RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w97 10/15 pp. 18-23
  • Zvikomborero Zvoushumiri Hwoupiyona

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvikomborero Zvoushumiri Hwoupiyona
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mirangariro Yakakura Yokugutsikana Nomufaro
  • Ufakazi Hwokuitira Hanya kwaJehovha
  • “Nzira Yakaisvonaka Yokuswedera Nayo Pedyo naJehovha”
  • Mwoyo Wako Unoshuva Kuita Zvakawanda Here?
  • Vose Vanogona Kuratidzira Mudzimu Wokupayona
  • Zvikomborero Zvoushumiri Hwoupiyona
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Mapiona Anopa uye Anogamuchira Zvikomborero
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Kupayona Kunosimbisa Ukama Hwedu naMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Basa Rokupayona—Unogona Kuriita Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
w97 10/15 pp. 18-23

Zvikomborero Zvoushumiri Hwoupiyona

“Kuropafadza kwaJehovha—ndiko kunopfumisa, kutambura pabasa hakuwedzeri chinhu.”—ZVIREVO 10:22.

1, 2. (a) Mumwe piyona akataura sei mirangariro yake pamusoro poushumiri hwenguva yakazara? (b) Nei mapiyona achikwanisa kuwana mufaro zvizere mukuita vadzidzi?

“PANOGONA kuva nomufaro mukuru upi noupi here unopfuura wokuona mumwe munhu waunofunda naye achiva murumbidzi waJehovha anoshingaira? Zvinofadza uye zvinosimbisa kutenda kuona kuti Shoko raMwari rine simba sei mukusunda vanhu kuita chinjo muupenyu hwavo kuitira kuti vafadze Jehovha.” Akanyora kudaro mumwe piyona wokuCanada uyo ave ari muushumiri hwenguva yakazara kwamakore anopfuura 32. Pamusoro poushumiri hwake hwoupiyona, anoti: “Handigoni kufungidzira ndichiita chimwe chinhu. Zvirokwazvo handigoni kufungidzira chinhu chipi nechipi chingaunza mufaro wakafanana.”

2 Unobvuma here kuti pane mufaro mukuru mukuva negoverano mukubetsera mumwe munhu panzira youpenyu? Chokwadika, mapiyona haasi iwo bedzi anowana mufaro wakadaro. Vabatiri vaJehovha vose vakarayirwa kuti va“dzidzise marudzi ose,” uye vanoedza kuita kudaro. (Mateo 28:19) Zvisinei, sezvo mapiyona achikwanisa kupedza maawa akawanda muushumiri hwomumunda, kazhinji kazhinji anowana mifarwa yokuita vadzidzi zvizere zvikuru. Asi kupayona kune mimwe mibayirowo. Taura namapiyona, uye achakuudza kuti kupayona inzira yakanakisisa yokuwana nayo ‘chikomborero chaJehovha chinopfumisa.’—Zvirevo 10:22.

3. Chii chingatisunda sezvatinopfuurira kubatira Jehovha?

3 Nguva pfupi yapfuura, mapiyona anobva mumativi akasiyana-siyana enyika akakumbirwa kuti arondedzere zvikomborero zvaakawana muushumiri hwenguva yakazara. Ngatirangarirei zvaakataura. Usaodzwa mwoyo, kunyange zvakadaro, kana basa rako rakaganhurirwa nemhaka youtano husina kunaka, kukwegura, kana kuti mamwe mamiriro ezvinhu. Yeuka, chinhu chinokosha kubatira Jehovha nomwoyo wose, mumamiriro ezvinhu api naapi. Zvisinei, kunzwa tsinhiro dzamamwe mapiyona kungawedzera kufarira kwako kuita uyu mubato unounza mubayiro kana zvichitongobvira.

Mirangariro Yakakura Yokugutsikana Nomufaro

4, 5. (a) Nei kugoverana mashoko akanaka nevamwe kuri chiitiko chinounza mubayiro chakadaro? (b) Mapiyona anonzwa sei pamusoro pokugoverana muushumiri hwenguva yakazara?

4 “Kupa kune mufaro chaiwo kupfuura kugamuchira,” akadaro Jesu. (Mabasa 20:35) Hungu, kupa kusina udyire kune mibayiro yako. (Zvirevo 11:25) Izvi ndezvechokwadi zvikurukuru pakugoverana mashoko akanaka navamwe. Chaizvoizvo, ndechipi chipo chikuru chatingagona kupa mumwe munhu chinopfuura kumubetsera kuwana zivo yaMwari, inotungamirira kuupenyu husingaperi?—Johane 17:3.

5 Nenzira isingashamisi, vaya vanogoverana muushumiri hwenguva yakazara kazhinji kazhinji vanotsinhira pamusoro pomufaro nepfungwa huru yokugutsikana zvavanowana muushumiri hwavo. “Ndinoziva kuti hapana rimwe basa ringava rakandiunzira mufaro wakabva mukugoverana chokwadi navamwe,” anodaro piyona ane makore 64 okukura wokuBritain. Imwe chirikadzi yokuZaire yakataura zvakarehwa nokupayona kwairi: “Basa roupiyona rakanga richinyaradza chaizvoizvo kwandiri pashure pokurasikirwa nomurume wangu wandaida. Pandinoenda mubasa kakawanda kunobetsera vamwe, ndinonzwa kurasikirwa kwacho zvishoma. Ndinoisa kutenda kwangu muzvipikirwa zvaJehovha ndokufunga zvikuru pamusoro penzira yandingabetsera nayo vandinofunda navo kuchinja upenyu hwavo. Pakupera kwezuva rimwe nerimwe, hope dzangu dzinonakidza, uye mwoyo wangu unenge wakazara nomufaro.”

6. Mamwe mapiyona akawana mufaroi?

6 Vamwe vave vachipayona kwamakumi amakore akawanda vakava nemufaro chaiwo wokushanda munharaunda dziri kure, kutanga ungano, idzo pakupedzisira dzakakura kuva matunhu. Somuenzaniso, muAbashiri, Hokkaido, (chitsuwa chokuchamhembe zvikurusa kweJapan), kune hanzvadzi yave iri piyona kwamakore 33. Inoyeuka kuti pagungano rayo redunhu rokutanga—muHokkaido mose—makanga mune 70 chete vaiteerera. Ko ikozvino? Mune matunhu 12 muchitsuwa ichocho, nehwerengedzo yavaparidzi vanopfuura 12 000. Fungidzira kuti mwoyo wake unozadzwa sei nomufaro paanopinda magungano nekokorodzano dzine vazivisi voUmambo vakawanda pachitsuwa ichocho!

7, 8. Mapiyona mazhinji enguva refu akawana mufaroi?

7 Mamwe mapiyona enguva refu akava nomufaro wokuona vadzidzi veBhaibheri vachibhabhatidzwa uye ipapo vachisvasvavirira ropafadzo huru dzebasa. MuJapan, imwe hanzvadzi yakabatira mumigove mipfumbamwe yakasiyana-siyana youpiyona chibviro cha1957 inoyeuka ichigovera magazini yeMukai! kumhandara yaishanda mubhangi. Mukati memwedzi mipfumbamwe mhandara yacho yakanga yabhabhatidzwa. Gare gare yakaroorwa, uye iyo nomurume wayo vakava mapiyona chaiwo. Wakanga uri mufaro mukuru nokuda kwehanzvadzi piyona apo, mumugove wayo wechitatu, ungano yavo yakashanyirwa nemutariri wayo wedunhu mutsva nomudzimai wake—aichimbova mudzidzi wake weBhaibheri!

8 Hazvishamisi kuti avo vakaita basa roushumiri hwoupiyona vanorirangarira se“ropafadzo inokosha inofanira kudiwa,” sokutaura kwakaita mumwe piyona wamakore 22!

Ufakazi Hwokuitira Hanya kwaJehovha

9. SoMugoveri Mukuru, Jehovha anovimbisei vabatiri vake, uye izvi zvinorevei kwatiri?

9 Jehovha, Mugoveri Mukuru, anovimbisa kutsigira vabatiri vake, achivatarisira mumudzimu uye munyama. Mambo Dhavhidhi wakare aigona kunyatsotaura kuti: “Ndakanga ndiri muduku, zvino ndakwegura; kunyange zvakadaro handina kutongoona wakarurama achisiyiwa, kana vana vake vachipemha zvokudya.” (Pisarema 37:25) Chokwadika, iyi vimbiso yaMwari haitipembedzi pamutoro wokugovera mhuri dzedu nenzira yokunyama, uyewo haitipi mvumo yokufungidzira rupo rwehama dzedu dzechiKristu. (1 VaTesaronika 4:11, 12; 1 Timotio 5:8) Bva, patinoita zvibayiro nokudisa muupenyu hwedu kuti tibatire Jehovha zvizere zvikuru, haasati achizotongondisiya.—Mateo 6:33.

10, 11. Kubva muruzivo rwokuzviwanira, mapiyona akawanda anozivei pamusoro pemano aJehovha okugovera?

10 Mapiyona munyika yose anoziva nemhaka yoruzivo rwokuzviwanira kuti Jehovha anogovera avo vanozviisa mumaoko ake anoitira hanya. Rangarira chiitiko chevaroorani vaiva mapiyona vakatamira kutaundi duku uko kwaidikanwa vaparidzi voUmambo zvikuru. Pashure pemwedzi mishomanene, basa rokunyika rakanetsa kuwana, uye mari yavakanga vanayo yakapera. Ipapo vakagamuchira bhiri reinishuwarenzi yemota re$972. “Takanga tisingagoni kuribhadhara,” inotsanangura kudaro hama yacho. “Takanyengetera zvakakomba zvikuru usiku ihwohwo.” Zuva rakatevera racho, vakagamuchira kadhi raibva kumhuri iyo yakanga ichitozvitamburirawo. Mhuri yacho yakanga yadzorerwa imwe mari yomutero, rakatsanangura kudaro kadhi racho, uye sezvo yakanga yakawanda kupfuura zvavaikarira, vaida kugoverana imwe yacho nevaroorani vaiva mapiyona. Vakanga vatumira cheki ye$972! “Handifi ndakakanganwa zuva iroro—bvudzi rangu rakamira!” inodaro hama yacho iri piyona. “Takaonga kwazvo rupo rwemhuri iyi.” Jehovha anoongawo mutsa wakadaro, uyo uri mumudzimu wokupa waanokurudzira vabatiri vake.—Zvirevo 19:17; VaHebheru 13:16.

11 Mapiyona akawanda anogona kurondedzera zvinoitika zvakafanana. Vabvunze, uye vachakuudza kuti havasati vambo“siyiwa zvachose.” Achitarira shure makore 55 muushumiri hwenguva yakazara, mumwe piyona ane makore 72 okukura anoti: “Jehovha haasati ambotiodza mwoyo.”—VaHebheru 13:5, 6.

“Nzira Yakaisvonaka Yokuswedera Nayo Pedyo naJehovha”

12. Nei basa rokuparidza mashoko akanaka riri ropafadzo inoshamisa kudaro?

12 Kuti Jehovha anototikumbira kuzivisa mashoko akanaka oUmambo hwake kunotipa ropafadzo. Anotirangarira—kunyange zvazvo tiri vanhu vasina kukwana—sa“vabati pamwe chete” mumubato uyu unoponesa upenyu. (1 VaKorinte 3:9; 1 Timotio 4:16) Sezvatinoparidza kuvamwe pamusoro poUmambo hwaMwari, sezvatinozivisa mugumo weuipi, sezvatinotsanangurira vanhu rudo rwake rwunoshamisa mukugovera rudzikinuro, sezvatinovhura Shoko rake benyu ndokudzidzisa zviri mukati zvinokosha kuvanhu vane mwoyo yakatendeseka, sezvingakarirwa tinokweverwa pedyo neMusiki wedu, Jehovha.—Pisarema 145:11; Johane 3:16; VaHebheru 4:12.

13. Vamwe vanotii pamusoro petapuro youshumiri hwavo hwoupiyona paukama hwavo naJehovha?

13 Mapiyona anokwanisa kupedza nguva yakawanda mwedzi mumwe nomumwe achidzidza nokudzidzisa pamusoro paJehovha. Anoziva sei kuti izvi zvinotapura ukama hwawo naMwari? “Kupayona inzira yakanakisisa yokuswedera pedyo naJehovha,” anopindura kudaro mumwe mukuru ari muFrance uyo ave ari piyona kwemakore anopfuura gumi. Mumwe piyona ari munyika iyoyo, uyo akapedzera makore 18 muushumiri hwenguva yakazara, anoti: “Basa roupiyona rinotibvumira ku‘ravira uye kuona kuti Jehovha wakanaka,’ zuva rimwe nerimwe tichivaka ukama hwakatosimba zvikuru noMusiki wedu.” (Pisarema 34:8) Imwe hanzvadzi iri muBritain iyo yave iri piyona kwamakore 30 inorangarira nenzira yakafanana. “Kufanira kuswedera pamudzimu waJehovha nokuda kwenhungamiro muushumiri hwangu kunondiswededza pedyo naye,” anodaro. “Ndakanzwa chaizvoizvo kuti mudzimu waJehovha panhambo dzakawanda wakanditungamirira kumusha chaiwoiwo panguva yakarurama.”—Enzanisa naMabasa 16:6-10.

14. Mapiyona anobetserwa sei nokushandisa Bhaibheri nezvinyorwa zvakavakirwa paBhaibheri zuva nezuva kuti vabetsere vamwe?

14 Mapiyona akawanda anowana kuti kushandisa Bhaibheri nezvinyorwa zvakavakirwa paBhaibheri zuva nezuva kutsanangura nokudzidzisa zvokwadi dzeMagwaro kunoabetsera kukura mukuziva Shoko raMwari. Imwe hama ine makore 85 okukura muSpain yave iri piyona kwamakore 31 inotsanangura kuti: “Kupayona kwakandibetsera kuwana zivo huru yeBhaibheri, zivo yandakashandisa kubetsera vanhu vakawanda kuziva Jehovha nezvinangwa zvake.” Imwe hanzvadzi yokuBritain yave ichipayona kwamakore 23 inoti: “Ushumiri hwenguva yakazara hwakandibetsera kusakurira kupanga zvokudya zvomudzimu nomwoyo wose.” Kutsanangurira vamwe chikonzero che“tariro iri mukati menyu” kunogona kusimbisa zvitendero zvako pamusoro pezvitendero zvaunoda zvikuru. (1 Petro 3:15) Mumwe piyona wokuAustralia anoti: “Kupayona kunovandudza kutenda kwangu sezvandinotaura nevamwe.”

15. Vakawanda vave vachidisa kuitei kuti vapinde muushumiri hwoupiyona ndokuramba varimo, uye nei?

15 Nenzira yakajeka, ava vashumiri vari mapiyona vanopwiswa kuti vakasarudza rudzi rwebasa rwunounza zvikomborero zvakawanda zvinobva kuna Jehovha. Hazvishamisi kuti vakawanda vave vachidisa kuita gadziridzo muupenyu hwavo, kunyange kurega basa rokunyika nepfuma yokunyama, kuti vapinde muushumiri hwoupiyona ndokuramba varimo!—Zvirevo 28:20.

Mwoyo Wako Unoshuva Kuita Zvakawanda Here?

16, 17. (a) Kana uri kunetseka kuti kupayona kunobvira here nokuda kwako, ungaitei? (b) Vamwe vanonzwa sei pavanenge vasingakwanisi kupayona?

16 Pashure pokurangarira zvinotaurwa namapiyona pamusoro pezvikomborero zvoushumiri hwoupiyona, zvichida uri kunetseka kana kupayona kuchiita kwauri. Kana zvakadaro, kuregererei kutaura napiyona anobudirira woushumiri hwenguva yakazara? Ungawanawo zvichibetsera kutaura nomumwe wavakuru vari muungano, mumwe munhu anokuziva—utano hwako, ganhuriro dzako, uye mitoro yako yemhuri. (Zvirevo 15:22) Tsinhiro dzavamwe dzingakubetsera kunzvera nenzira yokungwarira kana kupayona kuchikubvirira. (Enzanisa naRuka 14:28.) Kana uchikwanisa kupayona, zvikomborero zvako zvichava zvikuru.—Maraki 3:10.

17 Kunyange zvakadaro, zvakadiniko nevaparidzi voUmambo vakatendeka vakawanda vasingakwanisi kupayona, kunyange zvazvo vangashuva kuita zvakawanda muushumiri? Rangarira, somuenzaniso, mirangariro yeimwe hanzvadzi yechiKristu iyo iri kutamburira kurera vana vayo vana iri yoga. “Ndinosuruvara,” inodaro, “nemhaka yokuti ndaimbova piyona, asi zvino, nemhaka yemamiriro ezvinhu zvangu, handigoni kubuda mubasa romumunda kakawanda sezvandaimboita.” Hanzvadzi iyi inoda zvikuru vana vayo uye inoda kuvatarisira. Panguva imwe chete, inoshuva kuita zvakawanda mubasa rokuparidza. “Ndinoda ushumiri,” inotsanangura kudaro. Mirangariro yakafanana inogoveranwa navamwe vaKristu vakazvitsaurira zvokuti kuda Mwari kunovasunda kubatira Jehovha ‘nemwoyo yavo yose.’—Pisarema 86:12.

18. (a) Jehovha anokarirei kwatiri? (b) Nei tisingafaniri kuodzwa mwoyo kana mamiriro ezvinhu achiganhurira zvatinogona kuita?

18 Yeuka kuti zvinokarirwa naJehovha kwatiri ibasa romwoyo wose. Kuwanda kwaro kungasiyana munhu nemunhu. Vamwe vanokwanisa kugadziridza zvinhu zvavo kuti vabatire samapiyona enguva dzose. Vamwe vakawanda vanonyoresa samapiyona ebetsero pangava panhambo nenhambo kana kuti pahwaro hwenguva dzose, vachipedzera maawa 60 mwedzi mumwe nomumwe muushumiri. Ruzhinji zvikuru rwavanhu vaJehovha, zvisinei, runozvitsaurira kubasa rokuparidza nokudzidzisa nemwoyo wose savaparidzi veungano. Naizvozvo kana uchiganhurirwa zvechokwadi noutano husina kunaka, kukwegura, mitoro yemhuri, kana kuti mamwe mamiriro ezvinhu, usaodzwa mwoyo. Chero bedzi uchipa zvaunogona, basa rako rinokosha mumeso aMwari, sezvakaita riya revari muushumiri hwenguva yakazara!

Vose Vanogona Kuratidzira Mudzimu Wokupayona

19. Mudzimu wokupayona chii?

19 Kunyange zvazvo ungasakwanisa kunyoresa sapiyona, unogona kuratidzira mudzimu wokupayona. Mudzimu wokupayona chii? Chinyorwa chaAugust 1988 choUshumiri Hwedu hwoUmambo chakati: “Ungarondedzerwa sokuva nechimiro chakananga kumurayiro wokuparidzira nokuita vadzidzi, kuzvipira zvizere kukuratidza rudo nokuitira hanya vanhu, kuva anozvibayira, anowana mufaro mukusanotevera Tenzi, uye kuwana mufarwa muzvinhu zvomudzimu, kwete zvokunyama.” Unogona sei kuratidzira mudzimu wokupayona?

20. Vabereki vanogona sei kuratidzira mudzimu wokupayona?

20 Kana uri mubereki ane vana vaduku, unogona kurumbidza nomwoyo wose basa roupiyona. Chimiro chako chendangariro chakanaka kuushumiri chingaroverera pavari kudikanwa kwokuita basa raJehovha chinhu chinokosha zvikurusa muupenyu hwavo. Ungakoka mapiyona nevatariri vanofambira nevadzimai vavo kumba kwako kuitira kuti vana vako vagobetserwa nemienzaniso yaavo vanowana mufaro muushumiri hwenguva yakazara. (Enzanisa naVaHebheru 13:7.) Kunyange mumhuri dzakaparadzana mune zvorudzidziso, vabereki vanotenda, kupfurikidza neshoko nomuenzaniso, vanogona kubetsera vana vavo kuita kuti ushumiri hwenguva yakazara huve vavariro muupenyu.—2 Timotio 1:5; 3:15.

21. (a) Tose tinogona sei kutsigira avo vari kupayona? (b) Vakuru vanogona kuitei kuti vakurudzire mapiyona?

21 Muungano, tose tinogona kutsigira nomwoyo wose avo vanokwanisa kupayona. Somuenzaniso, unogona kuita nhamburiko chaiyo kuti ushande napiyona muushumiri, zvikurukuru panguva apo piyona angava achishanda ari oga? Ungasanowana kuti pachava “nokukurudzirana.” (VaRoma 1:11, 12, NW) Kana uri mukuru, unogona kuita zvakatowanda kuti ukurudzire mapiyona. Apo mutumbi wavakuru unosangana, nguva dzose vanofanira kurangarira zvinodikanwa zvamapiyona. Apo piyona anoodzwa mwoyo kana kuti anowana zvinetso zvakati, usakurumidza kutaura kuti iye arege kupayona. Nepo kutaura kwakadaro kungava kuri madikanwa muzvimwe zviitiko, usakanganwa kuti kupayona iropafadzo inokosha iyo mushumiri wenguva yakazara anokoshesa zvikuru. Kurudziro shomanene uye rimwe zano rinoshanda kana kuti betsero zvingava izvo zvinongodiwa. Hofisi yebazu yeSosaiti muSpain inonyora kuti: “Apo vakuru vanokurudzira kupayona, tsigira mapiyona muushumiri hwomumunda, uye afudze nguva dzose, mapiyona ane mufaro wakawanda, anonzwa achishanda, uye anoda kupfuurira pasinei zvapo nezvinetso zvingamuka.”

22. Munhambo ino yakakomba yenhau yavanhu, tinofanira kutsunga kuitei?

22 Tiri kurarama munhambo yakakomba yenhau yavanhu. Jehovha akatipa basa rinoponesa upenyu kuti tiite. (VaRoma 10:13, 14) Tingava tichigona kugoverana mubasa iri nguva yakazara samapiyona kana kuti kwete, ngatiratidzei mudzimu wokupayona. Ngativei nepfungwa yokukurumidzira nomudzimu wokurega zvimwe zvinhu. Ngativei vakatsunga kupa Jehovha zvaanotikumbira—basa rinoitwa nomwoyo wose. Uye ngatiyeukei kuti patinopa zvose zvatinogona kupa, zvingava zvakafanana nemari duku yechirikadzi kana kuti mafuta anodhura aMaria, basa redu ndere mwoyo wose, uye Jehovha anokoshesa basa redu rinoitwa nomwoyo wose!

Unoyeuka Here?

◻ Nei ushumiri hwenguva yakazara huchiunza mirangariro yokugutsikana nomufaro?

◻ Kubva muruzivo rwokuzviwanira, mapiyona akawanda anozivei pamusoro pemano aJehovha okutarisira vabatiri vake?

◻ Mapiyona anorangarira kuti ushumiri hwawo hune tapuroi paukama hwavo naJehovha?

◻ Unogona sei kuratidzira mudzimu wokupayona?

[Mufananidzo uri papeji 23]

Mapiyona anowana mufaro mukuru mukuita vadzidzi

[Mufananidzo uri papeji 23]

Vana vako vanogona kubetserwa nokusonganirana navazivisi voUmambo venguva yakazara

[Mufananidzo uri papeji 23]

Vakuru vanogona kukurudzira mapiyona muushumiri hwomumunda

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe