18 Zvino Absaromu, paaiva achiri mupenyu, akanga atora shongwe, akazvimisira shongwe+ yacho, iri muBani raMambo,+ nokuti akati: “Handina mwanakomana achazoita kuti zita rangu rirambe richiyeukwa.”+ Naizvozvo akatumidza shongwe yacho zita rake,+ uye ichiri kunzi Shongwe yaAbsaromu kusvikira nhasi.