8 JOSEFA
Akakunda Muedzo
PAAIKURA, Josefa aifarirwa uye aidiwa chaizvo nababa vake Jakobho uye naMwari wake, Jehovha. Asi izvozvo hazvirevi kuti upenyu hwake hwaingova muchechetere. Pane vamwe vaitomuona semuvengi chaiye. Jakobho paakaratidza kuti aida Josefa kupfuura vamwe uye paakamuitira zvaasina kuitira vamwe vana vese, vakoma vake vakatanga kumunzwira godo uye kumuitira utsinye. Kuzoti Jehovha paakaita kuti Josefa arote hope dzairatidza kuti vemumhuri make vaizomukotamira rimwe zuva, vakoma vaJosefa vakabva vatowedzera kumuvenga.
Rimwe zuva, Josefa paakanga ava nemakore 17, Jakobho akamutuma kuti aende kunoona kuti vakoma vake, avo vakanga vaenda kunofudza makwai vaiva sei. Rwendo rwacho rwaizomutorera twumazuva. Vakamuitira utsinye, vachibva vamukanda mugomba remvura asi mugomba macho makanga musina mvura. Akamboedza kuvakumbira kuti vasadaro, asi havana kumbomuteerera. Vakanga vambofunga kumuuraya, asi vakazosarudza kumutengesa kuboka revanhu vaiita zvekutenga nekutengesa vaitozvienderawo kwavaienda. Pavakadzokera kumba, vakanyepera baba vavo, Jakobho, kuti mwanakomana wavo wavaida akanga aurayiwa nechikara. Asi chokwadi chakanga chiri chekuti Josefa akanga aendeswa kuIjipiti, kwaakanotengeswa semuranda kuna Potifari, mumwe mukuru mukuru muhurumende yaFarao.
Zvaigona kuva nyore kuna Josefa kuti aone sekuti pakanga pasisina tariro. Asi pane kudaro, akaratidza ushingi uye akaita zvese zvaaigona kunyange zvazvo upenyu hwake hwakanga hwachinja. Bhaibheri rinotiudza kuti: “Jehovha akanga ainaye.” Jehovha akaita kuti zvese zvaiitwa naJosefa zvibudirire. Potifari akabva aisa zvinhu zvake zvese mumaoko aJosefa.
Asi zvinhu zvakanga zvava kuda kutowedzera kumuipira. Zvaaikura, Josefa “akava nechimiro chakanaka nechiso chakanaka,” uye mudzimai waPotifari akatanga kutorwa mwoyo naye. Mudzimai waPotifari akatanga kuzviratidza pachena kuti aichiva Josefa. Akatosvika pakumuudza kuti: “Rara neni.” Josefa aizoita sei pakadaro? Akanga ari kure nevanhu vemumhuri mavo. KuIjipiti ikoko akanga ava muranda, uye vanatenzi vake vaigona kumuitira chero zvavada. Saka mukadzi uyu aiva nesimba rekuita kuti upenyu hwaJosefa huwedzere kuoma. Asi izvozvo zvakaita kuti Josefa abvume kuita zvaidiwa nemukadzi uyu here? Josefa aizoshinga here kuramba?
Josefa aizviziva kuti mudzimai watenzi wake aigona kumuomesera upenyu, saka chii chakaita kuti akunde muedzo iwoyo?
Bhaibheri rinotiudza kuti: “Airamba zvachose kurara naye.” Josefa akaudza mukadzi iyeye kuti aisazoita zvinhu zvakadaro zvaizogumbura murume wake, uyo ainge aratidza kuti aivimba naJosefa chaizvo. Mamwe mashoko akazotaurwa naJosefa ndiwo anonyanya kukosha, ekuti: “Ndingaitirei chivi chakakura kudaro ndichitadzira Mwari?” Josefa ainyatsoda Baba vake Jehovha, uye izvozvo zvakamupa ushingi hwekuti arambe zvachose kurara nemukadzi iyeye. Asi mudzimai waPotifari airamba achingomuisa pamuedzo. “Zuva rega rega,” airamba achiudza Josefa kuti arare naye. Rimwe zuva, vashandi vese vemumba macho pavakanga vasimo, mukadzi wacho akabata nguo yaJosefa, ndokumuti: “Rara neni.” Josefa akazvipukunyura, achibva atiza. Asi mukadzi wacho akasara akabata nguo yaJosefa. Pave paya, mukadzi wacho akazoratidza Potifari nguo iyoyo ndokumuudza kuti Josefa akanga aedza kumubata chibharo. Potifari akabva agumbuka zvekugumbuka zviya, achibva aita kuti Josefa avharirwe mujeri.
Iye zvino Josefa akanga avharirwa mujeri raiva mugomba. Ari mujeri imomo, akamboita kanguva tsoka dzake dzakasungwa nezvisungo uye mutsipa wake wakasungwa nesimbi. (Pis. 105:17, 18) Josefa aigona kuona sekuti pakanga pasisina tariro. Jehovha akanga amurasa here? Aiwa! Josefa akaramba achivimba naMwari wake. Aishanda nesimba ari mujeri imomo, uye Jehovha aimukomborera. Pasina nguva refu, mukuru mukuru wejeri akapa Josefa basa rakakura mujeri imomo. Makore zvaairamba achipindana, Josefa akarambawo akashinga uye achitsungirira.
Josefa aiva nekutenda uye ushingi, saka Jehovha akaramba achimufarira. Nekufamba kwenguva, Mwari akaita kuti Farao arote hope mbiri dzairatidza zvinhu zvaizoitika uye akabva aita kuti Josefa akwanise kudzitsanangura. Josefa akabva audza mambo kuti hope dzacho dzairatidza kuti kwaizova nemakore 7 emaguta, kwozotevera makore 7 enzara. Farao akafadzwa chaizvo nekuti Mwari akanga aita kuti Josefa akwanise kutsanangura hope idzodzo uye kuti akanga amupa zano rakanaka. Saka akabva aita kuti Josefa aone nezvebasa iroro, rekuunganidza zvekudya, kuzoitira nguva yenzara. Farao akabva apa Josefa chinzvimbo chekuva mutevedzeri wake muIjipiti mese. Izvi zvakaita kuti Josefa aponese vaIjipiti uyewo vemumhuri yake. Vakoma vake pavakauya kuIjipiti vachitsvaga zvekudya, vakamukotamira vasiri kutomboziva kuti aiva munin’ina wavo. Zvakanga zvaroteswa Josefa paakanga achiri mudiki naJehovha zvakanga zvazadzika. Asi vakoma vake vakaratidzawo kuti panguva iyoyo vakanga vachinja unhu hwavo. Munin’ina wavo wavaimbovenga akavaponesa, akaponesawo baba vavo nevana vavo, avo vaizoita kuti pave nerudzi rwaIsraeri. Josefa akakwanisa kuita zvese izvi nekuti akaratidza ushingi uye akaramba achitenda muna Jehovha.
Verenga nyaya yacho muBhaibheri:
Mubvunzo wekukurukura:
Josefa akaratidza sei ushingi?
Wedzera Kuongorora
1. Uchapupu hupi hunotsigira kuti nyaya iyi ndeyechokwadi, yekuti Josefa akamborarama kuIjipiti? (g 01/11 15 ¶2-wcgr)
2. Josefa aizviziva sei kuti upombwe “chivi chakakura” kuna Jehovha? (Gen. 39:9; w22.08 26 ¶2)
3. Nei Jehovha akabvumira kuti Josefa ave mutevedzeri waFarao muIjipiti? (w96 5/1 10 ¶4-wcgr) Ona mufananidzo A
Mufananidzo A
4. Chii chinoratidza kuti Josefa akaramba aine kutenda kwakasimba, kunyange paakanga ava nemakore 110? (Gen. 50:25, 26; w07 6/1 28 ¶10-11-wcgr) Ona mufananidzo B
Mufananidzo B
Zvidzidzo Zvatinowana
Mabatiro akaita Josefa vakoma vake anokudzidzisei kana zvikaitika kuti mumwe muKristu akubata zvisina kunaka? (Gen. 45:4, 5; 50:19-21)
Josefa akaramba akavimbika kuna Jehovha, kunyange paaiva kure nekumba kwavo. Tingatevedzerawo sei Josefa . . .
patinenge tiri kuchikoro? Ona mufananidzo C
Mufananidzo C
patinenge tafamba, tiri kure nekumba? Ona mufananidzo D
Mufananidzo D
patinenge tichishandisa zvinhu zvakadai sefoni? Ona mufananidzo E
Mufananidzo E
Ungatevedzera sei ushingi hwaiva naJosefa?
Mibvunzo Yekufunga Nezvayo
Nyaya iyi inondidzidzisei nezvaJehovha?
Nyaya iyi inobatana papi nechinangwa chaJehovha chaakasikira nyika nevanhu?
Zvinhu zvipi zvandinoda kuzobvunza Josefa paachamutswa?
Dzidza Zvimwe
Jehovha haana kudzivirira Josefa kuti asasangane nematambudziko, asi akamubatsira kuti aatsungirire. Ona kuti Jehovha anogona kukubatsirawo sei.
Vana vangatevedzerawo sei Josefa pavanoitirwa utsinye nevamwe vanhu?