43 JOSEFA
Akatakura Mutoro Wacho
ZVINOTODA ushingi kuti munhu ave baba vakanaka. Asi mumwe murume ainzi Josefa, uyo aiva muvezi aigara kuNazareta, aitofanira kuratidza ushingi asati atombova baba. Musikana wake waaida kuroora ainzi Mariya akanga ava nepamuviri. Asi pamuviri pacho pakanga pasiri paJosefa. Mariya akatsanangurira Josefa nyaya yacho yese kuti zvakafamba sei kuti azova nepamuviri. Asi zvakanga zvakaomera Josefa kuti azvitambire. Saka aizoita sei nenyaya yacho?
Bhaibheri rinotiudza kuti “Josefa akanga akarurama.” Aiteerera mitemo yaJehovha, aiva nemwoyo wakanaka, uye ainzwira vamwe tsitsi. Mumazuva aakararama, vanhu vainge vakavimbisana kuroorana vaitoonekwa sevanhu vakaroorana. Saka paakaziva kuti Mariya akanga ava nepamuviri, akafungisisa nezvenyaya yacho, achibva asarudza kumuramba pachivande kuitira kuti asamunyadzisa. Asi Jehovha akabva apindira, akatuma ngirozi yake kuna Josefa ikataura naye kuhope. Ngirozi yacho yakamuudza kuti: “Usatya kuenda naMariya mudzimai wako kumba.” Zvayakataura zvakabatsira Josefa kuona kuti Mariya aitaura chokwadi. Mwana wacho aiva mwanakomana waMwari uye aizova Mesiya.
Josefa aifanira kutakura mutoro wakakura wekurera mwanakomana waMwari
Josefa akabva aita “zvaakanga anzi aite nengirozi yaJehovha.” Akashinga kutakura mutoro waakanga apiwa naJehovha. Aifanira kuchengeta mudzimai wake uyewo kuchengeta mwanakomana waMwari. Kuti aite zvese izvi, Josefa aitofanira kushinga.
Papera mwedzi mishoma, Kesari Agasto akapa murayiro wekuti vanhu vemuumambo hwake vaverengwe vonyorwa mazita avo. Saka Josefa akanga ava kufanira kuenda kuBhetrehema kuti anonyoresa. Hatizivi hedu kuti mutemo waiti Mariya aifanira kuendawo here kana kuti kwete. Asi Josefa anogona kunge akafunga kuti Mariya aizenge akachengeteka kana vakaenda vese. Saka vakaenda vese kuBhetrehema kunyange zvazvo rwendo rwacho rwakanga ruri rurefu uye Mariya “akanga akurirwa nepamuviri.” Pavakanga vava kuBhetrehema, nguva yekuti Mariya asununguke yakakwana uye akasunungukira mwana wake mudanga.
Josefa akashanda nesimba kuti achengete mhuri yake, asi vakanga vasina havo kupfuma. Pavakaenda nemwana wavo kutemberi muJerusarema, vakapa chibayiro chaipiwa nevarombo cheshiri mbiri. Pave paya, Josefa naMariya vakashanyirwa nevamwe vazivi venyeredzi vangangodaro vaibva kuBhabhironi. Vazivi vacho vakaona chimwe chinhu chaiita senyeredzi uye vakachitevera kusvikira vasvika pamba paJosefa muBhetrehema. Vakabva vapa mwana wacho zvipo zvinokosha. Izvozvo zvichangobva kuitika, ngirozi yaJehovha yakayambira Josefa kuti Mambo Herodhi aida kuuraya Jesu! Saka yakamuudza kuti vatizire kuIjipiti.
Usiku ihwohwo, Josefa akaratidza ushingi achibva ateerera zvakataurwa nengirozi. Akabva amuka akakurumidza kutora mwana nemudzimai wake vachibva vatizira kuIjipiti. Asi Josefa aizoriritira sei mhuri yake vave ikoko? Zvipo zvavakapiwa nevazivi vaya venyeredzi zvinofanira kunge zvakavabatsira kuti vawane zvavaida pakurarama vari ikoko kuIjipiti. Pave paya, Jehovha akazoudza Josefa kuti adzokere nemhuri yake kunyika kwavo. Asi panguva iyoyo Bhetrehema raitongwa nemumwe murume aiva neutsinye. Saka Josefa haana kuenda ikoko, asi akaenda kuNazareta nekuti ndiko kwaakanga anzi aende naJehovha.
Pavakanga vava kuNazareta, Josefa akaramba achishanda nesimba achiita basa rekuveza kuti akwanise kuriritira mudzimai wake Mariya, Jesu nevamwe vana vanogona kunge vaiva 6 kana kutopfuura vaakazobereka. Asi kupfuura zvese, Josefa aipa mhuri yake zvayaida pane zvekunamata. Vaigara vachienda kusinagogi kuti vanodzidza nezvaJehovha uyewo vaienda kumitambo mitsvene yaiitwa kuJerusarema. Bhaibheri rinopedzisira kutaura nezvaJosefa pavakaenda kune mumwe mutambo kuJerusarema Jesu aine makore 12, Josefa paakanetseka chaizvo achifunga kuti Jesu akanga arasika. Asi vakazomuwana ari mutemberi uye Jesu akaramba “achizviisa pasi” pevabereki vake.
Bhaibheri haritauri haro kuti Jesu aiva nemakore mangani pakafa Josefa, asi zvinoita sekuti Josefa akanyatsodzidzisa Jesu kusvikira ava kunyatsogona basa rekuveza. Vanhu havana kungogumira pakushevedza Jesu kuti “mwanakomana wemuvezi,” asi vakanga vava kutomuti “muvezi.” Jehovha anoda kuti vanababa vese vadzidze kubva pane zvakaitwa naJosefa. Aiva neushingi, aiva akavimbika, uye aiva nemwoyo wakanaka. Aichengetedza mhuri yake, aiiriritira uye aiidzidzisa nezvaJehovha.
Verenga nyaya yacho muBhaibheri:
Mubvunzo wekukurukura:
Josefa akaratidza sei ushingi?
Wedzera Kuongorora
1. Sezvo Mariya aiva mwanasikana waHirai, nei Ruka 3:23 ichiti Josefa akanga ari “mwanakomana waHirai”? (w17.08 32 ¶4-wcgr)
2. Chii chingangodaro chakaita kuti Josefa asarare naMariya Jesu asati azvarwa? (w03 12/15 5 ¶5-wcgr)
3. Chii chinoratidza kuti Josefa aishanda nesimba? (ia 166-167 ¶15-18-wcgr) Ona mufananidzo A
Mufananidzo A
4. Nei tichigona kuti Josefa akafa Jesu paakanga achiri mukomana? (w17.07 13 ¶8, mashoko emuzasi-wcgr)
Zvidzidzo Zvatinowana
Misoro yemhuri inodzidzei kuna Josefa panyaya yekuteerera Jehovha kunyange pazvinenge zvisiri nyore? (Mat. 1:20, 24; 2:13-15, 19-21)
Zvakaitwa naJosefa zvinotidzidzisei nezvekuisa Jehovha pekutanga muupenyu hwedu? (Ruka 2:41) Ona mufananidzo B
Mufananidzo B
Ndepapi pamwe paungatevedzera ushingi hwakaratidzwa naJosefa?
Mibvunzo Yekufunga Nezvayo
Nyaya iyi inondidzidzisei nezvaJehovha?
Nyaya iyi inobatana papi nechinangwa chaJehovha chaakasikira nyika nevanhu?
Zvinhu zvipi zvandinoda kuzobvunza Josefa paachamutswa?
Dzidza Zvimwe
Muvhidhiyo iyi, ona zvakaitwa naJosefa zvinoratidza kuti aibvuma kuita kuda kwaMwari.
Tingatevedzera sei Josefa naMariya kana hurumende ikaisa mutemo unogona kunge wakatiomera kuteerera?