Ungapindura Sei?
Chii Chisipo Pamufananidzo Uyu?
Verenga Genesisi 19:15-17, 23-26. Chitarira mufananidzo wacho. Zvii zvisipo? Nyora mhinduro dzako pamitsetse iri pasi apa, uye zadzisa mufananidzo wacho nokudhirowa zvisipo.
1. ․․․․․
2. ․․․․․
3. ․․․․․
ZVOKUKURUKURIRANA:
Chii chakaitika kumudzimai waRoti, uye nei izvi zvakaitika kwaari? Wadzidzei munhoroondo iyi?
Zviri Mumagazini Ino
Pindura mibvunzo iyi, uye nyora ndima dzeBhaibheri dzisipo.
PEJI 6 Vabereki vanofanira kukurumidza pachii? Jakobho 1:․․․
PEJI 7 Mukomana anenge angoregwa zvake anoita sei? Zvirevo 29:․․․
PEJI 14 Ndiani watisingafaniri kuvimba naye? Pisarema 146:․․․
PEJI 15 Pasi richazara nechii? Isaiah 11:․․․
PEJI 19 Vaseki vaizotii mumazuva okupedzisira? 2 Petro 3:․․․
PEJI 23 Kuparadzwa kusingatarisirwi kuchaitika rini? 1 VaTesaronika 5:․․․
Ndivanaani Vamwe Vomumhuri yaJesu?
Ona zvimwe zvingangokubatsira. Tarisa magwaro. Wadaro ibva wanyora mazita akarurama munzvimbo dziripo.
4. ․․․․․
ZVINGANGOKUBATSIRA: Ndiri mumwe wevanakomana vaJudha mapatya akaberekwa naTamari, uye handina kusungirirwa kachira katsvuku paruoko rwangu. Verenga Genesisi 38:24-30.
5. ․․․․․
ZVINGANGOKUBATSIRA: Mudzimai wangu aimbova pfambi yokuguta reJeriko.
Verenga Joshua 2:1; Mateu 1:5.
6. ․․․․․
ZVINGANGOKUBATSIRA: Chirikadzi yechiMoabhi yakazova mudzimai wangu.
Verenga Rute 4:9, 10.
Mhinduro
1. Mudzimai waRoti.
2. Mwanasikana waRoti wedangwe.
3. Mwanasikana waRoti wechipiri.
4. Perezi.—Ruka 3:33.
5. Sarimoni.—Ruka 3:32.
6. Bhoazi.—Ruka 3:32.