RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 100 p. 232-p. 233 ndim. 2
  • Pauro naTimoti

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Pauro naTimoti
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Timoti—Aiva Akagadzirira Uye Aida Kushumira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Timoti Aida Kubatsira Vanhu
    Dzidzisai Vana Venyu
  • Timotio—“Mwana Wangu Chaiye Pakutenda”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • “Mwana Wangu Wandinoda, Akatendeka munaShe”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 100 p. 232-p. 233 ndim. 2
Pauro, Sirasi naTimoti

CHIDZIDZO 100

Pauro naTimoti

Yunisi, Roisi naTimoti achiri mudiki

Timoti akanga ari hama yechidiki yaiva muungano yeRistra. Baba vake vaiva muGiriki, uye amai vake vaiva muJudha. Amai vake Yunisi, naambuya vake Roisi vakamudzidzisa nezvaJehovha kubva achiri mudiki.

Pauro paakashanyira Ristra parwendo rwake rwechipiri rwekuparidza, akaona kuti Timoti ainyatsoda hama uye aida kudzibatsira. Saka akamukumbira kuti abatane naye parwendo rwake. Nekufamba kwenguva, Pauro akadzidzisa Timoti kuti ave muparidzi uye mudzidzisi wemashoko akanaka ane unyanzvi.

Mweya mutsvene waitungamirira Pauro naTimoti kwese kwavaienda. Rimwe zuva usiku, Pauro akaratidzwa mumwe murume achimuudza kuti auye kuMakedhoniya kuti azovabatsira. Saka Pauro, Timoti, Sirasi naRuka vakaenda ikoko kunoparidza nekutanga ungano.

Muguta rekuMakedhoniya rainzi Tesaronika, varume nevakadzi vakawanda vakava vaKristu. Asi vamwe vaJudha vaiitira Pauro nevamwe vake godo. Vakaunganidza mhomho yevanhu uye vakazvuzvurudza Pauro nevamwe vake vakavaendesa kuvatongi veguta, vachishevedzera kuti: ‘Varume ava vavengi vehurumende yeRoma!’ Upenyu hwaPauro naTimoti hwakanga hwava pangozi, saka manheru acho vakatizira kuBheriya.

Vanhu vekuBheriya vaida kunzwa mashoko akanaka, uye vaGiriki nevaJudha vakava vatendi. Asi vamwe vaJudha pavakauya kubva kuTesaronika ndokutanga mheremhere, Pauro akabva aenda kuAtene. Timoti naSirasi vakaramba vari kuBheriya vachisimbisa hama. Nekufamba kwenguva, Pauro akatuma Timoti kuti adzokere kuTesaronika kuti anobatsira vaKristu vaivako nekuti vakanga vachitambudzwa zvakanyanya. Pauro akazotuma Timoti kuti ashanyire dzimwe ungano dzakawanda kuti adzikurudzire.

Muapostora Pauro ari muimba yeusungwa uye akasungirirwa pamurindi asi ari kuudza Timoti zvekunyora mutsamba

Pauro akaudza Timoti kuti: ‘Vaya vanoda kushumira Jehovha vachatambudzwa.’ Timoti akatambudzwa uye akaiswa mujeri nekuda kwekutenda kwake. Akafara kuti akawana mukana wekuratidza kuti akavimbika kuna Jehovha.

Pauro akaudza vaFiripi kuti: ‘Ndiri kutumira Timoti kwamuri. Achakudzidzisai zvazvinoreva kufamba muchokwadi, uye achakudzidzisai kuparidza.’ Pauro aiziva kuti aigona kuvimba naTimoti. Vakashanda pamwe chete seshamwari neshamwari kwemakore akawanda.

“Handina mumwezve ane mwoyo wakaita sewake ane hanya nemi panyaya dzinokunetsai. Nekuti vamwe vese vari kutsvaga zvakangovanakira, kwete zvaJesu Kristu.”—VaFiripi 2:20, 21

Mibvunzo: Timoti aiva ani? Nei Pauro naTimoti vaiwirirana chaizvo?

Mabasa 16:1-12; 17:1-15; VaFiripi 2:19-22; 2 Timoti 1:1-5; 3:12, 14, 15; VaHebheru 13:23

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe