CHITSAUKO 12
Kutsigira Basa reUmambo Munyika Medu Uyewo Pasi Rese
ZVAPUPU ZVAJEHOVHA zviri kuzadzisa uprofita hwaJesu hune chekuita nemazuva ekupedzisira hwekuti mashoko akanaka aizoparidzwa “kusvikira kunzvimbo dziri kure dzenyika.” (Mab. 1:8; Mat. 24:14) Kuti vakwanise kuita izvi vari kuzvipira kushandisa nguva yavo nesimba vasingabhadharwi. Vanoramba vachiisa Umambo hwaMwari pakutanga muupenyu hwavo nekuti vanoziva kuti zvavari vashandi pamwe naJehovha, iye achavapa zvavanoda pakurarama. (Mat. 6:25-34; 1 VaK. 3:5-9) Kubudirira kuri kuita basa iri kunoratidza kuti Jehovha ari kufara uye ari kutikomborera.
KUTARISIRA ZVINHU ZVINE CHEKUITA NEUMAMBO PASI RESE
2 Vamwe pavanoona nzira dzatinoshandisa pakuparidza uye kuti tinopa vanhu maBhaibheri nemabhuku tisingabhadharisi, vanobvunza kuti: “Munozvigona sei zvese izvi?” Ichokwadi kuti zvinoda mari kuprinda uye kugadzira maBhaibheri nemabhuku. Zvinodawo mari kuvaka uye kutarisira misha yeBheteri iyo inogarwa nevanoshandisa michina yekudhindisa, vanotarisira basa rekuparidza uye vanoita zvimwe zvinhu zvinotsigira basa racho. Kuwedzera kune izvi, vatariri vematunhu, mamishinari, mapiyona chaiwo, nevamwe vari mubasa chairo renguva yakazara vanopiwawo kamari kanovabatsira kuti vawane chekurarama nacho pavanenge vachiita basa ravo. Zviri pachena kuti basa rekuparidza rinoda mari yakawanda. Mari yacho inobva kupi?
3 Vakawanda vanofarira basa rekudzidzisa Bhaibheri rinoitwa neZvapupu zvaJehovha pasi rese uye vanoritsigira nemari. Asi Zvapupu ndizvo zvinonyanya kuritsigira nemari yemipiro yavanotumira kuhofisi yebazi yemunyika yavanogara. Vanopa nemwoyo wese sezvakaitwa nevashumiri vaMwari vekare pavaivaka imba yekunamatira Jehovha. (Eks. 35:20-29; 1 Mak. 29:9) Zvimwe zvipo zvinobva kune vanenge vanyora mawiri vachitaura kuti kana vafa zvinhu zvavo zvipiwe kusangano, asi zvimwe zvinobva kune vanhu vakasiyana-siyana, ungano, nematunhu. Kana zvese izvi zvasanganiswa, zvinoita kuti pave nemari inozoshandiswa kuti basa rekuparidza rifambire mberi.
Zvapupu zvaJehovha zvinoona seropafadzo kushandisa kwazvinoita mari uye zvinhu zvavo kuti vatsigire basa rekuparidza
4 Zvapupu zvaJehovha zvinoona seropafadzo kushandisa kwazvinoita mari uye zvinhu zvavo kuti vatsigire basa rekuparidza. Jesu nevadzidzi vake vaiva nebhokisi ravaichengetera mari yavaishandisa. (Joh. 13:29) Bhaibheri rinotiudza nezvevakadzi vaibatsira Jesu nevadzidzi vake. (Mako 15:40, 41; Ruka 8:3) Muapostora Pauro aitenda kubatsirwa kwaiitwa nevamwe vaida kutsigira basa rekuparidza mashoko akanaka. (VaF. 4:14-16; 1 VaT. 2:9) Zvapupu zvaJehovha zvinoshingairawo pabasa razvo uye zvinopa nemwoyo wese sezvaiitwa nevashumiri vaMwari kare. Izvi zvinoita kuti vanhu vese vanoda zvekunamata vawane ‘mvura yeupenyu vasingatengi.’—Zvak. 22:17.
MARI DZINOSHANDISWA MUUNGANO
5 Mari dzinoshandiswa muungano imwe neimwe dzinobvawo kuvanhu vanozvipira. Hapafambiswi ndiro yekuisa mari, kana kunzi nhingi ngaabvise mari yakati uye hatifambi tichikumbira mari. Panzvimbo dzese dzatinonamatira pane mabhokisi ekuti anoda anogona kukanda mari imomo “sezvaakasarudza mumwoyo make.”—2 VaK. 9:7.
6 Mari inenge yaiswa mumabhokisi inotanga kushandiswa pakubhadhara zvinodiwa kutarisira Imba yeUmambo. Dare revakuru rinogona kusarudza kuti imwe mari itumirwe kuhofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha yemunyika yavari, kuti basa rekuparidza rienderere mberi. Ungano inofanira kutanga yabvumirana kuti imarii ichatumirwa kuhofisi. Saka ungano dzakawanda dzinogara dzichitsigira basa rekuparidza nemari. Kana vese vakagara vachiziva zvinhu zvinoda kuzobhadharwa, zvichaita kuti zviziviso zvemari zvisagara zvichingopiwa nguva dzese.
MACHENGETERWO EMARI YEMIPIRO
7 Panopera musangano wega wega, hama mbiri dzinotora mari mumabhokisi emupiro dzobva dzanyora kuti imarii. (2 Madz. 12:9, 10; 2 VaK. 8:20) Dare revakuru rinoronga kuti mari iyi ingachengetedzwa sei kusvikira yazotumirwa kuhofisi yebazi kana kuti yashandiswa neungano. Hama inotarisira akaunzi dzeungano inonyora mushumo wemamiriro akaita mari yeungano mwedzi wega wega, ungano yobva yaziviswa, uye pashure pemwedzi mitatu yega yega, murongi mudare revakuru anoronga kuti akaunzi dzacho dziongororwe.
MARI DZINOSHANDISWA NEDUNHU
8 Mari dzinoshandiswa pamagungano nezvimwewo zvinenge zvichidiwa mudunhu dzinobva kuZvapupu zviri mudunhu racho. Panzvimbo dzinoitirwa magungano panoiswawo mabhokisi emupiro kuti vanhu vanokwanisa vatsigire dunhu ravo nemari. Ungano dzinogona kupa mimwe mipiro pane dzimwewo nguva kuti ishandiswe kubhadhara zvimwe zvinodiwa mudunhu ravo.
9 Saka, dunhu rega rega rinozvibhadharira zvinhu zvarinenge rashandisa, uye kana pakasara imwe mari inobva yaendeswa kubasa remunyika yese. Kana mari iri muakaundi ikatadza kukwana kubhadhara zvese zvinenge zvashandiswa kana kuti ikatadza kubhadhara zvinhu zvakadai sedhipoziti yenzvimbo ichazoitirwa gungano, mutariri wedunhu anogona kuronga kuti ungano dziziviswe kuti dzine ropafadzo yekupa mipiro. Dare rimwe nerimwe revakuru richakurukura nyaya yacho robva raona kuti ungano yavo ingakwanisa kuendesa marii kuakaundi yedunhu. Saka vachabva vaita kuti ungano isarudze kuti inoda kubvisa marii.
10 Kana paine nyaya dzemari dzinofanira kukurukurwa nevakuru vemudunhu, vanogona kuronga musangano wevakuru pagungano redunhu racho. Kana paine zvimwe zvinenge zvichidiwa mudunhu zvisiri zviya zvinogara zvichibhadharwa kana kutengwa, vakuru vachafanira kusarudza kuti voshandisa marii pane chimwe nechimwe. Nguva dzese, chimwe nechimwe chinofanira kunyorwa pasi nemari yachiri kunyatsoda, vakuru vobva vaziviswa nezvacho kuti vaone kana vachibvumirana nazvo, mari yedunhu isati yashandiswa.
11 Panoitwa urongwa hwekuti akaunzi dzedunhu dzigare dzichiongororwa.
KUBATSIRA VAROMBO
12 Mari yaichengetwa mubhokisi naJesu nevadzidzi vake yaishandiswawo kubatsira varombo. (Mako 14:3-5; Joh. 13:29) Nanhasi vaKristu vanobatsirawo varombo nekuti Jesu akati: “Varombo munogara muinavo.” (Mako 14:7) Zvapupu zvaJehovha zvinovabatsira sei?
13 Dzimwe nguva, vamwe vashumiri vakatendeka vari muungano vanogona kuda rubatsiro nekuti vanenge vachembera, vaine nematambudziko akakura eutano kana kuti vawirwa nedambudziko. Izvi zvinoita kuti veukama uye vamwewo vade kuvabatsira. Kuita izvi kunoenderana nemashoko akataurwa nemuapostora Johani ekuti: “Munhu ane zvekurarama nazvo zvenyika ino akaona hama yake ichishayiwa, oramba kuinzwira tsitsi, angati anoda Mwari here? Vana vangu, hatifaniri kungodanana neshoko kana nerurimi chete, asi nezviito nechokwadi.” (1 Joh. 3:17, 18; 2 VaT. 3:6-12) Kunamata kwechokwadi kunosanganisirawo kubatsira hama dzedu dzakatendeka dzinenge dzichitambura.—Jak. 1:27; 2:14-17.
14 Mutsamba yake yekutanga kuna Timoti, muapostora Pauro akatsanangura kuti rubatsiro rwungapiwa sei kune vakakodzera. Unogona kuverenga zvaakataura zviri pana 1 Timoti 5:3-21. MuKristu mumwe nemumwe ane basa rekutarisira vemumhuri yake. Vaya vanenge vakura kana kuti vane dambudziko rakakura reutano vanofanira kuchengetwa nevana, vazukuru kana kuti vamwe veukama. Dzimwe nguva panogona kunge paine masangano anopa ruyamuro, saka veukama nevamwe vanogona kumubatsira kuti awane ruyamuro rwacho. Asi dzimwe nguva ungano inogona kuona zvakakodzera kuti ipe rubatsiro kuhama nehanzvadzi dzinotambura asi dzava nenguva yakareba dzichishumira Jehovha dzakatendeka. Kana pasina veukama vanogona kubatsira kana kuti pasina rubatsiro runobva kuhurumende, dare revakuru rinogona kuona kana zvichiita kuti ungano ibatsire. VaKristu vanoona seropafadzo kubatsira vaya vanenge vachitambura.
15 Hama nehanzvadzi dzakawanda dzinogona kusiyiwa dzisisina chekubata pamusana pekutambudzwa, hondo, kudengenyeka kwenyika, mafashamo, nzara kana mamwe matambudziko anowira vakawanda mumazuva ano ekupedzisira. (Mat. 24:7-9) Ungano dziri pedyo dzinogona kunge dzisina chekuvapa, saka Dare Rinotungamirira rinoita urongwa hwekuti hama dziri kune dzimwe nyika dzibatsire. Izvi zvakafanana nezvakaitwa nevaKristu vekuAsia Minor vakabatsira hama dzavo dzekuJudhiya nezvekudya munguva yenzara. (1 VaK. 16:1-4; 2 VaK. 9:1-5) Kana tikaita izvi, tinoratidza kuti tinoda hama dzedu uye kuti tiri vadzidzi vechokwadi vaJesu Kristu.—Joh. 13:35.
MABHUKU
16 MaBhaibheri uye mabhuku zvinoita basa rinokosha pakuparadzira shoko reUmambo. Kakawanda dare revakuru rinosarudza mushumiri weungano kuti aone nezvemabhuku eungano. Hama dzinotarisira mabhuku dzinoita basa radzo nemwoyo wese. Vanonyora kuti ungano iri kutora mabhuku kana magazini akawanda sei kuti vazive kuti vozokumbira akawanda sei.
17 SevaKristu vakazvitsaurira, tinoziva kuti zvese zvatinazvo zvakadai senguva, utano, pfungwa, matarenda, kunyange upenyu, zvipo zvinobva kuna Mwari uye zvinofanira kushandiswa pakumushumira. (Ruka 17:10; 1 VaK. 4:7) Tikashandisa zvakanaka zvese zvatiinazvo, tinenge tichiratidza kuda kwatinoita Jehovha. Chido chedu ndechekukudza Jehovha tichishandisa zvinhu zvinokosha zvatiinazvo, tichiziva kuti anofadzwa nechero chatinomuitira chinoratidza kuti takazvipira kwaari nemweya wese. (Zvir. 3:9; Mako 14:3-9; Ruka 21:1-4; VaK. 3:23, 24) Jesu akati: “Makagamuchira pachena, ipai pachena.” (Mat. 10:8) Patinozvipira uye patinoshandisa zvatiinazvo pakushumira Jehovha, tinobva tanyanyawo kufara.—Mab. 20:35.