44 JOHANI MUBHABHATIDZI
“Hapana Kumbova Nemukuru Kwaari”
PAKANGA patopfuura mazana emakore pasina kana muprofita akanga atumwa naJehovha kuti atsiure vanhu vake. Asi Mwari akazotumira Johani kuti azivise vanhu mashoko ake. Johani aigara ega murenje reJudhiya, nzvimbo yaiva nematombo, yaiwanika nyoka, marize, mhuka dzakasiyana-siyana dzemusango dzinotyisa uye mbavha nevamwe vanhu vaityora mitemo. Murume uyu aiva neushingi hwekugara ega munzvimbo yakadaro uyewo aiva neushingi hwekuudza vanhu mashoko ane simba aibva kuna Jehovha.
Vabereki vaJohani, Zekariya naErizabheti, vanofanira kunge vakamuudza zvakanga zvataurwa nengirozi pamusoro pake. Saka Johani anofanira kunge ainyatsoziva kuti aizofanira kushanda nesimba sezvakaitwa nemuprofita Eriya. Aizofanira kuva muNaziri saSamueri, uyewo aizofanira kugadzira nzira yemunhu mukuru kumupfuura aizouya. Paakanga ava nemakore 30, Johani akanga ava kukodzera kushanda semupristi sababa vake. Asi pane kudaro, akatanga kuudza vanhu kuti vaifanira kupfidza zvivi zvavo. Ndiye akava “inzwi” rakanga ragara raprofitwa nezvaro naIsaya kuti ‘raizoshevedzera riri murenje.’ Aishingaira chaizvo kuparidza ‘nezveUmambo hwekudenga’ zvekuti vanhu vakawanda vaiuya vachibva kumaguta avo kuti vazomunzwa. Aibhabhatidza vese vakanga vapfidza zvivi zvavo mumvura sezvakanga zvagara zvataurwa. Aisambotya kufumura unyengeri hwevatungamiriri vezvitendero vaiva nesimba vechiFarisi nevechiSadhusi, achivaudza kuti vaisateerera mutemo sezvavaitarisirwa kuita.
Johani haana kuona sekuti aikosha kudarika vamwe nemhaka yebasa raaiita. Asi aizvininipisa zvekuti akatotaura kuti basa rake raingova rekugadzira nzira yemunhu aikosha chaizvo kumupfuura. Akataurawo kuti akanga asina kutombokodzera kusunungura shangu dzemunhu iyeye. Paakabhabhatidza Jesu, Johani akanzwa inzwi raJehovha pachake richiti: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, anodiwa, wandafarira.” Pavakazoonana zvakare, Jesu achangobva kuedzwa naSatani, Johani akashevedzera kuti: “Onai, Gwayana raMwari rinobvisa chivi chenyika!”
Johani akaratidzawo kuti aizvininipisa, paakakurudzira vateveri vake kuti vaende kunotevera Jesu. Vakawanda vavo vakabva vaenda kunotevera Jesu, kusanganisira Andreya munin’ina waPetro uyewo zvichida Johani mwanakomana waZebhedhi. Varume vaviri ivavo vakazova vaapostora vaJesu. Kwekanguva, Johani akaramba achiita ushumiri hwake ukuwo Jesu atotanga hwake. Vese vari vaviri vaikurudzira vanhu kuti vabhabhatidzwe sechiratidzo chekupfidza zvivi zvavo. Johani paakaudzwa kuti vadzidzi vaJesu vaibhabhatidza vanhu vakawanda kudarika zvaaiita, haana kugumbuka. Pane kudaro akazvininipisa akatotaura kuti: “Iye anofanira kuramba achiwedzera, asi ini ndinofanira kuramba ndichiderera.”
Vatungamiriri vechitendero uye vatongi vaiva nesimba vaisafarira mashoko aJohani asi vanhu vainge vakamirira Mesiya vakafarira mashoko ake
Johani akatsiura vanhu vaiva nemasimba neushingi achivaudza chokwadi sezvachiri. Mumwe waakatsiura mutongi ainzi Herodhi Andipasi. Mutongi uyu aizviti ainge akanyatsozvipira kuchitendero chechiJudha, asi ainge akaroorana zvisiri pamutemo naHerodhiyasi, mudzimai wemukoma wake. Johani akaratidza ushingi akashora unzenza uhwu hwavaiita. Herodhi akabva aisa Johani mujeri, asi izvozvo hazvina kugutsa Herodhiyasi. Aitoda kuti afe.
Johani paaiva mujeri, akatuma vadzidzi vake vaviri kuna Jesu nekuti aida kukurudzirwa. Akavaudza kuti vaende kunobvunza Jesu kuti: “Ndimi here uya akanzi anouya, kana kuti pane mumwe watinofanira kutarisira?” Jesu akabva avapindura nemashoko anofadza ekuti: ‘Mapofu ava kuona, matsi dzava kunzwa, vakafa vari kumutswa.’ Kunyange zvazvo Johani aiva muprofita saEriya, haana kumbopiwa simba rekuita zvishamiso. Saka paakanga akavharirwa muchitokisi ari ega, anofanira kunge akanyaradzwa kuziva kuti akanga ashanda kugadzirira Jesu nzira, uyo akanga ava kuita mabasa anoshamisa.
Nguva pfupi izvi zvaitika, Herodhiyasi akazowana mukana wekutsiva Johani. Mwanasikana waHerodhiyasi akatamba zvakafadza Herodhi uye Herodhi akamuti ataure chero chaaida kupiwa. Herodhiyasi akabva audza mwanasikana wake kuti anoudza Herodhi kuti aida kupiwa musoro waJohani Mubhabhatidzi. Kunyange zvazvo Herodhi aisada kuti Johani aurayiwe, akashayiwa ushingi hwekuramba. Asi Johani akaramba aine ushingi kusvikira pakufa.
Jesu akataura nezvaJohani achiti: “Ndinokuudzai kuti, pavanhu vese vakararama hapana kumbova nemukuru kuna Johani.” Pavanhu vese vakamborarama panyika, kunyange vaprofita vakaita saMozisi naEriya, hapana akambowana chikomborero chekuva ‘inzwi murenje’ rakanga rafanotaurwa kuti raizogadzirira Mesiya nzira. Nanhasi ushingi hwakaratidzwa naJohani huri kubatsirawo vaKristu kuti varatidze ushingi.
Verenga nyaya yacho muBhaibheri:
Mubvunzo wekukurukura:
Johani Mubhabhatidzi akaratidza sei ushingi?
Wedzera Kuongorora
1. Ukama hupi hwaiva pakati paJohani Mubhabhatidzi naJesu? (w10 9/1 15 ¶4-6-wcgr)
2. Ndezvipi zvakanyorwa nemunyori wenhoroondo ainzi Flavius Josephus zvinoratidza kuti Johani Mubhabhatidzi munhu chaiye aitovako zvechokwadi? (mrt nyaya yechi14-wcgr) Ona mufananidzo A
Mufananidzo A: Mari yesimbi yakabudiswa naHerodhi Andipasi muna 30 C.E. yakanyorwa mashoko ekuti: “Mambo Herodhi [Mutongi Weruwa]”
3. Zvinorevei kuti Johani aizoenda “nemweya nesimba zvaEriya”? (Ruka 1:17; it “Mweya” ¶60-wcgr) Ona mufananidzo B
Mufananidzo B
4. Tinoziva sei kuti Johani haana kuenda kudenga? (Mat. 11:11; ijwbq nyaya yechi178 ¶4-wcgr)
Zvidzidzo Zvatinowana
Johani akazadzisa uprofita hwakanga hwataurwa muBhaibheri uye akagadzirira Mesiya nzira, asi akaramba achizvininipisa. (Joh. 1:26, 27) Tinodzidzei kubva kwaari?
Johani airarama upenyu husina zvakawandawanda, uye akanga akanyatsozvipira kuita zvinodiwa naMwari. (Mat. 3:4) Chii chinogona kutibatsira kuti tiraramewo upenyu husina zvakawandawanda? Ona mufananidzo C
Mufananidzo C
Ungatevedzera sei ushingi hwaiva naJohani Mubhabhatidzi?
Mibvunzo Yekufunga Nezvayo
Nyaya iyi inondidzidzisei nezvaJehovha?
Nyaya iyi inobatana papi nechinangwa chaJehovha chaakasikira nyika nevanhu?
Zvinhu zvipi zvandinoda kuzobvunza Johani paachamutswa?
Dzidza Zvimwe
Ona kuti Johani akatsungirira sei achifara uye nemwoyo murefu.
“Johani Mubhabhatidzi Muenzaniso Unotibatsira Kuramba Tichifara” (w19.08 29-31)
Nyaya yaJohani inotibatsira sei kuti titsungirire patinotambudzwa, patinoshayiwa mari uye patinokundikana kuita zvimwe zvinhu zvatinoda kuita?