CHITSAUKO 13
“Itai Zvinhu Zvese Kuti Mwari Akudzwe”
SEVASHUMIRI vakazvitsaurira kuna Mwari, tinofanira kuita kuti zvese zvatinotaura nezvatinoita zvikudze Jehovha. Muapostora Pauro akatiudza zvatinofanira kuita paakanyora kuti: “Saka mungava muri kudya kana kunwa kana kuita chero chimwe chinhu, itai zvinhu zvese kuti Mwari akudzwe.” (1 VaK. 10:31) Izvi zvinosanganisira kuramba tichiita zvakarurama zvinodiwa naJehovha izvo zvinoratidza unhu hwake hwakakwana. (VaK. 3:10) Tinofanira kuva vatevedzeri vaMwari sevanhu vatsvene.—VaEf. 5:1, 2.
2 Achida kuti vaKristu vazive izvi, muapostora Pauro akanyora kuti: “Sevana vanoteerera, regai kuramba muchitongwa neruchiva rwamaiva narwo pamakanga musina ruzivo, asi ivai vatsvene pane zvese zvamunoita saiye Mutsvene akakudanai, nekuti zvakanyorwa kuti: ‘Munofanira kuva vatsvene, nekuti ini ndiri mutsvene.’” (1 Pet. 1:14-16) Sezvaitarisirwa kuvaIsraeri, vanhu vese vari muungano yechiKristu vanofanira kuramba vari vatsvene. Izvi zvinoreva kuti vanofanira kuramba vakachena, vasina kusvibiswa nechivi uye nenyika. Saka vanobva vakodzera kuita basa dzvene.—Eks. 20:5.
3 Kuti tirambe tiri vatsvene tinofanira kuramba tichiteerera mitemo nemazano aJehovha zvinotaurwa zvakajeka muMagwaro Matsvene. (2 Tim. 3:16) Kudzidza kwatakaita nezvaJehovha uye nzira dzake muBhaibheri kwakaita kuti timude. Kwakaitawo kuti tione kukosha kwekutanga kutsvaga Umambo hwaMwari uye kuita zvaanoda. (Mat. 6:33; VaR. 12:2) Saka zvinoda kuti tipfeke unhu hutsva.—VaEf. 4:22-24.
MANAMATIRO UYE TSIKA ZVAKACHENA
4 Kuita zvinodiwa naJehovha hakusi nyore nguva dzese. Muvengi wedu, Satani Dhiyabhorosi anoda kutibvisa pachokwadi. Dzimwe nguva zvakaipa zviri munyika uyewo chivi chiri matiri zvinotivhiringidza. Tinofanira kurwa hondo yekunamata kana tichizorarama zvinoenderana nekuzvitsaurira kwatakaita. Magwaro anotiudza kuti tisashamisika kana tikashorwa kana kuti tikasangana nemiedzo. Kana tichiita zvakarurama, tichatofanira kutambura. (2 Tim. 3:12) Tinogona kufara patinenge tichiedzwa, nekuti tinoziva kuti miedzo iyoyo inoratidza kuti tiri kuita kuda kwaMwari.—1 Pet. 3:14-16; 4:12, 14-16.
5 Kunyange zvazvo Jesu aiva akakwana, kutambura kwaakaita kwakamudzidzisa kuteerera. Hapana paakambokurirwa nemiedzo yaSatani kana kuti paakanzwa achida kuita zvinodiwa nenyika. (Mat. 4:1-11; Joh. 6:15) Haana kumbobvira ava nekapfungwa kekusateerera Mwari. Kunyange zvazvo kutendeka kwake kwakaita kuti avengwe nenyika, akaramba achiita zvakarurama zvinodiwa naJehovha. Ava pedyo nekufa, akanyevera vadzidzi vake kuti nyika yaizovavengawo. Kubvira panguva iyoyo, vateveri vaJesu vakatanga kusangana nematambudziko, asi vakava neushingi nekuti vaiziva kuti Mwanakomana waMwari akanga akunda nyika.—Joh. 15:19; 16:33; 17:16.
6 Kuti tisave venyika saTenzi wedu, tinofanira kuramba tichiita zvakarurama zvinodiwa naJehovha. Kuwedzera pakusapindira munyaya dzenyika, tinofanirawo kusiyana netsika dzakaora dzazara pasi rese. Tinonyatsoteerera zano riri pana Jakobho 1:21 rinoti: “Bvisai zvese zvisina kuchena nekanhu kese kakaipa, uye bvumai neunyoro kusimwa kweshoko rinokwanisa kukuponesai.” Kudzidza kwatinoita uye kupinda misangano ‘kunosima shoko’ rechokwadi mumwoyo nemupfungwa dzedu, zvoita kuti tisambofa takachiva zvinhu zvenyika. Jakobho akanyora kuti: “Hamuzivi here kuti kushamwaridzana nenyika kuvengana naMwari? Saka munhu wese anoda kuva shamwari yenyika anenge achitozviita muvengi waMwari.” (Jak. 4:4) Ndokusaka Bhaibheri richitinyevera zvakasimba kuti tirambe tichiita zvakarurama zvinodiwa naJehovha toramba takaparadzana nenyika.
7 Shoko raMwari rinotinyevera kuti tisaita mabasa anonyadzisa uye asina unhu. Rinotiudza kuti: “Upombwe nezvinhu zvisina kuchena zvemarudzi ese kana makaro ngazvirege kana kutombotaurwa nezvazvo pakati penyu, sezvo zvisina kukodzera vanhu vatsvene.” (VaEf. 5:3) Saka hatifaniri kuramba tichifunga zvinhu zvinonyadzisa uye zvakaipa kana kuzvitaura. Tikadzivisa zvinhu izvi tinenge tichiratidza kuti tinoda kuva netsika dzakachena uye dzakarurama dzinodiwa naJehovha.
UTSANANA
8 Kuwedzera kumanamatiro uye tsika zvakachena, vaKristu vanoziva kuti zvinokosha kuva neutsanana. Sezvo Mwari ari mutsvene, aida kuti misasa yevaIsraeri igare yakachena. Isuwo tinofanira kuva vakachena kuitira kuti Jehovha “asaona chinhu chisina kunaka” patiri.—Dheut. 23:14.
9 MuBhaibheri, utsvene hunofambidzana neutsanana. Semuenzaniso, Pauro akanyora kuti: “Vadiwa, sezvo tiri kuvimbiswa zvinhu zvakadai, ngatizvichenesei pazvinhu zvese zvinosvibisa nyama nemweya, tichiwedzera kuva vatsvene pakutya Mwari.” (2 VaK. 7:1) Saka varume nevakadzi vechiKristu vanofanira kugeza uye kugara vachiwacha mbatya dzavo kuti vagare vakachena. Upenyu hunosiyana nyika nenyika asi sipo nemvura hazviwanzoshayiki kuti tichengete miviri yedu yakachena uye kuti vana vedu vagare vakashambidzika.
10 Kazhinji vanhu vemunharaunda yatinogara vanonyatsotiziva pamusana pebasa redu rekuparidza. Kugara dzimba dzedu dzakachena mukati nekunze kunoparidza kuvavakidzani vedu. Mhuri yese inofanira kubatsirana panyaya iyi. Hama dzinofanira kuva nechokwadi chekuti imba uye chivanze zvakachena, nekuti musha wakachena uchaita kuti zita raMwari risazvidzwa. Kuita izvi uye kutungamirira panyaya dzekunamata chiratidzo chekuti misoro yemhuri iri kutungamirira mhuri zvakanaka. (1 Tim. 3:4, 12) Hanzvadzi dzinewo basa rekuonawo kuti musha wakachena kunyanya mumba. (Tito 2:4, 5) Kana tikanyatsodzidzisa vana vedu, zvichaita kuti vagarewo vakachena uye vatsvaire nekurongedza mudzimba dzavanorara. Nekuita izvi mhuri inenge ichidzidzira zvaichazoita munyika itsva ichaunzwa neUmambo hwaMwari.
11 Zvapupu zvakati wandei zvinoshandisa mota pakuenda kumisangano. Mune dzimwe nzvimbo hazviiti kuenda kunoparidza pasina mota. Mota yacho inofanira kugara yakachena uye ichishanda zvakanaka. Mota uye dzimba dzedu zvinofanira kuratidza kuti tiri vanhu vaJehovha vakachena uye vatsvene. Bhegi redu rekuuchapupu uye Bhaibheri zvinofanirawo kunge zvakachena.
12 Mapfekero edu uye kushambidzika zvinofanira kuenderana nezvinodiwa naMwari. Hatiendi kunoona munhu ane chinzvimbo takapfeka zvisingaite kana kuti tiine mbatya dzepamba. Kana tisingadaro, ko kuzoti tiri mubasa remumunda kana kuti pachikuva patinenge tichimiririra Jehovha! Mbatya dzatinopfeka uye kushambidzika zvinoita kuti vanhu varumbidze kana kuzvidza manamatiro atinoita Jehovha. Zvakanaka kuti tiite zvinhu zvine mwero uye tifungewo vamwe. (Mika 6:8; 1 VaK. 10:31-33; 1 Tim. 2:9, 10) Saka patinenge tichigadzirira kuenda kuushumiri, kumisangano nekumagungano, tinofanira kufunga zvinotaurwa neMagwaro nezvemapfekero uye kushambidzika zvine mwero. Tinoda kugara tichiremekedza uye kukudza Jehovha.
Sevashumiri vakazvitsaurira kuna Mwari, tinofanira kuita kuti zvese zvatinotaura nezvatinoita zvikudze Jehovha
13 Izvi zvinoshandawo patinoshanyira mahofisi ebazi eZvapupu zvaJehovha. Yeuka kuti zita rekuti Bheteri rinoreva kuti “Imba yaMwari.” Saka tinofanira kupfeka uye kuzvibata sezvatinoita kana tiri pamisangano paImba yeUmambo.
14 Kunyange patinenge tichitandara, tinofanira kupfeka uye kushambidzika zvine mwero. Tinogona kuzvibvunza kuti, ‘Ndinonyara here kuzoparidza zvisina kurongwa pamusana pezvandakapfeka?’
KUZORORA UYE KUITA ZVINOTIVARAIDZA
15 Kuti tive neutano, zvinoda kuti timbova nezvinotivaraidza uye tizorore. Pane imwe nguva Jesu akaenda nevadzidzi vake kune imwe nzvimbo yakanyarara kuti ‘vamboti zororei.’ (Mako 6:31) Zvakanaka kumbowana nguva yekuzorora kana kuitawo zvimwe zvinotivaraidza. Izvi zvinogona kuzotipa simba rekuenderera mberi nemabasa edu.
16 Zvinotivaraidza zvawanda, saka vaKristu vanofanira kusarudza uye kushandisa uchenjeri hwaMwari mune zvavanoita. Kuzvivaraidza kunodiwa, asi hachisi chinhu chinonyanya kukosha muupenyu. Tinonyeverwa kuti “mumazuva ekupedzisira,” vanhu ‘vachada mafaro panzvimbo pekuda Mwari.’ (2 Tim. 3:1, 4) Zvakawanda zvinonzi nenyika zvinovaraidza hazvikodzeri vaya vanoda kuramba vachiita zvakarurama zvinodiwa naJehovha.
17 VaKristu vepakutanga vairarama pakati pevanhu vaida mafaro, saka ivo vaifanira kuramba zvinhu zvakadaro. Pamitambo yeRoma, vanhu vainakidzwa nekuona vamwe vachitambudzwa. Chisimba, kuteura ropa, uye unzenza zvaiitwa munhandare dzacho zvichinakidza veruzhinji, asi vaKristu vaisaenda kunzvimbo idzodzo. Zvinhu zvakadai ndizvowo zvazara muzvinovaraidza zvanhasi, uye vanhu vari kuzvifarira. Tinofanira ‘kunyatsongwarira’ mafambiro atinoita, tosiyana nezvinovaraidza zvakaipa. (VaEf. 5:15, 16; Pis. 11:5) Kunyange kana zvinovaraidza zvacho zvisina kuipa, vanhu vanenge varipo vanogona kunge vasina kunaka.—1 Pet. 4:1-4.
18 Pane zvinhu zvakasiyana-siyana zvakanaka zvinogona kuitwa nevaKristu pakuzvivaraidza. Vakawanda vakabatsirwa nekuteerera zvinotaurwa neMagwaro uye mazano anowanika mumabhuku edu.
19 Dzimwe nguva, mhuri dzevaKristu dzinogona kuungana pamba pemumwe wavo dzichitandara. Hama nehanzvadzi dzinogonawo kukokwa kuzviitiko zvakadai semuchato. (Joh. 2:2) Anenge akoka vanhu ndiye ane basa rekuona kuti zvinhu zviri kufamba sei pakuungana kwacho. Zviri pachena kuti kana pachizova nevanhu vakawanda pane zvinoda kungwarirwa. Sezvo vanhu vanenge vakafaranuka, vamwe vangatadza kuzvibata sevaKristu, voguma vava kudyisa kana kunyanya kunwa kana kutoita zvimwe zvakaipisisa. Kuti izvi zvisaitika, vaKristu vakachenjera vanoronga kuti paungane vanhu vashoma uye kuti chiitiko chacho chisatora nguva yakarebesa. Kana pachizova nedoro, rinofanira kunwiwa zvine mwero. (VaF. 4:5) Kana vanhu vakaungana kuti vafare uye vachisimbisana pakunamata havazonyanyi kukoshesa kudya nekunwa.
20 Kukoka vamwe chinhu chakanaka. (1 Pet. 4:9) Patinokoka vamwe vaKristu kudzimba dzedu kuti vazodya kana kutandara, hatidi kukanganwawo vanoshaya. (Ruka 14:12-14) Kana tirisu takokwa, tinofanira kuzvibata zvinoenderana nezano riri pana Mako 12:31. Tinofanirawo kutenda kana taitirwa zvakanaka nevamwe.
21 VaKristu vanopiwa zvipo zvakawanda naMwari, uye izvi zvinoita kuti ‘vadye nekunwa uye vafadzwe nezvinhu zvakanaka pakushanda kwavo nesimba.’ (Mup. 3:12, 13) Kana tese, vanokoka nevanokokwa ‘tikaita zvinhu zvese kuti Mwari akudzwe,’ tichanzwa tazorodzwa uye takurudzirwa mune zvekunamata.
ZVINHU ZVINOITWA KUCHIKORO
22 Vana veZvapupu zvaJehovha vanobatsirwa nedzidzo yekuchikoro. Chinonyanya kukosha pavanoenda kuchikoro ndechekuti vagone kuverenga uye kunyora. Zvimwewo zvidzidzo zvavanowana ikoko zvinovabatsira pakuzozadzisa zvinangwa zvavo pakunamata. Panguva yavanenge vari kuchikoro, vachada chaizvo kuita zvese zvavanogona kuti ‘vayeukewo Musiki wavo Anokudzwa’ nekuisa zvekunamata pakutanga.—Mup. 12:1.
23 Kana uri muKristu ari kuenda kuchikoro, ngwarira kuti usapedza nguva yakawanda nevanhu vekuchikoro vasinganamati Jehovha. (2 Tim. 3:1, 2) Tine zvakawanda zvatinopiwa naJehovha zvinotibatsira kuti tisanyengerwa nenyika. (Pis. 23:4; 91:1, 2) Saka kuti uzvidzivirire, shandisa zvaunopiwa naJehovha.—Pis. 23:5.
24 Zvapupu zvakawanda zvinoenda kuchikoro zvinosarudza kusaita zvemitambo nezvimwewo zvakangodaro kuti zvirambe zvakaparadzana nenyika. Vamwe vekuchikoro uye vadzidzisi vangaomerwa kunzwisisa izvi. Asi kufadza Mwari ndicho chinhu chinokosha. Kuti uite izvi, unofanira kushandisa hana yako yakadzidziswa neBhaibheri uye kutsunga kusaita zvemakwikwi kana zvenyika. (VaG. 5:19, 26) Ucharamba uchiita zvakarurama zvinodiwa naJehovha kana ukateerera zviri muMagwaro zvaunoudzwa nevabereki vako vanotya Mwari uyewo ukashamwaridzana nevanhu vanoita zvakanaka muungano.
KUBASA UYE VATINOSHANDA NAVO
25 Magwaro anopa misoro yemhuri basa rekuriritira mhuri dzavo. (1 Tim. 5:8) Kunyange zvakadaro, sevashumiri vaMwari vanoisa zvinhu zvine chekuita neUmambo pekutanga, basa rova rechipiri. (Mat. 6:33; VaR. 11:13) Kuzvipira kuna Mwari uye kugutsikana nezvekudya nezvekupfeka kunoita kuti vasagare vachityira ramangwana kana kuwira mumusungo wekunyanya kuda zvinhu.—1 Tim. 6:6-10.
26 VaKristu vese vakazvitsaurira vanoenda kubasa vanofanira kuyeuka zvinotaurwa neMagwaro. Tinofanira kuita zvinhu zvakatwasuka, tisingatyori mitemo yaMwari kana yenyika. (VaR. 13:1, 2; 1 VaK. 6:9, 10) Tinofanira kuramba tichiyeuka kuti kushamwaridzana nevanhu vasina kunaka kune ngozi. Sevarwi vaKristu, hatiiti zvekutengeserana zvinopesana nezvinodiwa naMwari, zvinotsigira zvematongerwo enyika, kana zvinotikanganisa pakunamata. (Isa. 2:4; 2 Tim. 2:4) Uye hatina chatinoita chinotsigira “Bhabhironi Guru,” muvengi waMwari.—Zvak. 18:2, 4; 2 VaK. 6:14-17.
27 Kuita zvakarurama zvinodiwa naMwari kuchaita kuti tisaona nguva dzekuungana kwedu semukana wekushambadza zvebhizinesi redu kana zvimwe zvakada kudaro. Chinangwa chekuungana nevamwe pamisangano yechiKristu uye pamagungano ndechekungoti tinamate Jehovha. Tinonakidzwa nekudyira patafura yezvekunamata ‘tichikurudzirana.’ (VaR. 1:11, 12; VaH. 10:24, 25) Hapana zvimwe zvinofanira kuitwa pakuungana uku kunze kwezvekunamata.
KURARAMA TAKABATANA SEVAKRISTU
28 Zvimwe zvinodiwa naJehovha ndezvekuti vanhu vake ‘vachengete kubatana kwemweya muchisungo cherugare.’ (VaEf. 4:1-3) Panzvimbo pekufunga zvakatinakira chete tinofanira kufungawo zvinodiwa nevamwe. (1 VaT. 5:15) Wakatoona kuti izvi ndizvo zviri kuitika muungano yauri. Tese tinotarisirwa kubatana pasinei nekuti tiri vedzinza ripi, tiri venyika ipi, takadzidza kusvika papi kana kuti takarerwa sei. Kunyange vaya vari kunze vanoona kuti vanhu vaJehovha vakabatana.—1 Pet. 2:12.
29 Muapostora Pauro akataurawo zvinhu zvinoita kuti tibatane paakanyora kuti: “Kune muviri mumwe chete, nemweya mumwe chete, sekudanwa kwamakaitwa kutariro imwe chete yekudanwa kwenyu; Ishe mumwe chete, kutenda kumwe chete, rubhabhatidzo rumwe chete; Mwari mumwe chete anova ndiye Baba vezvinhu zvese, vari pamusoro pezvinhu zvese, kuzvinhu zvese uye muzvinhu zvese.” (VaEf. 4:4-6) Kuti tiratidze kuti tinoremekedza Jehovha sachangamire, zvinoda kuti tive nemanzwisisiro akafanana edzidziso dzeBhaibheri, dzingava dziri nyore kana dzakadzama. Zvechokwadi, Jehovha ari kuita kuti vanhu vake vataure mutauro wakachena, zvoita kuti vamushumire vakabatana.—Zef. 3:9.
30 Vese vanonamata Jehovha vanozorodzwa nekubatana uye rugare zviri muungano yechiKristu. Tiri kuona kuzadzika kwezvakavimbiswa naJehovha zvekuti: “Ndichaita kuti vabatane, semakwai ari mudanga.” (Mika 2:12) Tinoda kuramba takabatana nekuramba tichiita zvinodiwa naJehovha.
31 Vanofara vaya vakagamuchirwa muungano yakachena yaJehovha! Tinoita zvese zvatinogona kuti tidaidzwe nezita raJehovha. Sezvatinoramba tiine ukama hwedu hunokosha naJehovha, tichaedza kuramba tichiita zvaanoda, uye tichizviudzawo vamwe.—2 VaK. 3:18.