RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w08 4/1 pp. 24-25
  • Timoti—Aiva Akagadzirira Uye Aida Kushumira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Timoti—Aiva Akagadzirira Uye Aida Kushumira
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Mashoko Akafanana
  • “Mwana Wangu Wandinoda, Akatendeka munaShe”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Timoti Aida Kubatsira Vanhu
    Dzidzisai Vana Venyu
  • Pauro naTimoti
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Timotio—“Mwana Wangu Chaiye Pakutenda”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
w08 4/1 pp. 24-25

Dzidzisa Vana Vako

Timoti—Aiva Akagadzirira Uye Aida Kushumira

“WAGADZIRIRA here?” Wakambobvunzwa kudaro here?—Munhu akakubvunza kudaro aida kuziva kuti wakanga wagadzirira here. Somuenzaniso, zvimwe munhu wacho aireva kuti: ‘Une mabhuku ako okudzidza here? Wakaverenga here zvidzidzo zvako?’ Sezvatichaona, Timoti aiva akagadzirira.

Timoti aidawo kushumira Mwari. Unoziva here kuti izvozvo zvinorevei?—Paakakokwa kuti ashumire Mwari, aiva nemaonero akafanana neomumwe mushumiri waMwari akati: “Ndiri pano! Nditumei.” (Isaya 6:8) Nemhaka yokuti aiva akagadzirira uye aida kushumira, akava noupenyu hwainakidza. Ungada kunzwa nezvahwo here?—

Timoti akaberekerwa kuRistra, kwaiva kure neJerusarema nemazana emakiromita. Mbuya vake Roisi naamai vake Yunisi, vaishingairira kudzidza Magwaro. Vakatanga kumudzidzisa Shoko raMwari achiri mucheche.—2 Timoti 1:5; 3:15.

Timoti paakanga achiri kuyaruka, muapostora Pauro akashanya kuRistra parwendo rwake rurefu rwokutanga rwokuparidzira, aina Bhanabhasi. Kunenge kuti amai vaTimoti naambuya vake vakava vaKristu panguva iyi. Ungada here kunzwa nezvedambudziko rakasangana naPauro naBhanabhasi?—Vanhu vakanga vasingafariri vaKristu vakatema Pauro nematombo, vakamuwisira pasi uye vakamuzvuzvurudzira kunze kweguta. Vaifunga kuti akanga afa.

Vaya vaidavira zvaidzidziswa naPauro vakamuunganira uye akamuka. Mangwana acho, Pauro naBhanabhasi vakaenda asi vakadzoka kuRistra pasina nguva. Pavakadzoka, Pauro akapa mharidzo ndokuudza vadzidzi kuti: “Tinofanira kupinda muumambo hwaMwari nomumatambudziko mazhinji.” (Mabasa 14:8-22) Unoziva here zvairehwa naPauro?—Aireva kuti vamwe vaizotambudza vaya vanoshumira Mwari. Pauro akazonyorera Timoti kuti: “Vaya vanoda kurarama vachizvipira kuna Mwari . . . vachatambudzwawo.”—2 Timoti 3:12; Johani 15:20.

Pauro naBhanabhasi pavakabva kuRistra, vakadzokera kumba. Papera mwedzi yakati kuti, Pauro akatora Sirasi kuti afambe naye, uye vakadzokera kunokurudzira vadzidzi vatsva munzvimbo dzakanga dzamboshanyirwa naPauro. Pavakasvika kuRistra, Timoti anofanira kunge akafara chaizvo kuonazve Pauro! Akatonyanya kufara paakakokwa kuti afambe naPauro naSirasi uye akabvuma. Akanga akagadzirira uye aida kuenda.—Mabasa 15:40–16:5.

Vatatu ava vakafamba vose kwemakiromita akawanda ndokuzokwira chikepe. Vasvika panyika yakaoma, vakafamba vachienda kuTesaronika iri muGirisi. Vakawanda vakava vaKristu ikoko. Asi vamwe vakatsamwa uye vakada kuvarwisa vari mhomho. Upenyu hwaPauro, Sirasi naTimoti hwakanga hwava pamutanhiko, saka vakabva vakaenda kuBheriya.—Mabasa 17:1-10.

Pauro akanetseka nezvevatendi vatsva vaiva muTesaronika, saka akatuma Timoti kuti adzokere ikoko. Unoziva here kuti akamutumirei?—Pauro akazotsanangurira vaKristu vokuTesaronika kuti: ‘Kuti akusimbisei nokukunyaradzai kuti parege kuva neanoodzwa mwoyo.’ Unoziva here kuti nei Pauro akamutuma kuenda kwaiva nengozi kunyange akanga achiri muduku?—Akanga asinganyanyi kuzivikanwa nevaipikisa uye aida kuenda. Izvozvo zvaida chivindi! Zvakafamba sei paakashanya ikoko? Timoti paakadzokera kuna Pauro, akamuudza nezvokuvimbika kwaiva kwakaita vaTesaronika. Saka Pauro akavanyorera kuti: “Takanyaradzwa pamusoro penyu.”—1 VaTesaronika 3:2-7.

Timoti akashanda naPauro makore gumi akazotevera. Zvadaro, Pauro akaiswa mujeri kuRoma, uye Timoti uyo akanga achangobudiswa mujeri, akaenda kunogara naye. Pauro akanyorera vaFiripi tsamba ari mujeri, zvimwe Timoti ari munyori wake. Akati: ‘Ndiri kutarisira kukutumirai Timoti, nokuti handina mumwe akavimbika uye anoda kukushumirai zviri nani.’—VaFiripi 2:19-22; VaHebheru 13:23.

Mashoko iwayo anofanira kunge akafadza Timoti chaizvo! Pauro akamuda zvikuru nokuti aiva akagadzirira uye aida kushumira. Tinotarisira kuti newewo uchadaro.

Mibvunzo:

  • Timoti akakurira kupi, uye chii chakaitika Pauro paakashanya ikoko kokutanga?

  • Timoti akaitei paakakokwa kuti afambe naPauro naSirasi?

  • Timoti akaratidza sei chivindi, uye nei Pauro aimuda zvikuru?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe