Chishanu, October 16
Usarega mwoyo wako uchitsaukira kunzira dzake. Usarasikira mumakwara ake.—Zvir. 7:25.
Nyaya yakataurwa naSoromoni inoratidza zvinogona kuitika kumunamati waJehovha chero upi zvake. Anogona kuita chivi chakakura ozonzwa sekunge kuti zvinhu zvese zvangoerekana zvaitika. Kana kuti angataura kuti, “Zvakangoitika.” Asi kana akafunga zvakanyatsoitika zvacho, achaona kuti ane zvisarudzo zvisina uchenjeri zvakamutungamirira kuchivi. Zvisarudzo izvozvo zvingasanganisira ushamwari hwakaipa, kuvaraidzwa nezvinhu zvisina kunaka kana kuti kupota achienda panzvimbo dzinomutsa mubvunzo, dzingava nzvimbo chaidzo kana kuti dzepaIndaneti. Zvimwe anogonawo kunge akarega kunyengetera, kuverenga Bhaibheri, kupinda misangano kana kuita ushumiri. Kufanana nejaya rinotaurwa muna Zvirevo, anogona kunge asina kungoerekana aita chivi. Chii chatinodzidza? Hatifaniri kungogumira pakudzivisa chivi asiwo zvinhu zvinogona kuita kuti tipedzisire taita chivi. Izvi ndizvo chaizvo zvakataurwa naSoromoni pashure pekutsanangura zvakaitika.—Mat. 5:29, 30. w24.07 16 ¶10-11
Mugovera, October 17
Tine pfuma iyi mumidziyo yevhu.—2 VaK. 4:7.
Pfuma iri kutaurwa murugwaro rwedu rwanhasi ndeipi? Ibasa rekuparidza mashoko eUmambo iro rinoponesa upenyu. (2 VaK. 4:1) Midziyo yevhu chii? Inomiririra vashumiri vaMwari avo vanoudza vamwe mashoko akanaka. Panguva yaPauro, vatengesi vaishandisa midziyo yevhu pakutakura zvinhu zvinokosha zvakadai sechikafu, waini, uye mari. Saizvozvowo, Jehovha akatipa mashoko akanaka ayo anokosha. Tichibatsirwa naJehovha tinogona kuva nesimba ratinoda kuti tirambe tichiparidza. Dzimwe nguva tinogona kutya vanhu. Tingakurira sei kutya ikoko? Funga nezvemunyengetero wevaapostora pavakaudzwa kuti vasaparidza. Vaapostora havana kutya asi vakakumbira Jehovha kuti avabatsire kuramba vachitaura neushingi. Jehovha akabva angopindura munyengetero wavo. (Mab. 4:18, 29, 31) Kana kutya vanhu kuchimboita kuti uzvidye mwoyo paunenge uchiparidza, kumbira Jehovha kuti asimbise kuda kwaunoita vanhu kuitira kuti usatya kuvaudza mashoko akanaka. w24.04 16 ¶8-9
Svondo, October 18
Baba vedu vari kudenga, zita renyu ngaritsveneswe.—Mat. 6:9.
Kuda kwatinoita Jehovha kunoita kuti titsvenese zita rake. Tinoda kuita zvatinogona kuti tichenese zita rake pakusvibiswa kwarakaitwa nenhema dzakataurwa naSatani. (Gen. 3:1-5; Job. 2:4; Joh. 8:44) Muushumiri hwedu, tinoda chaizvo kuudza vanhu nezvaMwari tichitaura chokwadi nezvake kuvanhu vese vachatiteerera. Tinoda kuti munhu wese azive kuti rudo ndihwo unhu hukuru kupfuura humwe hwese huna Jehovha, kuti matongero ake akarurama, uye kuti munguva pfupi iri kuuya, Umambo hwake huchapedza kutambura kwese hwoita kuti vanhu vave nerugare nemufaro. (Pis. 37:10, 11, 29; 1 Joh. 4:8) Patinoudza vanhu zvinhu izvi nezvaJehovha, tinotsvenesa zita rake. Tinogutsikanawo patinoziva kuti tiri kurarama zvinoenderana nezita redu. w24.05 18 ¶12