RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 9/15 pp. 28-31
  • Pfuurira Mubasa Roupiona

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Pfuurira Mubasa Roupiona
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kusvitsa Zvinodikanwa Zvemari
  • Kuwana Basa Renguva Isina Kuzara
  • Utano Husina KunakaNokuora Mwoyo
  • Koshesa Ropafadzo Yako Yebasa
  • Zvikomborero Zvoushumiri Hwoupiyona
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Mapiona Anopa uye Anogamuchira Zvikomborero
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Zvikomborero Zvoushumiri Hwoupiyona
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Kupayona Kunosimbisa Ukama Hwedu naMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 9/15 pp. 28-31

Pfuurira Mubasa Roupiona

ZVAPUPU ZVAJEHOVHA 4 500 000 zviri kuzivisa mashoko akanaka munyika yose. Pakati pazvo pane mapiona, kana kuti vazivisi voUmambo venguva yakazara vanopfuura 600 000. Avo vari muiri uto ramapiona vanosiana-siana muzera kubvira pavari pamberi pezera revechiduku kusvikira kuvakarega basa vane makore ari muma 90. Vanobva mumigariro yose yakare nemifambiro youpenyu.

Pasina panikiro, vaparidziri vose ivava venguva yakazara vanoda kubudirira muushumiri hwavo hwoupiona. Vakawanda vanoda kuriita basa ravo renduramo. Vamwe havakwanisi kuita saizvozvo nokuda kwezvikonzero zvakati. Bva, vamwe vave vachikwanisa kupfuurira kupayona pasinei zvapo nezvinetso zvemari, utano husina kunaka, kuora mwoyo, uye zvimwe zvinetso. Naizvozvo vaparidziri venguva yakazara vanogona sei kugonana nezvinetso zvakadaro ndokungopfuurira mubasa roupiona?

Kusvitsa Zvinodikanwa Zvemari

Kazhinji kazhinji, mapiona anoshanda munyika kuti afukidze ndyiko dzawo, sezvaiita muapostora Pauro. (1 VaTesaronika 2:9) Mumativi mazhinjisa enyika, anotarisana nemitengo inokwirira zvikuru yezvokudya, yezvipfeko, yepokugara, uye yokufamba. Kazhinji kazhinji kwakaoma kuwana basa rokunyika renguva isina kuzara ravanoda. Kana achiwanika, mabasa akadaro kazhinji kazhinji anopa mibairo yakaderera bedzi, pasina betsero dzemari yeinishuwarenzi dzokurapwa.

Kana tika‘ramba tichitanga kutsvaka Umambo hwaMwari nokururama kwake,’ tinogona kuva nokutenda kwokuti Jehovha achagovera zvinodikanwa zvedu zvokunyama. Apo anenge ari mudzvinyiriro yezvemari, naizvozvo, mapiona anofanira ‘kusafunganya pamusoro pezuva rinotevera.’ (Mateo 6:25-34) Nepo achiita nhamburiko dzapachokwadi dzokupedza zvinetso zvakadaro, kutenda kwakasimba muna Jehovha kuchaadzivisira funganyo isina kufanira.

Apo munhu anenge atarisana nezvinetso zvemari, zvichida ndyiko dzinogona kuderedzwa. Nechinjo dzendaza yendyiko, kungava kunobvira kusvitsa zvinodikanwa, kunyange zvazvo zvisiri zvinodikanwawo hazvo zvokunyama. Kuti aderedze ndyiko, mamwe mapiona anogoverana furati namamwe maKristu. Mukubatsira vana vavo kuti vapayone, vabereki pane dzimwe nguva vanogovera pokugara pachena kana kuti pamutengo wakaderera. Vamwe vanobetsera mapiona nendyiko dzezvokudya nokufamba. Asi mapiona angasada kuva mutoro kune vamwe, nokuti ane musengwa wapaMagwaro wokuzvitsigira amene.—2 VaTesaronika 3:10-12.

Ndyiko dzokufamba dzinogona kuderedzwa kupfurikidza nokugoverana ndyiko namamwe mapiona. Kana mapiona maviri ane motokari, angapinda mubasa rokuparidzira pamwe chete munharaunda imwe cheteyo, achishandisa motokari imwe uye achibvisa ndyiko yokushandisa motokari mbiri. Mapiona asina motokari angakwanisa kubatana naayo anadzo ndokugoverana mukufukidza ndyiko dzokufamba. Ndyiko dzokufamba dzinogona kuderedzwazve kupfurikidza nokufukidza ndima dziri pedyo zvikurukuru nokufamba. Munyika dzakawanda mapiona anoshandisa zvifambiso zvavose zvisingadhuri.

Pakati paavo vakakurira zvinetso zvemari ndokupfuurira mubasa renguva yakazara pakanga pana Newton Cantwell nomudzimai wake. Vakatengesa purazi ravo ndokuvamba kupayona navatanhatu vavana vavo vanomwe muna 1932, mukati moKuderera Kukuru Kwezvokutengeserana. “Yakanga isiri nguva refu tisati tapedza zvose zvatakagamuchira mukutengwa kwepurazi redu—zvikurukuru pazvikwereti zvachiremba,” vakanyora kudaro Hama Cantwell. “Tinoyeuka kuti apo takatamira kumugove wedu wechipiri, takanga tine yakakwana chete kubhadhara rendi yamavhiki maviri pachine nguva mberi, namadhora mashanu anosara. Kunyanguvezvo, taiziva kuti Jehovha aizogovera chero bedzi taiita nenzira yokushingaira basa redu. . . . Takadzidza kuita rutsuta munzira dzakasiana-siana. Pakupinda mundima itsva, somuenzaniso, ndaitaura kuvamwe vavaridzi vechiteshi chepeturo ndokutsanangura kuti taichaira motokari nhatu zuva rimwe nerimwe pamusoro pebasa redu rechiKristu. Ikoku kazhinji kazhinji kwaiguma nokuwana kwedu peturu nemari yakaderedzwa. Vanakomana vedu vakakurumidza kudzidza kutarisira kugadzirwa kwemotokari dzedu, kuchitichengetera mari yakawanda mumitengo yokugadzira motokari.” VanaCantwell nokudaro vakagonana nenzira inobudirira nedenho dzezvemari ndokupfuurira mubasa renguva yakazara. Hama Cantwell vakanga vachiri pandaza yamapiona apo ivo vakafa pazera ramakore 103.

Kuwana Basa Renguva Isina Kuzara

Mapiona akawanda anozvitsigira amene mune zvemari kupfurikidza namabasa enguva isina kuzara. Kuti azvitsigire amene muushumiri paKorinte, Pauro akashanda somugadziri wetente pamwe chete navatendi biyake Akwira naPrisira. (Mabasa 18:1-11) Nhasi, hama dzomudzimu kazhinji kazhinji dzinofara kupa mapiona basa rokunyika renguva isina kuzara. Mamwe mapiona anowana basa rakadaro kupfurikidza namasangano anowanira vanhu mabasa ayo anopa mabasa echinguvana. Kutenda muna Mwari kunokosha, ndizvo zvakaitawo munyengetero nokuda kwenhungamiro yake mukuita zvisarudzo zvebasa.—Zvirevo 15:29.

“Pashure pokuwana simba rakawanda mukurangarira kwokunyengetera,” akadaro mumwe piona, “ndakazivisa mutariri wangu kuti basa rangu rokushumira mutoro wakakomba womunhu oga uye kuti ndaisazokwanisa kugamuchira nzvimbo yenguva yakazara. Chitatu chakatevera, ndakabvunzwa kana ndaizorangarirazve basa racho asi pahwaro hwenguva isina kuzara. Ndakagamuchira nomufaro.” Usarerutsa simba romunyengetero, uye tevera minyengetero yako namabasa.

Mapiona angakuwana kwakanaka kuudza vashandirwi vanokarirwa kuti donzo rawo mukutsvaka basa renguva isina kuzara nderokuzvitsigira amene muushumiri. Angadudza mazuva aanowanika nechiverengero chamaawa pavhiki chaanogona kupa kubasa. Vasikana vaviri mukoma nomunin’ina vakakwanisa kugovana basa renguva yakazara mufemu yezvemitemo, kuchibvumira mumwe nomumwe wavo kushanda mazuva maviri nehafu pavhiki. Ikoku kwakavatsigira samapiona kutozosvikira vapinda Watchtower Bible School of Gilead ndokugamuchira migove youfundisi.

Marudzi akasiana-siana ebasa rinogamuchirika paMagwaro anogona kuwanwa kupfurikidza nokutaura navatendi biyedu navamwe kana kuti kupfurikidza nokunzvera zviziviso zvepepanhau. Kuzvininipisa kunobetsera, nokuti kunogona kudzivisa mapiona kunyanyosarudza pamusoro porudzi rwebasa raangaita. (Enzanisa naJakobho 4:10.) Kuti apfuurire kupayona angafanira kuita basa rokunyika iro vanhu vakati vanorangarira kuva rakaderera kana kuti renhando. Kana basa rakadaro rikagamuchirwa asi chimwe chinhu chakasiana chichishuviwa, chinjo mubasa pakupedzisira ingava inobvira.

Utano Husina KunakaNokuora Mwoyo

Vamwe vanofanira kurega basa ravo roupiona nemhaka yezvinetso zvakakomba zvoutano. Kana mapiona asingakurumidzi muna ikoku, zvisinei, angawana kuti chirwere chinogona kurapwa kana kuti utano hunogona kuvandudzika zvakakwana kuti apfuurire kupayona. Vakawanda vanogona kupayona pasinei zvapo nezvinetso zvoutano nemhaka yokuti vanorapwa, vanoomerera kune zvokudya zvakavakodzera, uye vanowana zororo rinodikanwa nokurovedza muviri. Mumwe mutariri anofambira akacherekedza imwe hanzvadzi piona yaitambudzwa kwazvo nearthritis zvokuti yaida betsero kuti ifambe paimba neimba muushumiri. (Mabasa 20:20) Bva, iyo nomurume wayo vakaitisa fundo dzeBhaibheri dzapamusha 33 uye vakanga vabetsera vanhu 83 kugamuchira zvokwadi yaMwari. Utano hwayo hwakavandudzika pashure penguva yakati, uye yakapinda Chikoro Chebasa Roupiona makore 11 gare gare.

Kuora mwoyo kungaparira vamwe kusiya ushumiri hwoupiona. (Zvirevo 24:10) Mumwe piona akaudza mutariri anofambira, kuti: “Ndiri kuzorega kupayona. . . . ndine zvikwereti zvokubhadhara.” Iye aida magirazi amaziso akaita madhora 124. “Uri kuzorega kupayona nemhaka yokushaya [madhora 124] here?” akabvunza kudaro mutariri. Kwakakarakadzwa kuti piona wacho ashande mumunda wekofi womunzvimbomo kwezuva rimwe, kuwana madhora 124, kutenga magirazi, uye kuramba achipayona. Imwe kurukurirano yakazivisa kuti chinetso chikuru chakanga chiri kuora mwoyo pamusoro pokugadzirisa motokari kunodhura. Kwakarumbidzwa kuti piona wacho aderedze ndyiko kupfurikidza nokuchaira zuva rimwe nerimwe mukati menharaunda yamamaira mashomanene panzvimbo penharaunda huru. Iye akapiwawo zano kuti achengete umudzimu hwake. Piona akashandisa zano racho uye mwedzi mitanhatu gare gare akagamuchira kudanwa kwake kuti apinde Gilead School. Pashure pokupedza kufunda akagoverwa kunyika yokumwe ndokubatira ikoko nokutendeka kwamakore akawanda kutozosvikira parufu rwake. Hungu, zvikomborero zvikuru kazhinji kazhinji zvinovapo kana tisingateri kukuora mwoyo asi kurangarira kuti Jehovha anesu.

Koshesa Ropafadzo Yako Yebasa

Pasinei zvapo nemiedzo, zvakadai sezvinoitika zvokushaya nenguva dzokusava nezvokudya, Pauro airangarira ushumiri hwake sepfuma. (2 VaKorinte 4:7; 6:3-6) Mukutarisana nenhamo nechitambudzo nhasi, vakawanda vavabatiri vaJehovha muAfrica, Asia, Eastern Europe, uye kune dzimwe nzvimbowo vakaomerera kuropafadzo yavo yokupayona. Apo miedzo inonanganwa nayo, naizvozvo, ita nhamburiko iri yose kuti upfuurire uri muiri basa rakaropafadzwa, kukurumbidzwa kwaJehovha.

Mapiona mazhinjisa akakwanisa kupinda mubasa rokuparidzira renguva yakazara nemhaka bedzi yokuti vakapfavisa mararamire avo. Kufanana naPauro, akadzivisa kwezvo dzokudisa zvenyika ndokusakurira gutsikano ne“zvokudya nezvokupfeka.” Kuti apfuurire mubasa roupiona, anofanira kuramba achigutswa nezvinhu zviri madikanwa. (1 Timotio 6:8) Mufaro unobva mukukoshesa ropafadzo dzedu dzinopiwa naMwari, tichidziisa pamusoro pezvinhu zvokunyama.

Kuenzanisira: Anton Koerber akaropafadzwa kumirira fariro dzoUmambo kuvakuru vakuru vehurumende muWashington, D.C. Akabatira sapiona kwenguva yakati uye akanga ari mutariri wedunhu muma 1950. Vamwe vevaichimbova vasonganiri vake vebhizimisi vakambomusvika nechikarakadzo chaizomugonesa kuzviitira amene mhindu yamadhora ane mirioni. Kuti aite saizvozvo, zvisinei, kwaizodai kwakava kuri madikanwa kuti ape nguva yake yose kuzvinhu zvebhizimisi kwerinenge gore. Pashure pokunyengeterera nhungamiro nomudzimu wendangariro yakanaka, iye akati: “Hakubviri kuti ndirege ropafadzo dzangu dzinoshamisa dzokubatira Jehovha pano kunyange nokuda kwegore rimwe chete, aiwa, kwete nokuda kwemari yose iri munyika. Kubatira hama dzangu muno muWashington kunokosha zvikuru kwandiri, uye pano ndinoziva kuti ndine chikomborero chaJehovha. Pasina panikiro ndaizoita madhora ane mirioni, asi pakupera kwegore rorudzi irworwo rwoupenyu, ndaizova ndakaita sei mumudzimu, kana kuti kunyange mumuviri?” Iye naizvozvo akaramba chikarakadzo chacho. Kukoshesa ropafadzo dzavo nenzira yakafanana kunobetsera vakawanda kuti vapfuurire mubasa roupiona.

Zvikomborero zvakaisvonaka zvakadini izvo mapiona anofarikanya! Chikomborero kupedza maawa akawanda tichitaura pamusoro pokuva mambo kwaJehovha kune mbiri. (Pisarema 145:11-13) Nemhaka yokupa nguva yakawanda kwazvo kuushumiri, mapiona ane chikomborero chokuunza nyaradzo yomudzimu kuvarombo navakadzvinyirirwa, vanorwara kana kuti vakafirwa, uye vamwe vakaora mwoyo zvikuru uye vanoda tariro yechokwadi. Nokudaro, kana migariro ichitibvumidza kupinda mubasa rokuparidzira renguva yakazara, zvamazvirokwazvo tichafarikanya zvikomborero zvakawanda. Ndicho ‘chikomborero chaJehovha chinopfumisa.’ (Zvirevo 10:22) Uye vazivisi vakawanda voUmambo vanopfuurira nomufaro mubasa roupiona nebetsero yake.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe