RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yc chidzidzo 13 pp. 28-29
  • Timoti Aida Kubatsira Vanhu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Timoti Aida Kubatsira Vanhu
  • Dzidzisai Vana Venyu
  • Mashoko Akafanana
  • Timoti—Aiva Akagadzirira Uye Aida Kushumira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Pauro naTimoti
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Timotio—“Mwana Wangu Chaiye Pakutenda”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • “Mwana Wangu Wandinoda, Akatendeka munaShe”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
Ona Zvimwe
Dzidzisai Vana Venyu
yc chidzidzo 13 pp. 28-29
Timoti achiri muduku achidzidziswa naamai vake Yunisi naambuya vake Roisi

CHIDZIDZO 13

Timoti Aida Kubatsira Vanhu

Timoti aiva mukomana aifarira kubatsira vanhu. Akaenda kunzvimbo dzakawanda kuti abatsire vamwe. Nemhaka yeizvi, aiva noupenyu hwainakidza chaizvo. Ungada kunzwa nezvahwo here?—

Amai vaTimoti naambuya vake vakamudzidzisa nezvaJehovha

Timoti aigara mutaundi rainzi Ristra. Paaiva kamwana, ambuya vake Roisi naamai vake Yunisi, vakatanga kumudzidzisa nezvaJehovha. Timoti zvaaikura, aida kubatsira vamwe kuti vadzidze nezvaJehovha.

Timoti paakanga achiri mukomana, Pauro akamukumbira kuti aende naye kunoparidza kune dzimwe nzvimbo. Timoti akati: ‘Zvinoita!’ Akanga akagadzirira kuenda kunobatsira vamwe.

Timoti akaenda naPauro kuguta raiva kuMakedhoniya rainzi Tesaronika. Kuti vasvike ikoko, vaifanira kufamba rwendo rurefu netsoka vozokwira chikepe. Pavakazosvika, vakabatsira vanhu vakawanda kudzidza nezvaJehovha. Asi vamwe vanhu vakatsamwa uye vakaedza kuvakuvadza. Saka Pauro naTimoti vaifanira kubva muguta racho ndokuenda kunoparidza kune dzimwe nzvimbo.

Timoti naPauro vari parwendo vachifamba nechikepe

Timoti aiva noupenyu hunofadza uye hunonakidza

Papera nguva yakati rebei, Pauro akakumbira Timoti kuti adzokere kuTesaronika kunoona kuti vaKristu vainge vakadini. Zvaida kushinga zvikuru kudzokera kutaundi iroro raiva nevanhu vaida kumuuraya! Asi Timoti akaenda nokuti ainetseka nezvevaKristu vaiva ikoko. Akadzoka kuna Pauro aine mashoko anofadza. VaKristu vekuTesaronika vainge vachiita zvakanaka chaizvo!

Timoti akashanda naPauro kwemakore akawanda. Pauro akambonyora kuti Timoti ndiye munhu ainyatsoita waaigona kutuma kuti anobatsira ungano. Timoti aida Jehovha uye aida vanhu.

Unoda vanhu uye unofarira kuvabatsira here kudzidza nezvaJehovha?— Kana uchidaro, unogona kuva noupenyu hunofadza uye hunonakidza zvikuru, saTimoti!

VERENGA MUBHAIBHERI RAKO

  • 2 Timoti 1:5; 3:15

  • Mabasa 16:1-5; 17:1-10

  • 1 VaTesaronika 3:2-7

  • VaFiripi 2:19-22

MIBVUNZO:

  • Timoti aigara kupi?

  • Timoti aida kufamba naPauro here? Nemhaka yei?

  • Nei Timoti akadzokera kuTesaronika?

  • Ungaitei kuti uve noupenyu hunofadza uye hunonakidza, sehwaiva naTimoti?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe