RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • od chits. 11 pp. 116-122
  • Nzvimbo Dzekunamatira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nzvimbo Dzekunamatira
  • Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • IMBA YEUMAMBO
  • KUVAKA DZIMBA DZEUMAMBO
  • DZIMBA DZEMAGUNGANO
  • Unorangarira Sei Horo Yenyu yoUmambo?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • Iyi Ndiyo Nzvimbo Yedu Yokunamatira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Purogiramu Itsva Yokuvaka Horo dzoUmambo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • Ngatichengetei Nzvimbo Yedu Yokunamatira Yakanaka
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
Ona Zvimwe
Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
od chits. 11 pp. 116-122

CHITSAUKO 11

Nzvimbo Dzekunamatira

VANAMATI vechokwadi vaJehovha vakarayirwa kuungana kuti vapiwe mirayiridzo uye vakurudzirane. (VaH. 10:23-25) Nzvimbo yekutanga yakashandiswa nevaIsraeri pakunamata, yaiva “tebhenekeri, iro tende rekusanganira.” (Eks. 39:32, 40) Pave paya, Soromoni mwanakomana waDhavhidhi akavaka imba, kana kuti temberi, yekunamatira Mwari. (1 Madz. 9:3) Temberi yacho payakaparadzwa muna 607 B.C.E., vaJudha vakatanga kunamatira muzvivakwa zvainzi masinagogi. Nekufamba kwenguva, temberi yakavakwa zvakare, ichibva yavazve nzvimbo yekunamata kwechokwadi. Jesu akadzidzisa ari mumasinagogi uye mutemberi. (Ruka 4:16; Joh. 18:20) Akaitawo musangano mugomo.—Mat. 5:1–7:29.

2 Jesu paakazofa, vaKristu vaiungana mudzimba dzevavainamata navo kuti vadzidzise zviri muMagwaro uye vawadzane. (Mab. 19:8, 9; VaR. 16:3, 5; VaK. 4:15; Fir. 2) Dzimwe nguva vaKristu ava vaifanira kuungana munzvimbo dzakahwanda kuti vasavhiringidzwa nevanhu vaivatambudza. Zvechokwadi, vashumiri vaMwari vakatendeka vekare vaida nemwoyo wese kuungana munzvimbo dzekunamatira kuti ‘vadzidziswe naJehovha.’—Isa. 54:13.

3 Mazuva ano, vaKristu vanopindirawo misangano munzvimbo dzinoungana vanhu vakawanda uye mudzimba dzehama. Dzimba dzehama dzinowanzoshandiswa kuitira misangano yebasa remumunda. Vaya vanozarura misha yavo kuti ishandiswe vanoona izvi sechikomborero. Vakawanda vavo vanoti zvakavasimbisa chaizvo pakunamata.

IMBA YEUMAMBO

4 Imba yeUmambo ndiyo nzvimbo inonyanya kushandiswa neZvapupu zvaJehovha pakunamata. Kakawanda kacho, vanotenga nzvimbo yekuvaka Imba yacho kana kuti vanogadziridza chivakwa chinenge chiripo. Pazvinenge zvichiita ungano dzakati kuti dzinoshandisa Imba yeUmambo imwe chete kuitira kuchengetedza mari. Asi kune dzimwe nharaunda, vamwe vanohaya pekunamatira. Kana Imba yeUmambo ikavakwa kana kuti ikagadziridzwa zvinhu zvakawanda, zvakakodzera kuitsaurira. Asi kana zvichingova zvinhu zvishomanana zvinenge zvagadziridzwa, haifaniri kutsaurirwa.

5 Imba yeUmambo haifaniri hayo kuva yemaoresa. Kunyange zvazvo mavakirwo adzo angasiyana, chinokosha ndechekuti ishandisike pakunamata. (Mab. 17:24) Inofanira kunge yakanakira kupindira misangano yechiKristu zvinoenderana nenzvimbo yacho.

6 Ungano dzese dzinoshandisa Imba yeUmambo dzinobvisa mari yekuitarisira. Hatifambisi ndiro yekukumbira mari asi muImba yeUmambo munenge muine bhokisi remupiro rekuti vanoda vaise mari inozoshandiswa. Havaiti zvekumanikidzwa asi vanopa zvichibva pamwoyo.—2 VaK. 9:7.

7 Munhu wese ari muungano anoiona seropafadzo kutsigira Imba yeUmambo nemari uye kuzvipira kuichenesa kuitira kuti zvinhu zvese zvigare zvichishanda zvakanaka. Kazhinji mukuru kana kuti mushumiri weungano ndiye anonzi aronge nezvebasa iri. Kakawanda kacho, basa rekuchenesa rinoitwa nemapoka ebasa remumunda, uye mutariri weboka kana kuti mubatsiri wake ndiye anotungamirira. Imba yeUmambo zvese nechivanze chayo zvinofanira kunyatsomiririra Jehovha nesangano rake.

Munhu wese ari muungano anoiona seropafadzo kutsigira Imba yeUmambo nemari uye kuzvipira kuichenesa kuitira kuti zvinhu zvese zvigare zvichishanda zvakanaka

8 Kana Imba yeUmambo ichishandiswa neungano dzakawanda, vakuru veungano dzacho vanosarudza hama dzichava muKomiti yeImba yeUmambo yacho. Matare evakuru anosarudza imwe hama iri mudare racho kuti ive murongi muKomiti yeImba yeUmambo. Dare iri richitungamirirwa nematare evakuru, rinoona nezvekucheneswa kweimba yacho, richiva nechokwadi chekuti inonyatsotarisirwa uye kuti zvekushandisa zviripo. Saka izvi zvinoda kuti ungano dzacho dzishandire pamwe.

9 Kana ungano dzakawanda dzichishandisa Imba yeUmambo imwe chete, dzingafanira kuchinjana nguva yekupinda misangano. Vakuru pavanenge vachikurukura izvi vanofanira kuremekedzana. (VaF. 2:2-4; 1 Pet. 3:8) Hapana ungano inofanira kusarudzira dzimwe ungano. Mutariri wedunhu paanoshanyira imwe ungano inoshandisa Imba yacho, dzimwe ungano dzichafanira kuchinja nguva yadzinoita misangano yadzo vhiki iroro.

10 Imba yeUmambo inogona kushandiswa pakupa hurukuro yemuchato uye yemariro kana Dare Rebasa Reungano razvibvumira. Vakuru ava vanonyatsofunga zvinenge zvakumbirwa vosarudza zvichienderana nemirayiridzo inobva kuhofisi yebazi.

11 Vaya vanenge vabvumirwa kushandisa Imba yeUmambo vanotarisirwa kuti vazvibate nenzira inoratidza kuti vaKristu vechokwadi. Hapana chinofanira kuitwa paImba yacho chinogumbura ungano kana kuti chinoita kuti Jehovha uye ungano zvizvidzwe. (VaF. 2:14, 15) Hofisi yebazi inogona kuronga kuti Imba yeUmambo ishandiswewo kuitira Chikoro Cheushumiri hweUmambo uye Chikoro Chebasa Reupiyona.

12 Nguva dzese ungano inofanira kuremekedza nzvimbo yainonamatira. Mapfekero, kushambidzika uye kuzvibata zvinofanira kuratidza kuti tinonamata Jehovha. (Mup. 5:1; 1 Tim. 2:9, 10) Tikashandisa mazano aya, tinoratidza kuti tinokoshesa misangano yedu yechiKristu.

13 Zvinokosha kuti pamisangano parambe paine runyararo. Zvinokurudzirwa kuti vana vagare nevabereki vavo. Vabereki vane vana vadiki vanogona kukumbirwa kuti vagare pavasingavhiringidzi vamwe, kuitira pavanenge vava kufanira kubuda panze nemwana zvimwe kunomuranga kana kuti kunotarisira zvimwe zvaanenge achida.

14 Hama dzakakodzera dzinonzi dziite varindiri pamisangano. Dzinofanira kunge dzakachangamuka, dziine ushamwari uye dzichinzwisisa. Basa ravo rinosanganisira kukwazisa vatsva voita kuti vanzwe vakasununguka, kutsvagira pekugara vanenge vanonoka, kuverenga vanenge vapinda misangano, uye kuita kuti mumba macho musanyanya kutonhora kana kupisa. Pazvinenge zvakakodzera, varindiri vachayeuchidza vabereki kuti vanyatsotarisira vana vavo kuitira kuti vasangomhanya-mhanya misangano isati yatanga uye yapera kana kuti kutambira pachikuva. Kana paine mwana ari kuvhiringidza vateereri, murindiri anogona kukumbira zvakanaka-naka mubereki wacho kuti abude naye. Basa rinoitwa nevarindiri rinoita kuti munhu wese anakidzwe nemisangano. Zvakanaka kuti vakuru nevashumiri veungano vashande sevarindiri.

KUVAKA DZIMBA DZEUMAMBO

15 Muungano yepakutanga, vamwe vaKristu vaiva vapfumi uye vamwe vari varombo, saka muapostora Pauro akavanyorera achiti: ‘Kuti zvinhu zvienzane, zvenyu zvakawandisa iye zvino ngazvizadzise kushayiwa kwavo uye zvavo zvakawandisa ngazvizadzisewo kushayiwa kwenyu, kuti pave nekuenzana.’ (2 VaK. 8:14) Mazuva ano tiri kuitawo zvakaudzwa vaKristu ava. Mari inobviswa neungano pasi rese inounganidzwa kuti ishandiswe pakuvaka uye kugadziridza Dzimba dzeUmambo. Sangano uye ungano dzinenge dzabatsirwa vanotenda chaizvo rupo rwehama dzese pasi rese.

16 Zvichienderana neurongwa hwemunyika yacho, hofisi yebazi ndiyo inoronga kuti Imba yeUmambo yakati ishandiswe neungano dzipi. Bazi rinoonawo kuti ndekupi kunofanira kuvakwa kana kugadziridzwa Dzimba dzeUmambo uye kuti zvinofanira kuitwa riini. Kana pakaitika njodzi, urongwa hunoitwa hwekugadzirisa Dzimba dzeUmambo uyewo pane dzimwe nguva, dzimba dzehama.

17 Hofisi yebazi inoshandisa hama dzinozvipira kuti dzitarisire kutengwa kwenzvimbo, kugadzirwa kwemapurani eImba yeUmambo, kupiwa mvumo nezviremera, kuvaka uye kugadziridza zvivakwa zvacho. Sezvo munyika dzakawanda muchidiwa Dzimba dzeUmambo, pari kudiwa vanhu vakawanda vanozvipira kuita basa iri. Vaparidzi vese vakabhabhatidzwa vanoda kubatsira uye vanokodzera, vanokurudzirwa kuzadza fomu revanoda kuita basa rekuvaka voripa Dare Rebasa Reungano yavo. Kunyange vaparidzi vasati vabhabhatidzwa vanogona kubatsira kuvaka kana kuti kugadziridza Imba yavo yeUmambo.

DZIMBA DZEMAGUNGANO

18 VaKristu vepakutanga vaiwanzoungana vari mapoka madiki. Asi dzimwe nguva vaiungana “vakawanda.” (Mab. 11:26) Mazuva ano vanhu vaJehovha vanounganawo vakawanda pamagungano edunhu neemunharaunda. Nzvimbo dzekupindira dzinowanzohayiwa, asi kwazvisingaiti kana kuti kwadzisingawaniki, Imba Yemagungano ingavakwa.

19 Dzimwe nguva panotengwa chivakwa, chogadziridzwa chobva chashandiswa seImba Yemagungano. Asi kakawanda, imba yacho inoita zvekuvakwa. Dzimba Dzemagungano dzakakura zvakasiyana-siyana zvichienderana nezvinenge zvichidiwa. Hofisi yebazi ndiyo inosarudza kuti yotenga chivakwa here kana kuti yoita zvekuvaka, zvichienderana nekuti zvingazotora marii uye kuti chichashandiswa nevanhu vakawanda zvakadini.

20 Hofisi yebazi inosarudza hama kuti dzitarisire imba yacho. Panoitwa urongwa hwekuti matunhu agare achichenesa imba yacho uye kuona kuti zvinhu zvese zviri kushanda zvakanaka. Kuzvipira kuita basa iri kunoita kuti tikomborerwe. Saka ungano dzinokurudzirwa kutsigira urongwa uhwu nemwoyo wese.—Pis. 110:3; Mar. 1:10.

21 Pane dzimwe nguva, Imba Yemagungano ingashandiswawo kuitira zvikoro zveBhaibheri uye misangano inokosha yevatariri vematunhu. Imba Yemagungano inzvimbo yakatsaurirwa kunamata sezvakangoita Imba yeUmambo. Patinenge tiri paImba Yemagungano kuzvibata kwedu, mapfekero, uye kushambidzika zvinofanira kunge zvakangofanana nezvatinoita patinoenda kunonamata paImba yeUmambo.

22 Vatsva vakawanda vari kudirana vachiuya musangano raMwari mumazuva ano ekupedzisira. Izvi zvinoratidza kuti Jehovha ari kutikomborera. (Isa. 60:8, 10, 11, 22) Sezvo zuva raJehovha rava kuswedera pedyo, zvivakwa izvi zvinotibatsira kuti tiwane mukana wekukurudzirana nehama dzedu. Saka kuti tiratidze kutenda kwedu, tinoda kutsigira urongwa hwekutenga nzvimbo idzi uye kudzichengetedza dzakachena.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe