Ungapindura Sei?
ZVAKATAURWA NAANI?
Tara mutsetse unobva pamashoko uchienda pamunhu akazvitaura.
Mosesi
Petro
Johani
Adhamu
1. “Vana vaduku, zvichenjererei pazvidhori.”
2. “Iri ipfupa remapfupa angu.”
3. “Mhandu yenyu Dhiyabhorosi, inofamba-famba seshumba inodzvova.”
4. “Muri Mwari kubvira narini kusvikira narini.”
◼ Zvokukurukurirana: Ndezvipi zvimwe zvaunoziva nezvemumwe nomumwe wevanhu ava vanotaurwa muBhaibheri?
ZVAKAITIKA RINI?
Nyora vanyori vemabhuku eBhaibheri ari pasi apa, uye tara mutsetse unobva pabhuku racho uchienda pamusi warakapedza kunyorwa.
1450 B.C.E. 844 B.C.E. 536 B.C.E. 56 C.E. 61 C.E.
5. Dhanieri
6. Jona
7. VaHebheru
NDINI ANI?
8. Chishamiso chakaita kuti mabvi angu agwagwadze.
NDINI ANI?
9. Ndakatiza tenzi wangu asi ndakazodzokera kwaari pandakava muKristu.
ZVIRI MUMAGAZINI INO
Pindura mibvunzo iyi, uye nyora ndima dzeBhaibheri dzisipo.
Peji 5 Munhu asina zivo anoita sei? (Zvirevo 14:____)
Peji 12 Mwari achaita sei nevaya vanoparadza nyika? (Zvakazarurwa 11:____)
Peji 20 Vakafa vanozivei? (Muparidzi 9:____)
Peji 24 Rufu ruchaitwa sei naMwari? (Isaiah 25:____)
Peji 28 Bhaibheri rinokukurudzira kuedza uye kuzivei? (VaRoma 12:____)
MHINDURO DZIRI PAPEJI 31]
1. Johani.—1 Johani 5:21.
2. Adhamu.—Genesisi 2:23.
3. Petro.—1 Petro 5:8.
4. Mosesi.—Pisarema 90:2.
5. Dhanieri, 536 B.C.E.
6. Jona, 844 B.C.E.
7. Pauro, 61 C.E.
8. Bheshazari.—Dhanieri 5:1, 5, 6.
9. Onesimo.—Firimoni 10-16.