Unotsigirwa Nemari Yemipiro Yokuzvidira
Mubato wose watorondedzerwa unotsigirwa navashandi vanokuzvipira, nenzira iyeyo kunoita kuti ndyiko dzirambe dzakaderera. Ushumiri hwapaimba neimba nokugoverwa kwamabhuku unoitwa nomutoo wokuzvidira neZvapupu zvaJehovha. Zvinoripira nokuda kwendyiko dzazvo zvimene. Vakuru vanotarisira ungano, vachibetserwa navabatiri vanoshumira, havagamuchiri muripo nokuda kwamabasa avo. Vanoripira ndyiko dzavo dzose vamene.
Kunyange mitezo yoMutumbi Unodzora navamwe vanoshanda munguva yakazara mukugadzirirwa nokubudiswa kwamaBhaibheri namabhuku eBhaibheri vanogamuchira bedzi kamuri ravo nezvokudya nemari inoripirwazve shoma yokuripira ndyiko. Ndozvakwakaitawo kuvatariri venguva yakazara vanofambira.
Mabhuku edu anobudiswa kuti ayamure vanhu vanoratidza fariro yapachokwadi muBhaibheri. Ndyiko huru dzezvinhu zvokushandisa, kubudiswa, uye kutumirwa kwamabhuku zvinofukidzwa nemipiro yokuzvidira inoitwa navanhu vanofarira uye inowedzerwa nemipiro, zvido zvenhaka, uye zvichingunodaro, zvinoitwa neZvapupu zvaJehovha.
Pamisangano yose yeZvapupu zvaJehovha, kunyange yomunzvimbomo kana kuti pamagungano, pana mabhokisi emipiro anowanikwa nokuda kwaavo vanoshuva kuita mipiro. Hapana kandiro komupiro kanofambiswa. Hapana miripo kana kuti zvegumi zvinotofanira kuripirwa. Sezvakaziviswa muMagwaro, munhu mumwe nomumwe anogona kupira sezvaakatema mumwoyo make.—2 VaKorinte 8:12; 9:7.
• Ko mubato wose weZvapupu zvaJehovha unotsigirwa sei mune zvemari?