RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g10 April p. 32
  • Unoda Kuva Shamwari yaMwari Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unoda Kuva Shamwari yaMwari Here?
  • Mukai!—2010
Mukai!—2010
g10 April p. 32

Unoda Kuva Shamwari yaMwari Here?

● Ungapindura sei mubvunzo uri pamusoro apa? Mumwe musikana muduku anogara kune imwe nzvimbo iri kwayo yoga yeGuerrero, kuMexico akati, haafungi kuti zvinoita kuti Mwari ave shamwari yake. Vamwe vasikana vaviri, Zvapupu zvaJehovha, vakanga vachimuratidza bhurocha rinonzi Unogona Kuva Shamwari yaMwari! romutauro wake. Akashamisika chaizvo kuona kuti rakanga riri mumutauro wechiTlapanec, sezvo mabhuku aakanga angoona chete emutauro iwoyo aiva ehurumende.

Vasikana vaviri ava vakamutsanangurira kuti bhuku racho rinonyatsoratidza kumuda kunoita Musiki nokuti kana aizoriverenga aigona kuziva Mwari. Akabva angotanga kutoverenga chidzidzo chokutanga chinoti “Mwari Anokukoka Kuti Uve Shamwari Yake.” Apedza, akabva ati: “Ndinoda kuva shamwari yaMwari. Nditsvagireiwoka Bhaibheri?” Zvapupu pazvakazodzokera neBhaibheri, mai vemusikana wacho vakakumbira kuti vagare vachivadzidzisa zvakawanda.

Bhurocha raUnogona Kuva Shamwari yaMwari! rakadhindwa mumitauro 17 yevanhu vakabva kuIndia inotaurwa muMexico. Tlapanec ndemumwe wemitauro yacho. Pasi rose bhurocha iri rinowanikwa mumitauro 278 (kusanganisira Braille). Kana uchida rakowo, unogona kuzadza kopani riri pasi apa woritumira kukero iri ipapo kana kuti kukero yakakodzera pane dziri papeji 5 yemagazini ino.

□ Ndinokumbira kuti munditumirewo bhurocha rakaratidzwa pano, pasina zvandinovimbisa.

□ Ndapota ndionei nezvekudzidza Bhaibheri ndisingabhadhari.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe