Akagamuchira Nhungamiro Youmwari
NGATITII mwana akakwana akaiswa mutarisirwo yako uye waikarirwa kumurera nenzira yakafanira. Idenho yakadini! Munhu upi noupi asina kukwana angagona sei kuita saizvozvo? Kupfurikidza bedzi nokugamuchira nhungamiro youmwari uye kuishandisa muupenyu hwezuva nezuva.
Chinhu ichocho chimene chakaitwa naJosefa, baba vokurera vaJesu. Mukupesana namagamuchidzanwa ane udzame eapokirifa pamusoro paJosefa, Bhaibheri rinotaura zvishomanene nezvebasa rake rakaderera muupenyu hwapakuvamba hwaJesu. Tinoziva kuti Josefa nomudzimai wake, Maria, vakarera Jesu, vamwe vanakomana vana, uye vanasikanawo.—Marko 6:3.
Josefa akanga ari muzukuru wamambo waIsraeri Dhavhidhi kupfurikidza nomutsara waSoromoni. Akanga ari mwanakomana waJakobho uye mukuwasha waHeri. (Mateo 1:16; Ruka 3:23) Somuvezi muguta reNazareta muGarirea, Josefa aiva murombo. (Mateo 13:55; Ruka 2:4, 24; enzanisa naRevhitiko 12:8.) Asi akanga akapfuma mumudzimu. (Zvirevo 10:22) Ikoku kwakanga kuri zvirokwazvo nemhaka yokuti akagamuchira nhungamiro youmwari.
Pasina kupokana, Josefa akanga ari muJudha munyoro uye anozvininipisa uyo aitenda Mwari uye aishuva kuita chakanga chakarurama. Zviitiko zvishomanene zvoupenyu hwake zvakanyorwa muMagwaro zvinoratidza kuti akanga achiteerera mirayiro yaJehovha nguva dzose. Ikoku kwakanga kwakadaro kana iyoyi yakanga iri muMutemo kana kuti yaigamuchirwa zvakananga naJosefa kupfurikidza nengirozi.
Murume Akarurama Aiva Nezvinetso
Chii icho munhu woumwari anofanira kuita apo anonangana nechinetso chikuru? Chokwadi, anofanira ‘kukanda mutoro wake pana Jehovha’ ndokutevera nhungamiro youmwari! (Pisarema 55:22) Ndizvo zvakaita Josefa. Apo akanga avimbisa kuchata naMaria, “vasati vasongana, wakaonekwa ava nemimba noMweya Mutsvene.” Nemhaka yokuti Josefa ‘akanga akarurama uye aisada kumuita chishamiso chavose, akafunga kumuchatanura pachivande.’ Pashure pokunge Josefa afunga zvinhu, ngirozi yaJehovha yakaoneka kwaari muchiroto ndokuti: “Josefa, mwanakomana waDhavhidhi, usatya kutora Maria, mukadzi wako; nokuti chakagamuchidzwa mukati make ndechoMweya Mutsvene. Iye uchazvara mwanakomana, ugomutumidza zita rinonzi Jesu; nokuti ndiye uchaponesa vanhu vake pazvivi zvavo.” Pakumuka, Josefa “akaita sezvaakarayirwa nomutumwa waShe, akatora mukadzi wake; akasamuziva kusvikira azvara mwanakomana wake wedangwe, ndokumutumidza zita rinonzi Jesu.” (Mateo 1:18-25) Josefa akagamuchira nhungamiro youmwari.
Kesari Augusto akarayira kuti vanhu vanyorese mumaguta avo vamene. Mukuteerera, Josefa naMaria vakaenda kuBheterehema muJudhea. Ikoko Maria akabereka Jesu uye vaifanira kumuisa muchidyiro chezvipfuwo nemhaka yokuti pakanga pasina dzimwe nzvimbo dzokugara dzaiwanika. Usiku ihwohwo vafudzi avo vakanga vanzwa chiziviso chengirozi chouku kuberekwa chaiko vakauya kuzoona mucheche wacho. Anenge mazuva 40 gare gare, Josefa naMaria vakawirirana noMutemo kupfurikidza nokupa Jesu patembere muJerusarema pamwe chete nechibayiro. Vose vari vaviri vakashamisika sezvavakanzwa mashoko ouporofita aSimeoni akwegura pamusoro pezvinhu zvikuru izvo Jesu aizoita.—Ruka 2:1-33; enzanisa naRevhitiko 12:2-4, 6-8.
Kunyange zvazvo Ruka 2:39 ingaratidzika kuva inoratidzira kuti Josefa naMaria vakaenda kuNazareta pashure chaipo pokupa Jesu patembere, urwu rugwaro rutivi rwenhoroondo yakapfupiswa. Kunoratidzika kuti nguva refu zvikuru pashure pokupa patembere, vazivi venyeredzi vokuMabvazuva (Vachenjeri) vakashanyira Maria naJesu muimwe imba muBheterehema. Kupindira kwoumwari kwakadzivisa iyi shanyo kuunza rufu kuna Jesu. Pashure pokunge Vachenjeri vaenda, ngirozi yaJehovha yakaoneka kuna Josefa muchiroto ndokumuudza kuti: “Herodhe uchatsvaka mwana kuti amuuraye.” Senguva dzose, Josefa akateerera nhungamiro youmwari ndokuendesa mhuri yake kuEgipita.—Mateo 2:1-14.
Parufu rwaHerodhe, ngirozi yakaoneka kuna Josefa muEgipita muchiroto, ichiti: “Simuka, utore mwana namai vake, uende kunyika yavaIsraeri.” Achinzwa kuti mwanakomana waHerodhe Arkerao akanga otonga munzvimbo yababa vake, Josefa akatya kudzokera kuJudhea. Achiteerera nyevero youmwari yakapiwa muchiroto, akapinda munyika yeGarirea ndokugara muguta reNazareta.—Mateo 2:15-23.
Murume Womudzimu
Josefa akava nechokwadi chokuti mhuri yake yakawirirana nomutemo woumwari uye yakadyiswa mumudzimu. Gore rimwe nerimwe aienda nemhuri yake yose kukuchengetwa kwePaseka muJerusarema. Pane imwe yeidzi nhambo, Josefa naMaria vakanga vava kudzokera kuNazareta uye vakanga vafukidza daro rezuva rimwe kubva Jerusarema apo vakawana kuti Jesu wamakore 12 akanga asipo. Vachidzoka kuJerusarema, vakatsvaka nokushingaira ndokumuwana pakupedzisira ari patembere, achiteerera nokubvunza vadzidzisi vaivapo.—Ruka 2:41-50.
Kunoratidzika kuti Josefa airega mudzimai wake achitanga kuita zvimwe zvinhu. Somuenzaniso, apo vakadzoka kuJerusarema ndokuwana Jesu ari mutembere, akanga ari Maria uyo akataura kumwanakomana wake muduku pamusoro penhau yacho. (Ruka 2:48, 49) Apo akanga achikura se“mwanakomana womuvezi,” Jesu akagamuchira murayiridzo womudzimu. Josefa akamudzidzisawo kuveza, nokuti Jesu aidaidzwa kuti “muvezi . . . mwanakomana waMaria.” (Mateo 13:55; Marko 6:3) Vabereki voumwari nhasi vanofanira kushandisa zvakazara mikana yakafanana kuti varayiridze vana vavo, zvikurukuru kuvapa rovedzo yomudzimu.—VaEfeso 6:4; 2 Timotio 1:5; 3:14-16.
Kariro dzaJosefa
Magwaro haagoveri mashoko pamusoro porufu rwaJosefa. Asi kunokosha kucherekedza kuti Marko 6:3 yakadaidza Jesu kuti “mwanakomana waMaria,” kwete waJosefa. Ikoku kunoratidzira kuti Josefa ipapo akanga afa. Uyezve, kudai Josefa akanga ararama kutozosvikira muna 33 N.V., hakungabviri kuti Jesu akarovererwa padanda aizodai akaronzesa Maria mukutarisira kwomuapostora Johane.—Johane 19:26, 27.
Josefa, ipapo, achava pakati pavakafa avo vachanzwa inzwi roMwanakomana womunhu ndokubuda murumuko. (Johane 5:28, 29) Achidzidza nezvegadziriro yaJehovha youpenyu husingagumi, pasina kupokana Josefa achaishandisa nomufaro uye achava mudzorwi anoteerera waMambo mukuru wokudenga, Jesu Kristu, kunyange sezvaakateerera nhungamiro youmwari anopfuura makore 1 900 apfuura.
[Mufananidzo uri papeji 31]
Josefa akapa Jesu murayiridzo womudzimu uye akamudzidzisawo kuveza