Zvokukurukura Semhuri
Chii Chakakanganisika Pamufananidzo Uyu?
Verenga Eksodho 12:1-8, 17-20, 24-27; Mako 14:12, 22-26; Johani 13:1, 21-30. Chitarisa pamufananidzo woKudya kwaShe Kwemanheru. Zvii zvisiri izvo pamufananidzo uyu? Nyora mhinduro dzako pamitsetse iri pasi apa.
1. ․․․․․
2. ․․․․․
3. ․․․․․
ZVOKUKURUKURIRANA:
Nei Jesu akashandisa chingwa chisina mbiriso kumirira muviri wake?
ZVINGANGOKUBATSIRA: Verenga 1 VaKorinde 5:6-8; VaHebheru 4:14, 15.
CHII CHAUNOZIVA NEZVAMAMBO SOROMONI?
4. Mai vaSoromoni vainzi ani?
ZVINGANGOKUBATSIRA: Verenga 2 Samueri 12:24.
․․․․․
5. Dhavhidhi akava nevamwe vana vangani naamai vaSoromoni?
ZVINGANGOKUBATSIRA: Verenga 2 Samueri 11:26, 27; 1 Makoronike 3:5.
․․․․․
ZVOKUKURUKURIRANA:
Nei Soromoni akanga akachenjera chaizvo?
ZVINGANGOKUBATSIRA: Verenga 1 Madzimambo 3:5-14.
Iwe ungava sei akachenjera?
ZVIRI MUMAGAZINI INO
Pindura mibvunzo iyi, wonyora ndima dzeBhaibheri dzisipo.
PEJI 4 Kuroorana mubatanidzwa wakaita sei?
Mateu 19:․․․
PEJI 9 ‘Zvakanaka kuti munhu’ aite sei?
Zvirevo 19:․․․
PEJI 10 Mwari akatara zuva rokuitei?
Mabasa 17:․․․
PEJI 20 Panyaya yebasa, Bhaibheri rinokurudzirei?
Muparidzi 3:․․․
PEJI 23 Chii chatinofanira kushandira?
Johani 6:․․․
Mhinduro
1. Panofanira kuva nevaapostora 11 chete kwete 12.
2. Chingwa chacho hachifaniri kuva nembiriso uye chinofanira kunge chakati papata.
3. Nyama yacho yaiva yegwai kwete yenguruve.
4. Bhati-shebha.
5. Dhavhidhi naBhati-shebha vakanga vaine vamwe vanakomana vana tisingaverengi Soromoni.