RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jv chits. 21 pp. 340-351
  • Rinowanirwa Mari Sei Rose?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rinowanirwa Mari Sei Rose?
  • Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Zvigaro Ndezvapachena. Hapana Kuunganidza Mari”
  • Unotsigirwa Nemipiro Yokuzvidira
  • Kuwanira Mari Nzvimbo Dzomunzvimbomo Dzokusangana
  • Kutarisira Kukura Kwedzimbahwe Renyika
  • Kuwanira Mari Kukura Kwezvivako Zvebazu
  • Kune Mhindu Here Inobva Mumabhuku?
  • Havasi Kubatira Nokuda Kwemhindu Yomunhu Oga
  • Nzira Iyo Jehovha Anobudiririsa Nayo Basa Rake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • “Mari Yacho Inobvepi?”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Kunangana Nechinetso Chekukwira Kwemitengo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Kukudzwa Kwechimiro Chesangano
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
Ona Zvimwe
Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
jv chits. 21 pp. 340-351

Ganhuro 21

Rinowanirwa Mari Sei Rose?

KURI pachena kuti basa rinopfuuridzirwa neZvapupu zvaJehovha rinoda mari. Kuvaka Horo dzoUmambo, Horo dzeGungano, hofisi dzebazu, mafekitari, uye misha yeBheteri kunobatanidza mari, uye yakawanda inodikanwa kuzvichengeta. Ndyiko dzinowanwa mukubudisa nokuparadzira mabhuku efundo yeBhaibheri. Zvose izvozvi zvinowanirwa mari sei?

Fungidziro dzisina maidi pamusoro paikoku dzakaziviswa navanhu vanoshora basa reZvapupu zvaJehovha. Asi kuhwirudzurwa kwoufakazi kunotsigira mhinduro iyo Zvapupu zvimene zvinopa. Ndeipi iyoyo? Zhinjisa rebasa rinoitwa navazvipiri, avo vasingakariri kana kuti zvimwe kushuva chimuko chemari nokuda kwamabasa avo, uye ndyiko dzesangano dzinoripirwa nemipiro yokuzvidira.

“Zvigaro Ndezvapachena. Hapana Kuunganidza Mari”

Pakuvamba sechinyorwa chechipiri cheNharireyomurindi, muna August 1879, Hama Russell vakati: “‘Zion’s Watch Tower,’ tinodavira kuti, ina JEHOVHA somutsigiri wayo, uye nepo ikoku kwakadaro haisati ichizotongokumbira kana kuti kuteterera vanhu nokuda kwetsigiro. Apo Iye anoti: ‘Ndarama yose nesirivha zvamakomo ndezvangu,’ anokundikana kugovera mari iri madikanwa, tichakunzwisisa kuva nguva yokumisa chinyorwa chacho.” Mutsinhirano naikoko, hakuna kukumbira mari mumabhuku eZvapupu zvaJehovha.

Zvazvakaita namabhuku azvo ndizvo zvazvakaitawo nemisangano yazvo. Hakuna kukumbirwa kunonyandura mirangariro kwemari muungano dzazvo kana kuti pakokorodzano dzazvo. Hakuna ndiro dzokuunganidzira mari dzinopfuudzwa; hakuna emvuropu dzokuisa mari dzinoparadzirwa; hakuna tsamba dzokukumbira mari dzinotumirwa kumitezo yeungano. Ungano hadzitongotendeukiri kukubhejera kana kuti marotari kuti dziwane mari. Pakuvamba sa1894, apo Watch Tower Society yakatumira vakurukuri vanofambira, yakabudisa ichi chiziviso nokuda kwokubetserwa kwomunhu ari wose: “Ngakunzwisiswe kubvira pakutanga kuti kuunganidzwa kwemari kana kuti kumwe kukumbirwa kwemari hakubvumidzwi kana kuti zvimwe kutenderwa neiyi Sosaiti.”

Nokudaro, kubvira pakuvamba zvikuru munhau yazvo yomuzuva razvino uno, mahendibhiri nedzimwe kokero dzakadhindwa kuvanhu kuti vapinde misangano yeZvapupu zvaJehovha aiva nokutaura kwokuti “Zvigaro Ndezvapachena. Hapana Kuunganidza Mari.”

Kuvambira pakuvamba muna 1914, Vadzidzi veBhaibheri vakarenda horo dzebhaisikopo pamwe chete nedzimwe horo ndokukoka vanhu kuna idzodzi kuti vaone “Photo-Drama of Creation.” Ikoku kwakanga kuri kuratidzwa kwemativi mana, maawa masere pamwe chete, akaumbwa namasiraidhi nebhaisikopo zvaionekwa pamwe chete nemanzwi. Mukati megore rokutanga moga, mamiriyoni evanhu akaiona muNorth America, Europe, Australia, uye New Zealand. Kunyange zvazvo vamwe vavaridzi vehoro dzamabhaisikopo vakachaja nokuda kwezvigaro zvakachengetwa, Vadzidzi veBhaibheri havana kutongokumbira mari yokupinda. Uye hapana mari yakaunganidzwa.

Gare gare, kwemakore anopfuura 30, Watch Tower Society yakashandisa nhepfenyuro yeWBBR muNew York City. Zvapupu zvaJehovha zvakashandisawo mabasa emazana edzimwe nhepfenyuro kuti zviparidze purogiramu dzefundo yeBhaibheri. Asi hazvina kutongoshandisa kuparidza kwakadaro kukumbira mari.

Ipapoka, mipiro inoripira mubato wazvo inowanwa sei?

Unotsigirwa Nemipiro Yokuzvidira

Bhaibheri rinogadza muenzaniso. MuMutemo waMosesi, makanga mune mipiro yakati yakanga iri yokuzvidira. Mimwe yaidikanwa kuvanhu. Kupa chegumi, kana kuti chechigumi, kwakanga kuri chimwe chezvinodikanwa. (Eks. 25:2; 30:11-16; Num. 15:17-21; 18:25-32) Asi Bhaibheri rinoratidzawo kuti Kristu akazadzisa Mutemo, uye Mwari akaugumisa; naizvozvo vaKristu havasati vachisungwa nemirau yawo. Havabvisi chegumi, uyewo havasungirwi kupa mumwe mupiro upi noupi wechitsama chinodudzwa kana kuti panguva yakati.—Mat. 5:17; VaR. 7:6; VaK. 2:13, 14.

Panzvimbo pezvo, vanokurudzirwa kusakurira mudzimu worupo nokugovera mukutevedzera muenzaniso wakaisvonaka wakagadzwa naJehovha amene uye noMwanakomana wake, Jesu Kristu. (2 VaK. 8:7, 9; 9:8-15; 1 Joh. 3:16-18) Nokudaro, achinongedzera kukupa, muapostora Pauro akanyorera ungano yechiKristu muKorinte, kuti: “Mumwe nomumwe ngaaite sezvaakafunga pamwoyo; arege kuita nokuchema, kana nokurovererwa; nokuti Mwari unoda munhu unopa nomufaro.” Pakuziviswa nezvekushayiwa, ikoku kwakavapa ‘muedzo wouchokwadi hworudo rwavo,’ sokutsanangura kwakaita Pauro. Iye akatiwo: “Kana mwoyo wokupa uripo, chipo chinofadza paanapo, kusati kuri paanoshayiwa napo.”—2 VaK. 8:8, 12; 9:7.

Nemhaka yaikoku, tsinhiro yakaitwa naTertullian pamusoro pemisangano yakaitwa navanhu vakanga vachiedza kushandisa chiKristu muzuva rake (munenge muna 155–pashure pa220 C.E.) inofadza. Iye akanyora, kuti: “Kunyange kana kune chokuisira mari chakati, hachisati chichiumbwa nemari inobhadharwa mumubhadharo wokupinda, sokunge rudzidziso rwakanga rwuri nhau yechibvumirano. Munhu ari wose kamwe pamwedzi anounza mari shomanene—kana kuti panguva ipi kana ipi paanoda, uye bedzi kana achida, uye kana achigona; nokuti hapana munhu anomanikidzwa; kupa kwokuzvidira.” (Apology, XXXIX, 5) Mukati mamazana amakore kubvira panguva iyoyo, zvisinei, chechi dzechiKristudhomu dzakapinda muchirongwa chiri chose chinofungika chokuwana nacho mari yokuripira mibato yadzo.

Charles Taze Russell akaramba kutevedzera chechi dzacho. Iye akanyora, kuti: “Murangariro wedu kuti mari inowanwa nemitoo yakasiyana-siyana yokukumbira muzita raShe wedu yakaipa, haigamuchiriki kwaari, uye haiunzi chikomborero chake pane vanopa kana kuti zvimwe pabasa rinoitwa.”

Panzvimbo pokuedza kufadza avo vakanga vane pfuma, Hama Russell vakataura nenzira yakajeka, mutsinhirano naMagwaro, kuti voruzhinji vavanhu vaShe vaizova varombo muzvinhu zvenyika ino asi vakapfuma mukutenda. (Mat. 19:23, 24; 1 VaK. 1:26-29; Jak. 2:5) Panzvimbo pokusimbisa kudikanwa kwemari nokuda kwokuparadzira zvokwadi yeBhaibheri, ivo vakanangidzira ngwariro paukoshi hwokusakurira mudzimu worudo, chishuvo chokupa, uye chishuvo chokubatsira vamwe, zvikurukuru kupfurikidza nokugoverana zvokwadi navo. Kuavo vakanga vane mano mukuita mari uye avo vaikarakadza kuti kupfurikidza nokuzvipa vamene zvikurukuru kuzvinhu zvebhizimisi vaizova nezvakawanda zvokupa mune zvemari, ivo vakataura kuti kwaizova kuri nani kuganhurira mubato wakadaro uye kuzvipa vamene nenguva yavo mukuparadzira zvokwadi. Ndiwo uchiri murangariro wakatorwa noMutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha.a

Chaizvoizvo, vanhu vanopa yakawanda sei? Zvavanoita chisarudzo chomunhu oga. Zvisinei, munhau yokupa, kunofanira kucherekedzwa kuti Zvapupu zvaJehovha hazvifungi hazvo pamusoro pepfuma yokunyama. Pakokorodzano dzazvo dzeruwa muna 1985-6, zvakakurukura nhau inoti “Kukudza Jehovha Nezvinhu Zvedu Zvinokosha.” (Zvir. 3:9) Kwakasimbiswa kuti izvi zvinhu zvinokosha zvinobatanidza kwete bedzi pfuma yokunyama asiwo zvinhu zvomuviri, zvendangariro, uye zvomudzimu.

Shure muna 1904, Hama Russell vakaonesa kuti munhu akaita kuzvipa kwakazara (kana kuti, tsauriro, sezvatinodaro zvino) kuna Mwari “akatopa zvose zvaanazvo kunaShe.” Nokudaro, iye zvino anofanira “kuzvirangarira amene seakagadzwa naShe kuva mutarisiri wenguva yake amene, pesvedzero, mari, zvichingodaro, uye mumwe nomumwe anofanira kutsvaka kushandisa aya mano zvakanakisisa sezvaanogona, kumbiri yaTenzi.” Iye akawedzera kuti, achitungamirirwa nouchenjeri hwokumusoro, “mukuringana sezvo kuda kwake nokushingairira Ishe zvinokura zuva nezuva kupfurikidza nezivo yeZvokwadi nokuwanwa kwerevo yayo, iye achazviwana amene achipa yakawanda zvikuru yenguva, yakawanda zvikuru yepesvedzero yake, uye yakawanda zvikuru yepfuma yakadaro yaanayo, nokuda kwebasa reZvokwadi.”—Studies in the Scriptures, “The New Creation,” map. 344-5.

Mukati mamakore apakuvamba iwayo, Watch Tower Society yakanga ine yavaidana kuti Tower Tract Fund. Ichocho chakanga chiri chii? Udzame hunofadza hunotevera hwakaoneswa seri kwamabhuku pane dzimwe nguva aishandiswa naHama Russell: “Iyi mari ndeyezvibayiro zvokuzvidira zvaavo vakadyiswa ndokusimbiswa ne‘nyama munguva yakafanira’ iyo zvinyorwa zviri pamusoro apa [zvakaitwa kuti zviwanike neWatch Tower Society], sezvishandiso zvaMwari, zvino zviri kupa vatsvene vakazvipa, munyika yose.

“Iyi mari inoshandiswa nguva dzose mukutumira, pachena, zviuru zvamakopi eZION’S WATCH TOWER neOLD THEOLOGY TRACTS zvakakodzera zvikurusa kuvaravi vatsva. Inobatsirawo mukuparadzirwa kwezvinyorwa zvine butiro repepa zvenhevedzano yeDAWN, kupfurikidza nokuyamura avo vanoda kuzviparadzira—macolporteur navamwe. Inogoverawo ‘mari yavarombo’ iyo vapi navapi vavana vaShe avo, kupfurikidza nezera, kana kuti chirwere, kana kuti kubva nechimwe chisakiso, vasingakwanisi kunyoresa NHARIREYOMURINDI vanogoverwa kupfurikidza nayo pachena, pamugariro wokuti kana vakatumira tsamba kana kuti kadhi pakuvamba kwegore rimwe nerimwe, vachitaura chishuvo chavo nokusakwanisa.

“Hapana munhu anombokumbirwa kupa mupiro kuiyi mari: mipiro yose inofanira kuva yokuzvidira. Tinoyeuchidza varavi vedu nezvamashoko oMuapostora (1 VaK. 16:1, 2) ndokuatsigira kupfurikidza nokutaura kuti avo vanogona kupa uye vanopa kuti vaparadzire zvokwadi vane chokwadi chokuripirwa munyasha dzomudzimu.”

Mubato womunyika yose weZvapupu zvaJehovha mukuzivisa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari unopfuurira kutsigirwa nemipiro yokuzvidira. Mukuwedzera kuZvapupu zvimene, vanhu vakawanda vanofarira vanoonga vanokurangarira seropafadzo kutsigira iri basa rechiKristu nemipiro yavo yokuzvidira.

Kuwanira Mari Nzvimbo Dzomunzvimbomo Dzokusangana

Ungano imwe neimwe yeZvapupu zvaJehovha ine mabhokisi emipiro akakodzera umo vanhu vanogona kuisa mipiro ipi kana ipi yavanoshuva—apo vanoda kuita saizvozvo uye kana vachigona. Kunoitwa nomutoo wakavandika zvokuti vamwe kazhinji kazhinji havazivi izvo munhu angaita. Zviri pakati pake naMwari.

Hakuna mibhadharo inofanira kubhadharwa, asi kunoda mari kuchengeta nzvimbo yokusangana. Kuti iite chinodikanwa ichocho, mitezo yeungano inofanira kuziviswa. Zvisinei, anopfuura makore 70 akapfuura, Nharireyomurindi yakajekesa kuti pamusoro pemipiro, hapafaniri kuva nokuteterera kana kuti kusunda—kutaurwa kwakangojeka, kwokutendeseka kwamaidi. Maererano nouyu murangariro, misangano yeungano haibatanidzi kurukurirano dzenguva dzose dzenhau dzemari.

Pane dzimwe nguva, zvisinei, kune zvinodikanwa chaizvo. Kungava kuti rongedzero dziri kuitwa dzokuvandudza kana kuti kuwedzera Horo yoUmambo kana kuti zvichida kuvaka itsva. Kuti vawane kuti imarii ichawanika, vakuru vangakumbira avo vari muungano kuti vanyore pamasiripi epepa iyo ivo vanokarira somunhu oga kukwanisa kupa semupiro kubasa racho kana kuti, sezvinobvira, kuita kuti iwanike kwemakore akati. Mukuwedzera, vakuru vangakumbira vanhu vamwe navamwe kana kuti mhuri kunyora pamasiripi yavanonzwa kuti vanokwanisa kupa vhiki nevhiki kana kuti mwedzi nomwedzi, nechikomborero chaJehovha. Hapana mazita anosainwa. Aya haasati ari mapepa emhiko, asi anogovera hwaro hwokuronga kwokungwara.—Ruka 14:28-30.

MuTarma, Liberia, ungano yakawana mari yaidikanwa munzira yakati siyanei. Vamwe muungano vakarimira chimwe Chapupu mupunga mumunda wacho apo chakapa gore rakazara kukutema miti nokucheka mapuranga nesaha remaoko, izvo ipapo zvakatengeswa kuwana mari yebasa ravo rokuvaka. MuParamaribo, Suriname, kunyange zvazvo zvinhu zvakanga zvichifanira kutengwa, ungano yakanga isingadi mari yenzvimbo, nemhaka yokuti chimwe Chapupu chakapa nzvimbo yacho nokuda kweHoro yoUmambo ndokungokumbira bedzi kuti musha wacho utamisirwe kuseri kwenzvimbo yacho. Mitengo yenzvimbo yakakwira zvikuru muTokyo, Japan, yakaita kuti kuomere ungano imomo kuwana nzvimbo yokuvaka Horo dzoUmambo pairi. Kuti dzibetsere kupedza ichi chinetso, mhuri dzinoverengeka dzakapa nzvimbo apo misha yadzo dzimene yakanga yakavakirwa kuti ishandiswe. Vakangokumbira zvavo kuti pashure pokunge musha wavo watsiviwa neHoro yoUmambo itsva, vagoverwe furati pamusoro.

Sezvo ungano dzakakura ndokukamurwa, avo vaiva mukati menharaunda yakati kazhinji kazhinji vaiedza kubatsirana kuti vagovere Horo dzoUmambo dzakakodzera. Pasinei zvapo nomudzimu worupo iwoyo, chimwe chinhuzve chakanga chichidikanwa. Ukoshi hwenzvimbo nendyiko dzokuvaka zvakakwirira, uye ungano imwe neimwe kazhinji kazhinji yakanga iri kukuwana kuva kusingabviri kutarisira izvozvi. Chii chaigona kuitwa?

PaKokorodzano Dzoruwa dze“Chinzwano choUmambo” muna 1983, Mutumbi Unodzora wakaronga gadziriro yakarayira kushandiswa kwenheyo inooneswa pana 2 VaKorinte 8:14, 15, iyo inokurudzira kuita kuti yomuraudzo yaavo vanayo ipedze perevedzo yavamwe kuti “kuve nokuenzana.” Nokudaro avo vane zvishomanene havasati vachizova nezvishomanene kwazvo zvokuti vanodziviswa munhamburiko dzavo dzokubatira Jehovha.

Ungano imwe neimwe yakakumbirwa kuronga bhokisi rakanyorwa kuti “Mipiro yeMari yeSosaiti yeHoro yoUmambo.” Chinhu chiri chose chinoiswa mubhokisi iroro chaizoshandiswa bedzi nokuda kwechinangwa ichocho. Mari yakapiwa munyika yose nokudaro yaizoitwa kuti iwanike kuti ipedze perevedzo yeungano dzaida zvikuru Horo yoUmambo asi dzaisagona kuironga pagadziriro iyo mabhangi omunzvimbomo aida. Pashure pokusanonzvera kuti iwane kudikanwa kwakanga kuri kwokukurumidzira zvikurusa chaizvoizvo, Sosaiti yakavamba kuita kuti mari iyoyo iwanike kuungano dzaida kuvaka kana kuti neimwe nzira kuwana Horo dzoUmambo itsva. Sezvo mipiro yakawanda yakanga ichigamuchirwa uye (munyika umo kwaigona kuitwa) zvikwereti zvaibhadharwa, dzimwezve ungano dzaigona kubatsirwa.

Iyi gadziriro yakatanga kushanda pakutanga muUnited States neCanada, uye kubvira panguva iyoyo yakapararira kunyika dzinopfuura 30 muEurope, Africa, Latin America, uye Far East. Pakasvika 1992, musere chete dzenyika idzodzi, mari yakanga yatoitwa kuti iwanike kubatsira mukugovera Horo dzoUmambo 2 737, kuchibetsera ungano 3 840.

Kunyange munyika umo iyi gadziriro yakanga isiri kushanda, asi makanga mune kudikanwa kwokukurumidzira kweHoro dzoUmambo kwaisagona kuwanirwa mari munzvimbomo, Mutumbi Unodzora wakaedza kuita dzimwe gadziriro kuva nechokwadi chokuti betsero inogoverwa. Nokudaro kuenzana kwaiitika, zvokuti avo vakanga vane shomanene vakanga vasina zvishomanene zvikuru.

Kutarisira Kukura Kwedzimbahwe Renyika

Kushanda kwedzimbahwe renyika kwakadawo mari. Pashure peHondo Yenyika I, apo Watch Tower Bible and Tract Society yakakuwana kuchibetsera kudhinda ndokubatanidza mabhuku ayo imene, gadziriro yakaitwa iyo michina yaidikanwa yaitengwa kupfurikidza nayo muzita ravanhu—vabatiri biyedu vaJehovha. Panzvimbo pokubhadhara mhindu kukambani yezvokutengeserana nokuda kwokuita mabhuku, Sosaiti yakashandisa ichi chitsama mwedzi mumwe nomumwe kukuderedza chikwereti chemichina. Sezvo betsero dzaikoku dzakawanwa, ndyiko yaakawanda amabhuku aienda kuvanhu yakaderedzwa kusvikira kuinenge hafu. Kwaiitwa kwakanga kuri kufambisira mberi kuparidzwa kwamashoko akanaka, kwete kupfumisa Watch Tower Society.

Mumakore mashomanene, kwakanga kuri pachena kuti zvivako zvakakura zvikuru zvakanga zvichidikanwa padzimbahwe renyika kuti zvitarisire basa renyika yose rokuparidza Umambo. Nguva nenguva, sezvo sangano rakakura uye mubato wokuparidza wakasimbiswa, kwakava kuri madikanwa kuwedzera kuizvi zvivako. Panzvimbo pokuenda kumabhangi nokuda kwemari yaidikanwa kukudza nokushongedzera hofisi dzedzimbahwe nemafekitari pamwe chete nezvivako zvinotsigira mukati nomakapoteredza New York, Sosaiti yakatsanangura chinodikanwa chacho kuhama. Ikoku kwakaitwa, kwete kazhinji kazhinji, asi ka12 bedzi munhambo yamakore 65.

Hakuna kutongova nokukumbira. Vapi nevapi vaida kupa mipiro vakakumbirwa kuita saizvozvo. Avo vakasarudza kukweretesa mari vakavimbiswa kuti kana kudikanwa kusingakarirwi nekwokukurumidzira kukamuka, chikwereti chavo chaizobhadharwa pakugamuchirwa kwechikumbiro chavo nokuda kwayo. Nokudaro mukutarisira kwayo zvinhu, Sosaiti yakaedza kudzivisa kuparira nhamo ipi neipi pavanhu vamwe navamwe neungano avo vaiita kuti mari iwanike nenzira yomutsa. Tsigiro yakapiwa neZvapupu zvaJehovha kupfurikidza nemipiro yazvo yakagonesa nguva dzose Sosaiti kubhadhara zvikwereti zvose. Mipiro yakadaro inotumirwa kuSosaiti haisati iri isingaongwi. Kusvikira kutambanuko inobvira, iyoyi inobvumwa kuti yakagamuchirwa netsamba nokumwe kutaura kwokuonga.

Basa resangano harisati richitsigirwa nemipiro yeboka ravapi vakapfuma. Mizhinjisa yemipiro inobva kuvanhu vamwe navamwe vane pfuma shomanene—vakawanda vavo, vane zvishomanene zvikuru zvezvinhu zvenyika ino. Vanobatanidzwa vana vaduku vanoda kugoverana neiyi nzira mukutsigira basa roUmambo. Mwoyo yavapi vose ivava inosundwa nokuonga kukuru runako rwaJehovha nechishuvo chokubetsera vamwe kuziva nezvegadziriro dzake dzine nyasha.—Enzanisa naMarko 12:42-44.

Kuwanira Mari Kukura Kwezvivako Zvebazu

Sezvo basa rokuparidza Umambo razova guru zvikuru mumativi akasiyana-siyana enyika, kwave kuri madikanwa kukudza zvivako zvebazu zvesangano. Ikoku kunoitwa munhungamiro yoMutumbi Unodzora.

Nokudaro, pashure pokuhwirudzura rumbidzo dzinobva kubazu riri muGermany, nhungamiro dzakapiwa muna 1978 dzokuwana nzvimbo yakakodzera uye ipapo kuvaka chivako chitsva chose chose. Zvapupu zvomuGermany zvaigona kutarisira ndyiko dzaibatanidzwa here? Mukana wakapiwa kwadziri. Pakupedzwa kwebasa iroro muna 1984, paSelters, kurutivi rwokumadokero rweMakomo eTaunus, hofisi yebazu yakashuma, kuti: “Makumi ezviuru eZvapupu zvaJehovha—vapfumi navarombo, vaduku navakuru—akapa mamiriyoni amadhora kubetsera kubhadhara zvivako zvitsva. Nemhaka yorupo rwavo, basa rose raigona kupedzwa pasina kudikanwa kwokukwereta mari kubva kumasangano enyika kana kuti kwokufanira kupinda muchikwereti.” Mukuwedzera, anenge 1 muZvapupu 7 zviri zvose muFederal Republic of Germany akanga agoverana mubasa rokuvaka chairoiro paSelters/Taunus.

Mune dzimwe nyika, upfumi hwomunzvimbomo kana kuti mamirire ezvemari eZvapupu zvaJehovha akaita kuti kuve kwakaoma zvikuru, kunyange kusingabviri, kuti zvivake hofisi dzebazu dzinodikanwa kutarisira basa kana kuti mafekitari okubudisa mabhuku eBhaibheri mumitauro yomunzvimbomo. Zvapupu zvomukati menyika yacho zvakapiwa mukana wokuita zvazvinogona. (2 VaK. 8:11, 12) Asi kushayikwa kwemari munyika hakubvumirwi kudzivisa kupararira kweshoko roUmambo imomo kana mari inodikanwa ichiwanikwa kune imwe nzvimbowo.

Nokudaro, nepo Zvapupu zvomunzvimbomo zvichiita zvazvinogona, murutivi rukuru rwenyika chikamu chakati chemari inodikanwa nokuda kwezvivako zvebazu inogoverwa nemipiro inoitwa neZvapupu zvaJehovha mune dzimwe nyika. Ndizvo zvakwanga kwakaita pamusoro pokuvakwa kwezvivako zvikuru zvakapedzwa muSouth Africa muna 1987, Nigeria muna 1990, uye Philippines muna 1991. Ndizvo zvakwanga kwakaitawo nezveZambia, uko zvivako zvokudhinda zvinobvira zvakanga zvichiri kuvakwa muna 1992. Ndizvo zvakwakaitawo nezvemabasa akawanda maduku zvikuru, zvakadai seayo akapedzwa muIndia muna 1985; Chile muna 1986; Costa Rica, Ecuador, Guyana, Haiti, uye Papua New Guinea muna 1987; Ghana muna 1988; uye Honduras muna 1989.

Mudzimwe nyika, zvisinei, hama dzakashamiswa nezvadzaigona kuita munzvimbomo nechikomborero chaJehovha panhamburiko dzadzo dzakabatanidzwa. Mukuvamba kwema1980, somuenzaniso, bazu riri muSpain rakanga riri kuita gadziriro dzokukudzwa kukuru kwezvivako zvaro. Bazu rakakumbira Mutumbi Unodzora kuti ugovere mari yaidikanwa. Asi nemhaka yendyiko huru mumamwe mativi panguva iyoyo, betsero yakadaro yakanga isingawanikwi panguva iyoyo. Kana zvikapiwa mukana, Zvapupu zvokuSpain, nemibhadharo yazvo yakaderera zvikuru, zvaigona kugovera mari yakakwana yebasa rakadaro here?

Mamirire ezvinhu akatsanangurwa kwazviri. Nenzira inofadza zvakauya nemabwe azvo anokosha, mhete, uye ndarira kuti izvozvi zvigogona kutengeswa. Apo chimwe Chapupu chakwegura chakabvunzwa kana chakanga chine chokwadi chokuti chaida chaizvoizvo kupa ndarira yendarama yachakanga chapa, icho chakapindura, kuti: “Hama, iri kuzoita zvakanaka zvikuru kwazvo kubhadharira Bheteri itsva kupfuura zvaichaita paruoko rwangu!” Imwe hanzvadzi yakura yakafukunura murwi wemari yemapepa yasakara iyo yakanga yaviga pasi pouriri hwomusha wayo kwemakore akapfuura. Varoorani vakapa mari yavakanga vachengetera nzendo. Vana vakatumira mari yavakachengeta. Mumwe muduku uyo akanga ari kuronga kutenga gitari akapa mari yacho kubasa rebazu panzvimbo pezvo. Kufanana navaIsraeri panguva apo tabhenakeri yakavakwa murenje, Zvapupu zvokuSpain zvakabvumikisa kuva vapi vane rupo navane mwoyo inodisa vezvose zvakanga zvichidikanwa mune zvokunyama. (Eks. 35:4-9, 21, 22) Ipapo vakazvipa vamene—nguva yakazara, mukati memazororo, pakupera kwevhiki—kuti zviite basa rimene. Zvakauya zvichibva muSpain mose—zviuru zvazvo. Zvimwe Zvapupu zvakabva kuGermany, Sweden, Great Britain, Greece, uye United States, kududza zvishomanene, zvakazvikumbanira kupedza rakanga raratidzika pakutanga kuva rakafanana nebasa risingabviri.

Kune Mhindu Here Inobva Mumabhuku?

Kuvambira muna 1992, mabhuku eBhaibheri akanga ari kubudiswa padzimbahwe renyika uye pamapazu 32 munyika yose. Zvitsama zvikuru zvawo zvakanga zviri kugoverwa nokuda kwokuparadzirwa neZvapupu zvaJehovha. Asi hapana nokumwe kwaikoku kwakaitwa nokuda kwemhindu yokutengesa. Zvisarudzo pamusoro pemitauro umo mabhuku aizodhindwa nenyika kwaaizotumirwa zvakaitwa kwete nokuda kwebetsero ipi neipi yokutengesa asi nomurangariro chete chete wokuita basa iro Jesu Kristu akagovera kuvateveri vake.

Pakuvamba saJuly 1879, apo chinyorwa chokutanga chimene cheNharireyomurindi chakabudiswa, chaiva nechiziviso chaitaura kuti avo vari varombo zvikuru zvokusagona kuripira kuzvinyoresa (panguva iyoyo 50¢, U.S., pagore) vaigona kuva nayo pachena kana vaizongonyora bedzi kuti vakumbire. Vavariro huru yakanga iri yokubetsera vanhu kudzidza pamusoro pechinangwa chikuru chaJehovha.

Nokuda kwechinangwa ichocho, kubvira muna 1879 zvitsama zvikuru zvamabhuku eBhaibheri zvakaparadzirwa kuvanhu pasina muripo. Muna 1881 napashure pacho, makopi anenge 1 200 000 eFood for Thinking Christians akaparadzirwa pachena. Akawanda aiwaya akanga ari muchimiro chebhuku rine mapeji 162; mamwe, muchimiro chepepanhau. Maturakiti mazhinji oukuru hwakasiyana-siyana akabudiswa mukati mamakore akatevera. Mazhinjisa aiwaya (mazana chaiwoiwo emamiriyoni amakopi) akaparadzirwa pasina muripo. Nhamba yematurakiti nezvimwe zvinyorwa zvakapiwa yakaramba ichiwedzera. Muna 1915 moga, mushumo wakaratidza kuti makopi 50 000 000 amaturakiti mumitauro 30 akagoverwa kuti aparadzirwe munyika yose pasina muripo. Mari yaikoku kwose yakanga iri kubva kupi? Zvikurukuru mumipiro yokuzvidira kuMari yeSosaiti Yamaturakiti.

Kwakanga kunewo mabhuku akagoverwa nokuda kwomupiro mukati memakumi emakore apakuvamba enhau yeSosaiti, asi mupiro wakakarakadzwa waichengetwa wakaderera sezvinobvira. Aya mabhuku aibatanidza mabhuku makuru ane mapeji 350 kusvikira ku744. Apo macolporteur eSosaiti (seizvo vaparidzi venguva yakazara vaizivikanwa panguva iyoyo) akapa iwaya kuvanhu, akataura chitsama chinokarakadzwa somupiro. Vavariro yawo, zvisinei, yakanga isati iri yokuwana mari asi kugovera vanhu zvokwadi dzeBhaibheri dzinokosha. Aida kuti vanhu varave mabhuku ndokubetserwa nawo.

Vakanga vachidisa zvikuru kwazvo kupa munhu mabhuku (vachiita mupiro wawo ivo vamene) kana saimba akanga ari murombo. Asi kwakanga kwacherekedzwa kuti vanhu vakawanda vakanga vachida zvikuru kurava chinyorwa kana vakapa chimwe chinhu nokuda kwacho, uye chavaipa chaigona, chokwadika, kushandiswa kudhinda mamwe mabhuku. Bva, kusimbisa idi rokuti Vadzidzi veBhaibheri vakanga vasati vari kutsvaka mhindu yemari, pepa remirayiridzo yebasa reSosaiti, Bulletin, raOctober 1, 1920, rakati: “Mazuva gumi pashure pokunge wagovera bhukwana [riye raiva nemapeji 128], shanyirazve vanhu vacho ndokuwana kana vakarirava. Kana vasina, kumbira kuti vadzorere bhuku racho ndokuvadzorera mari yavo. Vaudze kuti hausati uri mutengesi wamabhuku, asi kuti unofarira kupa iri shoko renyaradzo nomufaro kumunhu ari wose, uye kuti kana vasingafariri zvakakwana idi rinosanova nechokuita navo . . . , unoda kugovera bhuku racho kumumwe munhu achafarira.” Zvapupu zvaJehovha hazvina kupfuurira kushandisa mutoo iwoyo, nokuti zvakawana kuti mimwe mitezo yemhuri pane dzimwe nguva inonhonga bhuku racho ndokubetserwa naro; asi zvaiitwa shure panguva iyoyo zvinosimbisa chinangwa chaichoicho cheZvapupu.

Kwamakore akawanda zvakanongedzera kukuparadzira kwazvo mabhuku so“kutengesa.” Asi iri shoko rakasakisa vhiringidziko, uye naizvozvo kuvamba muna 1929, rakaregwa zvishoma nezvishoma. Shoko racho rakanga risingakodzeri chaizvoizvo mubato wazvo, nokuti basa razvo rakanga risati riri rokutengesa. Chinangwa chazvo chakanga chisati chiri chokuwana mari. Vavariro yazvo yose yakanga iri yokuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Nemhaka yaikoku, muna 1943 Dare Gurusa reUnited States yakarangarira kuti Zvapupu zvaJehovha zvaisagona kudikanirwa kuwana raisenzi yokutengesa zvisati zvaparadzira mabhuku azvo. Uye vatongi veCanada pashure pacho vakanokora mashoko nokutendera kurangarira kwakarongwa Dare Gurusa reUnited States muchisarudzo ichocho.b

Munyika dzakawanda Zvapupu zvaJehovha zvakagovera nguva dzose mabhuku azvo nomupiro. Mupiro unokarakadzwa wave wakaderera kwazvo, uchienzaniswa namamwe mabhuku namagazini, zvokuti vanhu vakawanda vakazvipira kupa wakawanda. Asi nhamburiko huru yakaitwa nesangano kuti richengete mupiro unokarakadzwa wakaderera kuti ugova unogonwa nemamiriyoni avanhu vane zvishomanene zvikuru zvezvinhu zvenyika ino asi vanoonga kugamuchira Bhaibheri kana kuti mabhuku eBhaibheri. Vavariro mukukarakadza mupiro, zvisinei, yave isati iri kupfumiswa kwesangano reZvapupu zvaJehovha.

Uko mutemo unotsanangura kuparadzirwa kupi nokupi kwamabhuku eBhaibheri sokutengesa kana muparadziri akakarakadza mupiro nokuda kwamabhuku acho, Zvapupu zvaJehovha zvinoasiyira nomufaro munhu upi noupi anoratidza fariro yapachokwadi ndokuvimbisa kuarava. Avo vanoda kupa chimwe chinhu kupfuuridzira basa redzidzo yeBhaibheri vangapa chipi kana chipi chavanoda. Ikoko kunoitwa, somuenzaniso, muJapan. MuSwitzerland, kutozosvikira misi ichangobva kupfuura iyi, mipiro yemabhuku yaigamuchirwa, asi kusvikira bedzi kuchitsama chakadudzwa; naizvozvo kana vanasaimba vaida kupa inopfuura, Zvapupu zvaingoidzorera kana kuti zvaigovera saimba mabhuku okuwedzera. Chishuvo chazvo chakanga chiri, kwete chokuunganidza mari, asi chokuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari.

Muna 1990, nemhaka yemhosva dzezvemari dzakaziviswa zvikuru mumamwe amarudzidziso echiKristudhomu, pamwe chete nechimiro chinowedzera chehurumende chokuronga mubato worudzidziso sebasa rokutengesa, Zvapupu zvaJehovha zvakaita chinjo dzakati mumubato wazvo kuti zvidzivise kusanzwisisa kupi nokupi. Mutumbi Unodzora wakarayira kuti muUnited States, mabhuku ose ayo Zvapupu zvinoparadzira—maBhaibheri, pamwe chete namaturakiti, mabhukwana, magazini, uye mabhuku makuru anotsanangura Bhaibheri—agoverwe kuvanhu kana bedzi vakabvuma kuarava, pasina mupiro unokarakadzwa. Mubato weZvapupu zvaJehovha hausati utongori wokutengesa, uye iyi gadziriro yakabatira kuzvisiyanisazve namapoka orudzidziso ayo anoita kuti rudzidziso ruve bhizimisi. Chokwadika, vanhu vazhinjisa vanoziva kuti kunoda mari kudhinda mabhuku akadaro, uye avo vanoonga basa riri kuitwa neZvapupu vangada kupa chimwe chinhu kubetsera basa racho. Kunotsanangurirwa vanhu vakadaro kuti basa romunyika yose redzidzo yeBhaibheri rinoitiswa neZvapupu zvaJehovha rinotsigirwa nemipiro yokuzvidira. Mipiro inogamuchirwa nomufaro, asi haisati ichikumbirwa.

Avo vanogoverana muushumiri hwomumunda havasati vari kukuita nokuda kwemhindu yemari. Vanopa nguva yavo, uye vanoripira kufamba kwavo vamene. Kana mumwe munhu akaratidza fariro, vanoronga kudzokera vhiki imwe neimwe, pasitongorina mutengo, kuti vape murayiridzo womunhu oga muBhaibheri. Kuda Mwari bedzi nevanhu biyavo kwaigona kuvasunda kupfuurira kupinda mumubato wakadaro, kazhinji kazhinji mukutarisana nokusakendenga nechishoro chakananga.

Mari inogamuchirwa padzimbahwe renyika reZvapupu zvaJehovha kana kuti pahofisi dzaro dzebazu inoshandiswa, kwete nokuda kwokupfumiswa kwesangano kana kuti munhu upi noupi, asi kupfuuridzira kuparidzwa kwamashoko akanaka. Shure muna 1922, Nharireyomurindi yakashuma kuti nemhaka yemamirire ezvemari muEurope, mabhuku aidhindwa imomo nokuda kweSosaiti aibhadharwa zvikurukuru nehofisi yokuAmerica uye kazhinji kazhinji akanga ari kusiyiwa ane vanhu pamari shomanene kupfuura mutengo wokugadzira mabhuku acho. Kunyange zvazvo Zvapupu zvaJehovha zvichishandisa nzvimbo dzokudhinda munyika dzakawanda, dzimwe nyika uko mabhuku anotumirwa hadzikwanisi kubudisa mari ipi neipi kunze kwenyika kuti dzibhadhare ndyiko. Mipiro yorupo yokuzvidira yeZvapupu zvaJehovha zviri munyika umo zvine pfuma yakakwana inobetsera kuripa kushayiwa munyika umo vane zvishomanene.

Watch Tower Society nguva dzose yakaedza kushandisa pfuma yose yainogona kushandisa kupfuuridzira kuparidzwa kwamashoko akanaka. Muna 1915, sapurezidhendi weSosaiti, Charles Taze Russell, akati: “Sosaiti yedu haina kutsvaka kuchengeta pfuma yapasi, asi, panzvimbo pezvo, yave iri sangano rinoshandisa mari. Chipi kana chipi icho Mwari akaita kuti chitumirwe pasina kukumbira takatsvaka kushandisa nenzira yokuchenjera sezvinobvira mutsinhirano neShoko noMudzimu zvaShe. Kare kare takazivisa kuti apo mari yaizoguma, mibato yeSosaiti yaizoguma nenzira inowirirana; uye kuti sezvo mari yaiwedzera, mibato yeSosaiti yaizowedzerwa.” Sosaiti yakapfuurira kuita izvozvo chaizvoizvo.

Kuburukira kunguva ino chaiyo, sangano rinoshandisa mari inowanika kutumira vatariri vanofambira kuti vasimbise ungano nokudzikurudzira muushumiri hwadzo hwapachena. Rinopfuurira kutumira vafundisi navakapedza kufunda veChikoro Chokurovedza Vashumiri kunyika kune kushayiwa chaiko. Inoshandisawo mari ipi kana ipi inowanika kutumira mapiyona chaiwo munharaunda uko kwakaitwa kuparidzirwa kushomanene kweshoko roUmambo kana kuti kuchigere. Sezvakashumwa mu1993 Yearbook of Jehovah’s Witnesses, mukati megore rebasa rakapfuura, $241 317 534,60 yakashandiswa munzira idzodzi.

Havasi Kubatira Nokuda Kwemhindu Yomunhu Oga

Hapana mhindu yemari inoitwa nemitezo ipi neipi yoMutumbi Unodzora, vakuru vakuru vamasangano aro apamutemo, kana kuti vamwe vanhu vakatanhamara vakabatanidzwa nesangano somugumisiro webasa reZvapupu zvaJehovha.

Pamusoro paC. T. Russell, uyo akabatira sapurezidhendi weWatch Tower Society kwemakore anopfuura 30, mumwe wavasonganiri vake akanyora, kuti: “Somutoo wokuziva nawo kana nzira yake yakanga iri mutsinhirano naMagwaro, uyewo somutoo wokuratidzira nawo uchokwadi hwake amene, iye akasarudza kuedza tendero yaShe sezvinotevera: (1) Kupa upenyu hwake kubasa; (2) Kuisa pfuma yake mukuziviswa kwebasa racho; (3) Kurambidza kuunganidzwa kwemari pamisangano yose; (4) Kutsamira pamipiro isingakumbirwi (yokuzvidira chose chose) kuti apfuuridzire basa pashure pokunge mari yake yapera.”

Panzvimbo pokushandisa mubato worudzidziso kuti vazviwanire vamene pfuma yokunyama, Hama Russell vakashandisa pfuma yavo yose mubasa raShe. Pashure porufu rwavo kwakashumwa muNharireyomurindi, kuti: “Ivo vakapa mari yavo yomunhu oga chose chose kubasa ravakapa upenyu hwavo kwariri. Ivo vakagamuchira chitsama chiduku che$11,00 pamwedzi nokuda kwendyiko dzavo dzomunhu oga. Ivo vakafa, vasingatongosiyi zvinhu kana kuti nzvimbo.”

Pamusoro peavo vaizopfuuridzira basa reSosaiti, Hama Russell vakataura muchido chavo chenhaka, kuti: “Kana kuri kuripa, ndinofunga kuti kuchenjera kuchengeta nzira yeSosaiti yomunguva yakapfuura pamusoro pemibhadharo—kuti pasave nomunhu anobhadharwa; kuti ndyiko dzine mufungo chete dzitenderwe kuavo vanobatira Sosaiti kana kuti basa rayo mumutoo upi noupi.” Avo vaizobatira pamisha yeSosaiti yeBheteri, hofisi, uye mafekitari, pamwe chete navamiriri vayo vanofambira, vaifanira kugoverwa chete zvokudya, pokugara, uye chitsama chiduku chendyiko—chakakwana nokuda kwezvinodikanwa zvapakarepo asi “hapana gadziriro . . . yokuunganidza mari.” Mupimo mumwe chetewo unoshanda nhasi.

Avo vanogamuchirwa nokuda kwebasa chairo renguva yakazara padzimbahwe renyika reZvapupu zvaJehovha vose vanobvuma mhiko yourombo, sezvakaita mitezo yose yoMutumbi Unodzora nemimwe mitezo yose yemhuri yeBheteri ikoko. Ikoku hakusati kuchireva kuti vanorarama upenyu husina mufaro, husina zvinofadza zvipi nezvipi. Asi kunoreva kuti vanogoverana, pasina rusaruro, gadziriro dzine mwero dzezvokudya, pokugara, uye kuripira ndyiko dzinoitirwa vose vari mubasa rakadaro.

Nokudaro sangano rinopfuuridzira basa raro nokutsamira kwakakwana pabetsero iyo Mwari anopa. Pasina kumanikidza asi souhama hwomudzimu chaihwoihwo hunopinda mumativi ose apasi, Zvapupu zvaJehovha zvinoshandisa nomufaro pfuma yazvo kuita basa iro Jehovha, Baba vazvo mukuru wokudenga, akazvipa kuti zviite.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona Nharireyomurindi yechiNgezi, September 1, 1944, peji 269; December 15, 1987, mapeji 19-20.

b Murdock v. Commonwealth of Pennsylvania, 319 U.S. 105 (1943); Odell v. Trepanier, 95 C.C.C. 241 (1949).

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 340]

“Kukumbirwa kwemari hakubvumirwi kana kuti zvimwe kutenderwa neiyi Sosaiti”

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 342]

Simbiso huru iri paukoshi hwokugoverana zvokwadi navamwe

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 343]

Kutaurwa kwakajeka, kwokutendeseka kwamaidi

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 344]

Ungano dzinobetserana kuwana Horo dzoUmambo dzinodikanwa

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 345]

Mizhinjisa yemipiro inobva kuvanhu vane pfuma ine mwero bedzi

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 348]

Mabhuku akawanda anoparadzirwa pasina muripo—ndiani anobhadhara?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 349]

Zvinosiya nomufaro mabhuku aine ani naani anoratidza fariro yapachokwadi uye anovimbisa kuarava

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 350]

Chii chinoitwa nemari inopiwa?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 351]

“Ivo vakapa mari yavo yomunhu oga chose chose kubasa ravakapa upenyu hwavo kwariri”

[Bhokisi riri papeji 341]

Mwari Haakumbiri

“Iye uyo akati, ‘Kana ndaiva nenzara handizaikuudza iwe, nokuti nyika ndeyangu nezvaizere nazvo. . . . Handingatori nzombe paimba yako, kana nhongo dzembudzi pazvirugu zvako; nokuti mhuka dzose dziri kudondo ndedzangu, nemombe pamakomo ane chiuru chamazana’ (Pis. 50:12, 9, 10), anokwanisa kupfuuridzira basa rake guru asingakumbiri mari munyika kana kuti zvimwe kuvana vake. Uyewo iye haasati achizomanikidza vana vake kubayira chinhu chipi nechipi mubasa rake, uyewo haasati achizogamuchira chinhu chipi nechipi chinobva kwavari kunze kwokupa kwomufaro, kwokuzvidira.”—“Zion’s Watch Tower,” September 1886, p. 6.

[Mufananidzo uri papeji 347]

Mipiro Yakanga Isati Iri Muchimiro Chemari Nguva Dzose

Zvapupu zviri kure kuchamhembe kweQueensland zvakagadzirira ndokutumira kunzvimbo yaivakwa yeWatch Tower muSydney, Australia, mapuranga akatakurwa namaturera mana ane mavhiri eshure ayo panguva iyoyo aiva noukoshi hwaifungidzirwa kuva pakati peA$60,000 neA$70,000.

Apo fekitari yeWatch Tower paElandsfontein, South Africa, yakanga iri kukudzwa, hama yokuIndia yakaridza runhare ndokukumbira kuti ndapota torai mupiro wamabhegi 500 (makirogiramu 50 rimwe nerimwe) esimende—panguva apo kwakanga kune kuperevedza kwayo munyika macho. Vamwe vakapa marori avo kuti ashandiswe neSosaiti. Imwe hanzvadzi yechitema yakabhadhara femu kuti iendese makiyubhikimita 15 ejecha rokuvakisa.

MuNetherlands apo zvivako zvitsva zvebazu zvakanga zviri kuvakwa paEmmen, zvitsama zvikuru zvematurusi nezvipfeko zvapabasa zvakapiwa. Imwe hanzvadzi, kunyange zvazvo yakanga ichirwara zvikuru, yakarukira masokisi eshinda mumwe nomumwe wavashandi mukati menhambo yomwaka wechando.

Kuvaka hofisi yebazu itsva neimba yokudhindira inobvira kuLusaka, Zambia, zvinhu zvokuvakisa zvakatengwa nemari yakagoverwa neZvapupu zviri mune dzimwe nyika. Zvinhu nematurusi zvakanga zvisingawaniki munzvimbomo zvakapinzwa nemarori muZambia semipiro kubasa imomo.

Chimwe Chapupu muEcuador, muna 1977, chakapa maeka 84 enzvimbo. Pano pakavakwa Horo yeGungano nechivako chebazu chitsva.

Zvapupu zvomunzvimbomo muPanama zvakazarura misha yazvo kuti zvigovere pokugara vashandi vanozvipira; zvimwe zvaiva namabhazi zvakagovera chokufambisa; zvimwe zvakagoverana mukugovera zvokudya 30,000 izvo zvaigoverwa panzvimbo yokuvaka.

Nokuda kwavashandi pabasa muArboga, Sweden, imwe ungano yakabheka mabhanzi 4 500. Dzimwe dzakatumira uchi, michero, uye jamu. Mumwe murimi ari pedyo nenzvimbo yaivakwa, kunyange zvazvo asiri Chapupu, akagovera matani maviri ekerotsi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe