16 Ngirozi+ yakaramba yakatambanudzira ruoko rwayo kuJerusarema kuti iriparadze; Jehovha akatanga kuzvidemba+ pamusoro pedambudziko racho, naizvozvo akati kungirozi yakanga ichiparadza vanhu: “Zvakwana! Chidzikisa ruoko rwako.” Ngirozi yaJehovha yaiva pedyo neburiro raArauna+ muJebhusi.+