VATONGI
1 Pashure pekufa kwaJoshua,+ vaIsraeri* vakabvunza Jehovha+ vachiti: “Pakati pedu ndiani achatanga kuenda kunorwisa vaKenani?” 2 Jehovha akapindura kuti: “Judha ndiye achaenda.+ Inzwai! Ndiri kuisa* nyika yacho mumaoko ake.” 3 Judha akabva ati kumukoma wake Simiyoni: “Handei tese kunyika yandakapiwa*+ kuti tinorwa nevaKenani. Ini ndichazoendawo newe kunyika yawakapiwa.” Saka Simiyoni akaenda naye.
4 Vedzinza raJudha pavakaenda, Jehovha akaisa vaKenani nevaPerizi mumaoko avo,+ uye vakakunda varume 10 000 kuBhezeki. 5 Vakawana Adhoni-bhezeki kuBhezeki, vakarwa naye ikoko vakakunda vaKenani+ nevaPerizi.+ 6 Adhoni-bhezeki paakatiza, vakamudzingirira vakamubata, vakamudimbura zvigunwe zvihombe zvemumaoko nezvigunwe zvihombe zvemutsoka. 7 Adhoni-bhezeki akabva ati: “Kune madzimambo 70 akadimburwa zvigunwe zvihombe zvemumaoko nezvigunwe zvihombe zvemutsoka ari kunhonga zvekudya pasi petafura yangu. Mwari andiitira zvandakaitira vamwe.” Pashure paizvozvo vakamuunza kuJerusarema,+ akafira ikoko.
8 Varume vedzinza raJudha vakarwawo neJerusarema+ vakaritora; vakariparadza nebakatwa, vakaripisa nemoto. 9 Pashure pacho, varume vekwaJudha vakaenda kunorwa nevaKenani vaigara munyika ine makomo, muNegebhu nemuShefera.+ 10 Saka varume vekwaJudha vakaenda kunorwisa vaKenani vaigara muHebroni (Hebroni yaimbonzi Kiriyati-abha), uye vakauraya Sheshai, naAhimani, naTarimai.+
11 Vakabva ipapo vakaenda kunorwisa vagari vekuDhebhiri.+ (Dhebhiri yaimbonzi Kiriyati-seferi.)+ 12 Karebhi+ akabva ati: “Munhu anorwisa Kiriyati-seferi oitora, ndichamupa mwanasikana wangu Akisa kuti ave mudzimai wake.”+ 13 Otinieri+ mwanakomana waKenazi+ munin’ina waKarebhi, akabva aitora. Saka akamupa mwanasikana wake Akisa kuti ave mudzimai wake. 14 Akisa paakanga achienda kumba kwemurume wake Otinieri, akamukurudzira kuti akumbire nzvimbo kuna baba vake, Karebhi. Akisa akabva aburuka padhongi rake.* Karebhi akamubvunza kuti: “Uri kudei?” 15 Iye akati kuna baba vake: “Ndinokumbirawo kuti mundipe chikomborero nekuti mandipa nzvimbo iri kumaodzanyemba;* ndipeiwo neGuroti-maimu.”* Saka Karebhi akamupa Guroti Yekumusoro neGuroti Yekuzasi.
16 Zvino vazukuru vemuKeni,+ uyo aiva tezvara vaMozisi,+ vakabuda muguta remiti yemichindwe+ nevanhu vekwaJudha ndokuenda kurenje reJudha, riri kumaodzanyemba kweAradhi.+ Vakaenda ikoko vakagara nevanhu veko.+ 17 Asi Judha akaramba achifamba nemukoma wake Simiyoni, vakarwisa vaKenani vaigara muguta reZefati, vakaritsaura kuti riparadzwe.+ Saka vakapa guta racho zita rekuti Homa.*+ 18 Zvadaro, Judha akatora Gaza+ nenharaunda yayo, Ashkeroni+ nenharaunda yayo, uye Ekroni+ nenharaunda yayo. 19 Jehovha aiva nevanhu vekwaJudha, uye vakatora nyika yekumakomo kuti ive yavo, asi havana kukwanisa kudzinga vanhu vaigara mubani, nekuti vaiva nengoro dzehondo dzaiva nemajeko esimbi.*+ 20 Vakapa Hebroni kuna Karebhi, sezvakanga zvavimbiswa naMozisi,+ uye Karebhi akadzinga vanakomana vatatu vaAnaki+ imomo.
21 Asi vaBhenjamini havana kudzinga vaJebhusi vaigara muJerusarema, saka nanhasi+ vaJebhusi vachiri kugara nevaBhenjamini muJerusarema.
22 Munguva iyi, imba yaJosefa+ yakaendawo kunorwa neBheteri, uye Jehovha akanga ainavo.+ 23 Imba yaJosefa yaisora Bheteri (sezvineiwo, guta racho raimbonzi Ruzi),+ 24 uye vasori vacho vakaona mumwe murume achibuda muguta. Saka vakati kwaari: “Tiratidzewo nzira yekupinda nayo muguta, uye tichakuitira zvakanaka.”* 25 Murume wacho akabva avaratidza nzira yekupinda nayo muguta, vakarwisa guta racho nebakatwa, asi vakasiya murume wacho nemhuri yake yese vachienda havo.+ 26 Murume wacho akaenda kunyika yevaHiti, akavaka guta, akaritumidza kuti Ruzi, uye nanhasi ndiro zita reguta racho.
27 Manase haana kudzinga vanhu vemuBheti-sheyani nemaguta madiki aiva akaipoteredza, vanhu vemuTaanaki+ nemaguta madiki aiva akaipoteredza, vanhu vemuDhori nemaguta madiki aiva akaipoteredza, vanhu vemuIbreyamu nemaguta madiki aiva akaipoteredza, vanhu vemuMegidho nemaguta madiki aiva akaipoteredza.+ VaKenani vakaramba vachigara munyika iyi. 28 VaIsraeri pavakanga vava nesimba, vakaita kuti vaKenani vaite basa rekumanikidzwa,+ pane kuvadzinga vese.+
29 Efremu haanawo kudzinga vaKenani vaigara muGezeri. VaKenani vakaramba vachigara pakati pavo muGezeri.+
30 Zebhuroni haana kudzinga vagari vekuKitroni nevagari vekuNaharori.+ VaKenani vakaramba vachigara pakati pavo uye vaiitiswa basa rekumanikidzwa.+
31 Asheri haana kudzinga vagari vekuAko nevagari vekuSidhoni,+ Aarabhu, Akzibhu,+ Heribha, Afiki,+ neRehobhu.+ 32 Saka vaAsheri vakaramba vachigara pakati pevaKenani vaigara munyika yacho nekuti havana kuvadzinga.
33 Naftari haana kudzinga vagari vekuBheti-shemeshi nevagari vekuBheti-anati,+ asi vakaramba vachigara pakati pevaKenani vaigara munyika yacho.+ Vagari vekuBheti-shemeshi nevekuBheti-anati vakava vashandi vavo vavaiitisa basa rekumanikidzwa.
34 VaAmori vakavharira vaDhani kumakomo; havana kuvabvumira kuti vadzike mubani.+ 35 Saka vaAmori vakaramba vachigara muGomo reHeresi, muAijaroni+ nemuShaaribhimu.+ Asi imba yaJosefa payakawedzera kuva nesimba,* yakatanga kuvaitisa basa rakaoma. 36 Nharaunda yevaAmori yaitangira pamukwidza weAkrabhimu,+ kubvira kuSera zvichikwidza.
2 Zvino ngirozi yaJehovha+ yakabva kuGirigari+ ikaenda kuBhokimu, ikati: “Ndakakubudisai muIjipiti, ndikakupinzai munyika yandakapikira madzitateguru enyu.+ Uyezve ndakati, ‘Handizomboputsi sungano yangu nemi.+ 2 Imiwo hamufaniri kuita sungano nevagari vemunyika ino+ uye munofanira kuputsa atari dzavo.’+ Asi hamuna kuteerera inzwi rangu.+ Makaitirei zvakadaro? 3 Ndokusaka ndakatiwo, ‘Handisi kuzovadzinga pamberi penyu,+ vachava musungo kwamuri+ uye vanamwari vavo vachakukwezvai vokutsausai.’”+
4 Ngirozi yaJehovha payakataura mashoko aya kuvaIsraeri vese, vakatanga kuchema vachiridza mhere. 5 Saka vakatumidza nzvimbo iyi zita rekuti Bhokimu* uye vakapa zvibayiro kuna Jehovha ipapo.
6 Joshua paakaita kuti vaIsraeri vaende, mumwe nemumwe wavo akaenda kunhaka yake kuti anotora nyika yacho.+ 7 Vanhu vakaramba vachishumira Jehovha mazuva ese aJoshua nemazuva ese evakuru vakasara vachirarama Joshua afa avo vakanga vaona zvinhu zvese zvikuru zvakanga zvaitirwa vaIsraeri naJehovha.+ 8 Joshua mwanakomana waNuni, muranda waJehovha, akazofa ava nemakore 110.+ 9 Saka vakamuviga munyika yenhaka yake muTimnati-heresi+ munyika ine makomo yaEfremu, kuchamhembe kweGomo reGaashi.+ 10 Chizvarwa chese ichocho chakaiswa kwakaiswa madzitateguru acho,* uye pakabva pauya chimwe chizvarwa chakanga chisingazivi Jehovha kana zvaakanga aitira Israeri.
11 Saka vaIsraeri vakaita zvakaipa pamberi paJehovha, vakashumira* vanaBhaari.+ 12 Vakasiya Jehovha Mwari wemadzibaba avo, uyo akavabudisa munyika yeIjipiti.+ Uye vakatevera vamwe vanamwari, ivo vanamwari vemarudzi aiva akavapoteredza,+ uye vakavakotamira, vakagumbura Jehovha.+ 13 Vakasiya Jehovha, vakashumira Bhaari nemifananidzo yaAshtoreti.+ 14 Jehovha akabva atsamwira vaIsraeri kwazvo, saka akavaisa mumaoko evapambi, avo vakabva vavapamba.+ Akavatengesa mumaoko evavengi vakanga vakavapoteredza,+ uye vaIsraeri vakanga vasingachakwanisi kumirisana nevavengi vavo.+ 15 Kwese kwavaienda, ruoko rwaJehovha rwaivarwisa, ruchivaunzira dambudziko,+ sezvakanga zvataurwa naJehovha uye sekupika kwakanga kwaita Jehovha kwavari,+ uye vakatambura chaizvo.+ 16 Saka Jehovha aibva avapa vatongi, avo vaivaponesa kubva mumaoko evapambi vavo.+
17 Asi vakaramba kuteerera kunyange vatongi vacho, uye vaiita upfambi nevamwe vanamwari, vachivapfugamira. Vakakurumidza kutsauka panzira yakanga yafambwa nemadzitateguru avo, aya akanga ateerera mirayiro yaJehovha.+ Ivo vakatadza kuitawo izvozvo. 18 Pese pavaipiwa vatongi naJehovha,+ Jehovha aibva ava nemutongi wacho ovaponesa kubva mumaoko evavengi vavo mazuva ese emutongi wacho; nekuti Jehovha aivanzwira tsitsi*+ nekugomera kwavaiita kwaikonzerwa nevaya vaivadzvinyirira+ nevaya vaivaitira utsinye.
19 Asi paifa mutongi wacho, vaibva vatangazve kuita zvakashata kupfuura madzibaba avo vachitevera vamwe vanamwari vachivashumira nekuvakotamira.+ Havana kurega mabasa avo neunhu hwavo hwekuoma musoro. 20 Jehovha akazopedzisira atsamwira Israeri kwazvo,+ akati: “Nemhaka yekuti rudzi urwu rwaputsa sungano yangu+ yandakarayira madzitateguru avo, rukarega kunditeerera,+ 21 ini handichadzingiwo pamberi pavo kunyange rudzi rumwe chete zvarwo pamarudzi akasiyiwa naJoshua paakafa.+ 22 Ndichaita izvi kuti ndione kuti vaIsraeri vacharamba vari munzira yaJehovha+ here vachifamba mairi sezvakaitwa nemadzibaba avo.” 23 Saka Jehovha akasiya marudzi aya aripo. Haana kukurumidza kuadzinga, uye haana kuaisa muruoko rwaJoshua.
3 Aya ndiwo marudzi akasiyiwa naJehovha kuti aedze vaIsraeri vese vakanga vasina kumboona hondo chero ipi zvayo muKenani+ 2 (akaasiya kuti zvizvarwa zvevaIsraeri zvaitevera zvizive hondo, kureva vaya vakanga vasina kumboziva zvinhu zvakadaro): 3 madzishe mashanu evaFiristiya,+ nevaKenani vese, vaSidhoni,+ nevaHivhi+ vaigara muGomo reRebhanoni+ kubvira kuGomo reBhaari-hemoni kusvika kuRebhohamati.*+ 4 Vaivapo kuti vaedze vaIsraeri kuti zvibude pachena kuti vaIsraeri vaizoteerera here mirayiro yaJehovha yaakanga apa madzibaba avo achishandisa Mozisi.+ 5 Saka vaIsraeri vakagara pakati pevaKenani,+ vaHiti, vaAmori, vaPerizi, vaHivhi, nevaJebhusi. 6 Vaitora vanasikana vemarudzi iwayo kuti vave madzimai avo, vachipawo vanasikana vavo kuvanakomana vemarudzi acho, uye vakatanga kushumira vanamwari vavo.+
7 Saka vaIsraeri vakaita zvakaipa pamberi paJehovha, uye vakakanganwa Jehovha Mwari wavo, vachishumira vanaBhaari+ nemapango anoyera.*+ 8 Jehovha akabva atsamwira vaIsraeri chaizvo, akavatengesa muruoko rwaKushani-rishataimu mambo weMesopotamiya.* VaIsraeri vakava pasi paKushani-rishataimu kwemakore 8. 9 VaIsraeri pavakashevedzera kuna Jehovha kuti avabatsire,+ Jehovha akavapa muponesi kuti avanunure,+ ainzi Otinieri+ mwanakomana waKenazi, munin’ina waKarebhi. 10 Mweya waJehovha wakauya paari,+ akava mutongi waIsraeri. Paakaenda kunorwa, Jehovha akaisa Kushani-rishataimu mambo weMesopotamiya* muruoko rwake, zvekuti akakunda Kushani-rishataimu. 11 Pashure paizvozvo nyika yakava nezororo* kwemakore 40. Otinieri mwanakomana waKenazi akabva afa.
12 VaIsraeri vakatangazve kuita zvakaipa pamberi paJehovha.+ Saka Jehovha akaita kuti Egroni mambo weMoabhi+ akunde vaIsraeri, nekuti vakaita zvakaipa pamberi paJehovha. 13 Uyezve, akaita kuti vaAmoni+ nevaAmareki+ varwe navo. Vakarwisa vaIsraeri, vakatora guta remiti yemichindwe.+ 14 VaIsraeri vakava pasi paEgroni mambo weMoabhi kwemakore 18.+ 15 VaIsraeri vakashevedzera kuna Jehovha kuti avabatsire,+ saka Jehovha akavapa muponesi,+ Ehudhi+ mwanakomana waGera, wedzinza raBhenjamini,+ uyo aishandisa ruboshwe.+ Nekufamba kwenguva vaIsraeri vakatuma Ehudhi nemutero kuna Egroni mambo weMoabhi. 16 Zvino Ehudhi akanga agadzira bakatwa rake raicheka nekwese, rakanga rakareba kubhiti* rimwe chete, akabva arisungirira pasi penguo yake, kuchidya chake chekurudyi. 17 Akabva apa Egroni mambo weMoabhi mutero wacho. Zvino Egroni aiva murume akafuta chaizvo.
18 Ehudhi paakapedza kumupa mutero wacho, akaudza vanhu vakanga vauya vakatakura mutero wacho kuti vaende havo. 19 Asi paakasvika paGirigari+ paiva nemifananidzo yakavezwa,* akabva adzoka akati: “Ndine shoko randiri kuda kukuudzai tiri pedu tega, haiwa imi mambo.” Saka mambo akati: “Nyararai!” Varanda vake vese vakabva vangobuda. 20 Saka Ehudhi akaswedera pedyo namambo uyo ainge akagara ari ega muimba yake yaitonhorera yepadenga remba. Ehudhi akabva ati: “Ndine shoko renyu rabva kuna Mwari.” Saka Egroni akasimuka pachigaro chake cheumambo. 21 Ehudhi akabva atora bakatwa raiva pachidya chake chekurudyi achishandisa ruoko rwake rweruboshwe ndokurinyudza mudumbu raEgroni. 22 Mubato wakapindawo nebakatwa racho, uye mafuta akavhara bakatwa, nekuti haana kuvhomora bakatwa racho mudumbu rake, uye tsvina yakabva yabuda. 23 Ehudhi akabva abuda,* akasiya avhara masuo eimba yepamusoro pedenga, akaakiya. 24 Paakanga aenda, varanda vaya vakabva vadzoka vakaona masuo eimba yepadenga remba akakiyiwa. Saka vakati: “Anofanira kunge ari kuzvibatsira hake* muimba yemukati inotonhorera.” 25 Vakaramba vakamirira kusvikira vava kunetseka, asi pavakaona kuti akanga asiri kuvhura masuo eimba yacho yepadenga, vakatora kiyi vakaavhura, vakaona ishe wavo akati rabada pasi afa!
26 Ehudhi akatiza ivo vachiri kuverengera, uye akapfuura nepane mifananidzo yakavezwa,*+ akasvika kuSeira pasina chamuwana. 27 Paakasvika, akaridza hwamanda+ munyika ine makomo yaEfremu;+ uye vaIsraeri vakadzika vachibva mumakomo, iye achivatungamirira. 28 Akabva ati kwavari: “Nditeverei, nekuti Jehovha aisa vavengi venyu, vaMoabhi, mumaoko enyu.” Saka vakamutevera, vakanomira pamazambuko aJodhani kuti vatadzise vaMoabhi kuyambuka, uye havana kubvumira chero munhu upi zvake kuyambuka. 29 Panguva iyoyo vakauraya vaMoabhi vanenge 10 000,+ varume vakasimba uye vakashinga; hapana kana mumwe chete akapukunyuka.+ 30 Saka vaMoabhi vakakundwa neruoko rwaIsraeri pazuva iroro; uye nyika yakava nezororo* kwemakore 80.+
31 Pashure pake pakauya Shamgari+ mwanakomana waAnati, uyo akauraya varume vechiFiristiya+ 600 nechibayiso* chemombe;+ uye naiyewo akaponesa Israeri.
4 Asi pashure pekunge Ehudhi afa, vaIsraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha.+ 2 Saka Jehovha akavatengesa muruoko rwaJabhini mambo weKenani,+ aitonga muHazori. Mukuru weuto rake aiva Sisera, uyo aigara muHarosheti+ yaiva yemamwe marudzi.* 3 VaIsraeri vakachema kuna Jehovha,+ nekuti Jabhini aiva nengoro dzehondo 900 dzaiva nemajeko esimbi,*+ uye akadzvinyirira vaIsraeri achivaitira utsinye+ kwemakore 20.
4 Zvino Dhibhora, muprofitakadzi,+ mudzimai waRapidhoti, aitonga Israeri panguva iyoyo. 5 Aiwanzoenda kunogara pasi pemuti wemuchindwe waDhibhora, pakati peRama+ neBheteri,+ munyika ine makomo yaEfremu; vaIsraeri vaienda kwaari kunotongwa. 6 Akatuma nhume kunoshevedza Bheraki+ mwanakomana waAbhinoamu kubva kuKedheshi-naftari,+ akati kwaari: “Jehovha Mwari waIsraeri ndiye apa murayiro uyu wekuti, ‘Endai kuGomo reTabhori,* uye tora varume 10 000 vekwaNaftari nekwaZebhuroni uende navo. 7 Ndichaita kuti Sisera, mukuru weuto raJabhini auye kwauri pamwe chete nengoro dzake dzehondo neuto rake kurukova rwaKishoni,+ uye ndichamuisa muruoko rwako.’”+
8 Bheraki akabva ati kwaari: “Kana muchienda neni, ndinoenda, asi kana musingaendi neni, handiendi.” 9 Iye akati: “Chokwadi ndichaenda newe. Asi hondo yauri kuenda kunorwa haisi kuzoita kuti ukudzwe, nekuti Jehovha achaisa Sisera muruoko rwemukadzi.”+ Dhibhora akabva asimuka, akaenda naBheraki kuKedheshi.+ 10 Bheraki akaunganidza vanhu vekwaZebhuroni nevekwaNaftari+ kuKedheshi, uye varume 10 000 vakamutevera. Dhibhora akaendawo naye.
11 Sezvineiwo, Hebheri muKeni akanga aparadzana nevamwe vaKeni,+ vanhu vekwaHobhabhu, uyo aiva tezvara vaMozisi,+ uye tende rake raiva rakadzikwa pedyo nemuti mukuru muZaananimu, iri kuKedheshi.
12 Vakaudza Sisera kuti Bheraki mwanakomana waAbhinoamu akanga akwidza kuGomo reTabhori.+ 13 Sisera akabva angounganidza ngoro dzake dzese dzehondo, ngoro 900 dzaiva nemajeko esimbi,* neuto rese raaiva naro muHarosheti yemamwe marudzi kuti vaende kurukova rwaKishoni.+ 14 Zvino Dhibhora akati kuna Bheraki: “Simuka, nekuti nhasi ndiro zuva richaiswa Sisera muruoko rwako naJehovha. Jehovha haasi kuenda ari mberi kwako here?” Bheraki akabva aburuka muGomo reTabhori aine varume 10 000. 15 Jehovha akabva avhiringidza Sisera nengoro dzake dzese dzehondo neuto rese+ pamberi paBheraki. Sisera akazoburuka mungoro yake akatiza netsoka. 16 Bheraki akadzingirira ngoro dzehondo neuto racho kusvika kuHarosheti yemamwe marudzi. Saka uto rese raSisera rakaurayiwa nebakatwa; hapana kana akasara.+
17 Asi Sisera akatiza netsoka achienda kutende raJaeri+ mudzimai waHebheri+ muKeni, nekuti paiva nerugare pakati paJabhini+ mambo weHazori neimba yaHebheri muKeni. 18 Jaeri akabva abuda kunochingura Sisera, akati kwaari: “Pindai ishe wangu, pindai muno. Musatya.” Saka akapinda mutende rake akamufukidza negumbeze. 19 Sisera akabva ati kwaari: “Ndapota, ndipewo mvura shoma yekunwa, nekuti ndine nyota.” Saka akavhura homwe yedehwe yaiva nemukaka, akamupa kuti anwe,+ achibva amufukidza zvakare. 20 Akati kwaari: “Mira pasuo retende, uye kana pakauya munhu okubvunza kuti, ‘Pane murume ari pano here?’ uti, ‘Aiwa!’”
21 Asi Jaeri mudzimai waHebheri akatora hoko yetende nesando. Zvino murume wacho paakanga akafa zvake nehope uye akarukutika, Jaeri akanyahwaira achienda paaiva, akarovera hoko yacho nechepamberi penzeve yake, ikabuda nekuseri ichinobaya pasi, achibva afa.+
22 Bheraki akaenda ikoko achitsvaga Sisera, uye Jaeri akabuda kunomuchingura akati kwaari: “Uyai ndikuratidzei murume wamuri kutsvaga.” Saka akapinda naye mutende akaona Sisera akati rabada akafa, hoko iri mumusoro make.
23 Saka zuva iroro, Mwari akaita kuti vaIsraeri vakunde Jabhini mambo weKenani.+ 24 Ruoko rwevaIsraeri rwakaramba ruchiwedzera kuva nesimba pamusoro paJabhini mambo weKenani,+ kusvikira vaparadza Jabhini mambo weKenani.+
5 Pazuva iroro Dhibhora+ naBheraki+ mwanakomana waAbhinoamu vakaimba rwiyo urwu runoti:+
3 Teererai, imi madzimambo! Ipai nzeve, imi vatongi!
Ndichaimbira Jehovha.
Ndichaimba* ndichirumbidza Jehovha,+ Mwari waIsraeri.+
4 Jehovha, pamakabuda kubva muSeiri,+
Pamakafamba muchibuda munyika yeEdhomu,
Nyika yakazununguka, denga rakatsvotsvoma,
Makore akadururira mvura pasi.
5 Makomo akanyunguduka* pamberi paJehovha,+
Kunyangewo gomo reSinai pamberi paJehovha,+ Mwari waIsraeri.+
6 Mumazuva aShamgari+ mwanakomana waAnati,
Mumazuva aJaeri,+ migwagwa yakanga isingafambwe;
Vanhu vaingofamba netunzira tudiki.
7 Vagari vekumamisha muIsraeri vakanga vasisiko;
Vakanga vasisiko kusvikira ini Dhibhora+ ndasimuka,
Kusvikira ndasimuka saamai muIsraeri.+
Hapana nhoo kana pfumo zvaioneka,
Pakati pevarume 40 000 muIsraeri.
Rumbidzai Jehovha!
10 Imi vatasvi vemadhongi akatsvukuruka,
Imi munogara pamakapeti akanaka,
Nemi munofamba mumugwagwa,
Fungisisai zvinhu izvi!
11 Kunzvimbo dzinonwira zvipfuwo mvura kwainzwika manzwi evaya vanocherera zvipfuwo mvura;
Ainzwika ikoko achirondedzera mabasa akarurama aJehovha,
Mabasa akarurama evanhu vake vanogara kumamisha muIsraeri.
Vanhu vaJehovha vakabva vadzika kumagedhi.
12 Muka, muka, haiwa iwe Dhibhora!+
Muka, muka, imba rwiyo!+
Simuka Bheraki!+ Tungamirira nhapwa dzako uende nadzo iwe mwanakomana waAbhinoamu!
13 Vaya vakasara vakabva vadzika vachiuya kuvakuru vakuru;
Vanhu vaJehovha vakadzika kwandiri kuzorwa nevane simba.
14 Kuna Efremu ndiko kwakabva vaya vari mubani;
Vari kukutevera, haiwa iwe Bhenjamini, pakati pevanhu vako.
Vatungamiriri vehondo vakaburuka vachibva kwaMakiri,+
Uye kuna Zebhuroni kwakabva vaya vakabata tsvimbo yemunhu anosarudza vanopinda muchiuto.*
Akatumwa kuti aende kubani netsoka.+
Pakati pemapoka aRubheni paiva nekuongororwa kwemwoyo kwakadzama.
16 Wakanga wakagarirei pasi uine tsapo* mbiri pamusana pako,
Uchivateerera vachiridzira zvipfuwo zvavo nyere?+
Pamapoka aRubheni paiva nekuongororwa kwemwoyo kwakadzama.
Asheri akagara pamhenderekedzo yegungwa asina chaari kuita,
Akaramba achigara pedyo nenzvimbo dzake dzinosvikira ngarava.+
Hapana sirivha yavakapamba.+
20 Nyeredzi dzakarwisa dziri kudenga;
Dzakarwa naSisera dziri mumakwara adzinotenderera dziri.
Wakatsika-tsika vane simba, haiwa mweya* wangu.
23 ‘Tukai Merozi,’ yakadaro ngirozi yaJehovha,
‘Chokwadi, tukai vagari vayo,
Nekuti havana kuuya kuzobatsira Jehovha,
Kuzobatsira Jehovha vaine vanhu vane simba.’
24 Jaeri+ ndiye akakomborerwa kupfuura vamwe vakadzi
Iye mudzimai waHebheri+ muKeni;
Akakomborerwa kupfuura vamwe vakadzi vanogara mumatende.
25 Murume akakumbira mvura; iye akamupa mukaka.
Akamupa mukaka wakakora*+ mundiro yakanaka chaizvo yepamabiko.
Uye akarovera hoko mumusoro maSisera akaupwanya,
Akapwanya musoro wake akauboora.+
27 Akawira pakati petsoka dzemukadzi iyeye; akadonha, ndiye tasa;
Akawira pakati petsoka dzake, achibva ati rabada;
Paakadonhera, ndipo paakati rabada akundwa.
28 Mukadzi akatarisa panze nepahwindo,
Amai vaSisera vakadongorera nepahwindo remaburi maburi,
‘Nei ngoro yake yanonoka kuuya?
Nei mitsindo yengoro dzake yanonoka kudai?’+
29 Vakadzi vekwake vakachenjera kupfuura vese vaimupindura;
Naiyewo airamba achingozviudza kuti,
30 ‘Vanofanira kunge vari kugovana zvinhu zvavapamba,
Murwi mumwe nemumwe achiwana musikana* mumwe chete, vasikana* vake vaviri,
Vachipa Sisera jira rakapambwa rakaiswa rumwe ruvara, vachimupa jira rakapambwa rakaiswa rumwe ruvara,
Vapambi vachiwana nguo yakamendwa, jira rakaiswa rumwe ruvara, nguo mbiri dzakamendwa,
Kuti vaise mumitsipa yavo.’
31 Saka vavengi venyu vese ngavaparare,+ haiwa Jehovha,
Asi vaya vanokudai ngavaite sezuva riri kubuda richibwinya.”
Zvino nyika yakava nezororo* kwemakore 40.+
6 Asi vaIsraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha,+ saka Jehovha akavaisa mumaoko evaMidhiyani kwemakore 7.+ 2 VaMidhiyani vakava nesimba pavaIsraeri.+ VaIsraeri vakagadzira nzvimbo dzekuti vahwande* mumakomo, nemumapako nemunzvimbo dzakaoma kusvika+ nemhaka yevaMidhiyani. 3 VaIsraeri vaiti kana vakadyara mbeu, vaMidhiyani nevaAmareki+ neVekumabvazuva+ vaiuya kuzovarwisa. 4 Vaidzika musasa kuti vavarwise, voparadza mbeu muminda kusvikira kuGaza, uye vaisiya vaIsraeri vasina chekudya uye vasisina kana gwai kana mombe kana dhongi.+ 5 Nekuti vaiuya nezvipfuwo zvavo nematende avo vakawanda semhashu,+ uye ivo nengamera dzavo vainge vasingaverengeki;+ uye vaipinda munyika yacho kuti vaiparadze. 6 Saka vaIsraeri vakava varombo kwazvo nemhaka yevaMidhiyani; uye vaIsraeri vakashevedzera kuna Jehovha kuti avabatsire.+
7 VaIsraeri pavakashevedzera kuna Jehovha kuti avabatsire pavaMidhiyani,+ 8 Jehovha akatuma muprofita kuvaIsraeri uyo akati kwavari: “Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri, ‘Ndakakubudisai muIjipiti ndikabva ndakubudisai muimba yeuranda.+ 9 Ndakakununurai kubva muruoko rweIjipiti uye pavadzvinyiriri venyu vese, ndikavadzinga pamberi penyu, ndikakupai nyika yavo.+ 10 Uye ndakati kwamuri: “Ndini Jehovha Mwari wenyu.+ Hamufaniri kutya vanamwari vevaAmori vane nyika yamuri kugara.”+ Asi hamuna kunditeerera.’”*+
11 Gare gare ngirozi yaJehovha yakauya+ ikagara pasi pemuti mukuru waiva muOfra, uyo wakanga uri waJoashi wekwaAbhi-ezeri.+ Mwanakomana wake Gidhiyoni+ aipura gorosi muchisviniro chewaini kuti rirege kuonekwa nevaMidhiyani. 12 Ngirozi yaJehovha yakazviratidza kwaari ikati: “Jehovha anewe,+ iwe murwi ane simba.” 13 Gidhiyoni akabva ati kwairi: “Pamusoroi ishe wangu, kana Jehovha ainesu, nei zvese izvi zvatiwira?+ Mabasa ake ese anoshamisa ari kupi atakaudzwa nemadzibaba edu,+ achiti, ‘Jehovha haana kutibudisa muIjipiti here?’+ Iye zvino Jehovha atisiya+ uye atiisa mumaoko evaMidhiyani.” 14 Jehovha akamutarisa ndokuti: “Enda nesimba rauinaro, uye uchaponesa Israeri kubva mumaoko evaMidhiyani.+ Handisi ini ndakutuma here?” 15 Gidhiyoni akamupindura kuti: “Pamusoroi Jehovha. Ndingaponesa Israeri sei? Tarisai, mhuri yangu ndiyo diki* pakati paManase, uye handikoshi pane vese veimba yababa vangu.” 16 Asi Jehovha akati kwaari: “Nemhaka yekuti ndichava newe,+ uchauraya vaMidhiyani sekunge kuti munhu mumwe chete.”
17 Akabva ati kwaari: “Kana mandinzwira nyasha, ndipei chiratidzo chekuti ndimi muri kutaura neni. 18 Ndapota musabva pano kusvikira ndadzoka nechipo changu uye ndachiisa pamberi penyu.”+ Saka iye akati: “Ndicharamba ndiri pano kusvikira wadzoka.” 19 Gidhiyoni akabva aenda, akagadzira mbudzi diki uye akabika chingwa chisina mbiriso achishandisa efa* yefurawa.+ Akaisa nyama yacho mutswanda uye muto muhari yekubikira, ndokuenda nazvo kwaari, akamupa pasi pemuti mukuru.
20 Ngirozi yaMwari wechokwadi yakabva yati kwaari: “Tora nyama nechingwa chisina mbiriso uzviise padombo guru riri apo, wodurura muto wacho.” Akabva aita saizvozvo. 21 Ngirozi yaJehovha yakabva yatambanudza tsvimbo yaiva muruoko rwayo ikagunzva nyama nechingwa chisina mbiriso nekunoperera tsvimbo yacho, moto ukabva wati ngandu uchibuda padombo ukapisa nyama nechingwa chisina mbiriso.+ Ngirozi yaJehovha yakabva yanyangarika. 22 Gidhiyoni akabva aziva kuti yaiva ngirozi yaJehovha.+
Gidhiyoni akabva ati: “Ndine nhamo, Changamire Ishe Jehovha, nekuti ndaona ngirozi yaJehovha chiso nechiso!”+ 23 Asi Jehovha akati kwaari: “Iva nerugare. Usatya;+ hauzofi.” 24 Gidhiyoni akabva avakira Jehovha atari ipapo, uye nanhasi atari yacho ichiri kunzi Jehovha-sharomu.*+ Ichiri muOfra yevaAbhi-ezeri.
25 Usiku ihwohwo Jehovha akati kwaari: “Tora mukono wemombe mudiki wababa vako, mukono wechipiri une makore 7, uputse atari yaBhaari yababa vako, wotema bango rinoyera* riri padivi payo.+ 26 Kana wavakira Jehovha Mwari wako atari yematombo akarongwa mumutsara pamusoro penhare* iyi, tora mukono wacho wechipiri woupa sechibayiro chinopiswa pahuni dzebango rinoyera* raunenge watema.” 27 Saka Gidhiyoni akatora varume 10 pavaranda vake, akaita sezvaakanga audzwa naJehovha. Asi haana kuzviita masikati; akazviita usiku nekuti aitya chaizvo vanhu veimba yababa vake nevarume veguta.
28 Varume veguta pavakafumomuka mangwana acho, vakaona kuti atari yaBhaari yainge yaputswa uye bango rinoyera* raiva padivi payo rainge ratemwa uye kuti mukono wemombe wechipiri wainge wabayirwa paatari yakanga yavakwa. 29 Vakabvunzana kuti: “Ndiani aita izvi?” Pashure pekunge vaferefeta, vakati: “NdiGidhiyoni mwanakomana waJoashi aita izvi.” 30 Saka varume veguta vakati kuna Joashi: “Budisa mwanakomana wako aurayiwe, nekuti aputsa atari yaBhaari akatema bango rinoyera* ranga riri padivi payo.” 31 Joashi+ akabva ati kuvanhu vese vakanga vauya kwaari vakatsamwa: “Munofanira kurwira Bhaari here? Munofanira kumuponesa here? Munhu wese anomurwira anofanira kuurayiwa mangwanani ano.+ Kana ari mwari, ngaazvirwire ega,+ nekuti pane munhu aputsa atari yake.” 32 Akabva apa Gidhiyoni zita rekuti Jerubhaari* pazuva iroro, achiti: “Bhaari ngaazvirwire ega, nekuti pane munhu aputsa atari yake.”
33 VaMidhiyani+ vese nevaAmareki+ neVekumabvazuva vakabva vabatana;+ uye vakayambuka rwizi vakapinda muBani reJezreeri, vakadzika musasa. 34 Mweya waJehovha wakauya pana Gidhiyoni+ akaridza hwamanda,+ uye vaAbhi-ezeri+ vakauya kuzomutsigira. 35 Akatuma nhume kuvanhu vese vekwaManase, uye naivowo vakauya kuzomutsigira. Akatumawo nhume kuvanhu vese vekwaAsheri, Zebhuroni, naNaftari, vakauya kuzosangana naye.
36 Gidhiyoni akabva ati kuna Mwari wechokwadi: “Kana muri kuponesa Israeri muchishandisa ini, sezvamakavimbisa,+ 37 ndiri kuisa jira remvere dzemakwai paburiro.* Kana dova rikava pajira racho chete asi pasi pese pakaoma, ndichabva ndaziva kuti muchaponesa Israeri muchishandisa ini, sezvamakavimbisa.” 38 Ndizvo zvakabva zvaitika. Paakafumomuka mangwana acho akasvina jira racho, pakabuda mvura yaizadza ndiro hombe. 39 Asi Gidhiyoni akati kuna Mwari wechokwadi: “Musanditsamwira, asi regai ndingokumbira zvakare kamwe chete. Chingoregai ndiise jira zvakare kamwe chete kuti ndione. Ndapota, jira chete ngariome, asi pasi pese ngapazare nedova.” 40 Saka ndizvo zvakaitwa naMwari usiku ihwohwo; jira chete ndiro rakanga rakaoma, asi pasi pese pakanga pakazara nedova.
7 Jerubhaari, kureva Gidhiyoni,+ akabva amukira nevanhu vese vaaiva navo, akadzika musasa paChitubu cheHarodhi, musasa wevaMidhiyani uri kuchamhembe kwake pachikomo cheMore chaiva mubani. 2 Jehovha akabva ati kuna Gidhiyoni: “Vanhu vauinavo vakawandisa kuti ndiise vaMidhiyani muruoko rwavo.+ Nekuti Israeri angazozvikudza pamberi pangu achiti, ‘Ruoko rwangu ndirwo rwandiponesa.’+ 3 Ndapota, iye zvino taura pamberi pevanhu uchiti, ‘Munhu wese ari kutya uye ari kudedera, ngaadzokere kumba.’”+ Saka Gidhiyoni akavaedza. Vanhu 22 000 vakabva vadzokera kumba, pakasara 10 000.
4 Asi Jehovha akati kuna Gidhiyoni: “Pachiine vanhu vakawandisa. Ita kuti vadzike kumvura kuti ndinokuedzera vanhu vacho ikoko. Kana ndikati kwauri, ‘Uyu achaenda newe,’ munhu iyeye ndiye achaenda newe, asi kana ndikati kwauri, ‘Uyu haaendi newe,’ munhu iyeye haazoendi.” 5 Saka akatora vanhu akaenda navo kumvura.
Jehovha akabva ati kuna Gidhiyoni: “Paradzanisa vanhu vese vanonwa mvura muruoko rwavo vachikapa sezvinoita imbwa, kubva pane vaya vanonwa mvura vakapfugama.” 6 Vaya vaikapa mvura vachiisa maoko avo kumiromo yavo vaiva varume 300. Asi vamwe vanhu vese vakanwa mvura vakapfugama.
7 Jehovha akabva ati kuna Gidhiyoni: “Ndichakuponesai ndichishandisa varume 300 vaita zvekukapa mvura, uye ndichaisa vaMidhiyani muruoko rwako.+ Asi vamwe varume vese ngavadzokere kumba.” 8 Saka pashure pekunge vatora mbuva nehwamanda kubva kuvarume vacho, Gidhiyoni akaendesa vamwe varume vese vaIsraeri kumba, akangosara nevarume 300. Musasa wevaMidhiyani waiva zasi kwake, mubani.+
9 Usiku ihwohwo, Jehovha akati kwaari: “Simuka urwise vaMidhiyani, nekuti ndavaisa muruoko rwako.+ 10 Asi kana uchitya kurwisa, dzika kumusasa wacho naPura mushumiri wako. 11 Teerera zvavachataura, uye pashure pacho uchava neushingi hwekurwisa musasa wacho.” Iye naPura mushumiri wake vakabva vadzika vachienda pedyo neuto rakanga rakadzika musasa.
12 Panguva iyi vaMidhiyani nevaAmareki neVekumabvazuva+ vese vakanga vakazara mubani semhashu, uye ngamera dzavo dzakanga dzisingaverengeki,+ dzakawanda sejecha riri pamhenderekedzo yegungwa. 13 Gidhiyoni akabva asvika, akanzwa mumwe murume achirondedzera hope dzake kushamwari yake achiti: “Hedzino hope dzandarota. Panga paine chingwa chebhari cheraundi changa chichikunguruka chichipinda mumusasa wevaMidhiyani. Chasvika pane tende chikarirova zvine simba zvekuti rabva radonha.+ Chokwadi chapidigura tende racho, uye tende racho rabva rati pasi pwatata.” 14 Shamwari yake yakabva yati: “Hapana chimwe kunze kwebakatwa raGidhiyoni+ mwanakomana waJoashi, murume wekwaIsraeri. Mwari aisa vaMidhiyani nemusasa wese muruoko rwake.”+
15 Gidhiyoni paakangonzwa murume wacho achirondedzera hope dzacho nekududzirwa kwadzo,+ akakotama kuti anamate. Pashure paizvozvo akadzokera kumusasa wevaIsraeri akati: “Simukai, nekuti Jehovha aisa musasa wevaMidhiyani mumaoko enyu.” 16 Akabva akamura varume vaya 300 kuva mapoka matatu akavapa vese hwamanda+ nezvirongo zvihombe, mwenje iri mukati mezvirongo zvacho. 17 Akati kwavari: “Nditarisei munyatsotevedzera zvandichaita. Pandinosvika pamucheto pemusasa, munofanira kunyatsotevedzera zvandichaita. 18 Pandinoridza hwamanda, ini nevanhu vese vandiinavo, imiwo munofanira kuridza hwamanda kumativi ese emusasa, moshevedzera kuti, ‘RaJehovha neraGidhiyoni!’”
19 Gidhiyoni nevarume 100 vaaiva navo vakasvika pamucheto pemusasa panguva yaitanga kurinda kweusiku kwechipiri,* varindi vachangoiswa. Vakaridza hwamanda,+ vakaputsa zvirongo zvaiva mumaoko avo.+ 20 Saka mapoka acho matatu akaridza hwamanda, akaputsa zvirongo. Vaiva nemwenje mumaoko avo eruboshwe uye vakaridza hwamanda dzaiva mumaoko avo ekurudyi ndokushevedzera vachiti: “Bakatwa raJehovha neraGidhiyoni!” 21 Nguva yese iyi, murume mumwe nemumwe akanga akamira panzvimbo yake, vakakomba musasa, uye uto rese rakamhanya, richishevedzera richitiza.+ 22 Varume 300 vakaramba vachiridza hwamanda, Jehovha akaita kuti bakatwa remumwe nemumwe rirwisane neremumwe mumusasa wacho wese;+ uye uto racho rakatiza rikanosvika kuBheti-shita, nekuZerera, nekunoperera Abheri-mehora+ iri pedyo neTabhati.
23 Uye varume veIsraeri vakaunganidzwa vachibva kwaNaftari, Asheri, nekunharaunda yese yaManase,+ uye vakadzingirira vaMidhiyani. 24 Gidhiyoni akatuma nhume munyika ine makomo yaEfremu yese, achiti: “Burukai munorwisa vaMidhiyani, moenda kunomira kumazambuko kuBheti-bhara neJodhani kuti vatadze kuyambuka.” Saka varume vese vaEfremu vakaunganidzwa pamwe chete, uye vakavavharidzira pamvura yacho kunosvika kuBheti-bhara neJodhani. 25 Vakabatawo machinda maviri evaMidhiyani, Orebhu naZeebhu; vakaurayira Orebhu padombo raOrebhu,+ uye vakaurayira Zeebhu pachisviniro chewaini chaZeebhu. Vakaramba vachitevera vaMidhiyani,+ vakaunza musoro waOrebhu newaZeebhu kuna Gidhiyoni munharaunda yeJodhani.
8 Pashure paizvozvo varume vaEfremu vakati kwaari: “Chii chawatiitira ichi? Wakaregerei kutishevedza pawakaenda kunorwa nevaMidhiyani?”+ Uye vakamupopotera nehasha.+ 2 Asi iye akati kwavari: “Ini ndaitei kana ndichienzaniswa nemi? Zvakaunganidzwa naEfremu+ hazvisi nani pane goho remazambiringa raAbhi-ezeri+ here? 3 Mwari akaisa Orebhu naZeebhu+ machinda eMidhiyani mumaoko enyu, uye chii chandaita kana ndichienzaniswa nemi?” Paakataura izvi, hasha dzavo dzakabva dzaserera.*
4 Gidhiyoni akabva asvika kuJodhani, akayambuka rwizi rwacho. Iye nevarume 300 vaaiva navo vakanga vaneta, asi vakaramba vachitevera. 5 Saka akati kuvarume veSukoti: “Ndinokumbirawo kuti mupe varume vandiinavo chingwa, nekuti vaneta uye ndiri kudzingirira Zebha naZarimuna, madzimambo eMidhiyani.” 6 Asi machinda eSukoti akati: “Zebha naZarimuna vatova muruoko rwako here zvekuti tingapa uto rako chingwa?” 7 Gidhiyoni akabva ati: “Nezvamataura izvozvo, Jehovha paachaisa Zebha naZarimuna muruoko rwangu, ndichakukwapurai neminzwa nemakwenzi ane minzwa emurenje.”+ 8 Akabva ikoko akakwidza kuPenueri, akavakumbirawo zvimwe chete izvozvo, asi varume vePenueri vakamupa mhinduro yakangofanana neyevarume veSukoti. 9 Saka akatiwo kuvarume vePenueri: “Pandinodzoka nerugare, ndichakoromora shongwe iyi.”+
10 Panguva iyi Zebha naZarimuna vaiva muKakori nemauto avo, varume vanenge 15 000. Ava ndivo chete vakanga vasara pauto rese reVekumabvazuva,+ nekuti varume 120 000 vaiva nemapakatwa vakanga vafa. 11 Gidhiyoni akaramba achikwira nenzira yevaya vaigara mumatende kumabvazuva kweNobha neJogbheha,+ akarwisa musasa wevavengi vacho, avo vakanga vakavarairwa. 12 Zebha naZarimuna pavakatiza, akabva avatevera, akabata madzimambo acho maviri eMidhiyani, Zebha naZarimuna, musasa wese ukavhunduka.
13 Gidhiyoni mwanakomana waJoashi akabva adzoka kubva kuhondo nenzira yekumupata unokwidza kuHeresi. 14 Ari munzira akabata jaya rekuSukoti, akaribvunzurudza. Jaya racho rakabva ramunyorera mazita emachinda neevakuru veSukoti, varume 77. 15 Akabva aenda kuvarume veSukoti akati: “Hevano Zebha naZarimuna vamakandishora nezvavo muchiti, ‘Zebha naZarimuna vatova muruoko rwako here zvekuti tingapa varume vako vaneta chingwa?’”+ 16 Akabva atora vakuru veguta racho uye akatora minzwa nemakwenzi ane minzwa emurenje, akadzidzisa varume veSukoti chidzidzo nazvo.+ 17 Uye akakoromora shongwe yePenueri,+ akauraya varume veguta racho.
18 Akabvunza Zebha naZarimuna kuti: “Varume vamakauraya kuTabhori vainge vakaita sei?” Ivo vakati: “Vakanga vakaita sewe, mumwe nemumwe wavo akaita semwanakomana wamambo.” 19 Iye akati: “Vaiva vanin’ina vangu, vanakomana vaamai vangu. Chokwadi, naJehovha mupenyu, kudai makanga musina kuvauraya, ndaisazofanira kukuurayai.” 20 Akabva ati kuna Jeteri dangwe rake: “Simuka, vauraye.” Asi jaya racho harina kuvhomora bakatwa raro; raitya, nekuti rakanga richiri mukomana wechidiki. 21 Saka Zebha naZarimuna vakati: “Simuka iwewe utiuraye, nekuti murume chaiye anooneka nesimba rake.” Saka Gidhiyoni akasimuka, akauraya Zebha naZarimuna,+ akatora zvishongo zvakaita semwedzi uchangogara zvaiva mumitsipa yengamera dzavo.
22 Gare gare varume veIsraeri vakati kuna Gidhiyoni: “Titonge, iwe nemwanakomana wako nemuzukuru wako, nekuti wakatiponesa paruoko rwevaMidhiyani.”+ 23 Asi Gidhiyoni akati kwavari: “Ini handisi kuzokutongai, uyewo mwanakomana wangu haasi kuzokutongai. Jehovha ndiye achakutongai.”+ 24 Gidhiyoni akatiwo: “Regai ndikukumbirei chinhu ichi chimwe chete: mumwe nemumwe wenyu ngaandipe rin’i yepamhino kubva pazvinhu zvake zvaakapamba.” (Nekuti vaya vavainge vakunda vaiva nemhete dzepamhino dzegoridhe, sezvo vaiva vaIshmaeri.)+ 25 Vakapindura kuti: “Chokwadi tichakupa.” Vakabva vawaridza nguo uye murume mumwe nemumwe akakanda pairi rin’i yepamhino kubva pazvinhu zvake zvaakapamba. 26 Uremu hwerin’i dzepamhino dzegoridhe dzaakanga akumbira hwakasvika mashekeri* egoridhe 1 700, tisingabatanidzi zvishongo zvakaita semwedzi uchangogara, nezvishongo zvemuhuro, nenguo dzeshinda yepepuru zvaipfekwa nemadzimambo eMidhiyani, uye zvishongo zvemuhuro zvengamera.+
27 Gidhiyoni akagadzira efodhi*+ negoridhe racho, akaiisa panooneka muguta rake reOfra;+ uye vaIsraeri vese vakaita unzenza hwekuinamata ipapo,+ uye yakava musungo kuna Gidhiyoni neimba yake.+
28 Saka vaMidhiyani+ vakakundwa nevaIsraeri, uye havana kuzovadenha* zvakare; uye nyika yakava nezororo* kwemakore 40 mumazuva aGidhiyoni.+
29 Saka Jerubhaari+ mwanakomana waJoashi akadzokera kumba kwake akagara ikoko.
30 Gidhiyoni akava nevanakomana 70,* nekuti aiva nemadzimai akawanda. 31 Murongo* wake aiva kuShekemu akamuberekerawo mwanakomana, uye Gidhiyoni akamutumidza kuti Abhimereki.+ 32 Gidhiyoni mwanakomana waJoashi akazofa akura chaizvo, akavigwa muguva rababa vake Joashi raiva muOfra yevaAbhi-ezeri.+
33 Gidhiyoni paakangofa, vaIsraeri vakatangazve kuita unzenza hwekunamata vanaBhaari,+ uye vakagadza Bhaari-bheriti kuti ave mwari wavo.+ 34 VaIsraeri havana kuyeuka Jehovha Mwari wavo,+ akanga avanunura muruoko rwevavengi vavo vese vainge vakavapoteredza;+ 35 uyewo havana kuratidza rudo rusingachinji kuimba yaJerubhaari, iye Gidhiyoni, nekuda kwezvakanaka zvese zvaakanga aitira Israeri.+
9 Nekufamba kwenguva, Abhimereki+ mwanakomana waJerubhaari akaenda kuhanzvadzi dzaamai vake kuShekemu, akataura nadzo nemhuri yese yasekuru vake* achiti: 2 “Ndibvunzireiwo vatungamiriri* vese veShekemu kuti, ‘Ndezvipi zviri nani kwamuri, kuti vanakomana vese 70 vaJerubhaari+ vakutongei kana kuti murume mumwe chete akutongei? Uye yeukai kuti ndiri pfupa renyu nenyama yenyu.’”*
3 Saka hanzvadzi dzaamai vake dzakataura mashoko aya dzichimumiririra kuvatungamiriri vese veShekemu, uye mwoyo yavo yakanga yava kuda kutevera Abhimereki, nekuti vakati: “Ihama yedu.” 4 Vakabva vamupa masirivha 70 akabva muimba* yaBhaari-bheriti,+ uye Abhimereki akaashandisa kubhadhara varume vaiva nhubu uye vasina zvekuita, kuti vamuperekedze. 5 Akabva aenda kuimba yababa vake kuOfra,+ akauraya vana vababa vake,+ vanakomana vaJerubhaari, varume 70, padombo rimwe chete. Jotamu mwanakomana wegotwe waJerubhaari ndiye chete akapona, nekuti akahwanda.
6 Vatungamiriri vese veShekemu neBheti-miro yese vakabva vaungana, vakagadza Abhimereki kuti ave mambo,+ pedyo nemuti mukuru, pambiru yaiva muShekemu.
7 Pavakazviudza Jotamu, akabva aenda akanomira pamusoro peGomo reGerizimu,+ akashevedzera kwavari nenzwi riri pamusoro achiti: “Nditeererei, imi vatungamiriri veShekemu, uye Mwari achabva akuteererai.
8 “Pane imwe nguva miti yakaenda kunozodza mambo wayo. Saka yakati kumuti wemuorivhi, ‘Titonge.’+ 9 Asi muorivhi wakati kwairi, ‘Ndingasiya mafuta angu avanokudza nawo Mwari nevanhu, kuti ndiende kunozunguzwa nemhepo ndichioneka pamusoro pemimwe miti here?’ 10 Miti yakabva yati kumuonde, ‘Uya utitonge.’ 11 Asi muonde wakati kwairi, ‘Ndingasiya kutapira kwangu nemichero yangu yakanaka kuti ndiende kunozunguzwa nemhepo ndichioneka pamusoro pemimwe miti here?’ 12 Pashure pacho miti yakati kumuzambiringa, ‘Uya utitonge.’ 13 Muzambiringa wakaipindura uchiti, ‘Ndingasiya waini yangu itsva inoita kuti Mwari nevanhu vafare kuti ndiende kunozunguzwa nemhepo ndichioneka pamusoro pemimwe miti here?’ 14 Miti yese yakazoti kurukato, ‘Uya utitonge.’+ 15 Rukato rwakabva rwati kumiti yacho, ‘Kana muri kundizodza zvechokwadi kuti ndive mambo wenyu, uyai muhwande pasi pemumvuri wangu. Asi kana musiri, moto ngaubude murukato upise miti yemisidhari yekuRebhanoni.’
16 “Pamakagadza Abhimereki kuva mambo,+ zvaiva zvemwoyo wese uye zvakarurama here? Makaitira Jerubhaari neimba yake zvakanaka here, uye makamuitira zvakamukodzera here? 17 Baba vangu vakaisa upenyu hwavo* pangozi pavakakurwirai,+ kuti vakununurei muruoko rwaMidhiyani.+ 18 Asi nhasi mapandukira imba yababa vangu mukauraya vanakomana vavo, varume 70, padombo rimwe chete.+ Mabva magadza Abhimereki, mwanakomana wemurandasikana wavo,+ kuva mambo wevatungamiriri veShekemu nekungoti ihama yenyu chete. 19 Chokwadi, kana muri kuitira Jerubhaari zvakanaka uye zvakarurama, farirai Abhimereki uye iyewo ngaakufarirei. 20 Asi kana zvisiri izvo, moto ngaubude muna Abhimereki upise vatungamiriri veShekemu neBheti-miro,+ uye moto ngaubude muvatungamiriri veShekemu neBheti-miro upise Abhimereki.”+
21 Jotamu+ akabva atiza akaenda kuBheeri, ndokugara ikoko nekuti aitya mukoma wake Abhimereki.
22 Abhimereki akatonga Israeri* kwemakore matatu. 23 Mwari akabva aita kuti pakati paAbhimereki nevatungamiriri veShekemu pave neruvengo,* uye vakanyengera Abhimereki. 24 Akaita izvi kuti atsive umhondi hwakaitirwa vanakomana 70 vaJerubhaari, kuitira kuti mhosva yekudeura ropa ravo ive pamwana wababa vavo Abhimereki nekuti akavauraya,+ uye pavatungamiriri veShekemu nekuti vakamubatsira kuuraya vanakomana vababa vake. 25 Saka vatungamiriri veShekemu vakaisa vanhu kuti vamuhwandire pamusoro pemakomo, uye vaibira vanhu vese vaipfuura nepavaiva mumugwagwa. Nekufamba kwenguva, Abhimereki akaudzwa nezvazvo.
26 Gaari mwanakomana waEbhedhi nehama dzake vakabva vayambuka kuShekemu, uye vatungamiriri veShekemu+ vakatanga kuvimba naye. 27 Vakabva vabuda vakapinda mumunda, vakakohwa mazambiringa emuminda yavo, vakaasvina, vakaita mutambo, vachibva vazopinda muimba yamwari wavo+ vakadya nekunwa, vakatuka Abhimereki. 28 Gaari mwanakomana waEbhedhi akabva ati: “Abhimereki ndiani, uye Shekemu ndiani kuti timushandire? Haasi mwanakomana waJerubhaari,+ uye Zebhuri haasi jinda rake here? Shandirai vanakomana vaHamori, baba vaShekemu! Neiko tichifanira kushandira Abhimereki? 29 Kudai vanhu ava vaiva pasi pangu, ndaizobvisa Abhimereki.” Akabva ati kuna Abhimereki: “Wedzera uto rako ubude tizorwa.”
30 Zebhuri muchinda weguta paakanzwa mashoko aGaari mwanakomana waEbhedhi, akatutuma nehasha. 31 Saka akabva atuma nhume muchivande* kuna Abhimereki, achiti: “Inzwa! Gaari mwanakomana waEbhedhi nehama dzake vava muShekemu, uye vari kukuchidzira guta kuti rirwe newe. 32 Saka uya usiku, iwe nevarume vako, uvahwandire musango. 33 Zuva parinongobuda mangwanani, unofanira kukurumidza kumuka, worwisa guta; uye iye nevarume vake pavanobuda kuzokurwisa, ita zvese zvaunogona kuti umukunde.”*
34 Saka Abhimereki nevanhu vese vaaiva navo vakamuka usiku, vakahwandira Shekemu vari mumapoka mana. 35 Gaari mwanakomana waEbhedhi paakabuda akanomira pagedhi reguta, Abhimereki nevanhu vaaiva navo vakabva vasimuka kubva pavakanga vakahwandira. 36 Gaari paakaona vanhu vacho, akati kuna Zebhuri: “Tarisa uone! Kune vanhu vari kuburuka vachibva pamusoro pemakomo.” Asi Zebhuri akati kwaari: “Uri kuona mimvuri yemakomo sevanhu.”
37 Pava paya Gaari akati: “Tarisa uone! Kune vanhu vari kuburuka vachibva pakati penyika, uye rimwe boka riri kuuya nenzira yekumuti mukuru weMeonenimu.” 38 Zebhuri akati kwaari: “Zvino kuzvikudza kwako kuya kuri kupi kwawaiita uchiti, ‘Abhimereki ndiani kuti timushandire?’+ Ava havasi ivo vanhu vawakaramba here? Buda iye zvino urwe navo.”
39 Saka Gaari akabuda akaenda ari pamberi pevatungamiriri veShekemu, akarwa naAbhimereki. 40 Abhimereki akadzingirira Gaari, uye Gaari akamutiza, uye vakawanda vakaurayiwa vakasara vakati katakata kusvika pagedhi reguta.
41 Abhimereki akaramba achigara muAruma, uye Zebhuri+ akadzinga Gaari nehama dzake muShekemu. 42 Zuva rakatevera racho vanhu vakabuda vachienda musango, uye Abhimereki akaudzwa nezvazvo. 43 Saka akatora vanhu, akavakamura kuva mapoka matatu, akaramba akahwandira musango. Paakaona vanhu vachibuda muguta, akavarwisa akavauraya. 44 Abhimereki nemapoka aaiva nawo vakamhanya vakanomira pagedhi reguta, ukuwo mapoka maviri achirwisa vese vaiva musango, uye vakavauraya. 45 Abhimereki akarwa neguta racho zuva iroro rese, achibva aritora. Akauraya vanhu vaiva mariri, akaparadza guta racho,+ akarimwaya munyu.
46 Vatungamiriri vese veshongwe yeShekemu pavakazvinzwa, vakabva vaenda muimba* yaiva pasi pevhu mutemberi* yaEri-bheriti.+ 47 Abhimereki paakangoudzwa kuti vatungamiriri vese veshongwe yeShekemu vakanga vaungana, 48 akabva akwira muGomo reZarimoni nevarume vese vaaiva navo. Abhimereki akatora demo akatema bazi remuti, akariisa papfudzi rake, akati kuvanhu vaaiva navo: “Kurumidzai kuita zvamaona ndichiita!” 49 Saka vanhu vese vakatemawo mapazi vakatevera Abhimereki. Vakabva vaisa mapazi acho paimba yacho yepasi, vakaitungidza nemoto. Saka vanhu vese veshongwe yeShekemu vakafawo, varume nevakadzi vanenge 1 000.
50 Abhimereki akabva aenda kuTebhezi. Akadzika musasa kuti arwe neTebhezi achibva aitora. 51 Pakati peguta racho paiva neshongwe yakasimba, uye varume nevakadzi vese nevatungamiriri vese veguta racho vakatizira imomo. Vakazvivharira imomo vakakwira pamusoro pedenga reshongwe. 52 Abhimereki akaenda kushongwe yacho akairwisa. Akabva aenda kumusuo weshongwe yacho achida kuipisa nemoto. 53 Mumwe mukadzi akabva akanda huyo mumusoro maAbhimereki akamutsemura dehenya.+ 54 Abhimereki akabva angoshevedza mushandi wake akanga akatakura zvombo zvake akati kwaari: “Vhomora bakatwa rako undiuraye, kuti vasazoti nezvangu, ‘Akaurayiwa nemukadzi.’” Saka mushandi wake akamubaya, achibva afa.
55 Varume veIsraeri pavakaona kuti Abhimereki akanga afa, vese vakabva vadzokera kumba. 56 Saka Mwari akatsiva Abhimereki nekuda kwezvakaipa zvaakanga aitira baba vake paakauraya vanakomana vavo 70.+ 57 Mwari akaitawo kuti zvakaipa zvese zvevarume veShekemu zvivadzokere. Saka kutuka kwaJotamu+ mwanakomana waJerubhaari+ kwakauya pavari.
10 Pashure paAbhimereki kwakauya Tora mwanakomana waPua, mwanakomana waDhodho, murume wekwaIsakari kuti anunure vaIsraeri.+ Aigara muShamiri, munyika ine makomo yaEfremu. 2 Akatonga Israeri kwemakore 23. Akazofa, akavigwa muShamiri.
3 Pashure pake kwakauya Jairi muGiriyedhi uye akatonga Israeri kwemakore 22. 4 Aiva nevanakomana 30 vaitasva madhongi 30, uye vaiva nemaguta 30, ayo achiri kunzi Havhoti-jairi+ nanhasi; maguta acho ari munyika yeGiriyedhi. 5 Pashure paizvozvo Jairi akafa, akavigwa muKamoni.
6 VaIsraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha,+ vakatanga kushumira vanaBhaari,+ mifananidzo yaAshtoreti, vanamwari veAramu,* vanamwari veSidhoni, vanamwari veMoabhi,+ vanamwari vevaAmoni,+ navanamwari vevaFiristiya.+ Vakasiya Jehovha uye havana kumushumira. 7 Jehovha akabva atsamwira vaIsraeri kwazvo, uye akavatengesa mumaoko evaFiristiya nevaAmoni.+ 8 Saka vakarwadzisa uye vakadzvinyirira vaIsraeri kwazvo gore iroro; vakaita makore 18 vachidzvinyirira vaIsraeri vese vaiva kudivi raJodhani raimbova nyika yevaAmori muGiriyedhi. 9 VaAmoni vaiyambukawo Jodhani kuti varwe naJudha naBhenjamini neimba yaEfremu; uye vaIsraeri vakashungurudzika chaizvo. 10 VaIsraeri vakabva vashevedzera kuna Jehovha kuti avabatsire,+ vachiti: “Takakutadzirai, nekuti takasiya Mwari wedu tikashumira vanaBhaari.”+
11 Asi Jehovha akati kuvaIsraeri: “Handina kukununurai here kubva kuIjipiti,+ uye pavaAmori,+ vaAmoni, vaFiristiya,+ 12 vaSidhoni, vaAmareki, nevaMidhiyani, pavaikudzvinyirirai? Pamakachema kwandiri, ndakakununurai kubva muruoko rwavo. 13 Asi imi makandisiya mukashumira vamwe vanamwari.+ Ndokusaka ndisingazokuponesei zvakare.+ 14 Endai kuna vanamwari vamakasarudza, muvakumbire kuti vakubatsirei.+ Ngavakununurei munguva yekutambudzika kwenyu.”+ 15 Asi vaIsraeri vakati kuna Jehovha: “Takatadza. Tiitirei chero zvamunoona kuti ndizvo zvakanaka. Asi tinokumbirawo kuti mutinunure nhasi.” 16 Vakabvisa vanamwari vekune dzimwe nyika pakati pavo, vakashumira Jehovha,+ zvekuti akanga asisakwanisi* kungosiya vaIsraeri vachitambura.+
17 Nekufamba kwenguva, vaAmoni+ vakaungana, vakadzika musasa muGiriyedhi. Saka vaIsraeri vakaunganawo, vakadzika musasa muMizpa. 18 Vanhu nemachinda eGiriyedhi vakataurirana vachiti: “Ndiani achatungamirira pakuenda kunorwa nevaAmoni?+ Munhu iyeye ngaave mukuru wevagari vese vemuGiriyedhi.”
11 Zvino Jefta+ muGiriyedhi aiva murwi ane simba; aiva mwanakomana wepfambi, uye Giriyedhi ndiye aiva baba vake. 2 Asi mudzimai waGiriyedhi akamuberekerawo vanakomana. Vanakomana vemudzimai wake pavakakura, vakadzinga Jefta, vakati kwaari: “Hauzovi nenhaka muimba yababa vedu, nekuti uri mwanakomana wemumwe mukadzi.” 3 Saka Jefta akatiza vanakomana vababa vake, akanogara munyika yeTobhu. Varume vaiva vasina zvekuita vakabatana naJefta, vakamutevera.
4 Nekufamba kwenguva, vaAmoni vakarwisa vaIsraeri.+ 5 VaAmoni pavakarwisa vaIsraeri, vakuru veGiriyedhi vakabva vangoenda kunotora Jefta kuti adzoke kubva kunyika yeTobhu. 6 Vakati kuna Jefta: “Uya uve mutungamiriri wedu, kuti tirwe nevaAmoni.” 7 Asi Jefta akati kuvakuru veGiriyedhi: “Hamusi imi here maindivenga chaizvo zvekuti makandidzinga muimba yababa vangu?+ Mauyirei kwandiri iye zvino zvamava mudambudziko?” 8 Vakuru veGiriyedhi vakabva vati kuna Jefta: “Ndokusaka tadzoka kwauri. Kana ukaenda nesu kunorwa nevaAmoni, uchabva wava mutungamiriri wedu pavagari vese vemuGiriyedhi.”+ 9 Saka Jefta akati kuvakuru veGiriyedhi: “Kana mukandidzosa kuti ndizorwa nevaAmoni, Jehovha oita kuti ndivakunde, ndichabva ndava mutungamiriri wenyu!” 10 Vakuru veGiriyedhi vakati kuna Jefta: “Jehovha ngaave chapupu* pakati pedu kana tikasaita zvawataura.” 11 Saka Jefta akaenda nevakuru veGiriyedhi, uye vanhu vakamuita mutungamiriri uye mukuru wavo. Jefta akadzokorora mashoko ake ese pamberi paJehovha muMizpa.+
12 Jefta akabva atuma nhume kuna mambo wevaAmoni,+ achiti: “Chii chandakakutadzira* zvawauya kuzorwisa nyika yangu?” 13 Mambo wevaAmoni akati kunhume dzaJefta: “Nekuti vaIsraeri vakatora nyika yangu pavakabuda muIjipiti,+ kubvira kuAnoni+ kusvika kuJabhoki uye kusvika kuJodhani.+ Idzosei murugare.” 14 Asi Jefta akatumazve nhume kuna mambo wevaAmoni 15 kuti dzinoti kwaari:
“Zvanzi naJefta: ‘VaIsraeri havana kutora nyika yevaMoabhi+ nenyika yevaAmoni,+ 16 nekuti pavakabuda muIjipiti, vaIsraeri vakafamba nemurenje kusvika kuGungwa Dzvuku,+ vakazosvika kuKadheshi.+ 17 VaIsraeri vakabva vatuma nhume kuna mambo weEdhomu,+ vachiti: “Tinokumbirawo kupfuura nemunyika yenyu,” asi mambo weEdhomu haana kumbozviteerera. Vakatumirawo shoko kuna mambo weMoabhi,+ asi haana kubvuma. Saka vaIsraeri vakaramba vachigara muKadheshi.+ 18 Pavakafamba nemurenje, vakanyenyeredza nyika yeEdhomu+ nenyika yeMoabhi. Vakaenda vari kumabvazuva kwenyika yeMoabhi+ vakadzika musasa munharaunda yeAnoni; havana kupinda munyika yeMoabhi,+ nekuti Anoni ndiyo yaiva muganhu weMoabhi.
19 “‘Pashure paizvozvo vaIsraeri vakatuma nhume kuna Sihoni mambo wevaAmori, aitonga muHeshbhoni, uye vaIsraeri vakati kwaari: “Tinokumbirawo kupfuura nemunyika yenyu kuti tiende kunyika yedu.”+ 20 Asi Sihoni haana kuvimba nevaIsraeri kuti avarege vachipfuura nemunyika yake, saka Sihoni akaunganidza vanhu vake vese, akadzika musasa muJahazi, akarwa nevaIsraeri.+ 21 Jehovha Mwari waIsraeri akabva aisa Sihoni nevanhu vake vese mumaoko evaIsraeri, zvekuti vaIsraeri vakavakunda vakatora nyika yese yevaAmori vaigara munyika iyoyo.+ 22 Saka vakatora nyika yese yevaAmori kubva kuAnoni kusvika kuJabhoki uye kubva kurenje kusvika kuJodhani.+
23 “‘Jehovha Mwari waIsraeri ndiye akadzinga vaAmori pamberi pevanhu vake vaIsraeri,+ saka iwe ungavadzinga here? 24 Iwe hautori zvaunopiwa namwari wako Kemoshi+ here? Isuwo tichadzinga munhu wese anenge adzingwa naJehovha Mwari wedu pamberi pedu.+ 25 Iwe ungapfuura Bharaki+ mwanakomana waZipori, mambo weMoabhi here? Akamboita nharo nevaIsraeri, kana kumborwa navo here? 26 Israeri paaigara muHeshbhoni nemaguta madiki+ akaipoteredza nemuAroeri nemaguta madiki akaipoteredza nemumaguta ese ari pamahombekombe eAnoni kwemakore 300, nei musina kumbobvira maedza kuatora panguva iyoyo kuti ave enyu zvakare?+ 27 Ini handina chandakakutadzira, asi iwe uri kuita zvakaipa pauri kundirwisa. Jehovha iye Mutongi+ ngaatonge nhasi pakati pevaIsraeri nevaAmoni.’”
28 Asi mambo wevaAmoni haana kuda kuteerera shoko raJefta raakamutumira.
29 Mweya waJehovha wakauya pana Jefta,+ akapfuura nemuGiriyedhi nekwaManase achienda kuMizpe yeGiriyedhi,+ uye akabva ikoko akapfuurira kuenda kuvaAmoni.
30 Jefta akabva aita mhiko+ kuna Jehovha achiti: “Kana mukaisa vaAmoni muruoko rwangu, 31 chero munhu anobuda mumba mangu ouya kuzondigamuchira pandinodzoka nerugare ndichibva kuvaAmoni, achava waJehovha,+ uye ndichapa munhu iyeye sechibayiro chinopiswa.”+
32 Saka Jefta akaenda kunorwa nevaAmoni, uye Jehovha akavaisa muruoko rwake. 33 Akauraya vanhu vakawanda chaizvo kubva kuAroeri kusvika kuMiniti, maguta 20, uye kusvika kuAbheri-keramimu. Saka vaAmoni vakakundwa nevaIsraeri.
34 Jefta akazosvika kumba kwake kuMizpa,+ uye mwanasikana wake ndiye akabva auya kuzomugamuchira, achiridza tambureni achitamba! Zvino ndiye aingova mwana wake mumwe chete. Kunze kwake, aiva asina mumwe mwanasikana kana mwanakomana. 35 Paakamuona, akabvarura nguo dzake akati: “Maiwee, mwanasikana wangu kani! Warwadzisa mwoyo wangu,* nekuti ndiwe munhu wandadzinga. Zvino ini ndashama muromo wangu kuna Jehovha, uye handichakwanisi kuchinja.”+
36 Asi akati kwavari: “Baba vangu, kana mashama muromo wenyu kuna Jehovha, ndiitirei sezvamavimbisa,+ sezvo Jehovha atsiva vavengi venyu, vaAmoni.” 37 Akabva ati kuna baba vake: “Ndinongova nechikumbiro ichi: Ndibvumirei kuva ndega kwemwedzi miviri, uye ndibvumirei kuenda kumakomo, uye regai ndicheme umhandara hwangu, ini nevasikana vandinoshamwaridzana navo.”*
38 Ivo vakabva vati: “Enda hako.” Saka vakamurega kuti aende kwemwedzi miviri, uye akaenda kumakomo neshamwari dzake kuti anochema umhandara hwake. 39 Pakapera mwedzi miviri, akadzokera kuna baba vake, vachibva vazadzisa mhiko yavakanga vaita nezvake.+ Mwanasikana wacho haana kumborara nemurume. Uye kubva ipapo muIsraeri makanga mava kugara muchiitwa zvinotevera: 40 Gore negore, vasikana vemuIsraeri vaienda kunorumbidza mwanasikana waJefta muGiriyedhi, mazuva mana pagore.
12 Zvino varume vekwaEfremu vakashevedzwa, uye vakayambuka vakaenda kuZafoni,* vakati kuna Jefta: “Nei usina kutishevedza kuti tiende newe pawakayambuka uchinorwa nevaAmoni?+ Tichakupisira mumba mako.” 2 Asi Jefta akati kwavari: “Ini nevanhu vangu takarwa hondo yakakura nevaAmoni. Ndakakukumbirai kuti muzondibatsira, asi hamuna kundiponesa paruoko rwavo. 3 Pandakaona kuti hamusi kuzondibatsira, ndakasarudza kuisa upenyu hwangu pangozi ndikaenda kunorwa nevaAmoni,+ uye Jehovha akavaisa muruoko rwangu. Saka mauyirei kwandiri nhasi kuti murwe neni?”
4 Jefta akabva aunganidza varume vese veGiriyedhi+ vakarwa nevanhu vekwaEfremu; varume veGiriyedhi vakakunda vanhu vekwaEfremu, avo vakanga vati: “Munongovawo vanhu vakatiza kuna Efremu, imi vaGiriyedhi vari muna Efremu naManase.” 5 Varume veGiriyedhi vakanomira pamazambuko aJodhani+ kuti vaEfremu vasayambuka; uye varume vekwaEfremu pavaiedza kutiza vaiti, “Ndibvumirei kuyambuka”; varume veGiriyedhi vaibva vabvunza mumwe nemumwe wavo kuti, “Uri muEfremu here?” Paaiti: “Aiwa!” 6 ivo vaibva vati kwaari, “Taura kuti Shibhoreti.” Asi aiti, “Sibhoreti,” sezvo ainge asingakwanisi kutaura shoko racho nemazvo. Vaibva vamubata vomuuraya pamazambuko aJodhani. Saka panguva iyoyo vaEfremu 42 000 vakafa.
7 Jefta akatonga Israeri kwemakore 6, uye pashure pacho Jefta muGiriyedhi akazofa akavigwa muguta rake muGiriyedhi.
8 Pashure pake, Ibzani wekuBhetrehema akatonga Israeri.+ 9 Aiva nevanakomana 30 nevanasikana 30. Akaita kuti vanasikana vake varoorwe nevarume vakanga vasiri vedzinza rake uye akaunza vakadzi 30 kuti varoorwe nevanakomana vake. Akatonga Israeri kwemakore 7. 10 Ibzani akazofa, akavigwa muBhetrehema.
11 Pashure pake Eroni wekwaZebhuroni akatonga Israeri; akatonga Israeri kwemakore 10. 12 Eroni wekwaZebhuroni akazofa, akavigwa muAijaroni munyika yaZebhuroni.
13 Pashure pake Abdhoni mwanakomana waHireri wekuPiratoni akatonga Israeri. 14 Aiva nevanakomana 40 nevazukurukomana 30 vaitasva madhongi 70. Akatonga Israeri kwemakore 8. 15 Abdhoni mwanakomana waHireri wekuPiratoni akazofa, akavigwa kuPiratoni munyika yaEfremu mugomo raAmareki.+
13 VaIsraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha,+ uye Jehovha akavaisa mumaoko evaFiristiya+ kwemakore 40.
2 Munguva iyi, kwaiva nemumwe murume wekuZora+ wemhuri yevaDhani,+ ainzi Manoa.+ Mudzimai wake akanga asina mbereko, asina mwana.+ 3 Nekufamba kwenguva, ngirozi yaJehovha yakazviratidza kumukadzi wacho ikati kwaari: “Hauna mwana uye hauna mbereko. Asi uchava nepamuviri wobereka mwanakomana.+ 4 Saka iva nechokwadi chekuti hauzonwi waini kana chimwe chinhu chinodhaka,+ uye usadya chero chinhu chisina kuchena.+ 5 Uchava nepamuviri wobereka mwanakomana, uye hapana chisvo chinofanira kuveura musoro wake,+ nekuti mwana wacho achava muNaziri waMwari kubva paanoberekwa,* uye achatungamirira pakuponesa Israeri muruoko rwevaFiristiya.”+
6 Mukadzi wacho akabva aenda akanoudza murume wake kuti: “Munhu waMwari wechokwadi auya kwandiri, uye anga akaita sengirozi yaMwari wechokwadi, achishamisa chaizvo. Handina kumubvunza kuti anga achibva kupi, uye haana kundiudza zita rake.+ 7 Asi ati kwandiri, ‘Uchava nepamuviri wobereka mwanakomana. Saka usanwa waini kana chimwe chinhu chinodhaka, uye usadya chero chinhu chisina kuchena, nekuti mwana wacho achava muNaziri waMwari kubva paanoberekwa* kusvikira pazuva raachafa.’”
8 Manoa akateterera Jehovha achiti: “Jehovha, ndinokumbirawo kuti munhu waMwari wechokwadi wamuchangobva kutuma adzoke zvakare atirayiridze zvatinofanira kuita nemwana achaberekwa.” 9 Saka Mwari wechokwadi akateerera Manoa, uye ngirozi yaMwari wechokwadi yakauyazve kumukadzi wacho paainge akagara mumunda; murume wake Manoa akanga asipo. 10 Mukadzi wacho akabva amhanya akanoudza murume wake kuti: “Murume uya akauya kwandiri zuva riya azviratidza kwandiri.”+
11 Manoa akabva asimuka akaenda nemudzimai wake. Akasvika kwaiva nemurume wacho akati kwaari: “Ndiwe murume akataura nemudzimai wangu here?” Iye akati: “Ndini.” 12 Manoa akabva ati: “Mashoko ako ngaaitike! Mararamiro emwana wacho achange akaita sei uye achaita basa rei?”+ 13 Ngirozi yaJehovha yakabva yati kuna Manoa: “Mudzimai wako ngaarege zvinhu zvese zvandakamutaurira.+ 14 Haafaniri kudya chinhu chinobva pamuzambiringa, haafaniri kunwa waini kana chero chimwe chinhu chinodhaka,+ uye haafaniri kudya chero chinhu chipi zvacho chisina kuchena.+ Ngaachengete zvinhu zvese zvandakamurayira.”
15 Manoa akabva ati kungirozi yaJehovha: “Tapota, chimbomira kuenda tikugadzirire mbudzi diki.”+ 16 Asi ngirozi yaJehovha yakati kuna Manoa: “Kunyange kana ndikambomira, handizodyi zvekudya zvako; asi kana uchida kupa chibayiro chinopiswa kuna Jehovha, unogona kuchipa hako.” Manoa haana kuziva kuti yaiva ngirozi yaJehovha. 17 Manoa akabva ati kungirozi yaJehovha: “Unonzi ani,+ kuitira kuti tizokukudza kana zvawataura zvaitika?” 18 Zvisinei, ngirozi yaJehovha yakati kwaari: “Nei uchibvunza nezvezita rangu, iro richishamisa?”
19 Manoa akabva atora mbudzi diki nemupiro wezviyo,* akazvipa kuna Jehovha padombo. Uye Mwari akanga achiita zvinoshamisa, Manoa nemudzimai wake vakatarisa. 20 Rimi remoto zvaraikwira kudenga richibva paatari, ngirozi yaJehovha yakakwira iri murimi racho raibva paatari, Manoa nemudzimai wake vakatarisa. Vakabva vazvambarara vakaisa zviso zvavo pasi. 21 Ngirozi yaJehovha haina kuzozviratidzazve kuna Manoa nemudzimai wake. Manoa akabva aziva kuti yaiva ngirozi yaJehovha.+ 22 Manoa akabva ati kumudzimai wake: “Chokwadi tichafa, nekuti taona Mwari.”+ 23 Asi mudzimai wake akati kwaari: “Kudai Jehovha anga achida kutiuraya, angadai asina kugamuchira chibayiro chinopiswa+ nemupiro wezviyo wabva muruoko rwedu, angadai asina kutiratidza zvinhu zvese izvi, uye angadai asina kutiudza kana chimwe chezvinhu izvi.”
24 Mukadzi wacho akazobereka mwanakomana, akamutumidza kuti Samsoni;+ uye mukomana wacho paaikura, Jehovha akaramba achimukomborera. 25 Nekufamba kwenguva, mweya waJehovha wakauya paari+ ari muMahane-dhani,+ pakati peZora neEshtaori.+
14 Samsoni akabva aenda kuTimna, uye akaona mumwe mukadzi wechiFiristiya* kuTimna. 2 Akabva aenda akanoudza baba naamai vake kuti: “Pane mukadzi wechiFiristiya anditora mwoyo kuTimna, uye ndinoda kuti munonditorera mukadzi wacho kuti ave mudzimai wangu.” 3 Asi baba naamai vake vakati kwaari: “Washaya here mukadzi pakati pehama dzako nevanhu vese vekwedu?+ Ungaenda kunotora mukadzi kuvaFiristiya vasina kuchecheudzwa here?” Asi Samsoni akati kuna baba vake: “Nditorerei iyeye, nekuti ndiye wandada.”* 4 Baba naamai vake havana kuziva kuti izvi zvakanga zvichibva kuna Jehovha, uyo akanga achitsvaga mukana wekurwisa vaFiristiya, sezvo vaFiristiya vakanga vachitonga Israeri panguva iyoyo.+
5 Saka Samsoni akaenda kuTimna nababa naamai vake. Paakasvika kuminda yemizambiringa yeTimna, shumba* yakauya kwaari ichidzvova. 6 Mweya waJehovha wakabva wamupa simba,+ akaibvarura nepakati, sezvinongoita munhu anobvarura mbudzi diki nepakati nemaoko ake. Asi haana kuudza baba vake kana amai vake zvaakanga aita. 7 Samsoni akabva aenda akanotaura nemukadzi wacho, uye mukadzi iyeye ndiye waakanga achiri kuda.+
8 Kwapera chinguva, paakanga ava kudzokera kunotora mukadzi wacho kuti aende naye kumba,+ akatsauka kuti atarise mutumbi weshumba iya, uye mukati mayo makanga mava nebumha renyuchi neuchi. 9 Saka akahumorera mumaoko ake akahudya achifamba. Paakabata baba naamai vake, akavapa humwe kuti vadye. Asi haana kuvaudza kuti akanga amora uchi hwacho mumutumbi weshumba.
10 Baba vake vakaenda kumukadzi wacho, uye Samsoni akaita mabiko ikoko, nekuti ndizvo zvaiitwa nemajaya. 11 Paakasvika akapiwa vaperekedzi 30, kuti vave naye. 12 Samsoni akabva ati kwavari: “Regai ndikutaurirei chirahwe. Kana mukachidudzira mondiudza zvachinoreva mumazuva 7 emabiko, ndichafanira kukupai nguo 30 dzejira nezvimwe zvipfeko 30. 13 Asi kana musingakwanisi kundiudza zvachinoreva, munofanira kundipa nguo 30 dzejira nedzimwe nguo 30.” Ivo vakati kwaari: “Tiudze chirahwe chako; tinoda kuchinzwa.” 14 Saka akati kwavari:
“Mukati mechinhu chinodya makabuda chekudya,
Uye mukati mechinhu chine simba makabuda chinhu chinotapira.”+
Havana kukwanisa kududzira chirahwe chacho kwemazuva matatu. 15 Pazuva rechina, vakati kumudzimai waSamsoni: “Nyengedza murume wako+ kuti atiudze kududzirwa kwechirahwe chacho. Kana ukasadaro, tichakupisa nemoto iwe neveimba yababa vako. Makatikoka pano kuti mutore zvinhu zvedu here?” 16 Saka mudzimai waSamsoni akamuchemera, akati: “Unondivenga chete; haundidi.+ Wakataurira vanhu vekwangu chirahwe, asi hauna kundiudza kududzirwa kwacho.” Akabva ati kwaari: “Kunyange baba vangu kana amai vangu handina kumbovaudza! Ndingaudza iwe here?” 17 Asi akaramba achimuchemera kwemazuva ese akanga asara emabiko acho emazuva 7. Akazomuudza pazuva rechi7, nekuti akanga amumanikidza. Mukadzi wacho akabva audza vanhu vekwake kududzirwa kwechirahwe chacho.+ 18 Saka pazuva rechi7, zuva risati ranyura,* varume veguta racho vakati kuna Samsoni:
“Chii chinotapira kupfuura uchi,
Uye chii chine simba kupfuura shumba?”+
Iye akavapindura kuti:
“Kudai manga musina kurima netsiru rangu,+
Mungadai musina kududzira chirahwe changu.”
19 Mweya waJehovha wakabva wamupa simba,+ achibva aenda kuAshkeroni+ akauraya varume 30 veko, akatora nguo dzavo akadzipa vaya vakanga vadudzira chirahwe chacho.+ Akanga akatsamwa chaizvo paaidzokera kumba kwababa vake.
20 Mudzimai waSamsoni+ akazopiwa mumwe wevaperekedzi vake vaakanga ainavo.+
15 Nekufamba kwenguva, mumazuva ekukohwa gorosi, Samsoni akashanyira mudzimai wake aine mbudzi diki. Akati: “Ndinoda kupinda muimba yekurara* mune mudzimai wangu.” Asi baba vemudzimai wake vakamurambidza kupinda. 2 Baba vacho vakati: “Ndakafunga kuti haumudi.+ Saka ndakamupa muperekedzi wako.+ Munin’ina wake haana kunaka kumupfuura here? Tora zvako iyeye.” 3 Zvisinei, Samsoni akati kwavari: “Iye zvino handingapiwi mhosva nevaFiristiya kana ndikavaitira zvakaipa.”
4 Saka Samsoni akaenda, akabata makava 300. Akabva atora mwenje, akasunganidza miswe yemakava acho achiaita maviri maviri, achiisa mwenje mumwe chete pakati pemiswe miviri yega yega. 5 Akabva abatidza mwenje yacho, akaregedzera makava acho achienda muminda yaiva nezvirimwa zvakanga zvisati zvakohwewa zvevaFiristiya. Akapisa zvinhu zvese nemoto kubvira kuchisote kusvikira kuzvirimwa zvakanga zvisati zvakohwewa, uyewo minda yemizambiringa neminda yemiorivhi.
6 VaFiristiya vakabvunza kuti: “Ndiani aita izvi?” Vakaudzwa kuti: “NdiSamsoni, mukuwasha wemurume wekuTimna, nekuti murume wacho akatora mudzimai waSamsoni, akamupa muperekedzi wake.”+ VaFiristiya vakabva vaenda vakapisa mukadzi wacho nababa vake nemoto.+ 7 Samsoni akabva ati kwavari: “Kana zviri izvo zvamunoita, handisi kuzomira kusvikira ndakutsivai.”+ 8 Akabva auraya vakawanda chaizvo, mumwe pashure pemumwe, achibva aenda, akatanga kugara mubako redombo* reEtamu.
9 Gare gare vaFiristiya vakauya, vakadzika musasa muJudha, uye vaifamba vachipararira muRehi.+ 10 Varume veJudha vakabva vati: “Nei mauya kuzotirwisa?” ivo vakapindura vachiti: “Tauya kuzotora* Samsoni, kuti timuitirewo zvaakatiitira.” 11 Saka varume veJudha 3 000 vakaenda kubako redombo* reEtamu vakati kuna Samsoni: “Hauzivi here kuti vaFiristiya vari kutitonga?+ Saka nei watiitira izvi?” Akabva ati kwavari: “Zvavakandiitira ndizvo zvandakavaitirawo.” 12 Asi vakati kwaari: “Tauya kuzokutora* kuti tikuendese kuvaFiristiya.” Samsoni akabva ati: “Ndipikirei kuti hamuzondirwisi.” 13 Ivo vakati kwaari: “Aiwa, tichangokusunga chete, tokuendesa kwavari, asi hatizokuurayi.”
Saka vakamusunga netambo itsva mbiri vakabva naye kudombo racho. 14 Paakasvika kuRehi, vaFiristiya vakashevedzera nemufaro pavakamuona. Mweya waJehovha wakabva wamupa simba,+ tambo dzaiva mumaoko ake dzikabva dzaita seshinda dzakatsva nemoto, uye zvisungo zvake zvakanyunguduka zvichibva mumaoko ake.+ 15 Akabva awana shaya yedhongi gono rakanga richangofa; akatambanudza ruoko rwake, akaitora, akauraya varume 1 000 nayo.+ 16 Samsoni akabva ati:
“Neshaya yedhongi, ndavaita murwi mumwe chete, mirwi miviri!
Neshaya yedhongi ndauraya varume 1 000.”+
17 Paakapedza kutaura, akabva arasa shaya yacho, akatumidza nzvimbo iyoyo kuti Ramati-rehi.*+ 18 Akabva ava nenyota kwazvo, uye akashevedzera kuna Jehovha, akati: “Ndimi maita kuti mushumiri wenyu akunde vanhu vakawanda kudai. Iye zvino ndofa nenyota uye ndowira mumaoko evanhu vasina kuchecheudzwa here?” 19 Saka Mwari akatsemura gomba raiva muRehi, mvura ikayerera ichibuda mariri.+ Paakainwa, simba rake rakadzoka, muviri wake ukasimbazve. Ndokusaka akatumidza nzvimbo yacho kuti Eni-hakore,* iyo iri muRehi.
20 Akatonga Israeri mumazuva evaFiristiya kwemakore 20.+
16 Pane imwe nguva Samsoni akaenda kuGaza, akaona pfambi ikoko, akapinda mumba mayo. 2 VaGaza vakaudzwa kuti: “Samsoni auya kuno.” Saka vakamukomba, vakamuhwandira usiku hwese pagedhi reguta. Vakaramba vakanyarara usiku hwese vachiti: “Tichamuuraya pakunenge kwachena.”
3 Asi Samsoni akaramba akarara ikoko kusvikira pakati peusiku. Akabva amuka pakati peusiku, akabata masuo egedhi reguta nemagwatidziro* aro maviri, akaadzura pamwe chete nezariro* racho. Akazviisa pamapfudzi, akakwira nazvo pamusoro pegomo rakatarisana neHebroni.
4 Pashure paizvozvo akadanana nemumwe mukadzi aiva muBani reSoreki, ainzi Dherira.+ 5 Saka madzishe evaFiristiya akaenda kumukadzi wacho akati: “Munyengetedze*+ uone kuti chii chinomupa simba rakawanda kudaro uye kuti tingamukurira sei tomusunga tobva tamukunda. Kana ukadaro, mumwe nemumwe wedu achakupa masirivha 1 100.”
6 Dherira akazotaura naSamsoni achiti: “Ndapota ndiudze kuti simba rako guru rinobva kupi uye kuti chii chaungasungwa nacho kuti munhu akukunde.” 7 Samsoni akati kwaari: “Kana vakandisunga netambo 7 dzisati dzaomeswa dzinoiswa pauta,* ndichapera simba ndoita sezvakangoita munhu wese.” 8 Saka madzishe evaFiristiya akaunzira mukadzi wacho tambo 7 dzepauta dzisati dzaomeswa, akabva amusunga nadzo. 9 Vakabva vahwandira muimba yemukati, uye mukadzi wacho akashevedzera kwaari achiti: “Samsoni, vaFiristiya vasvika!” Akabva adambura tambo dzacho zviri nyore, sekudambuka kunoita katambo kemuti wemufurakisi pakanoenda pedyo nemoto.+ Simba rake harina kuzivikanwa kuti raibva pai.
10 Dherira akabva ati kuna Samsoni: “Wandinyengedza ukandiudza nhema. Ndapota chindiudza kuti chii chingashandiswa kukusunga.” 11 Saka akati kwaari: “Kana vakandisunga netambo itsva dzisati dzamboshandiswa, ndichapera simba ndoita sezvakangoita munhu wese.” 12 Dherira akabva atora tambo itsva akamusunga nadzo akashevedzera achiti: “Samsoni, vaFiristiya vasvika!” (Munguva yese iyi vaya vainge vakahwandira vaiva muimba yemukati.) Akabva adzidambura mumaoko ake seari kudambura shinda.+
13 Pashure paizvozvo Dherira akati kuna Samsoni: “Uri kungoramba uchindinyengedza uchindiudza nhema.+ Ndiudze kuti chii chingashandiswa kukusunga.” Akabva ati kwaari: “Kana ukarukirira mhotsi 7 dzemusoro wangu neshinda yemuruki wemachira, ndichapera simba.” 14 Saka akadzisungirira achishandisa hoko, achibva ashevedzera kwaari achiti: “Samsoni, vaFiristiya vasvika!” Akabva apepuka, akadzura hoko neshinda yacho.
15 Akabva ati kwaari: “Ungataura sei kuti, ‘Ndinokuda,’+ iwo mwoyo wako usiri pandiri? Wandinyengedza katatu aka uye hauna kundiudza kuti simba rako guru rinobva pai.”+ 16 Airamba achimunetsa uye achimumanikidza zuva nezuva, akapedzisira amunetesa* zvekusvika pakuda kufa.+ 17 Saka akazopedzisira amuudza zvese zvaiva mumwoyo make achiti: “Musoro wangu hausati wamboveurwa nechisvo, nekuti ndiri muNaziri waMwari kubva pandakaberekwa.*+ Kana ndikaveurwa, simba rangu richabva kwandiri uye ndichava munhu asina simba ndoita sevamwe varume vese.”
18 Dherira paakaona kuti akanga amuudza zvese zvaiva mumwoyo make, akabva angoshevedza madzishe evaFiristiya,+ achiti: “Uyai iye zvino, nekuti andiudza zvese zviri mumwoyo make.” Saka madzishe evaFiristiya akabva aenda kwaari aine mari. 19 Akamuita kuti abatwe nehope ari pamabvi ake; akabva ashevedza mumwe murume akaita kuti aveure mhotsi 7 dzemusoro wake. Pashure paizvozvo, Dherira akatanga kuva nesimba paari, nekuti simba raSamsoni rakanga richipera. 20 Akabva ashevedzera kuti: “Samsoni, vaFiristiya vasvika!” Akapepuka akati: “Ndichabuda sepane dzimwe nguva+ ndozvisunungura.” Asi haana kuziva kuti Jehovha akanga amusiya. 21 Saka vaFiristiya vakamubata, vakamutushura maziso. Vakabva vaenda naye kuGaza, vakamusunga nezvisungo zviviri zvemumakumbo zvemhangura, uye akatanga kuita basa rekukuya zviyo* mujeri. 22 Asi bvudzi remusoro wake rakatanga kukura zvakare pashure pekunge aveurwa.+
23 Madzishe evaFiristiya akaungana kuti ape chibayiro chikuru kuna mwari wawo Dhagoni+ uye kuti apemberere, nekuti aiti: “Mwari wedu aisa muvengi wedu Samsoni mumaoko edu!” 24 Vanhu pavakamuona, vakarumbidza mwari wavo vakati: “Mwari wedu aisa muvengi wedu mumaoko edu, uyo akaparadza nyika yedu,+ akauraya vanhu vedu vakawanda chaizvo.”+
25 Sezvo vaiva nemufaro mumwoyo yavo, vakati: “Shevedzai Samsoni kuti atifadze.” Saka vakanoshevedza Samsoni mujeri kuti avafadze; vakaita kuti amire pakati pembiru. 26 Samsoni akabva ati kumukomana akanga akamubata ruoko: “Ita kuti ndibate mbiru dzakatsigisa imba, kuitira kuti ndizendame padziri.” 27 (Sezvineiwo, imba yacho yakanga yakazara nevarume nevakadzi. Madzishe ese evaFiristiya aivapo, uye pamusoro pedenga reimba yacho paiva nevarume nevakadzi vanenge 3 000 avo vainge vakatarisa Samsoni vachinakidzwa.)
28 Samsoni+ akabva ashevedzera kuna Jehovha achiti: “Changamire Ishe Jehovha, ndapota ndiyeukei, uye ndisimbisei+ ndapota, panguva ino chete, haiwa Mwari, uye regai nditsive vaFiristiya nekuda kwerimwe remaziso angu maviri.”+
29 Samsoni akabva azvitsigisa nembiru mbiri dzepakati dzaiva dzakatsigisa imba yacho, akazendamira padziri, ruoko rwake rwerudyi rwuri pane imwe uye ruoko rwake rweruboshwe rwuri pane imwe yacho. 30 Samsoni akashevedzera achiti: “Regai ndife* pamwe chete nevaFiristiya!” Akabva asunda nesimba rake rese, imba yacho ikabva yawira madzishe acho nevanhu vese vaivamo.+ Saka akauraya vakawanda pakufa kwake kupfuura vaakanga ambouraya muupenyu hwake.+
31 Gare gare hama dzake nemhuri yese yababa vake vakauya kuzomutora kuti vadzokere naye. Vakaenda naye vakanomuviga pakati peZora+ neEshtaori muguva raManoa+ baba vake. Akanga atonga Israeri kwemakore 20.+
17 Kwaiva nemumwe murume wekunyika ine makomo yaEfremu+ ainzi Mika. 2 Akati kuna amai vake: “Ndini ndine masirivha 1 100 amakashaya, mukataura mashoko ekutuka nezvawo, ini ndikanzwa mashoko acho. Ndini ndakaatora.” Amai vake vakabva vati: “Jehovha ngaakomborere mwanakomana wangu.” 3 Saka akadzorera amai vake masirivha acho 1 100, asi amai vake vakati: “Ndichapa* Jehovha sirivha yacho ichibva muruoko rwangu kuti mwanakomana wangu aishandise pakugadzira mufananidzo wakavezwa uye mufananidzo wesimbi.*+ Ndava kuidzorera kwauri.”
4 Pashure pekunge adzorera sirivha yacho kuna amai vake, amai vake vakatora masirivha 200 vakaapa mupfuri wesirivha. Akagadzira mufananidzo wakavezwa uye mufananidzo wesimbi.* Mifananidzo yacho yakabva yaiswa mumba maMika. 5 Murume uyu Mika aiva neimba yaiva navanamwari. Akagadzira efodhi*+ uye zvidhori,*+ akagadza mumwe wevanakomana vake, kuti ashande semupristi wake.+ 6 Mumazuva iwayo, muIsraeri makanga musina mambo.+ Munhu aiita zvaaifunga kuti ndizvo zvakarurama.*+
7 Paiva nemumwe murume wechidiki wekuBhetrehema+ iri muJudha aiva wemhuri yaJudha. Aiva muRevhi+ uye akanga ava nenguva yakati achigara imomo. 8 Murume wacho akabuda muguta reBhetrehema iri muJudha kuti anotsvaga pekugara. Paaifamba, akasvika munyika ine makomo yaEfremu, kumba kwaMika.+ 9 Mika akabva ati kwaari: “Unobvepi?” Iye akati: “Ndiri muRevhi wekuBhetrehema iri muJudha, ndiri kuenda kunotsvaga nzvimbo yekugara.” 10 Mika akati kwaari: “Gara neni uve chipangamazano* nemupristi wangu. Ndichakupa masirivha 10 pagore nenguo nezvekudya zvako.” Saka muRevhi wacho akabva apinda. 11 MuRevhi wacho akabvuma kugara naMika, akava semumwe wevanakomana vake. 12 Mika akagadzawo muRevhi wacho kuti ave mupristi wake+ uye akagara mumba maMika. 13 Mika akabva ati: “Ndava kuziva kuti Jehovha achandiitira zvakanaka, nekuti muRevhi uyu ava mupristi wangu.”
18 Mazuva iwayo muIsraeri makanga musina mambo.+ Uye mazuva iwayo dzinza revaDhani+ rakanga richitsvaga nzvimbo* yekugara, nekuti kusvikira panguva iyoyo vakanga vasati vawana nhaka pakati pemadzinza aIsraeri.+
2 VaDhani vakatuma varume vashanu vemhuri yavo, varume vakashinga vaibva kuZora neEshtaori,+ kuti vanoongorora* nyika nekuona zvayakaita. Vakati kwavari: “Endai munoona zvakaita nyika.” Pavakasvika munyika ine makomo yaEfremu, kumba kwaMika,+ vakarara ikoko. 3 Pavaiva pedyo neimba yaMika, vakaziva inzwi remurume* uya wechidiki muRevhi, saka vakaenda kwaari vakamubvunza kuti: “Ndiani akakuunza kuno? Uri kuitei munzvimbo ino? Uri kugarirei pano?” 4 Iye akati kwavari: “Mika akandiitira zvekuti nezvekuti uye akanditora kuti ndishande semupristi wake achindibhadhara.”+ 5 Vakabva vati kwaari: “Tapota bvunza Mwari kuti tizive kana rwendo rwedu ruchizobudirira.” 6 Mupristi wacho akati kwavari: “Endai nerugare. Jehovha anemi parwendo rwenyu.”
7 Saka varume vacho vashanu vakapfuurira, vakasvika kuguta reRaishi.+ Vakaona kuti vanhu vaiva muguta racho vaizviraramira havo vega sezvaiitwa nevaSidhoni. Vakanga vakazvinyararira, vasina chavaifungira,+ uye kwainge kusina vatongi vaipinda munyika yavo kuti vavadzvinyirire. Vaiva kure chaizvo nevaSidhoni, uye vakanga vasina vamwe vanhu vavaidyidzana navo.
8 Varume vacho pavakadzokera kuhama dzavo kuZora neEshtaori,+ hama dzavo dzakati kwavari: “Makaona kwakadii?” 9 Ivo vakapindura vachiti: “Handei tinovarwisa, nekuti takaona kuti nyika yacho yakanaka chaizvo. Muri kuzezei? Musanonoka kuenda kunotora nyika yacho. 10 Pamuchasvika, muchaona vanhu varimo avo vasina chavari kumbofungira;+ nyika yacho yakakura chaizvo. Mwari aisa nyika yacho mumaoko enyu uye munyika yacho hamuna chinhu chiri panyika chinoshayikwa.”+
11 Varume 600 vainge vakapakata zvombo zvehondo, vemhuri yevaDhani, vakabva vasimuka vachibva kuZora neEshtaori.+ 12 Vakaenda vakanodzika musasa paKiriyati-jearimu+ iri muJudha. Ndokusaka nzvimbo iyoyo iri kumavirira kweKiriyati-jearimu ichinzi Mahane-dhani*+ nanhasi. 13 Vakabva ipapo vakaenda kunyika ine makomo yaEfremu, vakasvika pamba paMika.+
14 Varume vashanu vakanga vaenda kunoongorora* nyika yeRaishi+ vakati kuhama dzavo: “Maizviziva here kuti mudzimba idzi mune efodhi,* nezvidhori,* nemufananidzo wakavezwa uye mufananidzo wesimbi?*+ Fungai zvekuita.” 15 Saka vakamira ipapo, vakaenda kuimba yemurume uya wechidiki muRevhi,+ pamba paMika, vakamubvunza upenyu. 16 Munguva yese iyi varume 600 vekwaDhani,+ avo vainge vakapakata zvombo zvehondo, vakanga vakamira pagedhi. 17 Varume vashanu vakanga vaenda kunosora nyika+ vakapinda mukati kuti vatore mufananidzo wakavezwa, neefodhi,+ nezvidhori,*+ nemufananidzo wesimbi.*+ (Mupristi wacho+ akanga akamira pagedhi aine varume 600 vakanga vakapakata zvombo zvehondo.) 18 Vakapinda mumba maMika, vakatora mufananidzo wakavezwa, neefodhi, nezvidhori,* nemufananidzo wesimbi.* Mupristi wacho akati kwavari: “Muri kuitei?” 19 Asi vakati kwaari: “Nyarara. Bata muromo wako, uende nesu kuti unova chipangamazano* nemupristi wedu. Ndezvipi zviri nani, kuti uve mupristi weimba yemunhu mumwe chete+ kana kuti uve mupristi wedzinza newemhuri muIsraeri?”+ 20 Mupristi wacho akagutsikana nazvo, achibva atora efodhi nezvidhori,* nemufananidzo wakavezwa,+ akabva aenda nevanhu vacho.
21 Vakabva vasimuka kuti vaende, vakaisa vana nezvipfuwo nezvinhu zvinokosha mberi kwavo. 22 Pavakanga vafamba chinhambwe kubva pamba paMika, varume vaigara mudzimba dzaiva pedyo neimba yaMika vakabva vaungana, vakatevera vaDhani vakavabata. 23 Pavakashevedzera kuvaDhani, vaDhani vakabva vacheuka vakati kuna Mika: “Chii chanetsa? Nei maungana pamwe chete?” 24 Akabva ati: “Matora vanamwari vangu vandakagadzira, mukabva matorawo nemupristi wacho. Zvino ini ndasara nei? Saka mungati sei kwandiri, ‘Chii chiri kukunetsa?’” 25 VaDhani vakamupindura vachiti: “Usatikwidzira inzwi; nekuti varume vakatsamwa vanogona kukurwisa worasikirwa neupenyu hwako nehwevanhu veimba yako.”* 26 Saka vaDhani vakaenderera mberi nerwendo rwavo; uye Mika paakaona kuti vaiva nesimba kumupfuura, akabva atendeuka ndokudzokera kumba kwake.
27 Pashure pekunge vatora zvakanga zvagadzirwa naMika pamwe chete nemupristi wake, vakabva vaenda kuRaishi,+ kuvanhu vakanga vakazvinyararira, vasina chavaifungira.+ Vakavauraya nebakatwa uye vakapisa guta racho nemoto. 28 Hapana aigona kubatsira vanhu vemuguta iri nekuti raiva kure neSidhoni, uye hapana mumwe wavaidyidzana naye uye guta racho rakanga riri mubani reBheti-rehobhu.+ Vakabva vavakazve guta racho vakagara mariri. 29 Uyewo vakatumidza guta racho kuti Dhani,+ iro raiva zita rababa vavo Dhani, mwanakomana waIsraeri.+ Asi guta racho raimbonzi Raishi.+ 30 Pashure paizvozvo vaDhani vakazvimisira mufananidzo wakavezwa,+ uye Jonatani+ mwanakomana waGeshomu,+ mwanakomana waMozisi, nevanakomana vake, vakava vapristi vedzinza revaDhani kusvikira pazuva rakazotapwa vagari vemunyika yacho. 31 Vakamisa mufananidzo wakavezwa wakanga wagadzirwa naMika, uye wakaramba uri ipapo mazuva ese ayo imba yaMwari wechokwadi yaiva muShiro.+
19 Mumazuva iwayo pakwakanga kusina mambo muIsraeri,+ mumwe muRevhi uyo panguva iyoyo akanga achigara kudivi riri kure kwazvo munyika ine makomo yaEfremu,+ akatora mukadzi* kuBhetrehema+ iri muJudha kuti ave mudzimai wake. 2 Asi murongo wake akanga asina kuvimbika kwaari, uye akasiya murume wacho akaenda kumba kwababa vake kuBhetrehema iri muJudha. Akaramba ari ikoko kwemwedzi mina. 3 Murume wake akabva amutevera kuti anomunyengetedza kuti adzoke; akaenda nemurandarume wake nemadhongi maviri. Saka mukadzi wacho akamupinza mumba mababa vake. Baba vemukadzi wacho pavakamuona, vakafara kuonana naye. 4 Tezvara vake, baba vemukadzi iyeye, vakamunyengetedza kuti agare navo kwemazuva matatu; uye vaidya vachinwa uye aibva ararapo.
5 Pazuva rechina, pavakafumomuka mangwanani kuti vaende, baba vemukadzi wacho wechidiki vakati kumukuwasha wavo: “Wana chekudya kuti uwane simba,* mobva mazoenda henyu.” 6 Saka vakagara pasi, uye vese vari vaviri vakatanga kudya nekunwa pamwe chete; pashure paizvozvo baba vemukadzi wacho wechidiki vakati kumurume wacho: “Ndapota, rara hako pano ufare.”* 7 Murume wacho paakasimuka kuti aende, tezvara vake vakaramba vachimukumbira kuti asaende, saka akararazve ipapo.
8 Paakafumomuka zuva rechishanu kuti aende, baba vemukadzi wacho wechidiki vakati: “Wadii kuwana chekudya kuti uwane simba.”* Saka vakaramba varipo kusvikira zuva rarereka, uye vakaramba vachidya vari vaviri. 9 Murume wacho paakasimuka kuti aende nemurongo wake nemuranda wake, tezvara vake, baba vemukadzi wacho wechidiki, vakati kwaari: “Tarisa uone, kwava kutodoka. Ndapota rarai pano. Zuva rava kutonyura. Rarai pano mufare henyu. Munogona kumukira mangwana moenda kumba kwenyu.”* 10 Zvisinei, murume wacho akanga asingachadi kurarazve ipapo, saka akasimuka akaenda akasvika kuJebhusi, kureva Jerusarema.+ Aiva nemadhongi maviri aiva akasungirirwa zvigaro, nemurongo wake, nemuranda wake.
11 Pavakanga vava pedyo neJebhusi, zuva rakanga rava kunodoka. Saka muranda wacho akati kuna tenzi wake: “Tomira here muguta iri revaJebhusi kuti tirare imomo?” 12 Asi tenzi wake akati kwaari: “Hatifaniri kumira muguta revanhu vasiri vekwedu, vasiri vaIsraeri. Tichapfuurira tosvika kuGibhiya.”+ 13 Akabva ati kumuranda wake: “Handei, ngatiedze kunosvika kune imwe yenzvimbo dzacho; ticharara muGibhiya kana kuti muRama.”+ 14 Saka vakaramba vachienda, uye zuva rakatanga kudoka pavakanga vava pedyo neGibhiya yaBhenjamini.
15 Vakabva vamira ipapo vakapinda muGibhiya kuti varare imomo. Pavakangopinda, vakanogara pamusika wemuguta, asi hapana akavatora kuti vanorara kumba kwake.+ 16 Manheru iwayo, pakazosvika mumwe murume akanga akwegura aibva kunoita basa rake kumunda. Murume wacho aiva wekunyika ine makomo yaEfremu,+ uye akanga achigara muGibhiya kwechinguva; asi vagari vemuguta racho vaiva vaBhenjamini.+ 17 Paakasimudza musoro ndokuona murume uya aiva parwendo ari pamusika weguta, murume wacho akwegura akati: “Uri kuenda kupi, uye unobva kupi?” 18 Iye akapindura kuti: “Tiri kubva kuBhetrehema iri muJudha uye tiri kuenda kudivi riri kure chaizvo renyika ine makomo yaEfremu kwandinobva. Ndainge ndaenda kuBhetrehema iri muJudha,+ uye iye zvino ndiri kuenda kuimba yaJehovha,* asi hapana ari kundipinza mumba make. 19 Tine uswa nechikafu chakakwana chemadhongi edu,+ uye tine chingwa+ newaini zvangu, nezvemurongo wangu, nemuranda wedu. Hapana chatisina.” 20 Zvisinei, mukweguru wacho akati: “Iva nerugare! Ndichakupa zvese zvaungada. Asi usarara pamusika.” 21 Akamupinza mumba make, akapa madhongi ake chikafu. Vakabva vageza tsoka dzavo, vakadya nekunwa.
22 Pavakanga vachifara havo, vamwe varume vasingabatsiri vemuguta racho, vakakomba imba yacho, vachirova suo zvine simba, uye vakaramba vachiti kumukweguru wacho, muridzi weimba: “Budisa murume apinda mumba mako kuti tirare naye.”+ 23 Muridzi weimba yacho akabva abuda panze akati kwavari: “Aiwa, hama dzangu, musaita zvakaipa. Ndapota hangu, murume uyu muenzi mumba mangu. Musaita zvinhu zvakadaro zvinonyadzisa. 24 Ndine mwanasikana wangu mhandara nemurongo wemurume uyu. Regai ndivabudise uye munogona kuvanyadzisa kana zviri izvo zvamuri kuda.*+ Asi musaitira murume uyu zvinhu zvakadaro zvinonyadzisa.”
25 Asi varume vacho havana kumuteerera, saka murume wacho* akatora murongo wake+ akamubudisa panze kwavari. Vakamubata chibharo, vakamuitira zvakaipa usiku hwese kusvikira mangwanani. Kwava kuedza, vakabva vamurega achienda. 26 Mangwanani-ngwanani, mukadzi wacho akauya, akadonhera pasi pasuo reimba yemurume uya maiva natenzi wake, akaramba aripo kusvikira kwachena. 27 Tenzi wake paakamuka mangwanani, akavhura masuo eimba yacho kuti apfuurire nerwendo rwake, akaona mukadzi wacho, murongo wake, akarara pedyo nesuo reimba, maoko ake ari pamusuo. 28 Saka akati kwaari: “Simuka; handei.” Asi hapana mhinduro yaakawana. Murume wacho akabva amuisa padhongi rake, achibva asimuka ndokuenda kumba kwake.
29 Paakasvika kumba kwake, akatora banga,* ndokutora murongo wake, akamugura-gura kuita zvidimbu 12, achibva atumira chidimbu chimwe chete kunharaunda imwe neimwe yaIsraeri. 30 Vese vakazviona vaiti: “Izvi hazvisati zvamboitika kana kuonekwa kubvira pazuva rakabuda vaIsraeri munyika yeIjipiti kusvikira nhasi. Fungai nezvazvo,* mukurukure nezvazvo,+ motiudza zvekuita.”
20 VaIsraeri vese vakabva vabuda kubvira kuDhani+ kusvikira kuBheeri-shebha uye kubva kunyika yeGiriyedhi,+ uye ungano yese yakaungana pamwe chete yakabatana* pamberi paJehovha kuMizpa.+ 2 Saka vakuru vevanhu nemadzinza ese eIsraeri vakamira munzvimbo dzavo muungano yevanhu vaMwari, varwi vanofamba netsoka 400 000 vaine mapakatwa.+
3 VaBhenjamini vakanzwa kuti varume veIsraeri vakanga vaenda kuMizpa.
Varume veIsraeri vakabva vati: “Tiudzei, zvinhu izvi zvakaipa kudai zvakaitika sei?”+ 4 MuRevhi wacho,+ murume wemukadzi akanga aurayiwa, akabva apindura achiti: “Ndakaenda kuGibhiya+ yaBhenjamini ndiine murongo wangu kuti tirare ikoko. 5 Vagari veGibhiya* vakasimuka kuti vandirwise, vakakomba imba usiku. Ndini wavaida kuuraya, asi vakazobata murongo wangu chibharo, akafa.+ 6 Saka ndakatora mutumbi wemurongo wangu ndikaudimbura-dimbura ndikabva ndatumira zvidimbu zvacho kunharaunda imwe neimwe yenhaka yevaIsraeri,+ nekuti vakanga vaita zvinhu zvinonyadzisa chaizvo uye zvakafumuka muIsraeri. 7 Saka imi vanhu vese veIsraeri, taurai zano renyu nezvamunofunga+ kuti tiite panyaya iyi.”
8 Vanhu vese vakabva vasimuka vakabatana* vakati: “Hapana kana mumwe wedu achaenda kutende rake kana kudzokera kumba kwake. 9 Izvi ndizvo zvatichaitira Gibhiya: Tichakanda mujenya tobva taenda kunoirwisa.+ 10 Tichatora varume 10 pavarume 100 kubva mumadzinza ese evaIsraeri, uye varume 100 kubva pavarume 1 000 uye varume 1 000 kubva pavarume 10 000, kuti vaunganidze mbuva yevarwi kuti varwise vanhu veGibhiya yaBhenjamini, nemhaka yezvinhu zvakafumuka zvavakaita muIsraeri.” 11 Saka varume vese veIsraeri vakaungana kuti varwise guta racho, vakabatana.*
12 Madzinza evaIsraeri akabva atumira varume kuvanhu vese vedzinza raBhenjamini, achiti: “Ndicho chiiko ichi chakaipa kudai chakaitwa pakati penyu? 13 Tipei varume ivavo vasingabatsiri vemuGibhiya,+ kuti tivauraye tobvisa zvakaipa muIsraeri.”+ Asi vaBhenjamini vakaramba kuteerera hama dzavo vaIsraeri.
14 VaBhenjamini vakabva mumaguta vakanoungana kuGibhiya kuti vaende kunorwa nevarume veIsraeri. 15 Pazuva iroro, vaBhenjamini vakaunganidza varume 26 000 vaiva nemapakatwa kubva mumaguta avo, tisingabatanidzi varume 700 vemuGibhiya vaiva shasha dzekurwa. 16 Muuto iri maiva nevarume 700 vaiva shasha dzekurwa vaishandisa ruboshwe. Mumwe nemumwe wevarume ava aikwanisa kupotsera dombo nechipfuramabwe zvekugona kurova kabvudzi kamwe chete uye aisapotsa.
17 Varume veIsraeri, tisingabatanidzi vekwaBhenjamini, vakaunganidza varume 400 000 vaiva nemapakatwa,+ uye mumwe nemumwe wavo aiva nyanzvi pakurwa. 18 Vakasimuka, vakaenda kuBheteri kunobvunza Mwari.+ VaIsraeri vakabva vati: “Ndiani wedu anofanira kutungamirira pakurwa nevaBhenjamini?” Jehovha akapindura kuti: “Judha ngaatungamirire.”
19 Pashure paizvozvo vaIsraeri vakamuka mangwanani, vakadzika musasa kuti varwe neGibhiya.
20 Varume veIsraeri vakabva vabuda kuti vanorwa nevaBhenjamini; vakaronga mauto avo kuGibhiya kuti varwe navo. 21 Saka vaBhenjamini vakabuda muGibhiya, vakauraya varume veIsraeri 22 000 zuva iroro. 22 Zvisinei, uto revarume veIsraeri rakaratidza ushingi, richibva ragadzirirazve kurwa panzvimbo yaraiva pazuva rekutanga. 23 VaIsraeri vakabva vaenda vakachema pamberi paJehovha kusvikira manheru, vakabvunza Jehovha vachiti: “Tiende zvakare kunorwisa hama dzedu vaBhenjamini here?”+ Jehovha akabva ati: “Endai munorwa navo.”
24 Saka vaIsraeri vakaswedera pedyo nevaBhenjamini pazuva rechipiri. 25 VaBhenjamini vakabva vabudawo muGibhiya kuti vanosangana navo pazuva rechipiri uye vakauraya vamwe vaIsraeri 18 000,+ vese ava vaiva nemapakatwa. 26 Varume vese veIsraeri vakabva vaenda kuBheteri. Vakachema, vakagara ipapo pamberi paJehovha,+ uye vakatsanya+ pazuva iroro kusvikira manheru, vakapa zvibayiro zvinopiswa+ nezvibayiro zverugare+ pamberi paJehovha. 27 Pashure paizvozvo varume veIsraeri vakabvunza Jehovha,+ nekuti areka yesungano yaMwari wechokwadi yaiva ikoko mazuva iwayo. 28 Finiyasi+ mwanakomana waEriyezari, mwanakomana waAroni, ndiye aishumira* pamberi payo mazuva iwayo. Vakabvunza kuti: “Tibude zvakare here kuti tinorwa nehama dzedu varume vekwaBhenjamini kana kuti torega?”+ Jehovha akapindura kuti: “Endai, nekuti mangwana ndichavaisa mumaoko enyu.” 29 VaIsraeri vakabva vaisa varume kuti vahwandire+ vakakomberedza Gibhiya.
30 VaIsraeri vakaenda kunorwa nevaBhenjamini pazuva rechitatu, vakagadzirira kurwa neGibhiya sezvavaiita pane dzimwe nguva.+ 31 VaBhenjamini pavakabuda kuti vanosangana neuto racho, vakabva vaendeswa kure neguta.+ Sezvavakanga vamboita pane dzimwe nguva, vakatanga kurwisa, vachiuraya vamwe vevarume vaiva mumigwagwa mikuru, mumwe wacho unoenda kuBheteri uye mumwe kuGibhiya, vakasiya varume vanenge 30 veIsraeri vafa musango.+ 32 Saka vaBhenjamini vakati: “Tiri kuvakunda sezvatakaita pakutanga.”+ Asi vaIsraeri vakati: “Tichatiza uye tichavaendesa kumigwagwa mikuru kure neguta.” 33 Varume vese veIsraeri vakabva vasimuka munzvimbo dzavo, vakaronga uto ravo paBhaari-tamari, ukuwo vaIsraeri vaya vainge vakahwandira vakabuda vachimhanya kubva pavainge vakahwanda pedyo neGibhiya vachienda kunorwisa. 34 Saka varume 10 000 vakasarudzwa kubva pakati pevaIsraeri vese vakasvika pamberi peGibhiya, uye pakarwiwa zvinotyisa. Asi vaBhenjamini havana kuziva kuti zvinhu zvakanga zvava kuvaipira.
35 Jehovha akakunda vaBhenjamini+ pamberi pevaIsraeri, uye zuva iroro vaIsraeri vakauraya varume 25 100 vekwaBhenjamini, vese ivavo vaiva nemapakatwa.+
36 Zvisinei, vaBhenjamini pavakaona varume veIsraeri vachitiza vakafunga kuti vaizovakunda,+ asi vakatiza nekuti vaivimba nevaya vainge vaiswa kuti vahwandire Gibhiya.+ 37 Vaya vakanga vakahwandira vakakurumidza kumhanya kunorwisa Gibhiya. Vakabva vapararira, vakauraya guta rese nebakatwa.
38 Varume veIsraeri vakanga varonga kuti varume vainge vakahwandira guta vazopa chiratidzo cheutsi hunokwira huchibva ikoko.
39 VaIsraeri pavakatendeuka vachitiza, varume vekwaBhenjamini vakatanga nekurwisa uye kuuraya varume veIsraeri 30,+ uye vakati: “Chokwadi tiri kuvakunda zvakare, sezvatakaita patakamborwa navo.”+ 40 Asi utsi hwakawanda hwakatanga kukwira huchibva muguta sechiratidzo. Varume vekwaBhenjamini pavakacheuka kuti vatarise, vakaona guta rese richinganduma moto uchikwira mudenga. 41 Varume veIsraeri vakabva vatendeuka, uye varume vekwaBhenjamini vakatya, nekuti vakaona kuti dambudziko rakanga ravawira. 42 Saka vakatiza varume veIsraeri vakananga kurenje, asi hondo yacho yakavatevera; varume vaibuda mumaguta vakabva vabatana nevamwe pakuvauraya. 43 Vakakomba vaBhenjamini uye vakaramba vakati name name navo. Vakavakunda pamberi chaipo peGibhiya nechekumabvazuva. 44 Pakazofa varume vekwaBhenjamini 18 000, vese vari varwi vane simba.+
45 Varume vekwaBhenjamini vakatendeuka vakatizira kurenje kudombo reRimoni,+ uye vaIsraeri vakauraya vaBhenjamini 5 000 mumigwagwa mikuru, vakaramba vachivatevera kusvikira kuGidhomu; saka vakauraya vamwezve varume 2 000. 46 Vanhu vese vekwaBhenjamini vakafa zuva iroro vakasvika varume 25 000 vaiva nemapakatwa,+ uye vese vaiva varwi vane simba. 47 Asi varume 600 vakatizira kurenje kudombo reRimoni, uye vakagara padombo reRimoni kwemwedzi mina.
48 Varume veIsraeri vakabva vadzokera kuti vanorwa nevaBhenjamini, vakauraya vaya vaiva mumaguta nebakatwa, kubva kuvanhu kusvikira kuzvipfuwo, zvese zvakanga zvasara. Vakapisawo maguta ese kwese kwavaipfuura nako.
21 Varume veIsraeri vakanga vaita mhiko muMizpa+ vachiti: “Hapana mumwe wedu achapa mwanasikana wake kumurume wekwaBhenjamini kuti ave mudzimai wake.”+ 2 Vanhu vakabva vaenda kuBheteri+ vakanogara pamberi paMwari wechokwadi ikoko kusvikira manheru, vachishevedzera uye vachichema kwazvo. 3 Uye vaiti: “Haiwa Jehovha Mwari waIsraeri, nei izvi zvaitika pakati paIsraeri? Nei dzinza rimwe chete rashayikwa nhasi pakati paIsraeri?” 4 Zuva rakatevera racho vanhu vakafumomuka, vakavaka atari ipapo kuti vape zvibayiro zvinopiswa nezvibayiro zverugare.+
5 VaIsraeri vakabva vati: “Pamadzinza ese eIsraeri ndiani asina kuenda kunoungana pamberi paJehovha?” nekuti vakanga vaita mhiko huru yekuti munhu wese akanga asina kuenda kuna Jehovha kuMizpa aifanira kutourayiwa. 6 VaIsraeri vakatanga kunetseka nezvakanga zvaitika kuhama yavo Bhenjamini. Vakati: “Nhasi dzinza rimwe chete ragurwa kubva pana Israeri. 7 Toitei kuti tiwanire vaya vasara madzimai, isu zvatakapika naJehovha+ kuti hapana mwanasikana wedu watinofanira kuvapa kuti ave mudzimai wavo?”+
8 Vakabvunza kuti: “Pamadzinza aIsraeri ndiani asina kuenda kuna Jehovha kuMizpa?”+ Zvakangoitika kuti hapana munhu akanga auya kubva kuJabheshi-giriyedhi kuti apinde mumusasa waiva neungano. 9 Vanhu pavakaverengwa, vakaona kuti hapana mugari wekuJabheshi-giriyedhi aivapo. 10 Saka ungano yakatuma varume 12 000 vaiva nesimba chaizvo. Vakavarayira kuti: “Endai munouraya vagari vemuJabheshi-giriyedhi nebakatwa, kunyange vakadzi nevana.+ 11 Izvi ndizvo zvamunofanira kuita: Paradzai murume wese, nemukadzi wese akamborara nemurume.” 12 Pavagari vemuJabheshi-giriyedhi, vakawana vasikana 400 vaiva mhandara, vakanga vasati vamborara nemurume. Saka vakauya navo kumusasa waiva kuShiro,+ iri munyika yeKenani.
13 Ungano yese yakabva yatumira shoko rerugare kuvaBhenjamini vaiva kudombo reRimoni.+ 14 Saka vaBhenjamini vakadzoka panguva iyoyo. Vakabva vavapa vakadzi vavakanga vachengeta vari vapenyu kubva pavakadzi vekuJabheshi-giriyedhi,+ asi havana kuwana vaivakwanira. 15 Vanhu vakanetseka nezvakanga zvaitika kuna Bhenjamini+ nekuti Jehovha akanga aparadzanisa madzinza aIsraeri. 16 Vakuru veungano yacho vakati: “Toitei kuti tiwanire varume vasara madzimai, sezvo vakadzi vese vekwaBhenjamini vakaparadzwa?” 17 Vakapindura kuti: “Panofanira kuva nenhaka yevaBhenjamini vakapukunyuka, kuti parege kuva nedzinza rinotsakatika pakati paIsraeri. 18 Asi hatibvumirwi kuvapa madzimai pavanasikana vedu, nekuti vaIsraeri vakapika vachiti: ‘Anopa Bhenjamini mudzimai ngaatukwe.’”+
19 Vakabva vati: “Inzwai! Kune mutambo waJehovha gore negore kuShiro,+ iri kuchamhembe kweBheteri, kumabvazuva kwemugwagwa mukuru unobva kuBheteri uchienda kuShekemu, kumaodzanyemba kweRebhona.” 20 Saka vakaudza varume vekwaBhenjamini kuti: “Endai munohwandira muminda yemizambiringa. 21 Uye pamunoona vasikana* vekuShiro vachibuda kuzotamba mitambo yavo inotambwa vachitenderera, mumwe nemumwe wenyu anofanira kubuda muminda yemizambiringa obva atora mudzimai pavasikana vekuShiro, uye munofanira kudzokera kunyika yaBhenjamini. 22 Uye kana vanababa vavo kana hanzvadzi dzavo dzikauya kuzogunun’una kwatiri, tichabva tavaudza kuti, ‘Tinzwireiwo nyasha isu pamwe chete navo, nekuti hatina kukwanisa kuwanira mumwe nemumwe wavo mudzimai patakanorwa hondo+ uye imi maisakwanisa kuvapa mudzimai muchizosara musina mhosva.’”+
23 Saka ndizvo zvakabva zvaitwa nevarume vekwaBhenjamini, uye mumwe nemumwe wavo akatora mudzimai pavasikana vaitamba. Pashure paizvozvo vakadzokera kunhaka yavo vakavakazve maguta avo,+ vakagara maari.
24 Panguva iyoyo vaIsraeri vakapararira vachibva ipapo, mumwe nemumwe achienda kudzinza rake nemhuri yake, uye vakabva ipapo, mumwe nemumwe achienda kunhaka yake.
25 Mumazuva iwayo muIsraeri makanga musina mambo.+ Munhu aiita zvaaifunga kuti ndizvo zvakarurama.*
ChiHeb., “vanakomana vaIsraeri.”
Kana kuti “Ndaisa.”
ChiHeb., “kumugove wangu.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “akabva aombera maoko ari padhongi.”
Kana kuti “kuNegebhu.”
Kureva kuti “Madziva Emvura.”
Kureva kuti “Kutsaura Chinhu Kuti Chiparadzwe.”
ChiHeb., “nengoro dzesimbi.”
ChiHeb., “tichakuratidza rudo rusingachinji.”
ChiHeb., “ruoko rweimba yaJosefa parwakatanga kurema.”
Kureva kuti “Vanhu Vari Kuchema.”
Iri idimikira raishandiswa kureva rufu.
Kana kuti “vakanamata.”
Kana kuti “aizvidemba.”
Kana kuti “kumuganhu weHamati.”
ChiHeb., “weAramu-naharaimu.”
ChiHeb., “weAramu.”
Kana kuti “nerunyararo.”
Rinogona kunge raiva kubhiti pfupi rakareba masendimita 38. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Dzimwe shanduro dzinoti, “nemakomba aicherwa matombo.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “akabva abuda nepaburi rinopinza mhepo.”
ChiHeb., “ari kufukidza tsoka dzake.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “nepamakomba aicherwa matombo.”
Kana kuti “yakava nerunyararo.”
Kana kuti “muHarosheti-hagoiimi.”
ChiHeb., “aiva nengoro 900 dzesimbi.”
Kana kuti “Ronga varume vako muGomo reTabhori.”
ChiHeb., “ngoro 900 dzesimbi.”
Kana kuti “nekuda kwevarwi vasina kusunga bvudzi.”
Kana kuti “Ndicharidza rwiyo.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “akadengenyeka.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “vaya vakabata zvinoshandiswa nemunyori pabasa rake.”
Kureva, tsapo dzinoiswa pamusana pemhuka dzakadai sedhongi.
Kana kuti “vakazvidza mweya yavo.”
Kana kuti “Akamupa ruomba.”
Kana kuti “kusando yemuti.”
ChiHeb., “chibereko.”
ChiHeb., “zvibereko.”
Kana kuti “nerunyararo.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “nzvimbo dzekuchengetera zvinhu pasi pevhu.”
ChiHeb., “kuteerera inzwi rangu.”
ChiHeb., “chiuru changu ndicho chidiki.”
Efa uwandu hwaizadza mudziyo wemarita 22. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Kureva kuti “Jehovha Rugare.”
Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.
Kureva kuti “Bhaari Ngaazvirwire Achishandisa Mutemo.”
Kubva kuma10:00 dzeusiku kusvika kuma2:00 dzeusiku.
ChiHeb., “mweya yavo yakadzikama ikarega kunetsana naye.”
Shekeri rimwe chete rainge rakaenzana nemagiramu 11,4. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
ChiHeb., “havana kuzosimudza musoro wavo.”
Kana kuti “nerunyararo.”
ChiHeb., “akava nevanakomana 70 vakabva muchiuno chake.”
ChiHeb., “nemhuri yeimba yababa vaamai vake.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “varidzi venyika.”
Kana kuti “ndiri hama yenyu chaiyo.”
Kana kuti “mutemberi.”
Kana kuti “mweya wavo.”
Kana kuti “akazviita muchinda weIsraeri.”
ChiHeb., “pave nemweya usina kunaka.”
Kana kuti “neunyengeri.”
Kana kuti “muitire zvinokwanisa kuitwa neruoko rwako.”
Kana kuti “munhare.”
Kana kuti “muimba.”
Kana kuti “veSiriya.”
Kana kuti “mweya wake wakanga usisakwanisi.”
ChiHeb., “iye anonzwa.”
ChiHeb., “Chii kwandiri nekwauri?”
ChiHeb., “Wandidzikisa pasi chaizvo.”
Kana kuti “regai ndinochema neshamwari dzangu nekuti handichazomboroorwi.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “vakayambuka kuchamhembe.”
ChiHeb., “kubva muchibereko.”
ChiHeb., “kubva muchibereko.”
Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.
ChiHeb., “mukadzi wekuvanasikana vevaFiristiya.”
ChiHeb., “ndiye akakodzera mumaziso angu.”
Kana kuti “shumba yava nezenze.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “asati apinda muimba yemukati.”
Kana kuti “muimba yemukati.”
Kana kuti “mumukaha wedombo.”
Kana kuti “kuzosunga.”
Kana kuti “kumukaha wedombo.”
Kana kuti “kuzokusunga.”
Kureva kuti “Chikomo Cheshaya.”
Kureva kuti “Chitubu Cheari Kushevedzera.”
Pagwatidziro pabango panenge pakabatirira masuo egedhi.
Zariro ibango kana kuti simbi yaishandiswa sechihuri.
Kana kuti “Munyengedze.”
Kana kuti “nemarunda 7 asati aomeswa.”
Kana kuti “mweya wake waneta.”
ChiHeb., “kubva muchibereko chaamai vangu.”
Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.
Kana kuti “Regai mweya wangu ufe.”
ChiHeb., “Ndichatsvenesa.”
Kana kuti “wesimbi yakanyungudutswa.”
Kana kuti “wesimbi yakanyungudutswa.”
Kana kuti “vanamwari vemumba; materafimu.”
Kana kuti “zvakarurama mumaziso ake.”
Kana kuti “baba.”
ChiHeb., “nhaka.”
Kana kuti “vanosora.”
Kana kuti “matauriro emurume.”
Kureva kuti “Musasa waDhani.”
Kana kuti “kunosora.”
Kana kuti “navanamwari vemumba; neterafimu.”
Kana kuti “wesimbi yakanyungudutswa.”
Kana kuti “navanamwari vemumba; neterafimu.”
Kana kuti “wesimbi yakanyungudutswa.”
Kana kuti “navanamwari vemumba; neterafimu.”
Kana kuti “wesimbi yakanyungudutswa.”
Kana kuti “baba.”
Kana kuti “navanamwari vemumba; neterafimu.”
Kana kuti “nemweya wako uye nemweya yeveimba yako.”
ChiHeb., “murongo.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kana kuti “usimbise mwoyo wako.”
Kana kuti “uite kuti mwoyo wako ufare.”
Kana kuti “usimbise mwoyo wako.”
ChiHeb., “kutende renyu.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “uye ndinoshumira paimba yaJehovha.”
Kana kuti “kuvaitira zvakaipa uye zvamunoona kuti ndizvo zvakanaka.”
Kureva, muRevhi.
Apa pari kureva banga raishandiswa kuurayisa mhuka.
Kana kuti “Isai mwoyo yenyu pazviri.”
ChiHeb., “semunhu mumwe chete.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “Varidzi venyika yeGibhiya.”
ChiHeb., “semunhu mumwe chete.”
ChiHeb., “semunhu mumwe chete.”
ChiHeb., “aimira.”
ChiHeb., “vanasikana.”
Kana kuti “zvakarurama mumaziso ake.”