Mibvunzo Inobva Kuvaravi
Pana VaRoma 9:3, muapostora Pauro akanyora, kuti: “Ndaida kuti ini ndimene ndive munhu akatukwa, wakaparadzaniswa naKristu nokuda kwehama dzangu, ivo vorudzi rwangu panyama.” Iye akareva here kuti aizobaira upenyu hwake kuti aponese vaJudhabiyake?
Jesu akagadza muenzaniso mukurusa worudo. Iye akadisa kupa mweya wake, kana kuti upenyu, nokuda kworudzi rwomunhu runotadza. Mukati moushumiri hwake hwapachena, akazvishandisa amene nokuda kwavanhu vomunyika biyake—vaJudha—kuti vazhinji savanobvira vagova pakati paavo vaizobetserwa nechibairo chake chorudzikinuro. (Marko 6:30-34) Kusagamuchira kwavo nechishoro kushoko roruponeso hazvina kutongoderedza itiro hanya yorudo yaJesu nokuda kwavanhu vechiJudha. (Mateo 23:37) Uye iye aka‘tisiira muenzaniso kuti titevere tsoka dzake.’—1 Petro 2:21.
Kunobvirira vanhu vasina kukwana here kutevera muenzaniso waJesu worudo? Hungu, uye tinogona kuona muenzanisiro waikoku muno muapostora Pauro. Iye aiitira hanya kwazvo vaJudha biyake zvokuti, nokuda kworudo nokuda kwavo, akati aigona kuda kuti iye amene “aparadzanisw[e] naKristu” nokuda kwavo.
Pauro ipapo akashandisa chimiro chokuwedzera, kana kuti kukatutsira, kuti asimbise pfundo rake. Jesu akashandisa kukatutsira kwakafanana pana Mateo 5:18, apo iye akati: “Kusvikira denga napasi zvichipfuura, yota imwe kana tsanga imwe yomurairo hazvingatongopfuuri, zvisati zvaitika zvose.” Jesu aiziva kuti denga napasi hazvisati zvaizopfuura. Uyewo Pauro haasati aizova akatukwa, uyewo vaJudha vose havasati vaizogamuchira chiKristu. Asi pfundo raPauro raiva rokuti iye aizoita chinodokuva chinhu chiri chose kubetsera vaJudha kuti vazviyamure vamene nomutoo waMwari woruponeso kupfurikidza naJesu Kristu. Hakushamisi kuti muapostora aigona kukurudzira maKristu biyake, kuti: “Ivai vatevedzeri vangu, kunyange sezvo ini ndiri waKristu”!—1 VaKorinte 11:1, NW.
Nhasi, maKristu anofanira kuva neitiro hanya imwe cheteyo seyaiva naJesu naPauro nokuda kwavasingatendi. Hatisati tichitongofanira kubvumira kusava nefariro kana kuti chishoro chakakwana chinobva kuvanhu vari mundima yedu yokupupurira kuderedza rudo rwedu nokuda kwavavakidzani vedu neshingairo yedu yokuvabetsera kudzidza nzira yoruponeso.—Mateo 22:39.