RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 9/15 pp. 29-31
  • Timotio—“Mwana Wangu Chaiye Pakutenda”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Timotio—“Mwana Wangu Chaiye Pakutenda”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Akasarudzwa naPauro
  • Timotio Aisimudzira Zvinhu Zvine Chokuita noUmambo
  • Kujekeserwa Unhu hwaTimotio
  • Bvuma Kutumwa!
  • “Mwana Wangu Wandinoda, Akatendeka munaShe”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Timoti—Aiva Akagadzirira Uye Aida Kushumira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Pauro naTimoti
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Timoti Aida Kubatsira Vanhu
    Dzidzisai Vana Venyu
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 9/15 pp. 29-31

Timotio—“Mwana Wangu Chaiye Pakutenda”

TIMOTIO aiva achiri muduku apo muapostora wechiKristu Pauro akamusarudza seshamwari yokufamba nayo. Kushanda pamwe chete kwaizopfuurira kwemakore anenge 15 kwakatanga. Ukama hwakazokura pakati pevarume vaviri vacho hwaiva hwokuti Pauro aigona kudana Timotio kuti “mwana wangu unodikanwa, wakatendeka munaShe” uye “mwana wangu chaiye pakutenda.”—1 VaKorinte 4:17; 1 Timotio 1:2.

Timotio aiva neunhu hworudzii hwakaita kuti Pauro amude zvakadaro? Timotio akazova sei wokushanda naye anokosha zvakadaro? Uye zvidzidzoi zvinobatsira zvatinogona kudzidza mune zvakanyorwa zvakafuridzirwa zvemabasa aTimotio?

Akasarudzwa naPauro

Pauro akawana mudzidzi muduku Timotio apo muapostora wacho akashanyira Ristra (iri muTurkey yemazuva ano) parwendo rwake rwechipiri rwoufundisi munenge muna 50 C.E. Zvimwe ava pedyo nokusvitsa makore 20 kana kuti achangoti pfuurei makore 20, Timotio airumbidzwa kwazvo nevaKristu vaiva muRistra neIkonio. (Mabasa 16:1-3) Akararama maererano nezita rake, rinoreva kuti “Munhu Anokudza Mwari.” Kubvira paupwere, Timotio aiva adzidziswa muMagwaro Matsvene nambuya vake Roisi namai vake, Juniki. (2 Timotio 1:5; 3:14, 15) Zvimwe vakanga vagamuchira chiKristu Pauro paakatanga kushanyira guta ravo makore mashomanana akanga apfuura. Zvino, nokushanda kwomudzimu mutsvene, chimwe chakafanotaurwa chakaratidza zvaizova zvakaita ramangwana raTimotio. (1 Timotio 1:18) Maererano nenhungamiro iyoyo, Pauro nevarume vakuru veungano vakaisa maoko avo pamusoro pejaya racho, vachiritsaura nokuda kwebasa rakati, uye muapostora wacho akarisarudza seshamwari yomubasa roufundisi.—1 Timotio 4:14; 2 Timotio 1:6.

Sezvo baba vake vakanga vari muGiriki asingatendi, Timotio akanga asina kudzingiswa. Ichokwadi kuti ichi chakanga chisiri chinhu chainzi chinofanira kuitwa nevaKristu. Zvisinei, kuti asagumbuse vaJudha vavaizoshanyira, Timotio akabvuma kuchekwa uku kunorwadza.—Mabasa 16:3.

Timotio aimboonekwa somuJudha here? Dzimwe nyanzvi dzinotaura kuti maererano nemabhuku avanarabhi, “vana vanoberekwa nevabereki vemarudzi akasiyana vakaroorana vanonzi ndevokurudzi rwamai vavo, kwete rwababa vavo.” Zvinoreva kuti, “mukadzi wechiJudha anobereka vana vechiJudha.” Asi, munyori Shaye Cohen haana chokwadi kana “mutemo wavanarabhi [wakadaro] wakanga watovapo muzana remakore rokutanga C.E.” uye kana wakanga uchichengetwa nevaJudha vomuAsia Minor. Pashure pokuongorora uchapupu hwenhau, anogumisa kuti varume veMamwe Marudzi pavairoora vakadzi vechiIsraeri, “vana vemhuri idzi vainzi vaIsraeri kana chete mhuri yacho yaigara muvaIsraeri. Dzinza raiva rokwamai kana raiva munyika yamai. Mukadzi wechiIsraeri paaienda kune imwe nyika kundogara nomurume wake weMamwe Marudzi, vana vake vainzi ndeveMamwe Marudzi.” Chero zvazvakanga zvakaita, kuberekwa kwaTimotio nevabereki vemarudzi akasiyana kunofanira kuva kwakabatsira mubasa rokuparidza. Aisazonetseka nokutaura nevaJudha kana kuti veMamwe Marudzi, zvimwe zvichimuita kuti akwanise kuita kuti vawirirane.

Kushanya kwaPauro kuRistra kwakaratidza kuchinja kwoupenyu hwaTimotio. Kuda kwejaya racho kutevera nhungamiro yomudzimu mutsvene nokushandira pamwe nevakuru vechiKristu richizvininipisa kwakatungamirira kuzvikomborero zvakakura neropafadzo dzebasa. Kana akazviona panguva iyoyo kana kuti kwete, Timotio aizoshandiswa mumabasa anokosha oubati ushe hwaMwari achitungamirirwa naPauro, zvichimuendesa kure nokumusha sokuRoma, guta guru reumambo hwacho.

Timotio Aisimudzira Zvinhu Zvine Chokuita noUmambo

Tinongova nezvishoma zvakanyorwa nezvemabasa aTimotio, asi akafamba nharaunda yakakura kuti asimudzire zvinhu zvine chokuita noUmambo. Rwendo rwokutanga rwaTimotio ana Pauro naSirasi muna 50 C.E. rwakamuendesa nomuAsia Minor ndokupinda muEurope. Ikoko akaitawo mabasa okuparidza muFiripi, Tesaronika, uye Bherea. Pashure pokunge kushora kwaita kuti Pauro aende kuAtene, Timotio naSirasi vakasiyiwa vari muBherea kuti vatarisire boka revadzidzi rakanga raitwa imomo. (Mabasa 16:6–17:14) Gare gare, Pauro akatuma Timotio kuTesaronika kuti anosimbisa ungano itsva yaiva ikoko. Timotio akauya nemashoko akanaka pamusoro pokuenderera kwayo mberi paakasangana naPauro muKorinte.—Mabasa 18:5; 1 VaTesaronika 3:1-7.

Magwaro haatauri kuti Timotio akagara kwenguva yakareba sei nevaKorinte. (2 VaKorinte 1:19) Zvisinei, zvimwe munenge muna 55 C.E., Pauro akafunga zvokumudzosera kwavari nokuti akanga atambira mashoko anovhiringidza nezvemamiriro avo ezvinhu. (1 VaKorinte 4:17; 16:10) Gare gare, Timotio akatumwa kuMakedhonia achibva kuEfeso, ana Erasto. Uye Pauro paakanyorera vaRoma ari kuKorinte, Timotio aivazve naye.—Mabasa 19:22; VaRoma 16:21.

Timotio nevamwe vakabva kuKorinte vaina Pauro paakatanga rwendo rwokuenda kuJerusarema, uye vakaperekedza muapostora wacho vakasvika kunenge kuTroasi. Kana Timotio akapfuurira kuenda kuJerusarema hazvizivikanwi. Asi anodudzwa musumo dzetsamba nhatu dzakanyorwa naPauro ari mujeri muRoma munenge muna 60-61 C.E.a (Mabasa 20:4; VaFiripi 1:1; VaKorose 1:1; Firemoni 1) Pauro akanga achironga kutuma Timotio kuFiripi achibva kuRoma. (VaFiripi 2:19) Uye Pauro abudiswa mujeri, Timotio akaramba ari muEfeso audzwa kuti adaro nomuapostora wacho.—1 Timotio 1:3.

Sezvo kufamba kwomuzana remakore rokutanga kwakanga kusiri nyore uye kusinganakidzi, kuda kwaTimotio kuita nzendo dzakawanda nokuda kweungano kwairumbidzwa zvechokwadi. (Ona Nharireyomurindi yaAugust 15, 1996, peji 29, pabhokisi.) Funga nezverwendo rwumwe chete rwaaida kuita uye kuti rwunotiudzei nezvaTimotio.

Kujekeserwa Unhu hwaTimotio

Timotio akanga ana Pauro muRoma apo muapostora aiva mujeri akanyorera vaKristu vaitambudzwa vaiva muFiripi ndokuti: “MunaShe Jesu ndinoti ndichakurumidza kutuma Timotio kwamuri, kuti neni ndifare kana ndanzwa zvenyu. Nokuti handina mumwe munhu une mwoyo wakaita sowake, uchava nehanya kwazvo nezvenyu. Nokuti vose vanozvitsvakira zvavo, zvisati zviri zvaKristu Jesu. Asi munoziva kutendeka kwake, kuti wakabata pamwe chete neni paEvhangeri, somwana unobatira baba vake.”—VaFiripi 1:1, 13, 28-30; 2:19-22.

Mashoko iwayo akasimbisa kuva nehanya kwaTimotio nevaaitenda navo. Kutoti aienda neigwa, rwendo rwakadaro rwaida kufamba netsoka rwendo rwemazuva 40 kubva kuRoma kuenda kuFiripi, nokuti yambukei Gungwa reAdriatic, uyezve mamwe mazuva 40 kuti adzoke kuRoma. Timotio akanga akagadzirira kuita zvose izvozvo kuti ashumire hama nehanzvadzi dzake.

Nyange zvazvo Timotio akafamba chaizvo, dzimwe nguva akanga asina utano hwakanaka. Zviri pachena kuti aiva nedambudziko rakati romudumbu uye ai‘rwara-rwara.’ (1 Timotio 5:23) Asi akashanda nesimba nokuda kwemashoko akanaka. Ndokusaka zvisingashamisi kuti Pauro ainyatsowirirana naye zvakadaro!

Achirayiridzwa nomuapostora wacho uye nezvavaisangana nazvo vari vose, Timotio sezviri pachena akasvika pakuratidza unhu hwaPauro. Saka, Pauro aigona kumuudza kuti: “Wakatevera kudzidzisa kwangu, nomufambire, nokufunga, nokutenda, nomwoyo murefu, norudo, nokutsungirira, namadambudziko, nenhamo, izvo zvakandiwira paAntiokia, napaIkonio, napaRistra; madambudziko makuru sei andakanzwa.” Timotio akasvimha misodzi naPauro, aidudzwa muminyengetero yake, uye akashanda naye kuti asimudzire zvinhu zvine chokuita noUmambo.—2 Timotio 1:3, 4; 3:10, 11.

Pauro akakurudzira Timotio kuti ‘pasave nomunhu anozvidza uduku hwake.’ Zvingaratidza kuti Timotio aiti nyarei, asinganyanyi kuratidza chiremera chake. (1 Timotio 4:12; 1 VaKorinte 16:10, 11) Zvisinei, aigona kushanda oga, uye Pauro nechivimbo aigona kumutumira kumabasa makuru. (1 VaTesaronika 3:1, 2) Pauro paakaziva kuti ungano yaiva muEfeso yaida kutarisirwa zvakasimba nenzira youbati ushe hwaMwari, akakurudzira Timotio kugara ariko kuti “arayire vamwe varege kudzidzisa dzimwe dzidziso.” (1 Timotio 1:3, tisu tatsveyamisa shoko.) Zvisinei, nyange zvazvo akanga apiwa mitoro yakawanda, Timotio akanga akadzikama. Uye pasinei zvapo nokunyara kwaangadai aiita, akanga akashinga. Somuenzaniso, akaenda kuRoma kundobatsira Pauro, akanga achitongerwa kutenda kwake. Chokwadi, Timotio pachake akamboiswa mujeri, zvimwe nokuda kwechikonzero chakafanana.—VaHebheru 13:23.

Pasina mubvunzo, Timotio akadzidza zvakawanda kuna Pauro. Kukoshesa uko muapostora wacho aiita waaishanda naye kunopupurirwa zvakakwana nokuti akamunyorera tsamba mbiri dzakafuridzirwa naMwari dzinowanikwa muMagwaro echiKristu echiGiriki. Munenge muna 65 C.E., apo Pauro akaziva kuti kuurayirwa kutenda kwake kwakanga kwava pedyo, akadanazve Timotio. (2 Timotio 4:6, 9) Magwaro haaratidzi kana Timotio akakwanisa kuona Pauro muapostora wacho asati aurayiwa.

Bvuma Kutumwa!

Zvakawanda zvinogona kudzidzwa mumuenzaniso wakaisvonaka waTimotio. Akabatsirwa zvakanyanya nokushanda naPauro, achikura kubva pakuva jaya rinonyara ndokuva mutariri. Varume nevakadzi vechiduku vechiKristu vanogona kuwana zvakawanda mukushanda pamwe kwakafanana nhasi. Uye kana vakaita kuti basa raJehovha rive basa ravo, vachava nebasa rakawanda rinokosha rokuita. (1 VaKorinte 15:58) Vangava mapiyona, kana kuti vaparidzi venguva yakazara, muungano yomumusha mavo, kana kuti vangakwanisa kushanda kunodiwa vazivisi voUmambo zvikuru. Pakati pezvakawanda zvavangaita pane basa roufundisi mune imwe nyika kana kuti basa padzimbahwe renyika yose reWatch Tower Society kana kuti pane rimwe ramapazu aro. Uye, chokwadi, vaKristu vose vanogona kuratidza chido chakafanana sechakaratidzwa naTimotio, nokuita basa romwoyo wose kuna Jehovha.

Unoda kuramba uchikura mumudzimu, kuva anobatsira musangano raJehovha munzvimbo ipi neipi yaangaona yakakodzera here? Saka ita sezvakaita Timotio. Kusvikira pazvinobvira, Bvuma kutumwa. Ndiani anoziva kuti iropafadzoi dzebasa dzaungazarurirwa?

[Mashoko Omuzasi]

a Timotio anodudzwawo mudzimwe tsamba ina dzaPauro.—VaRoma 16:21; 2 VaKorinte 1:1; 1 VaTesaronika 1:1; 2 VaTesaronika 1:1.

[Mufananidzo uri papeji 31]

“Handina mumwe munhu une mwoyo wakaita sowake”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe