Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo Nezvoupenyu Pashure Porufu?
Haridzidzisi zvakaudzwa vanhu vakawanda kuti ndozvarinodzidzisa. Somuenzaniso haridzidzisi kuti . . .
◼ Vanhu vose vakanaka vachapiwa mubayiro wokuenda kudenga.
◼ Hama dzakafa dzinofanira kunamatwa kana kukudzwa.
◼ Vakafa vanogona kukuvadza kana kubatsira vapenyu.
◼ Vanhu vane mweya usingafi—dzidziso iri mumachechi akawanda uye pairi panobva dzidziso dzakawanda dzisiri mumagwaro, sedziya dzinoti mweya unotambudzwa muhero uye kuti munhu akafa anoberekwazve ava chimwe chisikwa.
Zvisinei, zvarinodzidzisa chaizvo zvinofadza uye zvinogutsa sokutsanangurwa kwazvinoitwa zvakajeka uye zviri nyore mubhuku riri pano. Kana uchirida zadza kopani rinotevera wotumira kukero yakakodzera pane dziri papeji 5 yemagazini ino.
□ Ndapota nditumireiwo bhuku riri pano.
□ Ndapota ndionei nezvokudzidza Bhaibheri pachena ndiri pamba.