42 MARIYA
Akashinga Kubvuma
PAMABASA ese akambopiwa vanhu vane chivi naJehovha, nderipi rainyanya kurema? Chimbofunga nezvemhandara yechiJudha yainzi Mariya. Rimwe zuva paaiva kumba kwavo kuNazareta yeGarireya, akangoerekana ashanyirwa nemuenzi aikosha chaizvo. Muenzi wacho aiva ngirozi inonzi Gabrieri.
Ngirozi yacho yakati kwaari, “Kwaziwa, iwe wakanzwirwa nyasha kwazvo, Jehovha anewe.” Pakutanga Mariya “akanetseka” chaizvo nemashoko acho. Sekuona kwake aisakodzera kurumbidzwa zvakadaro. Asi Gabrieri akamudzikamisa, akamuudza kuti, “Wanzwirwa nyasha naMwari.” Akabva amuudza nezvebasa rinokosha chaizvo raaida kupiwa naJehovha. Pakanga pasina mumwe munhu akambopiwa basa rakadaro panyika. Gabrieri akatanga nekuti: “Uchava nepamuviri, wobereka mwanakomana.” Akaenderera mberi achiti: “Achava mukuru uye achanzi Mwanakomana weWekumusorosoro, uye Jehovha Mwari achamupa chigaro cheumambo chababa vake Dhavhidhi.”
Mariya anga asati aroorwa, ainge angovimbiswa kuroorwa chete uye akanga asati amborara nemurume. Saka akaratidza ushingi akabvunza mubvunzo une musoro wekuti: “Izvi zvingaitika sei?” Gabrieri akamutsanangurira kuti mweya mutsvene ‘waizomufukidza,’ woita kuti ave nepamuviri pemwana asina kana chivi uye mwana wacho aizonzi “mutsvene, Mwanakomana waMwari.” Akamuudzawo zvakanga zvaitirwa hama yake Erizabheti naJehovha. Mariya akanga asisina chimwe chekubvunza kana chekutaura kunze kwekungoti, “Onai! Ini ndiri murandasikana waJehovha! Ngazviitike kwandiri sekuzivisa kwamaita.” Mariya aiona Jehovha saTenzi wake ane rudo uye iye aizviona semurandasikana wake anoteerera. Aiva nechokwadi chekuti kana akangoita kuda kwaJehovha chete, hapana chaizomuwana nekuti aiva mumaoko aJehovha ane simba. Kuziva izvozvo ndiko kwakaita kuti ave neushingi hwekubvuma basa iroro rainge rakaoma chaizvo.
Ngirozi yacho payakaenda, Mariya akabva aenda kunoona Erizabheti. Erizabheti naMariya vakasimbisana vachigadzirira kuita basa rinokosha ravakanga vapiwa. Mariya akabva atsanangurira Erizabheti kuti ainzwa sei nezvaJehovha, uye tikatarisa mashoko aakataura tinobva taona paibva ushingi hwake. Mumashoko mashoma aakataura, akatora mashoko kubva mumagwaro echiHebheru kanopfuura ka20! Mariya aiva nekutenda kwakasimba, uye aifungisisa Shoko raMwari. Saka Mariya ainyatsoziva Jehovha, uye aivimba naye kuti anokwanisa kuzadzisa zvaanenge avimbisa. Mariya akagara naErizabheti kwemwedzi mitatu achibva azodzokera kumba. Akaratidza ushingi achibva audza Josefa kuti akanga ava nepamuviri uye kuti zvakafamba sei kuti azova nepamuviri pacho. Pakutanga, Josefa aiomerwa nekubvuma kuti Mariya aitaura chokwadi, asi ngirozi yaJehovha yakazouya ikamuudza kuti chaiva chokwadi.
Mariya naJosefa pavakanga varoorana, nguva yekuti Mariya asununguke yakaramba ichiswedera pedyo. Asi panguva iyoyo Josefa akabva aenda naMariya kuBhetrehema, nekuti Kesari akanga apa murayiro wekuti vanhu vese vaende kunonyoresa mazita avo. Sezvo ainge akurirwa, kufamba rwendo rwakareba kudaro rwemakiromita anenge 150 ari padhongi kunofanira kunge kwainge kwakaoma chaizvo. Asi akangoenda zvakadaro. Akazopedzisira asunungukira mwana wake mudanga, achibva aradzika mwana wacho muchidyiro chezvipfuwo. Pasinei naizvozvo akaramba akashinga uye achivimba naJehovha. Ainge akatsunga kuita zvese zvaaigona kuti mwana wake ange akachengeteka achishandisa zvishoma zvaaiva nazvo.
Ngirozi yakapa Mariya basa rakanga risati rambopiwa mumwe munhu naJehovha
Mumazuva nemakore aizotevera eupenyu hwake, Mariya aifanira kuratidza ushingi. Aifanira kuratidza ushingi, iye naJosefa pavaifanira kutiza naJesu vachienda kuIjipiti nekuti Mambo Herodhi aida kuuraya Jesu. Sezvo vaiva varombo, aitofanira kuratidza ushingi pakurera vamwe vana 6 kana kutopfuura vaakazoita naJosefa. Mariya aifanirawo kuratidza ushingi pakafa murume wake Josefa uyo anofanira kunge akafa Jesu asati atanga ushumiri hwake. Aifanirawo kuratidza ushingi Jesu paakabva pamba kuti aite ushumiri hwake. Kupfuura zvese, Mariya aifanira kuratidza ushingi Jesu paakapomerwa zvenhema, akasungwa, achibva azourayiwa. Uyewo, aifanira kuratidza ushingi paakabatana nevamwe vateveri vaJesu avo vaipikiswa nevaJudha.
Basa rakaitwa naMariya rainge rakaoma zvechokwadi! Asi chii chakamubatsira kuti ave neushingi? Bhaibheri rinotiudza kuti Mariya paaingodzidza chimwe chinhu chaisimbisa kutenda kwake, aichichengetedza mumwoyo make. Saka panyaya dzekunamata, mumwoyo make mainge makazara nepfuma. Akawana pfuma iyoyo paaidzidza Shoko raMwari. Akawanawo pfuma kubva pane zvakataurwa nengirozi nevamwe vashumiri vaJehovha uye imwe yacho akaiwana kubva pane zvakataurwa nemwanakomana wake. Mariya paaifungisisa zvinhu zvese izvi, zvaimupa ushingi hwekutsungirira matambudziko ese aaisangana nawo muupenyu hwake hwese.
Verenga nyaya yacho muBhaibheri:
Mubvunzo wekukurukura:
Mariya akaratidza sei ushingi?
Wedzera Kuongorora
1. Uchapupu hupi hunoratidza kuti nhoroondo iri pana Ruka 2:1-3 ndeyechokwadi? (g 7/11 11 ¶4-5-wcgr) Ona mufananidzo A
British Library, London, UK, from the British Library archive/Bridgeman Images
Mufananidzo A: Gwaro rakanyorwa muna 104 C.E. rine murayiro waGavhuna weRoma aitonga Ijipiti wekuti vanhu vaverengwe
2. Nei rwendo rwekuenda kuBhetrehema rwaizoomera Mariya? (ia 153-155 ¶4-7-wcgr)
3. Jesu paakanga achiri mucheche, Mariya akaudzwa kuti: “Bakatwa refu richakubaya.” Mashoko iwayo akazadzika sei? (Ruka 2:35; w08 3/15 30 ¶8-wcgr)
4. Nei tichigona kutaura kuti Mariya akawana mubayiro wekurarama kudenga? (w18.07 10 ¶14-wcgr) Ona mufananidzo B
Mufananidzo B: Mariya nevanakomana vake vaiva muJerusarema panguva yakaitwa Pendekosti ya33 C.E.
Zvidzidzo Zvatinowana
Mariya paaida kusimbiswa nekukurudzirwa akashanyira Erizabheti. (Ruka 1:39, 40) Nei tichifanira kukumbira kubatsirwa kana tichinge tasangana nematambudziko kana kuti takaomerwa nebasa? Ona mufananidzo C
Mufananidzo C
Kunyange zvazvo Mariya ainge avimbiswa kuroorwa naJosefa, Jehovha akatanga kutumira ngirozi yake kuna Mariya. Izvi zvinotidzidzisei nezvemaonero anoita Jehovha vakadzi?
Ungaratidza sei ushingi hwakaratidzwa naMariya?
Mibvunzo Yekufunga Nezvayo
Nyaya iyi inondidzidzisei nezvaJehovha?
Nyaya iyi inobatana papi nechinangwa chaJehovha chaakasikira nyika nevanhu?
Nei zvichikufadza kuti Mariya anogona kunge akasarudzwa kuti anotongawo naKristu kudenga?
Dzidza Zvimwe
Funga nezvekushanda nesimba kwakaita Mariya kuti achengete mhuri yake.
Unofunga kuti Mariya akanzwa sei paakaudzwa naGabrieri kuti Mwari ainge amusarudza kuti aite basa rinokosha?