RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g10 April pp. 28-30
  • Ndakarega Kuva Mupurisa weSS Ndikava Mushumiri waMwari Wechokwadi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndakarega Kuva Mupurisa weSS Ndikava Mushumiri waMwari Wechokwadi
  • Mukai!—2010
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Hondo Yenyika II Uye Kushanda muSS
  • Kutanga Kwandakaita Kuonana neZvapupu zvaJehovha
  • Ropafadzo Yokuva Hama Yavo
  • Hatina Kutsigira Hondo yaHitler
    Mukai!—1994
  • Mufaro Wakadini Kugara Patafura yaJehovha!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Takararama Paitonga Vadzvanyiriri, Tichibatsirwa naJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
Mukai!—2010
g10 April pp. 28-30

Ndakarega Kuva Mupurisa weSS Ndikava Mushumiri waMwari Wechokwadi

Yakataurwa naGottlieb Bernhardt

Ndaiva mumwe wemapurisa epamusorosoro eSS yeGermany, aichengetedza Hitler, muMuzinda waiva kuWewelsburg. Muna April 1945, ndakarayirwa kuti ndiuraye vasungwa vaiva mumusasa waiva pedyo. Vakanga vari Zvapupu zvaJehovha. Mapurisa eSS aiti vakuru vakuru vaifanira kuteererwa kunyange zvodini. Izvi zvakaita kuti nditadze kuziva zvokuita. Regai nditsanangure chikonzero chacho.

NDAKABEREKERWA mumusha uri pedyo neRwizi runonzi Rhine ruri muGermany mugore ra1922. Kunyange zvazvo nzvimbo yacho yakanga yakabatwa nechechi yeRoma, mhuri yedu yaiva yekachechi kevanhu vaizviti vatsvene, kakatanga muzana remakore rechi17. Hitler akatanga kutonga muGermany muna 1933 pandaiva nemakore 11. Pangopera makore mashomanana, ndakasarudzwa kuti ndinodzidza kune chimwe chikoro chaiva kuPoland, pedyo neguta reMarienburg, iye zvino rava kunzi Malbork nokuti ndakanga ndiri shasha muchikoro uye mumitambo. Kuenda kumba kubva ikoko, pane mazana emakiromita. Ndiri ikoko ndakati sika sika nokudzidza pfungwa dzehurumende yeNazi. Vadzidzi vaidzidziswa zvinhu zvakadai sokuremekedza, kubishaira, kuvimbika, kuteerera, kukoshesa basa, uye kuti nhaka yedu yeGermany yaifanira kuremekedzwa chaizvo.

Hondo Yenyika II Uye Kushanda muSS

Hondo yenyika yechipiri payakagundika muna 1939, ndakapinda mubato rechiuto rainzi Leibstandarte SS Adolf Hitler, bato repamusorosoro raitungamirirwa naHitler pachake. Bato racho ndiro raipa vakuru vakuru vehurumende mabhodhigadhi, uye paidiwa uto rine unyanzvi ndiro bato raishandiswa. Ndakaona mauto achirwisana muBelgium, France, Netherlands, Romania, Bulgaria, uye Greece. Ndiri kuBulgaria, ndakapinda munamato wakaitiswa nomupristi weuto. Nechemumwoyo ndakati, ‘Minamato yakafanana iri kuitwawo here nemuvengi wedu?’ Ndakazvibvunzawo kuti: ‘Mwari anokomborera here hondo? Pane divi raanotsigira here?’

Papfuura nguva, ndakasarudzwa kuti ndiende kuchikoro chemajaya chainzi Junkerschule, chaivadzidzisa kuti vazova nezvinzvimbo zvepamusoro muchiuto. Ndabva ikoko ndakaendeswa kuchikwata chaichengetedza muzinda weNazi waiva muBerlin. Ikoko ndakaona Hitler achizhambatatira mumwe mukuru mukuru wezvematongerwo enyika paruzhinji. Nechomumwoyo ndakati ‘Anyadzisa chaizvo.’ Asi handina kumbozviti bufu!

MuBerlin, ndakaonana naInge, aishandawo mumuzinda wacho. Patakanga tava kuda kuroorana, chikwata chandaishandira chakangoerekana chaendeswa nendege kuRussia kwairwiwa, apa chisina kana zvipfeko zvechando! Izvi zvakatishamisa chaizvo sevarwi, nokuti muchando chegore ra1941 nera1942, tembiricha yakadzika kupfuura pa-30°C. Ikoko ndakapiwa nyembe yangu yechipiri yepamusorosoro muchiuto. Pava paya, ndakuvadzwa zvisingaiti, ndakadzorerwa kuGermany nendege. Ini naInge takaroorana muna 1943.

Ndabva ikoko ndakaendeswa kunoshanda kumuzinda waHitler wokuObersalzberg iri mumakomo eBavaria. Heinrich Himmler, mukuru mukuru weSS aivakowo uye akaronga kuti ndirapwe nachiremba wake pachake ainzi Felix Kersten. Pava paya ndakazoziva kuti Kersten aiva nepurazi rainzi Hartzwalde, raiva pedyo neBerlin. Hondo yava kuda kunopera, akakumbira Himmler kuti abvumire Zvapupu zvaJehovha zvaiva mumusasa wevasungwa waiva pedyo kuti zvinoshanda mupurazi rake. Himmler akabvuma, uye Kersten aibata Zvapupu noruremekedzo. Chimwe Chapupu chaishandira Kersten kuSweden chaigara chichiisira Zvapupu zvokuGermany Nharireyomurindi musutukesi yaKersten.a

Kutanga Kwandakaita Kuonana neZvapupu zvaJehovha

Gore ra1944 rava kunopera, Himmler akandipa basa rokushandira mumwe chamangwiza weSS akanga ari mukuru mukuru wemuzinda wokuWewelsburg, chivako chakasimba chaizvo chine makore 400 chiri pedyo neguta rePaderborn. Himmler aironga kuti Wewelsburg ive muzinda wakakurumbira wokudzidzisira pfungwa dzeSS. Pedyo nemuzinda wacho paiva nemusasa muduku wevasungwa wainzi Niederhagen, waiva nevasungwa vakanga vakasiyana nevamwe. Vasungwa vacho vaiva Zvapupu zvaJehovha, avo vainziwo Vadzidzi veBhaibheri.

Mumwe musungwa ainzi Ernst Specht akauya kanoverengeka kuzondirapa kukuvara kwandakanga ndaita. Aiti, “Mangwanani Changamire.”

Ndakamubvunza kuti “Nei usingati ‘Heil Hitler!’?”

Akapindura noungwaru achiti, “Makarerwa somuKristu here?”

Ndakati, “Ehe. Ndakarererwa muchechi yevanhu vanozviti vatsvene.”

Akaenderera mberi achiti, “Saka munozivaka kuti Bhaibheri rinovimbisa kuti ruponeso (heil) ruchaunzwa nomunhu mumwe chete, Jesu Kristu. Ndokusaka ndisingagoni kuti ‘Heil Hitler!’”

Ndashamisika uye ndakangwa mate mukanwa, ndakabvunza kuti, “Nei uri kuno?”

Akati, “Ndiri Mudzidzi weBhaibheri.”

Kukurukura naErnst nechimwe Chapupu chainzi Erich Nikolaizig, aiita basa rokugera nokugadzira musoro, kwakabaya mwoyo wangu. Asi kukurukura nyaya dzakadai nevasungwa kwaisabvumirwa, uye mukuru mukuru wangu akandiudza kuti ndizvirege. Kunyange zvakadaro, ndaifunga kuti kudai vanhu vose muGermany, iyo yainzi inyika yevaKristu ine vanhu vane mamiriyoni vaienda kuchechi, vaiita sezvaiitwa neZvapupu, paisazova nehondo. Nechomumwoyo ndakati, ‘Vanofanira kuyemurwa, kwete kutambudzwa.’

Panguva iyoyo, imwe chirikadzi yakanga yapererwa yakafona ichikumbira kutakurirwa mwanakomana wayo aifanira kukurumidza kuvhiyiwa. Ndakabva ndati apiwe chokufambisa, asi zvikabva zvarambidzwa nomukuru mukuru wangu. Akazviitirei? Murume womukadzi wacho akanga aurayiwa pamusana pokuti aiva mumwe wechikwata chakaedza kuponda Hitler muna July 1944. Mukomana wacho akafa, uye hapana chandaikwanisa kuita. Izvozvo zvichiri kundinetsa nanhasi.

Kunyange zvazvo ndaiva nemakore ekuma20, ndakatanga kuona upenyu chaizvo sezvahwaiva, kwete maererano nenhema dzaitaurwa neNazi. Panguva iyoyowo, kuyemura kwandaiita Zvapupu zvaJehovha uye zvavaidzidzisa kwakawedzera. Izviwo zvakazoita kuti ndiite chisarudzo chakakosha muupenyu hwangu.

Muna April 1945, mauto enyika dzakanga dzakabatana akanga achiuya, uye mukuru mukuru wangu akatiza kuWewelsburg. Chimwe chikwata chakabva chasvika charayirwa naHimmler kuti muzinda wacho uparadzwe uye vasungwa vaurayiwe. Mukuru mukuru wemusasa wevasungwa waiva pedyo akandipa mazita evasungwa vaifanira kuurayiwa, uye vose vaiva Zvapupu. Vaifanira kuurayirwei? Zvinonzi vaiziva paiva nezvinhu zvaikosha zvakanga zvapambwa neHurumende yeNazi. Zvinhu zvacho zvakanga zvakavigwa mune zvimwe zvivako zvacho. Zvakanga zvisingafaniri kuzivikanwa kuti ndipo pazvakavigwa. Saka ndaifanira kuitei nezvandakanga ndarayirwa kuti ndiite?

Ndakaenda kumukuru mukuru wemusasa wacho ndikati: “Mauto eAmerica ari kuuya. Hamufungi here kuti kungava kuchenjera kuti imi nevarume vamuinavo mubve pano?” Aisatomboda kunyengetedzwa! Akabva aenda. Ndakabva ndaita zvaisambotarisirwa kuti mupurisa weSS aite. Handina kuita zvakanga zvarayirwa, uye Zvapupu zvacho zvakapona.

Ropafadzo Yokuva Hama Yavo

Hondo yapera, ini naInge takaonana neZvapupu zvaJehovha tikatanga kudzidza Bhaibheri nemwoyo wose. Mumwe mukadzi aiva Chapupu ainzi Auguste, pamwe nevamwe, vakatibatsira. Kukuvara kwandakaita muhondo uye nguva yakaoma yepashure pehondo zvakaita kuti upenyu huome. Kunyange zvakadaro, ini nemudzimai wangu takatsaurira upenyu hwedu kuna Jehovha tikabhabhatidzwa. Ini ndakabhabhatidzwa muna 1948, uye Inge muna 1949.

Mumakore okuma1950, Zvapupu zvinoverengeka zvaiva kuWewelsburg munguva yehondo zvakadzokera kuti zvimbonoonana ikoko. Paiva naErnst Specht, Erich Nikolaizig, uye mumwe musungwa akanga akatendeka ainzi Max Hollweg. Ndinoiona iri ropafadzo huru chaizvo kunzi hama yavo, nokuti vanhu vaMwari ava vakanga vakashinga vakaisa upenyu hwavo pangozi kuti vandiparidzire. Martha Niemann, aiva mabharani paWewelsburg ndemumwewo akadzokera kunoonana nehama dzake. Naiyewo akanga aomeswa mate mukanwa nemaitiro eZvapupu uye akanga ava mushumiri waJehovha akazvitsaurira.

Pandinofunga zvakaitika mumakore apfuura aya, ndinoona uchapupu hwakawanda hwokuti “nyika yose iri musimba reakaipa [Satani Dhiyabhorosi].” Izvozvo ndakanga ndisingazvizivi pandaiva jaya rakanga risina ruzivo, rairota nezvokuzobudirira chaizvo muupenyu. (1 Johani 5:19) Ndinonyatsoonawo kusiyana kukuru kwakaita kushandira hurumende dzoudzvinyiriri dzakadai seyaHitler, nokushumira Jehovha. Hurumende idzi dzinongoda kuteererwa chete chete, asi Jehovha anoda kuti timushumire pamusana pokumuda zvichibva pakuziva zvaari uye kuziva zvinangwa zvake zvinotaurwa muBhaibheri. (Ruka 10:27; Johani 17:3) Chokwadi, Jehovha ndiye wandichashumira chero ndiri mupenyu chete.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona Nharireyomurindi yeChirungu yaJuly 1, 1972, peji 399.

[Mufananidzo uri papeji 29]

Pikicha yemuchato wedu, February 1943

[Mufananidzo uri papeji 29]

Muzinda wokuWewelsburg waizova nzvimbo yokudzidzisira pfungwa dzeSS

[Mufananidzo uri papeji 30]

Ndiine mudzimai wangu Inge, iye zvino

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe