Zvokukurukura Semhuri
Ndiani Aiita Basa Iri?
1. Ndevapi vabati vehove vaviri vaiva vanakomana vaZebhedhi uye vaapostora vaJesu?
Nyora mhinduro yako pamutsetse uri pasi apa.
ZVINGANGOKUBATSIRA: Verenga Mateu 4:21, 22.
․․․․․
2. Vamwe vaapostora vaviri vaiita basa rokubata hove vainzi vanaani?
ZVINGANGOKUBATSIRA: Verenga Mateu 4:18.
․․․․․
ZVOKUKURUKURIRANA:
Nei Jesu akati vadzidzi vake vaizova “vabati vevanhu”? (Mateu 4:19) Unofunga kuti kubata hove nokubata vanhu zvakafanana uye zvakasiyana papi?
UNOZIVEI NEZVEMUAPOSTORA ANDREYA?
3. Asati atanga kutevera Jesu, Andreya aiva mudzidzi waani? ZVINGANGOKUBATSIRA: Verenga Mako 1:4; Johani 1:35-40.
․․․․․
4. Andreya akataura nani nezvaJesu, zvikaguma nei? ZVINGANGOKUBATSIRA: Verenga Johani 1:40-42.
․․․․․
ZVOKUKURUKURIRANA:
Nei zvakanaka kuudza hama dzako zvinhu zvaunoziva nezvaJesu? Asi dzimwe hama dzako dzingaita sei?
ZVINGANGOKUBATSIRA: Verenga Mateu 10:32-37.
ZVIRI MUMAGAZINI INO
Pindura mibvunzo iyi, wonyora ndima dzeBhaibheri dzisipo.
PEJI 4 Zuva rimwe nerimwe rakakwanirwa nei? Mateu 6:․․․
PEJI 9 Baba vedu vokudenga vanovimbisa kuti havazomboiti chii? VaHebheru 13:․․․
PEJI 12 Chii chakaitika kungirozi dzakatadza? Judha:․․․
PEJI 24 Mufaro mukuru uri pakuitei? Mabasa 20:․․․
PEJI 26 “Kudzvinya kutsamwa” kunobudisei? Zvirevo 30:․․․
● Mhinduro dziri papeji 21
MHINDURO DZEMIBVUNZO IRI PAPEJI 31
1. Jakobho naJohani.
2. Petro naAndreya.
3. Johani Mubhabhatidzi.
4. Mukoma wake Petro, uye akava mudzidzi waJesu.