Zvikomborero Zvoushumiri Hwoupiyona
1, 2. Zvikomboreroi zvakabatana zvikuru noushumiri hwoupiyona, uye nei?
1 “Ndinoziva kuti hapana rimwe basa ringadai rakaita kuti ndigutsikane sezvandave ndichiita nokuudza vamwe chokwadi,” akadaro mumwe piyona. Mumwe akati: “Pakupera kwezuva rimwe nerimwe, ndinorara zvakanaka, uye mwoyo wangu unenge wakazara nomufaro.” Mapiyona aya anomiririra hama nehanzvadzi kwose kwose idzo dzakaravidza zvikomborero zvoushumiri hwoupiyona.—Zvir. 10:22.
2 Kubatsira vamwe kuwana zivo yeShoko raMwari inoponesa upenyu kunounza mufaro wechokwadi. (Mab. 20:35; 1 VaT. 2:19, 20) “Zvinofadza nokusimbisa kutenda kuona kuti Shoko raMwari rine simba rakakura zvikuru rokukurudzira vanhu kuti vachinje muupenyu hwavo,” akanyora kudaro mumwe piyona wenguva refu. Chokwadi, nokuzviita vanowanikwa kuti vabatsire vanhu vovadzidzisa Bhaibheri, mapiyona achawana zvikomborero zvakaita seizvi.
3, 4. Kupayona kunodzidzisa sei munhu kuvimba naJehovha, uye izvi zvinomubatsira sei kukura mumudzimu?
3 Kuvimba naJehovha: Kuvimba nomudzimu waMwari zuva nezuva sezvavanoita ushumiri hwavo kunobatsira mapiyona kukudziridza “zvibereko zvomudzimu” uye kunoshanda kuvadzivirira. (VaG. 5:16, 22, 23) Uyezve, sezvo vachishandisa Shoko raMwari nguva dzose, mapiyona anowanzova nounyanzvi pakushandisa Magwaro kudzivirira chokwadi uye kusimbisa vamwe. (2 Tim. 2:15) Imwe hama yapayona kwemakumi emakore yakati: “Kupayona kwandibatsira kuwana zivo yeBhaibheri yakadzama, zivo yandakashandisa kubatsira vanhu vakawanda kusvika pakuziva Jehovha nezvinangwa zvake.” Kune mubayiro wakazokura!
4 Mapiyona enguva dzose anofanirawo kuvimba naJehovha mune dzimwe nzira dzakawanda. Kutenda kwavo kunosimbiswa sezvavanoona kukomborera kwaanoita zvavanoita kuti vawane zvokurarama nazvo. Mumwe piyona wenguva dzose ane makore 72 uyo ave achipayona kwemakore 55 akati: “Jehovha haana kumbondiodza mwoyo.” Uyezve, nokuramba upenyu hwavo huri nyore, mapiyona anozvidzivirira pane zvinonetsa muupenyu zvakawanda. Izvi zvinokufadza here?—Mat. 6:22; VaH. 13:5, 6.
5. Kupayona kunobatsira sei munhu kuswedera pedyo naJehovha?
5 Kuswedera Pedyo naMwari: Ukama hwedu naJehovha chinhu chinokosha kudarika zvose. (Pis. 63:3) Patinoita ushumiri zvakazara nemhaka yokuti tinoda Jehovha, ukama ihwohwo hunova hwepedyo zvikuru. (Jak. 4:8) Mumwe apayona kweanodarika makore 18 akati: “Basa roupiyona rinotibvumira ku‘ravira ndokuona kuti Jehovha akanaka,’ zuva nezuva tichivaka ukama hunoramba huchisimba noMusiki wedu.”—Pis. 34:8.
6. Mapiyona anofanira kuva nechii, uye ndivanaani vanobatsirwa kunze kwemapiyona acho pachawo?
6 Kuwedzera pakuva nemamiriro ezvinhu anodiwa, mapiyona anofanira kuva nokutenda kwakasimba, kuda Mwari nomuvakidzani zvepachokwadi, uye chido chokurega zvimwe zvinhu. (Mat. 16:24; 17:20; 22:37-39) Zvisinei, sezvinopupurirwa nezviso zvinofara zvemapiyona kwose kwose, zvikomborero zvoushumiri hwoupiyona zvakawanda zvikuru. (Mar. 3:10) Zvikomborero izvi hazvingowanikwi nemapiyona chete, asi mhuri dzawo neungano dzinobatsirwawo nezvakanaka zvinoitwa nemapiyona.—VaF. 4:23.