagumbura Jehovha chaizvo.*+

12 Jehovha akabva atuma Natani+ kuna Dhavhidhi. Akapinda maaiva,+ akati: “Mune rimwe guta maiva nevarume vaviri; mumwe wacho aiva mupfumi mumwe ari murombo. 2 Mupfumi wacho aiva nemakwai nemombe zvakawanda chaizvo;+ 3 asi murombo wacho aingova negwayana gadzi rimwe chete raakanga atenga.+ Akarichengeta uye rakakura ainaro, iye nevanakomana vake. Raidya pazvekudya zvishoma zvaaiva nazvo, uye rainwira mukapu yake, richirara mumaoko ake. Airibata semwanasikana wake. 4 Nekufamba kwenguva, mupfumi uya akashanyirwa nemuenzi, asi haana kuda kutora chero gwai rake kana mombe yake kuti abikire munhu aiva parwendo akanga amushanyira. Asi akatora gwayana remurombo wacho, akariurayira munhu akanga amushanyira.”+

5 Dhavhidhi akabva atsamwira murume wacho chaizvo, akati kuna Natani: “NaJehovha mupenyu,+ munhu akaita zvakadaro anofanira kufa! 6 Anofanira kuripa gwayana racho kakapetwa kana,+ nemhaka yezvaakaita uye nekuti haana kunzwa tsitsi.”

7 Natani akabva ati kuna Dhavhidhi: “Ndimi munhu wacho! Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri: ‘Ndakakuzodza kuti uve mambo waIsraeri,+ uye ndakakununura muruoko rwaSauro.+ 8 Ndaida kukupa imba yashe wako+ uye ndaida kukupa madzimai ashe wako,+ uye ndakakupa imba yaIsraeri neyaJudha.+ Kuwedzera pana izvozvo, ndaitoda kukuitira zvimwe zvakawanda.+ 9 Wakaitirei zvakaipa pamberi paJehovha uchizvidza shoko rake? Wakauraya Uriya muHiti nebakatwa!+ Wakabva watora mudzimai wake kuti ave mudzimai wako,+ pashure pekunge wamuuraya nebakatwa revaAmoni.+ 10 Saka bakatwa harisi kuzobva mumba mako,+ nekuti wakandizvidza pawakatora mudzimai waUriya muHiti kuti ave mudzimai wako.’ 11 Zvanzi naJehovha: ‘Ndiri kukuunzira dambudziko richabva mumba mako;+ ndichatora madzimai ako wakatarisa ndichiapa mumwe murume,*+ uye acharara nemadzimai ako masikati machena.*+ 12 Iwe wakazviita pachivande,+ asi ini ndichaita izvi pamberi pevaIsraeri vese, masikati machena.’”

13 Dhavhidhi akabva ati kuna Natani: “Ndakatadzira Jehovha.”+ Natani akapindura Dhavhidhi achiti: “Jehovha akuregereraiwo chivi chenyu.*+ Hamuchafi.+ 14 Zvisinei, nemhaka yekuti makazvidza Jehovha zvikuru nezvamakaita, mwanakomana wenyu achangobva kuberekwa haasi kuzorarama.”

15 Natani akabva aenda kumba kwake.

Jehovha akabva arova mwana waDhavhidhi akanga aberekwa nemudzimai waUriya nechirwere. 16 Dhavhidhi akateterera kuna Mwari wechokwadi achiitira mukomana wacho. Dhavhidhi akatsanya asingatombodyi chinhu, uye aipinda mumba make, opedza usiku hwese akarara pasi.+ 17 Saka vakuru veimba yake vakamira paaiva vakaedza kumusimudza kuti amuke, asi akaramba uye haana kubvuma kudya navo. 18 Pazuva rechi7, mwana wacho akafa, asi varanda vaDhavhidhi vaitya kumuudza kuti mwana akanga afa. Vakati: “Patakataura naye mwana achiri mupenyu, haana kutiteerera. Ko kuzoti tikamuudza kuti mwana afa? Anogona kuzotiitira zvimwe.”

19 Dhavhidhi paakaona kuti varanda vake vakanga vachizevezerana, akaziva kuti mwana akanga afa. Dhavhidhi akati kuvaranda vake: “Mwana afa here?” Ivo vakati: “Ehe, afa.” 20 Dhavhidhi akabva asimuka pasi paakanga akarara. Akabva ageza akazora mafuta,+ akachinja zvipfeko zvake, akaenda kuimba+ yaJehovha, akanamata. Pashure paizvozvo, akaenda kumba kwake, akakumbira kuti aunzirwe zvekudya, achibva adya. 21 Varanda vake vakamubvunza kuti: “Ko chirudzii chamuri kuita? Mwana paaiva mupenyu makatsanya mukaramba muchichema; asi paangofa, mamuka mukatanga kudya.” 22 Iye akapindura kuti: “Mwana paaiva mupenyu, ndakatsanya+ ndikaramba ndichichema nekuti ndaiti, ‘Zvimwe Jehovha achandinzwira nyasha, oita kuti mwana ararame?’+ 23 Iye zvino zvaafa, ndichatsanyirei? Ndinokwanisa kumumutsa here?+ Ndichaenda kwaari,+ asi iye haachadzoki kwandiri.”+

24 Dhavhidhi akabva anyaradza mudzimai wake Bhati-shebha.+ Akapinda maaiva, akarara naye. Nekufamba kwenguva, mukadzi wacho akabereka mwanakomana, akatumidzwa kuti Soromoni.*+ Jehovha akamuda,+ 25 uye akatumira shoko achishandisa muprofita Natani+ rekuti mwana wacho atumidzwe kuti Jedhidhiya,* nekuda kwaJehovha.

26 Joabhi akaramba achirwa neRabha+ yevaAmoni,+ akatora guta reumambo hwacho.+ 27 Saka Joabhi akatuma nhume kuna Dhavhidhi akati: “Ndakarwa neRabha,+ uye ndakatora guta remvura.* 28 Unganidzai vamwe varwi vese mudzike musasa kuti murwise guta racho, muritore. Kana zvikasadaro, ndini ndinenge ndava kuzotora guta racho, mbiri youya kwandiri.”*

29 Saka Dhavhidhi akaunganidza varwi vese, akaenda kuRabha, akarwa nayo, akaitora. 30 Akabva abvisa korona yaiva mumusoro maMarikamu.* Goridhe rayo rairema tarenda* rimwe chete, uye yaiva nematombo anokosha, uye korona yacho yakaiswa mumusoro maDhavhidhi. Akapambawo zvinhu zvakawanda chaizvo+ muguta racho.+ 31 Akabudisa vanhu vaiva mariri akavapa basa rekucheka matombo, nerimwe basa ravaiita nemidziyo yesimbi yakapinza, nematemo esimbi, uye rekukanya zvidhinha. Ndizvo zvaakaita kumaguta ese evaAmoni. Dhavhidhi akabva azodzokera kuJerusarema nemauto ese.

13 Absaromu mwanakomana waDhavhidhi aiva nehanzvadzi yakanga yakanaka yainzi Tamari,+ uye Amnoni+ mwanakomana waDhavhidhi akatanga kumuda. 2 Amnoni akanetseka chaizvo zvekusvika pakurwara nekuda hanzvadzi yake Tamari, nekuti aiva mhandara uye Amnoni aishaya mukana wekuita zvaaida kumusikana wacho. 3 Amnoni aiva neshamwari yainzi Jehonadhabhi,+ mwanakomana waShimeya,+ mukoma waDhavhidhi; uye Jehonadhabhi aiva murume akangwara chaizvo. 4 Saka akati kwaari: “Neiko iwe mwanakomana wamambo uchingomuka wakasuwa mangwanani ega ega? Ndiudze.” Amnoni akamupindura kuti: “Ndiri kuda Tamari, hanzvadzi+ yemunin’ina wangu Absaromu.” 5 Jehonadhabhi akati kwaari: “Rara pamubhedha wako unyepedzere kurwara. Baba vako pavanouya kuzokuona, uti kwavari, ‘Ndinokumbirawo kuti Tamari hanzvadzi yangu auye kuzondipa zvekudya. Kana akandibikira zvekudya zvinopiwa varwere* ini ndichiona, ondipa, ndichabva ndadya.’”

6 Saka Amnoni akarara achinyepedzera kurwara, uye mambo akapinda kuti amuone. Amnoni akabva ati kuna mambo: “Ndinokumbirawo kuti Tamari hanzvadzi yangu apinde andibikire makeke maviri akaita semwoyo ndichiona, ondipa ndidye.” 7 Dhavhidhi akabva atumira shoko kumba kuna Tamari achiti: “Enda kumba kwehanzvadzi yako Amnoni unomubikira zvekudya.”* 8 Saka Tamari akaenda kumba kwehanzvadzi yake Amnoni kwaainge akarara. Akatora mukanyiwa akagadzira makeke ndokubva aabika Amnoni achiona. 9 Akabva atora pani yacho akamupa makeke acho. Asi Amnoni akaramba kudya akati: “Vanhu vese vari muno ngavabude!” Saka vanhu vese vakabuda.

10 Amnoni akabva ati kuna Tamari: “Uya nezvekudya zvacho* muimba yekurara undipe ndidye.” Saka Tamari akatora makeke akaita semwoyo aakanga abika, akaenda nawo muimba yekurara maiva nehanzvadzi yake Amnoni. 11 Paakaenda nawo kunomupa kuti adye, akabva amubata akati: “Uya urare neni hanzvadzi yangu.” 12 Asi iye akati kwaari: “Aiwa, hanzvadzi yangu! Usaita zvinhu zvinonyadzisa kudaro kwandiri nekuti zvinhu zvakadai hazviitwi muIsraeri.+ Usaita zvinhu izvi zvakafumuka.+ 13 Ndinozonyarira pai? Uye iwe uchaonekwa semumwe wevarume vakafumuka muIsraeri. Ndapota, taura namambo, nekuti haazorambi kuti unditore.” 14 Asi iye haana kumuteerera, uye akamukurira akamubata chibharo. 15 Amnoni akabva atanga kumuvenga chaizvo, zvekuti kumuvenga kwaakanga ava kuita kwaipfuura kumuda kwaakanga amboita. Amnoni akati kwaari: “Muka ubve pano!” 16 Iye akabva ati kwaari: “Aiwa, hanzvadzi yangu, kundidzinga iye zvino kwakatoipa kupfuura zvawaita neni!” Asi iye haana kumuteerera.

17 Akabva ashevedza mushandi wake wechidiki, akati: “Bvisa munhu uyu pano, ukiye suo kana abuda.” 18 (Tamari akanga akapfeka nguo refu yakanaka,* nekuti idzi ndidzo nguo dzaipfekwa nevanasikana vamambo vaiva mhandara.) Saka mushandi wake akamubudisa panze, akakiya suo. 19 Tamari akabva aisa madota mumusoro make,+ akabvarura nguo yake yakanaka yaakanga akapfeka; uye akabata musoro ndokubva aenda, achifamba achiridza mhere.

20 Hanzvadzi yake Absaromu+ akabva amubvunza kuti: “NdiAmnoni hanzvadzi yako anga ainewe here? Chinyarara hako nyaya iyi hanzvadzi yangu. Iye ihanzvadzi yako.+ Usazvinetsa nenyaya iyi.” Tamari akabva agara kumba kwehanzvadzi yake Absaromu asingaonani nevamwe vanhu. 21 Mambo Dhavhidhi paakanzwa zvinhu zvese izvi, akatsamwa chaizvo.+ Asi akanga asingadi kugumbura Amnoni mwanakomana wake nekuti aimuda, sezvo akanga ari dangwe rake. 22 Absaromu haana zvaakataura naAmnoni, zvingava zvakanaka kana zvakaipa; nekuti Absaromu akanga ava kuvenga+ Amnoni nemhaka yekuti akanga anyadzisa hanzvadzi yake Tamari.+

23 Papera makore maviri akazara, vaveuri vemakwai aAbsaromu vaiveura makwai paBhaari-hazori, pedyo neEfremu,+ uye Absaromu akakoka vanakomana vamambo vese.+ 24 Saka Absaromu akapinda maiva namambo akati: “Makwai emuranda wenyu ari kuveurwa. Ndinokumbirawo kuti mambo nevaranda vake vaende neni.” 25 Asi mambo akati kuna Absaromu: “Aiwa, mwanakomana wangu. Kana tese tikaenda tinozokuremedza.” Kunyange zvazvo akaramba achimukumbira, mambo akaramba kuenda, asi akamuti afambe zvakanaka.* 26 Absaromu akabva ati: “Kana zvisingaiti kuti muende, ndinokumbirawo kuti mukoma wangu Amnoni aende nesu.”+ Mambo akamupindura kuti: “Uri kuda kuenderei naye?” 27 Asi Absaromu akaramba achingomukumbira, saka akazobvuma kuti Amnoni nevanakomana vamambo vese vaende naye.

28 Absaromu akabva arayira vashandi vake kuti: “Rambai muchicherechedza Amnoni uye mwoyo wake paunenge wafara newaini, ndichati kwamuri, ‘Urayai Amnoni!’ Imi munofanira kubva mamuuraya. Musatya. Handiti ndini ndiri kukuudzai zvekuita? Simbai mushinge.” 29 Saka vashandi vaAbsaromu vakaitira Amnoni zvese zvavakanga varayirwa naAbsaromu; vamwe vanakomana vamambo vese vakabva vasimuka, uye mumwe nemumwe akakwira nyurusi rake akatiza. 30 Pavakanga vari munzira, shoko rakasvika kuna Dhavhidhi, richiti: “Absaromu auraya vanakomana vamambo vese, hapana kana apona.” 31 Mambo akabva asimuka, akabvarura zvipfeko zvake, akarara pasi, uye varanda vake vese vakanga vakamira pedyo naye vaine nguo dzakabvaruka.

32 Zvisinei, Jehonadhabhi+ mwanakomana waShimeya,+ mukoma waDhavhidhi, akati: “Ishe wangu ngaarege kufunga kuti vauraya majaya ese, ivo vanakomana vamambo, nekuti Amnoni chete ndiye afa.+ Izvi zvarayirwa naAbsaromu, uyo akazvironga+ kubva pazuva rakanyadziswa hanzvadzi yake+ Tamari+ naAmnoni. 33 Saka ishe wangu mambo ngaarege kuteerera* shoko rekuti, ‘Vanakomana vese vamambo vafa’; Amnoni ndiye chete afa.”

34 Izvi pazvaiitika, Absaromu akatiza.+ Gare gare, murindi akasimudza musoro akaona kuti kwaiva nevanhu vakawanda vaiuya nemugwagwa waiva kumashure kwake pedyo negomo. 35 Jehonadhabhi+ akabva ati kuna mambo: “Tarisai muone! Vanakomana vamambo vadzoka. Muranda wenyu ataura chokwadi.” 36 Paaipedzisa kutaura, vanakomana vamambo vakabva vapinda, vachichema vachiridza mhere; mambo nevaranda vake vese vakachemawo chaizvo. 37 Asi Absaromu akatiza akaenda kuna Tarimai+ mwanakomana waAmihudhi mambo weGeshuri. Dhavhidhi akaita mazuva akawanda achichema mwanakomana wake. 38 Absaromu paakatiza, akaenda kuGeshuri,+ akagara ikoko kwemakore matatu.

39 Mambo Dhavhidhi akazopedzisira ava kuda chaizvo kuenda kuna Absaromu, nekuti shungu dzekufa kwaAmnoni dzakanga dzaserera.*

14 Joabhi mwanakomana waZeruya+ akaziva kuti mwoyo wamambo waisuwa Absaromu.+ 2 Saka Joabhi akatumira shoko kuTekoa+ akashevedza mumwe mukadzi akangwara kubva ikoko, akati kwaari: “Nyepedzera kunge munhu akafirwa ari kuchema, upfeke nguo dzekuchema, uye usazora mafuta.+ Ita semukadzi akafirwa ava nenguva yakareba achichema. 3 Ubve waenda kuna mambo utaure naye mashoko aya.” Joabhi akabva amuudza zvekutaura.

4 Mukadzi wacho wekuTekoa akapinda maiva namambo, akapfugama, akadzikisa musoro wake akati: “Ndibatsireiwo mambo!” 5 Mambo akati kwaari: “Chii chiri kukunetsa?” Iye akati: “Ndiri chirikadzi; murume wangu akafa. 6 Ini muranda wenyu ndaiva nevanakomana vaviri, uye vakarwisana kusango. Hapana aivapo kuti avabate uye mumwe akarova mumwe wacho akamuuraya. 7 Mhuri yese yabva yapandukira muranda wenyu uye iri kuti, ‘Tipe mukomana akauraya mumwe wake timuuraye kuti titsive upenyu hwemumwe wake* waakauraya,+ kunyange kana zvikareva kuti tichaita kuti pasare pasina mugari wenhaka!’ Kana vakadaro vanenge vatodzima zimbe rangu randasara naro richiri kubvira,* vosiya murume wangu asina zita kana mwana anosara panyika.”

8 Mambo akabva ati kumukadzi wacho: “Enda kumba kwako, ndichagadzirisa nyaya yacho.” 9 Mukadzi wacho wekuTekoa akabva ati kuna mambo: “Ishe wangu mambo, mhosva yacho ngaiuye pandiri, nepaimba yababa vangu, asi ngairege kuva pana mambo nechigaro chake cheumambo.” 10 Mambo akabva ati: “Kana pakava nemunhu anoramba achitaura newe nezvenyaya iyi, muunze kwandiri, uye haazokunetsa zvakare.” 11 Asi iye akati: “Ndapota, mambo ngaayeuke Jehovha Mwari wenyu, kuti mutsivi weropa+ arege kuparadza, ouraya mwanakomana wangu.” Iye akati: “NaJehovha mupenyu,+ hapana kana bvudzi rimwe chete remwanakomana wako richawira pasi.” 12 Mukadzi wacho akabva ati: “Ndapota, regai muranda wenyu ataurezve nashe wangu mambo.” Saka mambo akati kwaari: “Taura hako!”

13 Mukadzi wacho akati: “Nei imi makafunga kuita zvinhu zvakangofanana naizvozvo kuvanhu vaMwari?+ Mambo ari kuzvipa mhosva nezvaari kutaura, nekuti mambo haasi kudzosa mwanakomana wake waakadzinga.+ 14 Chokwadi tichafa toita semvura yadururwa pasi, isingagoni kuworerwa. Asi Mwari haangaurayi munhu,* uye anotsvaga zvikonzero zvekuti uya akadzingwa arege kuramba achingova munhu akadzingwa kwaari. 15 Ndauya kuzotaura izvi kunashe wangu mambo nekuti vanhu vakaita kuti nditye. Saka muranda wenyu ati, ‘Regai nditaure namambo. Zvimwe mambo achaita zvinokumbirwa nemuranda wake. 16 Mambo anogona kuteerera, onunura muranda wake kubva muruoko rwemurume ari kuda kundiparadza ini nemwanakomana wangu mumwe chete, achitibvisa panhaka yatakapiwa naMwari.’+ 17 Muranda wenyu atiwo, ‘Dai shoko rashe wangu mambo rikandizorodza,’ nekuti ishe wangu mambo akangoita sengirozi yaMwari wechokwadi pakuziva zvakanaka nezvakaipa. Jehovha Mwari wenyu ngaave nemi.”

18 Mambo akabva apindura mukadzi wacho achiti: “Ndapota usandivanzira chinhu pane zvandichakubvunza.” Mukadzi wacho akati: “Taurai zvenyu ishe wangu mambo.” 19 Mambo akabva abvunza kuti: “NdiJoabhi here akutuma kuti uite zvese izvi?”+ Mukadzi wacho akapindura kuti: “Ndinopika neupenyu hwenyu,* ishe wangu mambo, zvataurwa nashe wangu mambo ndizvo chaizvo,* nekuti Joabhi ndiye andirayira kuti ndiite izvi uye ndiye ati nditaure mashoko ese aya. 20 Muranda wenyu Joabhi aita izvi kuti achinje maonerwo ari kuitwa zvinhu, asi ishe wangu akachenjera sengirozi yaMwari wechokwadi uye anoziva zvese zviri kuitika munyika.”

21 Mambo akabva ati kuna Joabhi: “Zvakanaka, ndichaita saizvozvo.+ Enda unotora jaya racho Absaromu.”+ 22 Joabhi akabva apfugama, akadzikisa musoro wake, akarumbidza mambo. Joabhi akati: “Nhasi ini muranda wenyu ndaziva kuti mandinzwira nyasha, haiwa ishe wangu mambo, nekuti mambo aita zvakumbirwa nemuranda wake.” 23 Joabhi akabva asimuka akaenda kuGeshuri,+ akauya naAbsaromu kuJerusarema. 24 Zvisinei, mambo akati: “Ngaaende kumba kwake, asi ngaarege kuonana neni.” Saka Absaromu akadzokera kumba kwake, uye haana kuona chiso chamambo.

25 MuIsraeri yese makanga musina murume airumbidzwa nekuda kwerunako rwake sezvaiitwa Absaromu. Kubva pasi petsoka dzake kusvika panhongonya yemusoro wake, pakanga pasina kana chaishoreka. 26 Paaigera bvudzi remusoro wake, iro raaigera pakupera kwegore rimwe nerimwe nemhaka yekuti raimuremera chaizvo, bvudzi racho rairema mashekeri 200* pachishandiswa chiyereso chedombo chamambo.* 27 Absaromu akabereka vanakomana vatatu+ nemwanasikana mumwe chete ainzi Tamari. Aiva mukadzi akanaka chaizvo.

28 Absaromu akaramba achigara muJerusarema kwemakore maviri akazara, asi haana kuona chiso chamambo.+ 29 Saka Absaromu akashevedza Joabhi kuti amutume kuna mambo, asi Joabhi haana kuuya kwaari. Akabva amushevedza zvakare, asi akaramba kuuya. 30 Akazoti kuvashandi vake: “Munda waJoabhi uri padivi pewangu, uye une bhari. Endai munoupisa.” Saka vashandi vaAbsaromu vakapisa munda wacho. 31 Joabhi akabva asimuka akaenda kumba kwaAbsaromu akati kwaari: “Vashandi vako vapisirei munda wangu?” 32 Absaromu akapindura Joabhi kuti: “Inzwa, ndakatumira shoko kwauri ndichiti, ‘Uya ndikutume kuna mambo unomubvunza kuti: “Ndakabvirei kuGeshuri?+ Kudai ndakaramba zvangu ndichigara ikoko. Saka regai ndione chiso chamambo uye kana ndiine mhosva, ngaabve andiuraya.”’”

33 Saka Joabhi akapinda maiva namambo akamuudza. Akabva ashevedza Absaromu, uyo akabva apinda maiva namambo, akapfugama, akadzikisa musoro wake pamberi pamambo. Mambo akabva atsvoda Absaromu.+

15 Pashure pezvinhu zvese izvi, Absaromu akazvitsvagira ngoro nemabhiza uye varume 50 kuti vamhanye vari pamberi pake.+ 2 Absaromu aimukira mangwanani onomira padivi penzira yaienda kugedhi reguta.+ Pese paaiona munhu anenge aine nyaya yaienda kwamambo kunotongwa,+ Absaromu aimushevedza oti: “Unobva kuguta ripi?” iye oti: “Muranda wenyu anobva kune rimwe remadzinza aIsraeri.” 3 Absaromu aiti kwaari: “Onaka, nyaya yako yakanaka uye inofanira kugadziriswa, asi hapana munhu wekwamambo wekuti anzwe nyaya yako.” 4 Absaromu aitiwo: “Kudai ndaizogadzwa zvangu kuva mutongi munyika! Munhu wese anenge aine nyaya yake kana kuti anoda kutongwa aizouya kwandiri ndoita kuti nyaya yake itongwe zvakanaka!”

5 Paiuya munhu pedyo naye kuti amukotamire, Absaromu aitambanudza ruoko rwake omubata, omutsvoda.+ 6 Izvi ndizvo zvaiitwa naAbsaromu kuvaIsraeri vese vaiuya kuzotongerwa nyaya dzavo namambo; saka Absaromu akaramba achinyengedza mwoyo yevarume veIsraeri kuti vamufarire.+

7 Papera makore mana,* Absaromu akati kuna mambo: “Ndinokumbirawo kuenda kuHebroni+ kunozadzisa mhiko yandakapika kuna Jehovha. 8 Nekuti muranda wenyu akaita mhiko iyi yakasimba+ paaigara kuGeshuri+ muSiriya achiti: ‘Kana Jehovha akandidzosa kuJerusarema, ndichapa mupiro kuna* Jehovha.’” 9 Saka mambo akati kwaari: “Enda hako, ufambe zvakanaka.”* Akabva asimuka akaenda kuHebroni.

10 Absaromu akabva atuma vanhu* kumadzinza ese aIsraeri achiti: “Pamunongonzwa kurira kwehwamanda, daidzirai muchiti, ‘Absaromu ava mambo muHebroni!’”+ 11 Absaromu akanga aenda ikoko nevarume 200 vekuJerusarema; varume vacho vakashevedzwa vakaenda vasina chavaimbofungira, uye vakanga vasingazivi zvaiitika. 12 Uye paakapa zvibayiro, Absaromu akatumira shoko kuti ashevedze Ahitoferi+ wekuGiro, chipangamazano waDhavhidhi,+ kuti auye kubva kuguta rake reGiro.+ Urongwa hwekupandukira mambo hwakaramba huchisimba, uye vanhu vaitsigira Absaromu vakaramba vachiwanda.+

13 Nekufamba kwenguva, nhume yakasvika kuna Dhavhidhi ichiti: “Varume veIsraeri vava kutsigira Absaromu.” 14 Dhavhidhi akabva ati kuvaranda vake vese vaaiva navo muJerusarema: “Simukai titize,+ nekuti tese tingaurayiwa naAbsaromu! Ngatikurumidzei kuenda, nekuti angatibata pasina nguva, akatiunzira dambudziko, oparadza guta nebakatwa!”+ 15 Varanda vamambo vakapindura mambo vachiti: “Varanda venyu vachaita chero zvinenge zvasarudzwa naishe wedu mambo.”+ 16 Saka mambo akabuda nevanhu vese veimba yake, asi mambo akasiya varongo 10+ kuti vachengete imba.* 17 Mambo akaramba achienda, vanhu vese vachimutevera uye vakanomira paBheti-mehaki.

18 Varanda vake vese vaaiva navo paaienda,* nevaKereti vese, nevaPereti,+ nevarume 600 vekuGati+ vakanga vamutevera kubva kuGati,+ vaipfuura nepamberi pamambo iye achivaongorora.* 19 Mambo akabva ati kuna Itai+ muGati: “Iwe ungaendereiwo nesu? Dzokera unogara namambo mutsva, nekuti uri mutorwa uye wakatiza kumusha kwako. 20 Hauna nguva wauya, saka nhasi ndingaita kuti uswere uchidzungaira nesu, uchingoenda chero kwandaenda here? Tora hama dzako mudzokere pamwe chete, uye Jehovha ngaakuratidze rudo rusingachinji uye ngaatendeke kwauri!”+ 21 Asi Itai akapindura mambo achiti: “Ndinopika naJehovha mupenyu uye neupenyu hwashe wangu mambo, chero panenge pana ishe wangu mambo, ndipo pachava nemuranda wenyu, kunyange zvikareva upenyu kana kufa!”+ 22 Dhavhidhi akabva ati kuna Itai:+ “Saka yambuka hako.” Itai muGati akabva ayambuka pamwe chete nevarume vake vese nevana.

23 Munhu wese wemunyika yacho aichema achiridza mhere vanhu vese ava pavaiyambuka, uye mambo akanga akamira pedyo neBani reKidroni;+ vanhu vese vakanga vachiyambuka vachienda kumugwagwa unoenda kurenje. 24 Zadhoki+ aivapowo nevaRevhi+ vese vainge vakatakura areka+ yesungano yaMwari wechokwadi;+ uye vakagadzika Areka yaMwari wechokwadi pasi; uye Abhiyatari+ akasvikawo ipapo vanhu vese pavaipedzisa kuyambuka vachibuda muguta. 25 Asi mambo akati kuna Zadhoki: “Dzorera Areka yaMwari wechokwadi kuguta.+ Kana ndikanzwirwa nyasha naJehovha, achaita kuti ndidzoke ndoiona, pamwe chete nenzvimbo yayo yainogara.+ 26 Asi kana akati, ‘Handisi kukufarira,’ ngaaite chero zvaanoona kuti ndizvo zvakanaka.” 27 Mambo akati kumupristi Zadhoki: “Handiti iwe uri muoni here?+ Dzokerai kuguta nerugare, pamwe chete nevanakomana venyu vaviri, Ahimaazi mwanakomana wako naJonatani+ mwanakomana waAbhiyatari. 28 Ndicharamba ndiri pamazambuko ari pedyo nerenje kusvikira shoko rabva kwamuri richindiudza mamiriro akaita zvinhu.”+ 29 Saka Zadhoki naAbhiyatari vakadzokera neAreka yaMwari wechokwadi kuJerusarema, uye vakaramba vari ikoko.

30 Dhavhidhi paakanga achikwira Gomo reMiorivhi,+ akanga achichema; musoro wake wakanga wakafukidzwa, uye aifamba asina shangu. Vanhu vese vaaiva navo vakafukidzawo misoro yavo uye vaikwira gomo vachichema. 31 Dhavhidhi akabva audzwa kuti: “Ahitoferi aripowo pavanhu vari kupanduka+ naAbsaromu.”+ Dhavhidhi akabva ati: “Ndapota haiwa Jehovha,+ itai kuti mazano aAhitoferi ave upenzi!”+

32 Dhavhidhi paakasvika pamusoro pegomo apo vanhu vaiwanzokotamira Mwari, Hushai+ muAki+ aiva ipapo kuti asangane naye, uye nguo yake refu yakanga yakabvaruka, aine guruva mumusoro. 33 Zvisinei, Dhavhidhi akati kwaari: “Kana ukayambuka neni, uchandiremedza. 34 Asi kana ukadzokera kuguta ukanoti kuna Absaromu, ‘Haiwa Mambo, ndiri muranda wenyu. Ndaimbova muranda wababa venyu, asi iye zvino ndava muranda wenyu,’+ uchabva wakwanisa kuvhiringidza mazano aAhitoferi wondibatsira.+ 35 Handiti vapristi Zadhoki naAbhiyatari vari ikoko newe here? Unofanira kuudza vapristi Zadhoki naAbhiyatari zvinhu zvese zvaunenge wanzwa muimba yamambo.+ 36 Vane vanakomana vavo vaviri ikoko, Ahimaazi+ mwanakomana waZadhoki naJonatani+ mwanakomana waAbhiyatari; muvatume kwandiri nezvese zvamunenge manzwa.” 37 Saka Hushai, shamwari*+ yaDhavhidhi, akapinda muJerusarema panguva yakanga ichipindawo Absaromu muguta racho.

16 Dhavhidhi paakangoti pfuurei zvishoma pamusoro pegomo,+ akaona Zibha+ mushandi waMefibhosheti+ uyo akanga auya kuzosangana naye aine madhongi maviri akanga akasungirirwa zvekugarira pamusana, uye akatakudzwa zvingwa 200, nemakeke 100 emazambiringa akaomeswa, nemakeke 100 emichero yemuzhizha,* nechirongo chihombe chewaini.+ 2 Mambo akabva ati kuna Zibha: “Nei wauya nezvinhu izvi?” Zibha akapindura kuti: “Madhongi ndeekuti vanhu veimba yamambo vatasve, chingwa nemichero yemuzhizha ndezvekuti majaya adye, uye waini ndeyekuti vaya vanenge vaneta murenje vanwe.”+ 3 Mambo akabva ati: “Ko mwanakomana* watenzi wako ari kupi?”+ Zibha akabva ati kuna mambo: “Asara kuJerusarema, nekuti ati, ‘Nhasi imba yaIsraeri ichandidzorera umambo hwababa vangu.’”+ 4 Mambo akabva ati kuna Zibha: “Inzwa! Zvinhu zvese zvaMefibhosheti zvava zvako.”+ Zibha akapindura kuti: “Ndinokotama pamberi penyu. Ishe wangu mambo ngaarambe achindinzwira nyasha.”+

5 Mambo Dhavhidhi paakasvika kuBhahurimu, mumwe murume weimba yaSauro ainzi Shimei,+ mwanakomana waGera, akabuda achienda kwaari achishevedzera mashoko ekutuka.+ 6 Aikanda matombo kuna Dhavhidhi nevaranda vese vaMambo Dhavhidhi, nekuvanhu vese nekuvarume vaiva nesimba vainge vari kurudyi rwamambo nekuruboshwe rwake. 7 Shimei aituka achiti: “Ibva, ibva iwe murume ane mhosva yekudeura ropa! Murume asingabatsiri! 8 Jehovha akutsiva mhosva yako yekudeura ropa reimba yaSauro, uyo wawakatorera umambo, zvino Jehovha aisa umambo hwacho muruoko rwaAbsaromu mwanakomana wako. Iye zvino wava munhamo nekuti une mhosva yekudeura ropa!”+

9 Abhishai mwanakomana waZeruya+ akabva ati kuna mambo: “Imbwa iyi yakafa+ ingatuka ishe wangu mambo here?+ Regai ndimuendere ikoko ndimudimbure musoro.”+ 10 Asi mambo akati: “Ko zvinei nemi nhai vanakomana vaZeruya?+ Musiye andituke,+ nekuti Jehovha amuudza kuti,+ ‘Tuka Dhavhidhi!’ Saka ndiani angati, ‘Uri kuitirei izvozvo?’” 11 Dhavhidhi akati kuna Abhishai nevaranda vake vese: “Kana mwanakomana wangu chaiye wekubereka achida kundiuraya,*+ ndingatarisira chii kubva kumuBhenjamini!+ Musiye andituke, nekuti Jehovha amuudza kuti aite izvozvo! 12 Zvimwe Jehovha achaona dambudziko rangu,+ uye Jehovha achandiitirazve zvakanaka panzvimbo pekutukwa kwandiri kuitwa nhasi.”+ 13 Dhavhidhi nevarume vake vakabva varamba vachidzika nemugwagwa, Shimei achifamba nemujinga megomo achienderana naDhavhidhi, achimutuka+ uye achikanda matombo, achipfumbura guruva rakawanda chaizvo.

14 Mambo nevanhu vese vaaiva navo vakazosvika kwavaienda vaneta chaizvo, uye vakabva vazorora.

15 Munguva iyi, Absaromu nevarume vese veIsraeri vakasvika kuJerusarema uye Ahitoferi+ aivapowo. 16 Hushai+ muAki+ shamwari* yaDhavhidhi, paakapinda maiva naAbsaromu, Hushai akati kuna Absaromu: “Mambo ngaarambe achirarama!+ Mambo ngaarambe achirarama!” 17 Absaromu akabva ati kuna Hushai: “Ndiko kwaunoti kuratidza rudo* kushamwari yako here uku? Wakaregererei kuenda neshamwari yako?” 18 Saka Hushai akati kuna Absaromu: “Aiwa, ndiri kutsigira munhu asarudzwa naJehovha, uye asarudzwa nevanhu ava, nevarume vese veIsraeri. Ndicharamba ndiinaye. 19 Uye ndinotiwo, Ndiani mumwe wandingashandira? Haasi mwanakomana wake here? Ndichakushandirai sekushandira kwandakaita baba venyu.”+

20 Absaromu akabva ati kuna Ahitoferi: “Ndipewo mazano.+ Toita sei?” 21 Ahitoferi akabva ati kuna Absaromu: “Rara nevarongo* vababa vako,+ vavakasiya kuti vachengete imba.*+ VaIsraeri vese vachanzwa kuti wazvivengesa nababa vako, uye vanhu vanokutsigira vachabva vatosimba.” 22 Saka vakadzikira Absaromu tende pamusoro pedenga reimba,+ uye Absaromu akarara nevarongo vababa vake,+ vaIsraeri vese vachiona.+

23 Mazuva iwayo, mazano aipiwa naAhitoferi+ aionekwa seshoko raMwari* wechokwadi. Ndiko kuremekedza kwaiita Dhavhidhi naAbsaromu mazano aipiwa naAhitoferi.

17 Ahitoferi akabva ati kuna Absaromu: “Ndapota, rega ndisarudze varume 12 000, kuti nditevere Dhavhidhi usiku huno. 2 Ndichamusvikira paanenge aneta uye asisina simba,*+ ndomuvhundutsa; uye vanhu vese vaainavo vachatiza, uye ndichauraya mambo chete.+ 3 Ndichabva ndadzosa vanhu vese kwauri. Zvichaitika kumurume wauri kutsvaga ndizvo zvichaita kuti vanhu vese vadzoke. Vanhu vese vachabva vava nerugare.” 4 Zvaakataura zvakafadza Absaromu nevakuru vese vaIsraeri.

5 Asi Absaromu akati: “Shevedzai Hushai+ muAki tinzwe kuti iye anotiwo kudii.” 6 Saka Hushai akapinda maiva naAbsaromu. Absaromu akabva ati kwaari: “Iri ndiro zano rataurwa naAhitoferi. Tiite zvaataura here? Kana zvisingaiti, tiudze iwewe zvekuita.” 7 Hushai akabva ati kuna Absaromu: “Panyaya iyi zano rataurwa naAhitoferi harina kunaka!”+

8 Hushai akaenderera mberi achiti: “Imi munonyatsoziva kuti baba venyu nevarume vavainavo vane simba+ uye vane shungu semhuka inonzi bheya yarasa vana vayo musango.+ Pamusoro paizvozvo, baba venyu murwi,+ uye havazorari panorara vanhu vavainavo. 9 Iye zvino vakatohwanda mubako* kana kuti mune imwewo nzvimbo;+ uye kana vakatanga ndivo kurwisa, vaya vachazvinzwa vachati, ‘Vanhu vari kutevera Absaromu vakundwa!’ 10 Kunyange murume akashinga ane mwoyo wakaita seweshumba+ achati rukutu nekutya, nekuti vaIsraeri vese vanoziva kuti baba venyu murume ane simba+ uye kuti varume vavainavo vakashinga. 11 Ini ndinopa zano iri: VaIsraeri vese, kubva kuDhani kusvika kuBheeri-shebha+ ngavaungane kwamuri, vakawanda sejecha riri pedyo negungwa,+ uye imi munofanira kuvatungamirira kunorwa. 12 Tichanomurwisa chero kwaanenge awanika, uye tichasvika paari sezvinoita dova rinowira pasi. Hapana kana mumwe wavo achapona, iye nevarume vese vaainavo. 13 Kana akatizira muguta, vaIsraeri vese vachaenda netambo kuguta iroro, uye ticharikwevera kurwizi kusvikira pasisina kunyange kadombo kanosara.”

14 Absaromu nevarume vese veIsraeri vakabva vati: “Zano raHushai muAki rakanaka+ kupfuura raAhitoferi!” Nekuti Jehovha akanga asarudza* kuti zano rakanaka raAhitoferi+ risabudirira, kuti Jehovha aunzire Absaromu dambudziko.+

15 Gare gare Hushai akati kuvapristi Zadhoki naAbhiyatari:+ “Ahitoferi apa Absaromu nevakuru vaIsraeri zano iri, asi ini ndapa zano iri. 16 Zvino kurumidzai kutumira shoko kuna Dhavhidhi mumuudze kuti: ‘Musarara pamazambuko* ekurenje usiku huno, asi ivai nechokwadi chekuti mayambuka, nekuti mambo nevanhu vese vaainavo vangaparadzwa.’”*+

17 Jonatani+ naAhimaazi+ vakanga vachigara paEni-rogeri+ nekuti vakanga vasingatombodi kuonekwa vachipinda muguta; saka mumwe murandasikana akaenda akanovaudza zvese uye vakabva vaenda kunoudza Mambo Dhavhidhi. 18 Zvisinei, pane jaya rakavaona rikanoudza Absaromu. Saka vaviri vacho vakakurumidza kuenda, vakasvika pamba pemumwe murume kuBhahurimu,+ uyo aiva netsime pachivanze chake. Vakapinda mariri, 19 uye mudzimai wemurume wacho akabva awaridza chinhu pamuromo wetsime racho akaparadzira zviyo* zvakadzvurwa pamusoro; uye hapana akaziva nezvazvo. 20 Varanda vaAbsaromu vakasvika pamba pemukadzi wacho, vakamubvunza kuti: “Ahimaazi naJonatani vari kupi?” Mukadzi wacho akapindura kuti: “Vapfuura nepano vakananga kumvura.”+ Varume vacho vakabva vavatsvaga, asi vakavashaya, saka vakadzokera kuJerusarema.

21 Varume vacho pavakaenda, ivo vakabva vabuda mutsime racho, vakanosvitsa shoko kuna Mambo Dhavhidhi. Vakati kwaari: “Simukai mukurumidze kuyambuka mvura, nekuti Ahitoferi apa zano iri rakakuipirai.”+ 22 Dhavhidhi akabva angosimuka nevanhu vese vaaiva navo, vakayambuka Jodhani. Kunze kwakazotanga kuchena vanhu vese vatopedza kuyambuka Jodhani.

23 Ahitoferi paakaona kuti zano rake rakanga risina kuteererwa, akatasva dhongi akaenda kumba kwake, muguta rekumusha kwake.+ Pashure pekunge aronga nyaya dzemhuri yake,+ akazvisungirira.+ Saka akafa akavigwa munzvimbo yemakuva yemadzitateguru ake.

24 Munguva iyi, Dhavhidhi akaenda kuMahanaimu,+ uye Absaromu akayambuka Jodhani nevarume vese veIsraeri. 25 Absaromu akagadza Amasa+ kuva mutungamiriri weuto achitsiva Joabhi;+ Amasa aiva mwanakomana wemurume wechiIsraeri ainzi Itra, uyo akarara naAbhigairi+ mwanasikana waNahashi, munin’ina waZeruya, amai vaJoabhi. 26 VaIsraeri naAbsaromu vakadzika musasa munyika yeGiriyedhi.+

27 Dhavhidhi paakangosvika kuMahanaimu, Shobhi mwanakomana waNahashi wekuRabha+ yevaAmoni, naMakiri+ mwanakomana waAmieri wekuRo-dhebhari, naBhazirai+ muGiriyedhi wekuRogerimu 28 vakauya nemibhedha, mabheseni, hari, gorosi, bhari, furawa, zviyo zvakakangwa, bhinzi, nyemba, zviyo zvakaomeswa, 29 uchi, ruomba, makwai, nechizi.* Vakauya nezvinhu zvese izvi kuti Dhavhidhi nevanhu vaakanga ainavo vadye,+ nekuti vakati: “Vanhu vava nenzara, vaneta, uye vava nenyota murenje.”+

18 Dhavhidhi akabva averenga varume vaaiva navo, akagadza vakuru vezviuru nevakuru vemazana kuti vavatungamirire.+ 2 Dhavhidhi akatumira varume vaaiva navo vari muzvikwata zvitatu, chekutanga chaiva pasi paJoabhi,+ chimwe chiri pasi paAbhishai+ mwana waamai vaJoabhi vainzi Zeruya,+ uye chimwe chiri pasi paItai+ wekuGati. Mambo akabva ati kuvarume vacho: “Ndichaendawo nemi.” 3 Asi vakati: “Imi hamufaniri kuenda,+ nekuti kana tikatiza, havazovi nebasa nesu;* uye kana hafu yedu ikafa, havazovi nebasa nesu, nekuti imi makakosha zvekuenzana nesu tiri 10 000.+ Saka zviri nani kuti imi muzotibatsira muri muguta.” 4 Mambo akati kwavari: “Ndichaita chero zvamunoona zvakanaka.” Saka mambo akamira pedyo negedhi reguta, uye varume vese vakabuda vari mumapoka emazana neezviuru. 5 Mambo akabva arayira Joabhi naAbhishai naItai, achiti: “Mundifungewo muitire tsiye nyoro mwanakomana wangu Absaromu.”+ Varume vese vakazvinzwa mambo paairayira vakuru vese nezvaAbsaromu.

6 Varume vacho vakaenda kusango kunosangana nevaIsraeri, uye hondo yacho yakarwirwa musango raEfremu.+ 7 VaIsraeri+ vakakundwa nevaranda vaDhavhidhi+ musango iroro, uye vanhu vakawanda vakaurayiwa zuva iroro, varume 20 000. 8 Hondo yacho yakapararira munharaunda yacho yese. Uyewo sango rakaparadza vanhu vakawanda kupfuura vakaparadzwa nebakatwa zuva iroro.

9 Absaromu akazongoerekana asangana nevaranda vaDhavhidhi. Absaromu akanga akatasva nyurusi, uye nyurusi racho rakapinda nepasi pemapazi akarukana emuti muhombe, uye musoro wake wakahakira mumuti wacho, zvekuti akarembera mumhepo,* nyurusi raaiva akatasva rikaramba richienda. 10 Mumwe munhu akabva azviona, akaudza Joabhi kuti:+ “Ndaona Absaromu akarembera mumuti muhombe.” 11 Joabhi akati kumurume wacho ainge amuudza: “Kana wamuona, waregerei kumubaya ipapo ipapo kuti awire pasi? Ndingadai ndatokupa masirivha gumi nebhandi.” 12 Asi murume wacho akati kuna Joabhi: “Kunyange dai ndaizopiwa* masirivha 1 000, handingasimudzi ruoko rwangu ndichirwisa mwanakomana wamambo, nekuti tanzwa mambo achikurayirai imi naAbhishai naItai kuti, ‘Munhu wese ngaachenjerere kuti asakuvadza Absaromu.’+ 13 Kudai ndanga ndisina kuteerera ndobva ndamuuraya,* mambo aizongozvinzwa chete, uye imi maisazondimiririra.” 14 Joabhi akabva ati: “Handisi kuzoramba ndichitambisa nguva ndiinewe!” Saka akatora simbi nhatu nhete dzakapinza,* akabaya mwoyo waAbsaromu nadzo achiri mupenyu, akarembera mumuti wacho. 15 Vashandi gumi vaitakura zvombo zvaJoabhi vakabva vauya vakabaya Absaromu kusvikira afa.+ 16 Joabhi akabva aridza hwamanda, varume vacho vachibva vadzoka kubva kunodzingirira vaIsraeri; Joabhi akavaudza kuti vachirega kurwa. 17 Vakatora Absaromu, vakamukanda muzigomba raiva musango racho, vakaisa murwi mukuru chaizvo wematombo pamusoro pake.+ Uye vaIsraeri vese vakatiza vachienda kudzimba dzavo.

18 Absaromu paaiva achiri mupenyu, akanga atora dombo akarimisa seshongwe muBani raMambo,+ nekuti akati: “Handina mwanakomana achazoita kuti zita rangu rirambe richiyeukwa.”+ Saka akatumidza shongwe yacho zita rake, uye nanhasi ichiri kunzi Shongwe yaAbsaromu.

19 Ahimaazi+ mwanakomana waZadhoki akati: “Ndapota, regai ndimhanye ndinoudza mambo zvaitika, nekuti Jehovha amurwira nekumusunungura kwaaita pavavengi vake.”+ 20 Asi Joabhi akati kwaari: “Hausiri iwe uchaenda neshoko nhasi. Unogona kuzoendesa mashoko rimwe zuva, kwete nhasi, nekuti mwanakomana wamambo afa.”+ 21 Joabhi akabva ati kumurume wechiKushi:+ “Enda unoudza mambo zvawaona.” Murume wacho wechiKushi akabva akotama pamberi paJoabhi, ndokumhanya achienda. 22 Ahimaazi mwanakomana waZadhoki akatizve kuna Joabhi: “Kunyange zvakadaro hazvo, ndapota ndiregeiwo ndimhanye ndichitevera murume wechiKushi.” Zvisinei, Joabhi akati: “Unoda kumhanyireiko mwanakomana wangu, ipo pasina mashoko ekuti unotaura?” 23 Asi iye akati: “Ndizvo hazvo asi chingondiregai ndimhanye.” Saka Joabhi akati kwaari: “Chimhanya hako!” Ahimaazi akabva amhanya nenzira inoenda nekudunhu reJodhani,* uye akapedzisira asiya murume wacho wechiKushi.

24 Panguva iyi Dhavhidhi akanga akagara pakati pemagedhi maviri eguta+ uye murindi+ akakwira padenga regedhi raiva rakabatana nerusvingo. Akatarisa akaona murume aimhanya ari ega. 25 Saka murindi akashevedzera akaudza mambo. Mambo akabva ati: “Kana ari ega, ane shoko raainaro.” Murume wacho paairamba achiswedera pedyo, 26 murindi wacho akabva aona mumwezve murume achimhanya. Akabva ashevedzera kumurindi wepagedhi achiti: “Kune mumwezve murume ari kumhanya ari ega!” Mambo akati: “Naiyewo ane shoko raari kuuya naro.” 27 Murindi wacho akati: “Ndiri kuona kuti murume wekutanga ari kumhanya saAhimaazi+ mwanakomana waZadhoki,” saka mambo akati: “Ahimaazi murume akanaka, uye ari kuuya neshoko rakanaka.” 28 Ahimaazi akabva ashevedzera kuna mambo achiti: “Zvinhu zvafamba zvakanaka!” Akabva apfugama pamberi pamambo, akadzikisa musoro wake. Uye akati: “Jehovha Mwari wenyu ngaarumbidzwe, aisa mumaoko enyu varume vakapandukira ishe wangu mambo!”+

29 Zvisinei, mambo akati: “Ko mwanakomana wangu Absaromu akadii?” Ahimaazi akati: “Ndaona vanhu vachiita nyonganyonga Joabhi paatuma mushandi wamambo nemushandi wenyu, asi handina kuziva kuti chii changa chichiitika.”+ 30 Saka mambo akati: “Enda hako parutivi, mira apa.” Akabva aenda parutivi, akamira ipapo.

31 Murume wacho wechiKushi akabva asvika,+ akati: “Ishe wangu mambo ngaagamuchire shoko iri: Nhasi Jehovha akurwirai nekukusunungurai kwaaita mumaoko evaya vese vakakupandukirai.”+ 32 Asi mambo akati kumurume wacho wechiKushi: “Ko mwanakomana wangu Absaromu akadii?” Murume wacho wechiKushi akati: “Vavengi vese vashe wangu mambo nevaya vese vakakupandukirai vachida kukukuvadzai ngavave semwanakomana wenyu!”+

33 Mambo akanetseka nazvo, akakwira muimba yepadenga yaiva pamusoro pegedhi, akachema, uye aifamba achiti: “Mwanakomana wangu Absaromu, mwanakomana wangu kani, mwanakomana wangu Absaromu! Kudai ndanga ndafa hangu ini panzvimbo pako, Absaromu mwanakomana wangu, mwanakomana wangu kani!”+

19 Joabhi akaudzwa kuti: “Mambo ari kusvimha misodzi, achichema Absaromu.”+ 2 Saka kukunda kwavakaita zuva iroro kwakachinja kukava kuchema kwevanhu vese, nekuti vakanzwa kuti mambo aichema mwanakomana wake. 3 Vanhu vakadzokera muguta+ chinyararire zuva iroro, sezvinoita vanhu vanenge vachinyara nekuti vatiza kuhondo. 4 Mambo akafukidza chiso chake, akaramba achichema nenzwi guru achiti: “Mwanakomana wangu Absaromu! Absaromu mwanakomana wangu, mwanakomana wangu kani!”+

5 Joabhi akabva apinda mumba maiva namambo akati: “Nhasi manyadzisa varanda venyu vese vakuponesai imi nevanakomana venyu, nevanasikana venyu,+ nemadzimai enyu,+ nevarongo venyu.+ 6 Munoda vaya vanokuvengai muchivenga vaya vanokudai, nekuti maratidza pachena nhasi kuti vakuru vehondo nevaranda venyu hamuna kana basa navo, nekuti ndine chokwadi chekuti kudai Absaromu anga ari mupenyu nhasi asi isu tese tafa, maizofara. 7 Zvino simukai, budai musimbise varanda venyu, nekuti ndinopika naJehovha kuti kana mukasadaro, hapana kana murume achasara nemi usiku hwanhasi. Zvinhu zvichakuipirai kupfuura zvese zvakakuwirai kubvira muchiri mudiki kusvikira iye zvino.” 8 Saka mambo akasimuka akanogara pagedhi reguta, uye vanhu vese vakaudzwa kuti: “Mambo agara pagedhi.” Vanhu vese vakabva vauya pamberi pamambo.

Asi vaIsraeri vakanga vatiza, mumwe nemumwe achienda kumba kwake.+ 9 Vanhu vese vemadzinza ese aIsraeri vakanga vachiitisana nharo vachiti: “Mambo ndiye akatiponesa pavavengi vedu,+ uye akatinunura pavaFiristiya; asi iye zvino atiza munyika pamusana paAbsaromu.+ 10 Absaromu watakazodza kuti atitonge+ afira muhondo.+ Saka nei pasina chamuri kuita kuti mudzose mambo?”

11 Mambo Dhavhidhi akatumira shoko kuvapristi Zadhoki+ naAbhiyatari,+ achiti: “Taurai nevakuru veJudha+ muchiti, ‘Nei muchifanira kuva vekupedzisira kudzosa mambo kumuzinda wake, iro shoko revaIsraeri vese rasvika kuna mambo kumba kwake? 12 Muri hama dzangu; muri pfupa rangu nenyama yangu. Nei muchifanira kuva vekupedzisira kudzosa mambo?’ 13 Muti kuna Amasa,+ ‘Hausi pfupa rangu nenyama yangu here? Mwari ngaandirange zvinorwadza kwazvo kana iwe ukasava mukuru weuto rangu panzvimbo paJoabhi kubva iye zvino zvichienda mberi.’”+

14 Saka akaita kuti mwoyo yevarume vese veJudha imufarire, uye ivo vakatumira shoko kuna mambo vachiti: “Dzokai, imi nevaranda venyu vese.”

15 Mambo akabva asimuka kuti adzokere, akasvika paJodhani, uye vaJudha vakasvika kuGirigari+ kuti vachingure mambo uye vamuyambutse Jodhani. 16 Shimei+ mwanakomana waGera, muBhenjamini aibva kuBhahurimu, akabva akurumidza kudzika pamwe chete nevarume veJudha kuti anochingura Mambo Dhavhidhi, 17 aine varume 1 000 vekwaBhenjamini. Zibha+ mushandi weimba yaSauro akabva akurumidza kudzikawo kuJodhani mambo asati asvika ikoko, uye aiva nevanakomana vake 15 nevaranda vake 20. 18 Akayambuka* pazambuko racho kuti ayambutse imba yamambo uye kuti aite zvese zvaidiwa namambo. Mambo paakanga ava kuda kuyambuka Jodhani, Shimei mwanakomana waGera akapfugama pamberi pamambo, akadzikisa musoro wake. 19 Akati kuna mambo: “Ishe wangu ngaarege kundipa mhosva, uye musayeuka zvakaipa zvakaitwa nemuranda wenyu+ zuva rakabuda ishe wangu mambo muJerusarema. Mambo ngaarege kuzvichengeta mumwoyo make, 20 nekuti muranda wenyu anonyatsoziva kuti akatadza; saka nhasi ndini ndaita wekutanga paimba yese yaJosefa kuuya kuzochingura ishe wangu mambo.”

21 Abhishai+ mwanakomana waZeruya+ akabva ati: “Shimei haafaniri kuurayirwa izvi here, nekuti akatuka muzodziwa waJehovha?”+ 22 Asi Dhavhidhi akati: “Ko zvinei nemi nhai vanakomana vaZeruya,+ kuti nhasi muite zvinopesana nezvandinoda? Pane munhu anofanira kuurayiwa here pakati paIsraeri nhasi? Handizivi here kuti nhasi ndiri mambo weIsraeri?” 23 Mambo akabva ati kuna Shimei: “Hausi kuzofa.” Uye mambo akaita mhiko kwaari.+

24 Mefibhosheti+ muzukuru waSauro akauyawo kuzochingura mambo. Akanga asina kumbogeza tsoka dzake kana kugera ndebvu dzake* kana kugeza nguo dzake kubvira pazuva rakaenda mambo kusvikira pazuva raakadzoka nerugare. 25 Paakasvika* kuJerusarema kuzochingura mambo, mambo akati kwaari: “Mefibhosheti, wakaregererei kuenda neni?” 26 Iye akati: “Ishe wangu mambo, mushandi wangu+ akandinyengedza. Nekuti muranda wenyu akanga ati, ‘Ndiisire chigaro padhongi rangu kuti ndiritasve, ndiende namambo,’ nekuti muranda wenyu akaremara.+ 27 Asi iye akanyepera muranda wenyu kunashe wangu mambo.+ Zvisinei, ishe wangu mambo akaita sengirozi yaMwari wechokwadi, saka itai chero zvamunoona zvakanaka. 28 Imba yese yababa vangu ingadai yakaurayiwa nashe wangu mambo, asi makatoisa muranda wenyu pane vaya vanodya patafura yenyu.+ Saka ini ndine kodzero yekuramba ndichichema kuna mambo here?”

29 Asi mambo akati kwaari: “Ucharambirei uchingotaura nyaya yacho? Ndasarudza kuti iwe naZibha mugovane munda.”+ 30 Mefibhosheti akabva ati kuna mambo: “Ngaatore hake wese, sezvo ishe wangu mambo adzoka kumba kwake murugare.”

31 Zvino Bhazirai+ muGiriyedhi akadzika kunharaunda yaJodhani achibva kuRogerimu kuti aperekedze mambo kusvika kurwizi. 32 Bhazirai akanga akwegura, ava nemakore 80, uye akapa mambo zvekudya paaigara muMahanaimu,+ nekuti akanga akapfuma chaizvo. 33 Saka mambo akati kuna Bhazirai: “Ngatiyambuke tese, uye ndichakupa zvekudya muJerusarema.”+ 34 Asi Bhazirai akati kuna mambo: “Ndichine mazuva* manganiko andichararama zvekuti ndingaenda namambo kuJerusarema? 35 Iye zvino ndava nemakore 80.+ Ndichagona kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa here? Ini muranda wenyu ndichagona kuravidza zvandinodya nezvandinonwa here? Ndichagona kuteerera inzwi revaimbi vechirume nevechikadzi here?+ Saka nei muranda wenyu achifanira kuwedzera mutoro kuna ishe wangu mambo? 36 Kutoperekedza mambo kusvika paJodhani kwaitwa nemuranda wenyu kwakatokwana. Mambo angadirei kundibhadhara nemubayiro wakadai? 37 Regai muranda wenyu adzokere, uye regai ndifire muguta rangu pedyo nenzvimbo yemakuva yababa vangu naamai vangu.+ Asi hoyu muranda wenyu Kimhamu.+ Ngaayambuke nashe wangu mambo, uye munogona kumuitira zvamunoona kuti zvakanaka.”

38 Saka mambo akati: “Ndichayambuka naKimhamu, uye ndichamuitira zvaunoona kuti ndizvo zvakanaka; ndichakuitira chero chaunondikumbira.” 39 Vanhu vese vakabva vatanga kuyambuka Jodhani, uye mambo paakayambuka akatsvoda Bhazirai,+ akamukomborera; Bhazirai akabva adzokera kumba kwake. 40 Mambo paakayambuka achienda kuGirigari,+ Kimhamu akayambuka naye. Vanhu vese veJudha nehafu yevanhu veIsraeri vakayambutsa mambo.+

41 Varume vese veIsraeri vakabva vauya kuna mambo vakati kwaari: “Nei hama dzedu, ivo varume veJudha, vaita zvekukuverevedzai vakayambutsa mambo Rwizi rwaJodhani neimba yake, nevarume vese vaDhavhidhi?”+ 42 Varume vese veJudha vakapindura varume veIsraeri vachiti: “Nekuti tiri hama dzamambo.+ Nei zvakutsamwisai? Pane chamambo chatambodya here, kana chipo chatapiwa?”

43 Asi varume veIsraeri vakapindura varume veJudha vachiti: “Tiri madzinza 10 muumambo, saka Dhavhidhi ndewedu kukupfuurai. Saka nei matizvidza? Hatisisu taifanira kuva vekutanga kudzosa mambo wedu here?” Asi shoko revarume veJudha rakakunda* shoko revarume veIsraeri.

20 Zvino kwakanga kuine imwe nhubu yainzi Shebha,+ mwanakomana waBhikri, muBhenjamini. Akaridza hwamanda+ akati: “Hatina mugove kuna Dhavhidhi, uye hatina nhaka kumwanakomana waJese.+ Munhu wese ngaaende kuna vanamwari vake,* imi vaIsraeri!”+ 2 Varume vese veIsraeri vakabva varega kutevera Dhavhidhi vakatanga kutevera Shebha mwanakomana waBhikri;+ asi varume veJudha vakaramba vaina mambo wavo, kubvira kuJodhani kusvikira kuJerusarema.+

3 Dhavhidhi paakasvika kumba kwake* kuJerusarema,+ mambo akatora varongo 10 vaakanga asiya vachichengeta imba,+ akavaisa muimba yairindwa. Aivapa zvekudya, asi haana kumborara navo.+ Vakaramba vakavharirwa kusvikira pazuva ravakafa, vachiita sechirikadzi asi ivo vaine murume mupenyu.

4 Mambo akati kuna Amasa:+ “Shevedza varume veJudha vauye kwandiri mumazuva matatu, uye iwe unofanira kunge uripowo.” 5 Saka Amasa akaenda kunoshevedza vanhu veJudha, asi akazodzoka nguva yaakanga anzi adzoke yatopfuura. 6 Dhavhidhi akabva ati kuna Abhishai:+ “Shebha+ mwanakomana waBhikri anogona kutiitira zvakaipa kupfuura zvakaitwa naAbsaromu.+ Tora varanda vashe wako mumudzingirire, kuti asasvika kumaguta akakomberedzwa nemasvingo, tikatadza kumubata.” 7 Saka varume vaJoabhi,+ vaKereti, vaPereti+ nevarume vese vaiva nesimba vakabuda vachimutevera; vakabuda muJerusarema kuti vadzingirire Shebha mwanakomana waBhikri. 8 Pavakanga vava pedyo nedombo guru riri muGibhiyoni,+ Amasa+ akauya kuzosangana navo. Joabhi akanga akapfeka nguo dzake dzehondo, uye akanga akaisa bakatwa muchiuno, riri mumuhara. Paakaswedera pedyo naye, bakatwa racho rakabuda mumuhara rikawira pasi.

9 Joabhi akati kuna Amasa: “Wakadii hama yangu?” Joabhi akabva abata ndebvu dzaAmasa neruoko rwake rwerudyi sekunge ari kuda kumutsvoda. 10 Amasa akanga asina kuchenjerera bakatwa raiva muruoko rwaJoabhi, uye Joabhi akamubaya naro mudumbu,+ ura hwake hukawira pasi. Haana kumbomubaya kaviri; akangomubaya kamwe chete kuti amuuraye. Joabhi naAbhishai mwana waamai vake, vakabva vatevera Shebha mwanakomana waBhikri.

11 Mumwe wevarume vaiva naJoabhi akanomira pedyo naAmasa uye aiti: “Munhu wese ari kudivi raJoabhi uye munhu wese waDhavhidhi, ngaatevere Joabhi!” 12 Munguva yese iyi, Amasa akanga achingoumburuka muropa rake ari pakati pemugwagwa. Murume wacho paakaona kuti vanhu vese vaimira pavaisvika paari, akabvisa Amasa mumugwagwa, akamuisa musango, achibva akanda nguo pamusoro pake. 13 Paakamubvisa mumugwagwa, varume vese vakabva vatevera Joabhi kuti vadzingirire Shebha+ mwanakomana waBhikri.

14 Shebha akapfuura nekumadzinza ese aIsraeri akasvika kuAbheri yeBheti-maaka.+ VaBhikri vakaungana pamwe chete, vakamuteverawo.

15 Joabhi nevarume vake vakasvika vakamukomba muAbheri yeBheti-maaka, vakatanga kuunganidza ivhu vachitenderedza guta racho kuti vakwanise kukwira vorirwisa, sezvo raiva rakakombwa nemurwi wevhu. Varume vese vaiva naJoabhi vakabva vatanga kuchera rusvingo rweguta racho kuti varuputse. 16 Mumwe mukadzi akachenjera akatanga kushevedzera ari muguta achiti: “Teererai munzwe imi varume, teererai! Ndapota, udzai Joabhi kuti auye pano nditaure naye.” 17 Saka Joabhi akaenda pedyo naye, uye mukadzi wacho akati: “Ndiwe Joabhi here?” Iye akati: “Ndini.” Mukadzi wacho akabva ati kwaari: “Teerera unzwe mashoko emuranda wako.” Iye akati: “Taura tinzwe.” 18 Mukadzi wacho akabva ati: “Kare vanhu vaigara vachitaura kuti, ‘Ngavabvunze kuAbheri,’ uye nyaya yavo ichabva yagadziriswa. 19 Ini ndinomiririra vanhu vanoda rugare uye vakatendeka muIsraeri. Uri kuda kuparadza guta rakaita saamai muIsraeri. Ungadirei kuparadza* nhaka yaJehovha?”+ 20 Joabhi akapindura kuti: “Handingambofungi kuriparadza. 21 Handizvo zvandiri kuda kuita. Murume anonzi Shebha+ mwanakomana waBhikri, anobva kunyika ine makomo yaEfremu,+ ndiye apandukira Mambo Dhavhidhi. Kana mukangotipa murume iyeye chete, ndichabva paguta rino.” Mukadzi wacho akabva ati kuna Joabhi: “Uchakandirwa musoro wake nepamusoro perusvingo!”

22 Mukadzi iyeye akachenjera akabva aenda kuvanhu vese, uye vakadimbura musoro waShebha mwanakomana waBhikri, vakaukandira kuna Joabhi. Joabhi akabva aridza hwamanda, vakabva vapararira vachibva paguta racho, mumwe nemumwe achienda kumba kwake;+ uye Joabhi akadzokera kuJerusarema kwaiva namambo.

23 Joabhi ndiye aitungamirira uto rese reIsraeri;+ Bhenaya+ mwanakomana waJehoyadha+ achitungamirira vaKereti nevaPereti.+ 24 Adhoramu+ aitungamirira vaya vakanga vatorwa kuti vaite basa rekumanikidzwa; Jehoshafati+ mwanakomana waAhirudhi ndiye aiva munyori wezvaiitika. 25 Shevha aiva munyori; uye Zadhoki+ naAbhiyatari+ vaiva vapristi. 26 Ira muJairi akava muchinda mukuru* waDhavhidhi.

21 Zvino kwakava nenzara+ mumazuva aDhavhidhi kwemakore matatu akatevedzana, saka Dhavhidhi akabvunza Jehovha nezvazvo, uye Jehovha akati: “Sauro neimba yake vane mhosva yekudeura ropa, nekuti akauraya vaGibhiyoni.”+ 2 Saka mambo akashevedza vaGibhiyoni+ akataura navo. (Zviripo ndezvekuti vaGibhiyoni vakanga vasiri verudzi rwevaIsraeri, asi vaiva vaAmori+ vakanga vasara, uye vaIsraeri vakanga vapika kuti vaisazovauraya,+ asi Sauro akatsvaga kuvauraya paaishingairira vaIsraeri nevaJudha.) 3 Dhavhidhi akati kuvaGibhiyoni: “Chii chandingakuitirai, uye ndingaitei kuti tiyanane, kuti mukomborere vanhu* vaJehovha?” 4 VaGibhiyoni vakati kwaari: “Hatidi sirivha kana goridhe+ kubva kuna Sauro neimba yake, uyewo hazviiti kuti tiuraye munhu muIsraeri.” Akabva ati kwavari: “Ndichakuitirai zvese zvamunotaura.” 5 Vakati kuna mambo: “Nemhaka yekuti murume uya aida kutiparadza, uye akaronga kuti pasambova nemumwe wedu anosara ari mupenyu munharaunda chero ipi zvayo yeIsraeri,+ 6 tipei vanhu 7 pavanakomana vake. Tichaturika zvitunha+ zvavo* pamberi paJehovha muGibhiya+ yaSauro, uyo akasarudzwa naJehovha.”+ Mambo akabva ati: “Ndichavaisa mumaoko enyu.”

7 Asi mambo akanzwira tsitsi Mefibhosheti+ mwanakomana waJonatani, mwanakomana waSauro, nemhaka yemhiko yakaitwa naDhavhidhi naJonatani+ mwanakomana waSauro pamberi paJehovha. 8 Saka mambo akatora Arimoni naMefibhosheti, vanakomana vaviri vaRizpa+ mwanasikana waAya vaakaberekera Sauro, nevanakomana vashanu vaMikari*+ mwanasikana waSauro, vaakaberekera Adrieri+ mwanakomana waBhazirai wekuMehora. 9 Akabva avaisa mumaoko evaGibhiyoni, avo vakabva vaturika zvitunha zvavo mugomo pamberi paJehovha.+ Vese vari 7 vakafa pamwe chete; vakaurayiwa mazuva ekukohwa achangotanga, panguva yekutanga kukohwa bhari. 10 Rizpa+ mwanasikana waAya akabva atora saga akariwaridza padombo kubvira pakutanga kwekukohwa kusvikira zvitunha zvacho zvanayiwa nemvura; haana kurega shiri dzedenga dzichimhara pazviri masikati kana mhuka dzesango dzichiuya pedyo usiku.

11 Dhavhidhi akaudzwa zvakanga zvaitwa nemurongo waSauro, Rizpa mwanasikana waAya. 12 Saka Dhavhidhi akaenda kunotora mapfupa aSauro neemwanakomana wake Jonatani kuvatungamiriri* veJabheshi-giriyedhi,+ avo vakanga vaba zvitunha zvavo munzvimbo yaiungana vanhu yeBheti-shani, mazvakanga zvaturikwa nevaFiristiya pazuva rakaurayiwa Sauro muGiribhoa nevaFiristiya.+ 13 Akauya nemapfupa aSauro neemwanakomana wake Jonatani kubva ikoko uye vakaunganidzawo mapfupa evarume vakanga vaurayiwa.*+ 14 Vakabva vaviga mapfupa aSauro neemwanakomana wake Jonatani muguva raKishi+ baba vaSauro, muguta reZiira,+ munyika yaBhenjamini. Pavakaita zvese zvakanga zvarayirwa namambo, Mwari akanzwa kuteterera kwavaiita kuti nyika yacho inzwirwe nyasha.+

15 Pakaitikazve hondo pakati pevaFiristiya nevaIsraeri.+ Saka Dhavhidhi nevaranda vake vakaenda vakanorwa nevaFiristiya, asi Dhavhidhi akazopedzisira aneta. 16 Mumwe murume wekuvaRefaimu+ ainzi Ishbhi-bhenobhu, uyo aiva nepfumo remhangura rairema mashekeri 300*+ uye aiva nebakatwa idzva, akanga ava kuda kuuraya Dhavhidhi. 17 Abhishai+ mwanakomana waZeruya akabva akurumidza kubatsira+ Dhavhidhi, akawisira muFiristiya wacho pasi, akamuuraya. Panguva iyoyo varume vaDhavhidhi vakaita mhiko kwaari vachiti: “Hamuchafaniri kuenda nesu kuhondo!+ Hamufaniri kudzima rambi raIsraeri!”+

18 Pashure peizvi, hondo yakamukazve nevaFiristiya+ paGobhu. Panguva iyoyo, Sibhekai+ muHusha akauraya Safi wekuvaRefaimu.+

19 Hondo yakatangazve nevaFiristiya+ kuGobhu, uye Erihanani mwanakomana waJaare-oregimu wekuBhetrehema akauraya Goriyati wekuGati, uyo aiva nepfumo raiva nemubato wakanga wakaita sedanda revanogadzira machira.+

20 Hondo yakatangazve kuGati, uko kwaiva nerimwe zirume rainge rakanyanyisa kukura, raiva nemaoko ane zvigunwe 6 paruoko rumwe nerumwe, nezvigunwe 6 patsoka imwe neimwe, zvese pamwe chete zviri 24; uye nairowo raiva rekuvaRefaimu.+ 21 Rakaramba richishora Israeri.+ Saka Jonatani mwanakomana waShimei,+ mukoma waDhavhidhi, akariuraya.

22 Vese vari vana vaiva vekuvaRefaimu vekuGati, uye vakaurayiwa naDhavhidhi nevanhu vake.+

22 Dhavhidhi akaudza Jehovha mashoko erwiyo urwu+ pazuva raakanunurwa naJehovha mumaoko evavengi vake vese+ nemuruoko rwaSauro.+ 2 Akati:

“Jehovha ndiye ibwe rangu nenhare*+ yangu uye ndiye anondinunura.+

 3 Mwari wangu ndiye dombo rangu,+ wandinopotera kwaari,

Nhoo yangu+ nenyanga* yangu yeruponeso,* nzvimbo yangu yekupotera*+

Uye ndiye nzvimbo yangu yekutizira,+ muponesi wangu;+ imi munondiponesa pandinorwiswa.

 4 Ndinoshevedzera kuna Jehovha, uyo akakodzera kurumbidzwa,

Uye ndichaponeswa pavavengi vangu.

 5 Mafungu erufu akandikomba kumativi ese;+

Mafashamo evarume vasingabatsiri akandityisa.+

 6 Tambo dzeGuva* dzakandikomba;+

Rufu rwakateya misungo pamberi pangu.+

 7 Ndakashevedzera kuna Jehovha pandaitambudzika,+

Ndakaramba ndichishevedzera kuna Mwari wangu.

Akabva anzwa inzwi rangu ari mutemberi yake,

Uye kuchemera kwangu kubatsirwa kwakasvika munzeve dzake.+

 8 Nyika yakatanga kuzunguzika uye kudengenyeka, ichienda mberi neshure;+

Nheyo dzedenga dzakazununguka,+

Uye dzakazunguzikira mberi neshure nekuti iye akanga atsamwiswa.+

 9 Utsi hwakakwira huchibva mumhino dzake,

Uye moto unoparadza wakabuda mumuromo make;+

Mazimbe emoto akatsvuka aibva paari.

10 Paaiburuka, akakotamisa denga,+

Uye pasi petsoka dzake paiva nerima gobvu.+

11 Akatasva kerubhi+ ndokuuya achibhururuka.

Aioneka ari pamapapiro emweya.*+

12 Akabva aita kuti rima rimupoteredze setende,+

Mumakore matema akazara nemvura.

13 Pachiedza chaiva pamberi pake pakatsvuka mazimbe aiva nemoto.

14 Jehovha akabva atanga kutinhira ari kudenga;+

Wekumusorosoro akaita kuti inzwi rake rinzwike.+

15 Akapfura miseve yake+ akaita kuti vapararire;

Akatuma mheni, akaita kuti vavhiringidzike.+

16 Pasi pegungwa pakaoneka;+

Nheyo dzenyika dzakaiswa pachena nekutuka kwaJehovha,

Nemhepo ine simba yakabuda mumhino dzake.+

17 Akadzikisa ruoko rwake ari kumusoro;

Akandibata, akandibudisa mumvura yakadzika.+

18 Akandinunura pamuvengi wangu ane simba,+

Pavanhu vaindivenga, vaiva nesimba kundipfuura.

19 Vakandivinga pazuva randaiva mudambudziko,+

Asi Jehovha akanditsigira.

20 Akandibudisa, akandiisa munzvimbo isina njodzi;*+

Akandinunura nekuti aindifarira.+

21 Jehovha anondipa mubayiro unoenderana nekururama kwangu;+

Anondipa mubayiro unoenderana nekuchena* kwemaoko angu.+

22 Nekuti ndakachengeta nzira dzaJehovha,

Uye handina kuita zvakaipa ndichisiya Mwari wangu.

23 Mitongo+ yake yese iri pamberi pangu;

Handizotsauki pamirau yake.+

24 Ndicharamba ndisina mhosva+ pamberi pake,

Uye ndichangwarira kuti ndisakanganisa.+

25 Jehovha ngaandipe mubayiro unoenderana nekururama kwangu,+

Maererano nekuchena kwangu pamberi pake.+

26 Makavimbika kumunhu akavimbika;+

Kumunhu* asina mhosva munoratidza kuti hamuna mhosva;+

27 Kune vakachena munoratidza kuti makachena,+

Asi kune vasina kururama munoratidza kuti makachenjera.*+

28 Nekuti munoponesa vanozvininipisa,+

Asi maziso enyu haafariri vanozvikudza, uye munovaderedza.+

29 Nekuti muri rambi rangu, haiwa Jehovha;+

Jehovha ndiye anondivhenekera pandinenge ndiri murima.+

30 Ndichibatsirwa nemi, ndinogona kumhanya ndichinorwisa boka revapambi;

Nesimba raMwari ndinogona kukwira rusvingo.+

31 Nzira yaMwari wechokwadi yakakwana;+

Shoko raJehovha rakachena.+

Iye inhoo kune vese vanopotera kwaari.+

32 Nekuti ndiani mumwe Mwari kunze kwaJehovha?+

Nderipi rimwe dombo kunze kwaMwari wedu?+

33 Mwari wechokwadi ndiye nhare yangu yakasimba,+

Uye achaita kuti nzira yangu ive muchechetere.+

34 Anoita kuti tsoka dzangu dziite sedzenondo;

Anoita kuti ndimire panzvimbo dzakakwirira.+

35 Anodzidzisa maoko angu hondo;

Maoko angu anogona kukombamisa uta hwemhangura.

36 Munondipa nhoo yenyu yeruponeso,

Uye kuzvininipisa kwenyu kunoita kuti ndive mukuru.+

37 Munoita kuti nzira yandinofamba ive yakafara;

Tsoka dzangu hadzizotsvedzi.*+

38 Ndichadzingirira vavengi vangu ndovaparadza;

Handizodzoki kusvikira vatsvairwa vese.

39 Ndichavatsvaira vese uye ndichavapwanya, kuti varege kusimuka;+

Vachawira pasi ndovatsika.

40 Muchandipa simba rekurwa hondo;+

Muchaita kuti vavengi vangu vadonhe pamberi pangu.+

41 Muchaita kuti vavengi vangu vanditize;+

Ndichaparadza* vaya vanondivenga.+

42 Vanochemera kubatsirwa, asi hapana anovaponesa;

Vanotochema kuna Jehovha, asi haavapinduri.+

43 Ndichavakuya-kuya votsetseka seguruva renyika;

Ndichavakuya ndovatsika-tsika sematope emumigwagwa.

44 Muchandinunura pakutsvagirwa mhosva nevanhu vangu.+

Muchandichengetedza kuti ndive mutungamiriri wemarudzi;+

Vanhu vandanga ndisingazivi vachandishandira.+

45 Vanhu vekune dzimwe nyika vachauya kwandiri vachidedera;+

Zvavanonzwa pamusoro pangu zvichaita kuti vanditeerere.*

46 Vanhu vekune dzimwe nyika vachatya;*

Vachauya vachibvunda vachibva munhare dzavo.

47 Jehovha mupenyu! Dombo rangu ngarirumbidzwe!+

Mwari weruponeso rwangu ngaakudzwe.+

48 Mwari wechokwadi anotsiva vavengi vangu;+

Anoisa marudzi pasi pangu;+

49 Anondinunura pavavengi vangu.

Munondisimudza+ mondiisa pamusoro pevaya vanondirwisa;

Munondinunura pamunhu anoita zvemhirizhonga.+

50 Ndokusaka ndichakutendai ndiri pakati pemarudzi, haiwa Jehovha,+

Uye ndichaimba* ndichirumbidza zita renyu:+

51 Iye anoitira mambo wake mabasa makuru eruponeso;+

Anoratidza rudo rusingachinji kumuzodziwa wake,

Kuna Dhavhidhi nekuvana* vake nekusingaperi.”+

23 Aya ndiwo mashoko ekupedzisira aDhavhidhi:+

“Shoko raDhavhidhi mwanakomana waJese,+

Shoko remurume akakwidziridzwa chaizvo,+

Muzodziwa waMwari waJakobho,+

Muimbi* anofadza wenziyo+ dzaIsraeri.

 2 Mweya waJehovha wakataura nekwandiri;+

Shoko rake raiva parurimi rwangu.+

 3 Mwari waIsraeri akataura;

Dombo raIsraeri+ rakati kwandiri:

‘Kana uya anotonga vanhu ari munhu akarurama,+

Achitonga achitya Mwari,+

 4 Zvinoita sechiedza chemangwanani zuva parinobuda,+

Mangwanani ane denga risina makore.

Zvinoita sechiedza chinovapo kana mvura yamira kunaya,

Uswa hwobva hwamera panyika.’+

 5 Imba yangu haina kuita saizvozvo pamberi paMwari here?

Nekuti akaita neni sungano inogara nekusingaperi,+

Sungano yakanyatsorongwa uye isingazochinji.

Nekuti ndiyo inoita kuti ndiponeswe uye ndifare kwazvo,

Handizvo zvinoita kuti aite kuti ibudirire here?+

 6 Asi varume vese vasingabatsiri vanokandwa kure+ semakwenzi eminzwa,

Nekuti haagoni kubatwa neruoko.

 7 Munhu paanoabata,

Anofanira kunge aine chombo chesimbi nemubato wepfumo,

Uye makwenzi acho anofanira kupiswa nemoto kusvika apera ari paari ipapo.”

8 Aya ndiwo mazita evarwi vaDhavhidhi vaiva nesimba:+ Joshebhi-bhashebheti muTakemoni uyo aiva mukuru pavarwi vatatu.+ Pane imwe nguva akatora pfumo rake akauraya varume 800. 9 Aiteverwa naEriyezari+ mwanakomana waDhodho+ mwanakomana waAhohi uyo aiva mumwe wevarwi vatatu vaiva nesimba vakanga vaina Dhavhidhi pavakashora vaFiristiya. VaFiristiya vakanga vaungana ikoko kuti varwe, uye pakatiza varume veIsraeri, 10 iye haana kutiza, akaramba achiuraya vaFiristiya kusvikira ruoko rwake rwaneta uye rwava kurwadza nekuramba akangobata bakatwa.+ Saka Jehovha akaita kuti pave nekukunda kukuru* zuva iroro;+ uye vanhu vakadzoka vakatevera Eriyezari kuti vatore zvipfeko nezvimwe zvinhu zvevanhu vakanga vaurayiwa.

11 Aiteverwa naShamaa mwanakomana waAgee muHarari. VaFiristiya vakaungana paRehi, apo paiva nemunda wakanga wakazara nenyemba; uye vanhu vakatiza vaFiristiya. 12 Asi iye akamira pakati pemunda wacho, akaita kuti usatorwa uye akaramba achiuraya vaFiristiya, zvekuti Jehovha akaita kuti pave nekukunda kukuru.*+

13 Vakuru vatatu vaibva pavakuru 30 vakaenda kwaiva naDhavhidhi kubako reAdhuramu+ panguva yekukohwa, uye uto revaFiristiya rakanga rakadzika musasa muBani reRefaimu.+ 14 Panguva iyoyo Dhavhidhi aiva munhare,*+ uye boka revarwi vanorinda revaFiristiya raiva muBhetrehema. 15 Dhavhidhi akabva ataura zvaiva pamwoyo pake achiti: “Kudai ndaikwanisa hangu kunwa mvura yemumugodhi uri pedyo negedhi rekuBhetrehema!” 16 Varwi vacho vatatu vaiva nesimba vakabva vapinda mumusasa wevaFiristiya nechisimba, vakachera mvura mumugodhi waiva pedyo negedhi rekuBhetrehema, vakaenda nayo kuna Dhavhidhi; asi akaramba kuinwa, akaidururira pasi pamberi paJehovha.+ 17 Akati: “Handingambofungi kuita zvakadaro, haiwa Jehovha! Ndinganwa ropa+ revarume vaenda kunochera mvura vachiisa upenyu hwavo* pangozi here?” Saka akaramba kuinwa. Izvi ndizvo zvakaitwa nevarwi vake vatatu vaiva nesimba.

18 Abhishai+ uyo aiva mwanakomana waZeruya,+ amai vaJoabhi, aiva mutungamiriri pavamwe vatatu; akatora pfumo rake akauraya vanhu 300, uye aiva nembiri yakaita seyevatatu vaya.+ 19 Kunyange zvazvo aikudzwa kupfuura vese pavamwe vatatu uye ari mukuru wavo, haana kusvika pachinzvimbo chevatatu vekutanga.

20 Bhenaya+ mwanakomana waJehoyadha aiva murume akashinga* akaita mabasa mazhinji muKabhuzeeri.+ Akauraya vanakomana vaviri vaArieri wekuMoabhi, uye akapinda mugomba mumwe musi kuchinaya chando, akauraya shumba.+ 21 Akaurayawo mumwe murume wekuIjipiti akanga akanyanyisa kukura. Kunyange zvazvo muIjipiti wacho akanga akabata pfumo, akaenda kunorwa naye aine tsvimbo, akabvuta pfumo racho muruoko rwemuIjipiti wacho, akamuuraya nepfumo rake. 22 Izvi ndizvo zvinhu zvakaitwa naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, uye aiva nembiri yakaita seyevarwi vatatu vaiva nesimba. 23 Kunyange zvazvo aikudzwa kutopfuura vane makumi matatu, haana kusvika pachinzvimbo chevatatu vaya. Asi Dhavhidhi akamugadza kuva mukuru wevarindi vake.

24 Asaheri+ uyo aiva wemudumbu rimwe chete naJoabhi aiva mumwe wevane makumi matatu vanoti: Erihanani mwanakomana waDhodho wekuBhetrehema,+ 25 Shamaa muHarodhi, Erika muHarodhi, 26 Herezi+ muPariti, Ira+ mwanakomana waIkeshi muTekoa, 27 Abhi-ezeri+ muAnatoti,+ Mebhunai muHusha, 28 Zarimoni muAhohi, Maharai+ muNetofa, 29 Herebhu mwanakomana waBhaana muNetofa, Itai mwanakomana waRibhai wekuGibhiya yevaBhenjamini, 30 Bhenaya+ muPiratoni, Hidhai wekunzizi* dzeGaashi,+ 31 Abhi-aribhoni muAbhati, Azmavheti muBha-humu, 32 Eriyabha muShaaribhoni, vanakomana vaJasheni, Jonatani, 33 Shamaa muHarari, Ahiyamu mwanakomana waSharari muHarari, 34 Erifereti mwanakomana waAhasibhai mwanakomana wemuMaakati, Eriyamu mwanakomana waAhitoferi+ muGiro, 35 Hezro muKameri, Paarai muAbhi, 36 Igari mwanakomana waNatani wekuZobha, Bhani muGadhi, 37 Zereki muAmoni, Naharai muBheeroti, uyo aiva mutakuri wezvombo zvaJoabhi mwanakomana waZeruya, 38 Ira muItri, Garebhi muItri,+ 39 naUriya+ muHiti, vese pamwe chete vari 37.

24 Jehovha akatsamwirazve vaIsraeri zvikuru,+ Dhavhidhi paakafurirwa kuti avaitire zvakaipa, achinzi: “Enda unoverenga+ vaIsraeri nevaJudha.”+ 2 Saka mambo akati kuna Joabhi+ mukuru weuto waaiva naye: “Tendererai mumadzinza ese aIsraeri, kubva kuDhani kusvika kuBheeri-shebha,+ muverenge vanhu, kuti ndizive kuti vangani.” 3 Asi Joabhi akati kuna mambo: “Jehovha Mwari wenyu ngaawedzere vanhu zvakapetwa kazana uye maziso ashe wangu mambo ngaazvione, asi nei ishe wangu mambo ari kuda kuita zvakadai?”

4 Asi shoko ramambo rakakunda raJoabhi nevakuru veuto. Saka Joabhi nevakuru veuto vakabva pamberi pamambo kuti vanoverenga vaIsraeri.+ 5 Vakayambuka Jodhani, vakadzika musasa paAroeri+ kurudyi rweguta* riri pakati pebani, uye vakaenda vakananga kunyika yevaGadhi, ndokupfuurira vachienda kuJazeri.+ 6 Pashure paizvozvo vakaenda kuGiriyedhi+ nenyika yeTatimu-hodhishi, vakapfuurira vachienda kuDhani-jaani, vachibva vapoterera vachienda kuSidhoni.+ 7 Vakabva vaenda kunhare yeTire+ nemaguta ese evaHivhi+ neevaKenani, vakazopedzisira vasvika muNegebhu+ yeJudha kuBheeri-shebha.+ 8 Saka vakatenderera munyika yese vakasvika kuJerusarema papera mwedzi 9 nemazuva 20. 9 Joabhi akabva apa mambo nhamba yevanhu vakanga vaverengwa. VaIsraeri vakasvika varwi 800 000 vaiva nemapakatwa, uye varume veJudha vaiva 500 000.+

10 Asi hana yaDhavhidhi yakatanga kunetseka chaizvo+ pashure pekunge averenga vanhu. Dhavhidhi akabva ati kuna Jehovha: “Ndatadza+ chaizvo nezvandaita izvi. Saka ndapota Jehovha, regererai mhosva yemushumiri wenyu,+ nekuti ndaita zveupenzi chaizvo.”+ 11 Dhavhidhi paakamuka mangwanani, shoko raJehovha rakasvika kumuprofita Gadhi,+ muoni waDhavhidhi, richiti: 12 “Enda unoti kuna Dhavhidhi, ‘Zvanzi naJehovha: “Ndiri kukupa zvinhu zvitatu. Sarudza chimwe chete chaunoda kuti ndiunze pauri.”’”+ 13 Saka Gadhi akapinda maiva naDhavhidhi akati kwaari: “Unoda kuti munyika yako muve nenzara kwemakore 7 here?+ Kana kuti unoda kutiza vavengi vako vachikudzingirira kwemwedzi mitatu here?+ Kana kuti unoda here kuti munyika yako muite denda kwemazuva matatu?+ Zvino nyatsofungisisa zvandinofanira kunopindura kune andituma.” 14 Saka Dhavhidhi akati kuna Gadhi: “Nyaya iyi iri kunditambudza chaizvo. Regai henyu tiwire muruoko rwaJehovha,+ nekuti ane tsitsi huru;+ musandirega ndichiwira muruoko rwemunhu.”+

15 Jehovha akabva aunza denda+ pavaIsraeri kubva mangwanani kusvika panguva yakanga yasarudzwa, zvekuti pakafa vanhu 70 000,+ kubva kuDhani kusvika kuBheeri-shebha.+ 16 Ngirozi payakatambanudzira ruoko rwayo kuJerusarema kuti iriparadze, Jehovha akazvidemba* pamusoro pedambudziko racho,+ uye akati kungirozi yakanga ichiparadza vanhu: “Zvakwana! Chidzikisa ruoko rwako.” Ngirozi yaJehovha yaiva pedyo neburiro* remuJebhusi+ anonzi Arauna.+

17 Dhavhidhi paakaona ngirozi yakanga ichiuraya vanhu, akati kuna Jehovha: “Ndini ndakatadza uye ndini ndakakanganisa; asi makwai+ aya akaitei? Ndapota, ruoko rwenyu ngarundirove ini neimba yababa vangu.”+

18 Saka Gadhi akapinda maiva naDhavhidhi zuva iroro akati kwaari: “Enda ugadzirire Jehovha atari paburiro* raArauna muJebhusi.”+ 19 Dhavhidhi akaenda akanoita zvakanga zvataurwa naGadhi, uyo akanga arayirwa naJehovha. 20 Arauna paakatarisa zasi ndokuona mambo nevaranda vake vachiuya kwaari, Arauna akabva akurumidza kubuda akaenda kuna mambo akakotama pamberi pake. 21 Arauna akabvunza kuti: “Nei ishe wangu mambo auya kumuranda wake?” Dhavhidhi akati: “Kuzotenga buriro kwauri kuti ndivakire Jehovha atari, kuti denda riri pavanhu rimiswe.”+ 22 Asi Arauna akati kuna Dhavhidhi: “Ishe wangu mambo ngaaritore abayire zvaanoda.* Pano ndine mombe dzechibayiro chinopiswa, nechirei chekupurisa, nemajoko emombe kuti zvive huni. 23 Arauna anopa mambo zvinhu zvese izvi, haiwa mambo.” Arauna akabva ati kuna mambo: “Jehovha Mwari wenyu ngaakukomborerei.”

24 Asi mambo akati kuna Arauna: “Aiwa, ndinofanira kuritenga kwauri. Handisi kuzopa Jehovha Mwari wangu zvibayiro zvinopiswa zvandisina kutenga.” Saka Dhavhidhi akatenga buriro nemombe dzacho nemashekeri* 50 esirivha.+ 25 Dhavhidhi akavakira Jehovha atari+ ipapo, akapa zvibayiro zvinopiswa nezvibayiro zverugare. Jehovha akabva anzwa kuteterera kwavaiita kuti nyika inzwirwe nyasha,+ uye denda raiva pavaIsraeri rakabva rapera.

Kana kuti “kunouraya.”

Kana kuti “asi ndichine mweya wangu wese.”

ChiHeb., “Ropa rako riri pamusoro wako.”

Kana kuti “vaifadza kuva navo.”

Kana kuti “akwikwidzane.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “vakafamba nemuBhitironi yese.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

ChiHeb., “musoro wembwa.”

Kana kuti “zvinodiwa nemweya wenyu.”

ChiHeb., “nemhaka yeropa raAsaheri.”

Zvingava zvichireva murume akaremara aiita basa raiitwa nevanhukadzi.

Hwanyanza kana kuti banda chinhu chaigadzirirwa kutakurisa chitunha.

ChiHeb., “nemhangura.”

ChiHeb., “nevanakomana vasina kururama.”

ChiHeb., “Mwanakomana waSauro.”

ChiHeb., “maoko ake akapera simba.”

Kana kuti “aitsvaga mweya wenyu.”

Kana kuti “akadzikinura mweya wangu.”

Kana kuti “Tiri hama dzenyu chaidzo.”

ChiHeb., “ndimi maibudisa uye maipinza vaIsraeri.”

Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.

Kana kuti “nemweya waDhavhidhi.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “akaitumidza.”

Kana kuti “paMiro.” Iri ishoko rechiHebheru rinoreva kuti “zadza.”

Kana kuti “muzinda.”

Kureva kuti “Shasha Yekupaza.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “pakati.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kureva kuti “Kuputikira Uza Nehasha.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Chingwa ichi cheraundi chaiva neburi pakati.

Kana kuti “mumuzinda wake.”

ChiHeb., “nevanakomana vaIsraeri.”

ChiHeb., “ndichadimbura.”

Kana kuti “nedzinza remadzimambo.”

ChiHeb., “mbeu.”

ChiHeb., “uyo achabuda mauri.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “vaAdhamu.”

Kana kuti “mutemo.”

Kana kuti “ndizvo zvinodiwa nemwoyo wenyu.”

Kana kuti “dzinza remadzimambo.”

Kana kuti “madzira.”

Kana kuti “apone.”

Kana kuti “akatsvenesa.”

Kana kuti “apone.”

ChiHeb., “vakava vapristi.”

ChiHeb., “uchadya chingwa.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “yangu.”

Kana kuti “nekuriongorora.”

Kana kuti “kubva kuvarume vekuTobhu.”

Kana kuti “nevarume vekuTobhu.”

Kureva, Yufratesi.

Kureva, mumasutso.

Kana kuti “zuva rava kunodoka.”

Zvichida kusachena kwekuenda kumwedzi.

ChiHeb., “ugeze tsoka dzako.”

Kureva, chipo chaitumirwa nasamusha kumuenzi waairemekedza.

Kana kuti “neupenyu hwemweya wenyu.”

ChiHeb., “zvakanga zvakaipa mumaziso aJehovha.”

Kana kuti “ndichiapa murume wekwako.”

ChiHeb., “zuva iri rakatarisa.”

Kana kuti “asiyawo chivi chenyu chichipfuura.”

Zita iri rinobva pashoko rechiHebheru rinoreva kuti “Rugare.”

Kureva kuti “Anodiwa naJah.”

Zvingava zvichireva kwaiwanikwa mvura muguta racho.

ChiHeb., “zita rangu roshevedzwa pariri.”

Marikamu chinogona kunge chaiva chidhori chainamatwa nevaAmoni.

Tarenda rainge rakaenzana nemakirogiramu 34,2. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Kana kuti “chingwa chekunyaradza.”

Kana kuti “chingwa chekunyaradza.”

Kana kuti “nechingwa chekunyaradza.”

Kana kuti “yakashongedzwa.”

ChiHeb., “akamukomborera.”

ChiHeb., “kuisa mumwoyo make.”

Kana kuti “akanga azvinyaradza pakufa kwaAmnoni.”

Kana kuti “mweya wemumwe wake.”

Kureva, mwana waaitarisira kuti ndiye chete asara kuti amuberekere vazukuru.

Kana kuti “mweya.”

Kana kuti “nemweya wenyu.”

Kana kuti “hapana angaenda kurudyi kana kuruboshwe achibva pane zvataurwa nashe wangu mambo.”

Makirogiramu anenge 2,3. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Ichi chinogona kunge chaiva chiyereso chaiva mumuzinda wamambo kana kuti shekeri ramambo iro raiva rakasiyana neshekeri raishandiswa nevamwe vanhu vese.

Dzimwe shanduro dzinoti, “makore 40.”

Kana kuti “ndichanamata.” ChiHeb., “ndichashumira.”

ChiHeb., “Enda nerugare.”

Kana kuti “vasori.”

Kana kuti “muzinda.”

Kana kuti “vese avo vaiyambuka vari padivi pake.”

Kana kuti “vaiyambuka mambo akavatarisa.”

Kana kuti “shamwari yepedyo.”

Kunyanya maonde uye zvichidawo nemichero yemichindwe.

Kana kuti “muzukuru.”

Kana kuti “achitsvaga mweya wangu.”

Kana kuti “shamwari yepedyo.”

Kana kuti “rudo rusingachinji.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “muzinda.”

Kana kuti “aionekwa sekutobvunza Mwari.”

Kana kuti “maoko ake asisina simba.”

Kana kuti “mugomba; mugoronga.”

Kana kuti “arayira.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “mapani akaita gwenga.”

ChiHeb., “vangamedzwa.”

Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

ChiHeb., “nemukaka wemombe wakakora.”

ChiHeb., “havazoisi mwoyo yavo patiri.”

ChiHeb., “pakati pedenga nenyika.”

ChiHeb., “ndaizoyera muzvanza zvangu.”

Kana kuti “ndobva ndaita unyengeri hwekurwisa mweya wake.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “miseve; mapfumo.”

ChiHeb., “yekudunhu.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “Vakayambuka.”

Kana kuti “usopo hwake.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “Paakabva.”

ChiHeb., “mazuva emakore.”

Kana kuti “rakava nesimba kupfuura.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “kumatende ake.”

Kana kuti “kumuzinda wake.”

ChiHeb., “kumedza.”

ChiHeb., “akava mupristi.”

ChiHeb., “nhaka.”

ChiHeb., “Tichavaisa pachena,” kureva kuti maoko avo nemakumbo zvakatyorwa.

Dzimwe shanduro dzinoti, “vaMerabhu.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “kuvaridzi venyika.”

ChiHeb., “vaiswa pachena.”

Makirogiramu anenge 3,42. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “nemununuri wangu ane simba.”

Kana kuti “yakakwirira yakachengeteka.”

Kana kuti “dzeSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “emhepo.”

Kana kuti “munzvimbo yakakura.”

Kana kuti “nekusava nemhosva.”

Kana kuti “Kumurume ane simba.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “munoita sebenzi.”

Kana kuti “Zviziso zvetsoka dzangu hazvizotsvedzi.”

ChiHeb., “Ndichanyararidza.”

ChiHeb., “Nzeve painonzwa, vachanditeerera.”

Kana kuti “vachapera simba.”

Kana kuti “ndicharidza rwiyo.”

ChiHeb., “mbeu.”

Kana kuti “Munhu.”

Kana kuti “neruponeso rukuru.”

Kana kuti “neruponeso rukuru.”

Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.

Kana kuti “mweya yavo.”

ChiHeb., “mwanakomana wemurume akashinga.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Bani.”

Kana kuti “kumaodzanyemba kweguta.”

Kana kuti “akashungurudzika.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

ChiHeb., “zvaanoona kuti zvakanaka mumaziso ake.”

Shekeri rimwe chete rainge rakaenzana nemagiramu 11,4. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe