24 Gidhiyoni akatuma nhume munzvimbo ine makomo yose yaEfremu,+ achiti: “Burukai munosangana naMidhiyani, muvatangire kutora mvura kusvikira kuBheti-bhara naJodhani.” Naizvozvo varume vose vaEfremu vakaunganidzwa, vakatora mvura yacho+ kusvikira kuBheti-bhara naJodhani.