Chidyo chaShe—Chokwadi Pamusoro Petsika Iyi
MUNYIKA yose vanhu vanogara vachichengeta nguva iyi, vamwe kanoverengeka pagore, vamwe vhiki nevhiki, kana kuti kunyange zuva nezuva. Kunyange zvakadaro vakawanda vanoichengeta havainzwisisi nokuti pane zvakawanda zvine chokuita nokutenda zvavasingazivi. Inoonekwa senguva inoyera uye inoshamisa.
Nguva iyi inonzi Chidyo (Yukarisiti)—zvimwe zvezvinoitwa paMisa yeChechi yeRoma mupristi paanonyengeterera chingwa newaini vatendi vobva vanzi vagamuchire Kristu muKomuniyoni Tsvene.a Papa Benedict XVI akati, kuvanhu veChechi yeRoma nguva iyi “ndiyo inonyanya kukosha pane zvatinotenda.” Munguva pfupi yapfuura, chechi yacho yakachengeta “Gore reChidyo” ichiedza “kumutsidzira uye kubatsira vanhu kuti vave nokutenda muchidyo ichi.”
Kunyange vanopinda Chechi yeRoma vasina kunyanya kusimba pane zvokunamata vanokoshesa chaizvo tsika iyi. Somuenzaniso, mune imwe rondedzero ichangobva kubuda mumagazini inonzi Time, mumwe mukadzi wechiduku anorondedzerwa seanopinda Chechi yeRoma uye ari kufambira mberi pakunamata akanyora kuti: “Pasinei nezvatingasawirirana nazvo pane zvinoitwa neChechi yeRoma, tichakaomerera kune zvinotibatanidza muChechi yacho: kuzvipira kwatakaita kuchengeta Chidyo.”
Asi chii chinombonzi Chidyo? Vateveri vaKristu vanofanira kuchichengeta here? Ngatimbotangai taona kuti tsika yeChidyo yakatanga sei. Zvadaro tichakurukura mubvunzo unokosha zvikuru wokuti: Zvinoitwa paChidyo zvakafanana here nezvakaitwa naJesu paakatanga Kudya kwaShe Kwemanheru makore 2 000 apfuura?
Chidyo nechiKristudhomu
Zviri nyore kuona kuti nei Chidyo ichi chichinzi hachinzwisisiki. Zvinhu zvinonyanya kukosha zvinoitwa panguva yokunyengeterera Chidyo. Panguva iyoyo, maererano nebhuku rinonzi Catechism of the Catholic Church, (Ketekezima Yechechi yeRoma) “simba rezvakataurwa nezvakaitwa naKristu, nesimba roMudzimu Mutsvene” rinoita kuti muviri neropa raJesu “zvivepo sezvinhu zvinoyera.” Pashure pokudya chingwa newaini, mupristi anokumbira vakatendeka kuti vapiwe Komuniyoni, kazhinji vanongodya chingwa, kana kuti muviri wake chaiwo.
Chechi yeRoma inodzidzisa kuti chingwa newaini zvinoshandurwa nenzira yenenji kuva muviri chaiwo neropa chairo raKristu—dzidziso yavanoti kushandurwa. Dzidziso iyi yakatanga zvishoma nezvishoma, shoko racho paraiitwa zvokurondedzerwa ndokuzoshandiswa zviri pamutemo muzana remakore rechi13. Mumazuva oKuchinja kweChechi dzakabuda muRoma, vanhu vakatanga kusava nechokwadi nezvimwe zvaiitwa muChechi yeRoma paChidyo. Luther haana kubvumirana nedzidziso yokuti waini nechingwa zvinochinja kuva ropa nomuviri chaiwo asi aiti waini nechingwa zvinenge zviri pamwe chete nomuviri neropa. Musiyano wacho haunyatsooneki. Luther akadzidzisa kuti chingwa newaini zvinenge zviri pamwe chete nenyama neropa zvaJesu, kwete kuti zvinochinja kuva nyama neropa.
Nokufamba kwenguva, machechi echiKristudhomu akatanga kudavira zvakasiyana-siyana nezvezvinorehwa neChidyo uyewo maitirwo achinofanira kuitwa uye kuti chinofanira kuchengetwa kangani. Kunyange zvakadaro, neimwe nzira tsika iyi yakaramba ichikosheswa chaizvo muchechi dzakawanda dzechiKristudhomu. Zvisinei, Jesu akachengeta sei Kudya kwaShe Kwemanheru kokutanga?
Kutangwa kwo“Kudya kwaShe Kwemanheru”
Jesu ndiye akatanga “kudya kwaShe kwemanheru,” kana kuti Chirangaridzo chorufu rwake. (1 VaKorinde 11:20, 24) Asi ndiye here akatanga tsika isinganzwisisiki yokuti vateveri vake vadye nyama yake chaiyo nokunwa ropa rake chairo?
Jesu akanga achangobva kuchengeta Paseka yechiJudha uye kudzinga Judhasi Iskariyoti, muapostora akanga ava kuda kuzomutengesa. Mateu, mumwe wevaapostora 11 vaivapo, akati: “Zvavakaramba vachidya, Jesu akatora chingwa uye, akumbira chikomborero, akachimedura uye, achichipa vadzidzi, akati: ‘Torai, mudye. Ichi chinomirira muviri wangu.’ Uyewo, akatora kapu uye aonga [chiGiriki, eu·kha·ri·ste΄sas], akaipa kwavari, achiti: ‘Inwai, imi mose; nokuti iyi inomirira “ropa rangu resungano,” richadururirwa vazhinji nokuda kwokukanganwirwa zvivi.’”—Mateu 26:26-28.
Jesu aigara achinyengeterera zvokudya, sezvinoita vashumiri vaMwari vose. (Dheuteronomio 8:10; Mateu 6:11; 14:19; 15:36; Mako 6:41; 8:6; Johani 6:11, 23; Mabasa 27:35; VaRoma 14:6) Pane here chingaita kuti tifunge kuti paainyengetera, Jesu akanga ari kuitawo chishamiso, achiita kuti vateveri vake vadye nyama yake chaiyo nokunwa ropa rake chairo?
“Ichi Chinomirira” kana kuti “Ichi Ndiwo”?
Chokwadi mamwe maBhaibheri anoshandura mashoko akataurwa naJesu kuti: “Torai mudye, ichi ndiwo muviri wangu,” uye, “Inwai waini iyi mose, nokuti ndiro ropa rangu.” (Mateu 26:26-28, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona; Bhaibheri Dzvene) Sezvo shoko rechiGiriki rokuti e·stin΄ richibva pashoko rechiito rechiGiriki, rinenge richingoreva zvakafanana kana richitsanangura chimwe chinhu. Asi shoko rechiito iroro rinogona kurevawo kuti “chinomirira.” Uyewo, mumaBhaibheri akawanda, shoko rechiito iri rinogara richishandurwa kuti “chinomirira” kana kuti “chinoreva.”b Rinoratidza zvarinoreva chaizvo zvichienderana neparinenge rashandiswa. Somuenzaniso, pana Mateu 12:7, shoko rokuti e·stin΄ rakashandurwa kuti “zvinorehwa” mumaBhaibheri akawanda, richinzi: ‘Kudai mainge muchiziva zvinorehwa [muchiGiriki, e·stin΄] nokuti: Handinei nemipiro yenyu asi ndinoda kuti muve netsitsi kuna vamwe, mungadai musingapomeri mhosva vanhu vasina chavatadza.’—Bhaibheri Dzvene.
Nezvenyaya iyi, nyanzvi dzeBhaibheri dzinoremekedzwa dzinobvuma kuti shoko rokuti e·stin΄ parinenge richitsanangura chimwe chinhu, harinyatsorevi pfungwa yaitaurwa naJesu ipapo. Somuenzaniso, Jacques Dupont akaongorora tsika uye nzanga zvepanguva yairarama Jesu uye akagumisa kuti mashanduriro “anonyatsonzwisiswa” endima yacho ndeokuti: “Ichi chinoreva muviri wangu” kana kuti “Ichi chinomirira muviri wangu.”
Chero zvazvingava, Jesu akanga asingarevi kuti vadzidzi vake vadye nyama yake uye vanwe ropa rake. Nei? Pashure peMafashamo omunguva yaNoa, Mwari paakabvumidza vanhu kudya nyama yemhuka, akatorambidza vanhu kudya ropa. (Genesisi 9:3, 4) Murayiro uyu wakadzokororwa muMutemo waMosesi, uyo wainyatsoteererwa naJesu. (Dheuteronomio 12:23; 1 Petro 2:22) Uye vaapostora vakafuridzirwa nomudzimu mutsvene kuti vadzokorore murayiro wokusadya ropa, zvichiitawo kuti mutemo iwoyo ushande kuvaKristu vose. (Mabasa 15:20, 29) Jesu aizotanga here kuyeuka kwaizoita kuti vateveri vake vaputse mutemo mutsvene wakagadzwa naMwari Wamasimbaose? Hazvimboiti!
Saka zviri pachena kuti Jesu akashandisa chingwa newaini sezviratidzo. Chingwa chisina mbiriso chaireva kana kuti chaimirira muviri wake usina chivi waizopiwa sechibayiro. Waini tsvuku yaimirira ropa rake raizodururirwa “vazhinji nokuda kwokukanganwirwa zvivi.”—Mateu 26:28.
Chinangwa choKudya kwaShe Kwemanheru
Jesu akagumisa kuchengeta kwokutanga kwoKudya kwaShe Kwemanheru achiti: “Rambai muchiita izvi muchindiyeuka.” (Ruka 22:19) Kuchengeta uku kunotibatsira kuyeuka Jesu nezvinhu zvakawanda zvakagadziriswa norufu rwake. Kunotiyeuchidza kuti Jesu akatsigira kuti Baba vake Jehovha ndiye changamire. Kunotiyeuchidzawo kuti pakafa Jesu somunhu akakwana, asina chivi, akapa “mweya wake kuti uve rudzikinuro mukutsinhana nevazhinji.” Rudzikinuro runoita kuti chero munhu aizotenda muchibayiro chake asunungurwe pachivi uye kuti awane upenyu husingaperi.—Mateu 20:28.
Chinangwa choKudya kwaShe Kwemanheru ndechokuti vanhu vadye pamwe chete. Vanobatanidzwa (1) ndiJehovha Mwari akaronga rudzikinuro, (2) Jesu Kristu, “Gwayana raMwari,” akapa rudzikinuro, uye (3) hama dzaJesu dzokumudzimu. Hama dzaJesu padzinodya chingwa uye kunwa waini, dzinoratidza kuti dziri pamwe naKristu. (Johani 1:29; 1 VaKorinde 10:16, 17) Vanoratidzawo kuti vari mu“sungano itsva” sevadzidzi vaJesu vakazodzwa nomudzimu. Ava ndivo vachatonga naKristu kudenga semadzimambo uye vapristi.—Ruka 22:20; Johani 14:2, 3; Zvakazarurwa 5:9, 10.
Chirangaridzo chinofanira kuitwa rini? Mhinduro yacho inojeka kana tikayeuka kuti Jesu akasarudza kuita chirangaridzo pamusi waiitwa Paseka. Vanhu vaMwari vaichengeta musi waNisani 14 pakarenda ravo, gore negore kwemakore anopfuura 1 500, vachirangarira kuponeswa kunoshamisa kwavakanga vaitwa naJehovha. Zviri pachena kuti Jesu airatidza vateveri vake kuti vashandise musi uyu kuyeuka kuponesa kukuru kwaizoitwa naMwari achishandisa rufu rwaKristu. Vateveri vaJesu vechokwadi vanochengeta Kudya kwaShe Kwemanheru gore negore pamusi unoenderana naNisani 14 pakarenda rechiHebheru.
Vanozviita here setsika yakagara ichingoitwa? Kutaura chokwadi, ndizvo zvinoita kuti vakawanda vade kuchengeta Chidyo. Munyori wemagazini yambotaurwa inonzi Time akati: “Kutevedzera tsika dzekare dzinoitwa nevakawanda kunonyaradza zvikuru.” Sezvinofungwa nevakawanda vari kupinda Chechi yeRoma, munyori uyu anoti dai zvaitwa muchiLatin sezvaimboitwa kare. Nei? Anonyora kuti: “Ndinoda kunzwa Misa ichiimbwa mumutauro wandisinganzwi nokuti handifariri zvandinogara ndichinzwa muChirungu.”
Zvapupu zvaJehovha, pamwe chete nemamiriyoni evanofarira, vanonakidzwa nokuchengeta Kudya kwaShe Kwemanheru mumutauro wavo, pasinei nokwavanogara. Vanofarira kuwedzera kunzwisisa kwavanoita zvinorehwa norufu rwaKristu uye kukosha kwarunoita. Zvinokosha kuti vafungisise uye vakurukure chokwadi ichocho nguva dzose. Zvapupu zvinoziva kuti kuchengeta Chirangaridzo ndiyo nzira yakanaka yokuti varambe vachiyeuka rudo rukuru rwaJehovha Mwari uye rwoMwanakomana wake Jesu Kristu. Kunovabatsira ‘kuramba vachizivisa rufu rwaShe, kusvikira asvika.’—1 VaKorinde 11:26.
[Mashoko Omuzasi]
a Nguva yacho inonziwo Chirayiro chaShe, kumedurwa kwechingwa, gungano reChidyo, Chibayiro Chitsvene, Minyengetero Mitsvene, Komuniyoni, uye Misa Tsvene. Shoko rokuti “Chidyo” rinotorwa mushoko rechiGiriki rokuti eu·kha·ri·sti΄a, rinoreva kuti kuonga.
b Somuenzaniso onawo Mateu 13:38; 27:46; Ruka 8:11; VaGaratiya 4:24 semashandurirwo aakaitwa muBhaibheri Dzvene.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 27]
Jesu akachengeta sei Kudya kwaShe Kwemanheru kokutanga?
[Mufananidzo uri papeji 28]
Jesu akatanga Chirangaridzo chorufu rwake
[Mufananidzo uri papeji 29]
Kuchengeta Chirangaridzo chorufu rwaJesu Kristu