Ungapindura Sei?
TSANANGURA MUFANANIDZO UYU
1. Mumufananidzo waJesu wakanyorwa pana Mateu 18:23-35, muranda anoda kuitirwei namambo?
․․․․․
2. Muranda wokutanga anobata sei mumwe wake aiva muranda saiye?
․․․․․
3. Nei mambo achitsamwira muranda wokutanga?
․․․․․
◼ Zvokukurukurirana: Wakapedzisira rini kukanganwira mumwe munhu? Akanga akugumbura nei? Nei wakamukanganwira?
ZVAKAITIKA RINI MUNHOROONDO?
Taura zita (mazita) evanyori vemabhuku eBhaibheri ari pasi apa, uye tara mutsetse unobatanidza bhuku racho nomusi warakapera kunyorwa.
1657 B.C.E.
1513 B.C.E. Munenge muna 1100 B.C.E. Munenge muna 56 C.E. Munenge muna 61 C.E.
4. Genesisi
5. Vatongi
6. Mabasa
NDINI ANI?
7. Mapatya andakabereka akava marudzi maviri.
NDINI ANI?
8. Mijenya haina kuratidza kuti ndaifanira kuva muapostora.
ZVIRI MUMAGAZINI INO
Pindura mibvunzo iyi, uye nyora ndima dzeBhaibheri dzisipo.
Peji 3 Zvinetso zvipi zvoutano zvichabviswa nokukurumidza? (Isaya 35:․․․)
Peji 11 Nei ungadavira kuti zvinoita kuti pave noutano hwakanaka zvechigarire? (Ruka 18:․․․)
Peji 16 Zvii zvausingafaniri kuita uye mafungiro api aunofanira kuedza kuva nawo usati wafunga zvokuroorana nomumwe munhu? (VaEfeso 4:․․․)
Peji 21 Munhu anofanira kuitei kuti ave muteveri waKristu? (Ruka 9:․․․)
Mapeji 23-24 Muapostora Pauro akati chii chaizoitika kuungano yechiKristu iye aenda? (Mabasa 20:․․․)
Mhinduro
1. Amunzwire tsitsi pachikwereti chake.
2.Anomukandira mujeri.
3. Nokuti muranda wacho haana kunzwira tsitsi.
4. Mosesi, 1513 B.C.E.
5. Samueri, munenge muna 1100 B.C.E.
6. Ruka, munenge muna 61 C.E.
7. Ribheka.—Genesisi 25:21-23.
8. Basabhasi.—Mabasa 1:23-26