RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g03 12/8 pp. 17-18
  • Zvokudya Zvinobva Mubindu Rako Pachako

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvokudya Zvinobva Mubindu Rako Pachako
  • Mukai!—2003
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhuri Inozviita
  • Kutanga
  • Rima Bindu Rako!
  • Kuda Kwedu Bindu
    Mukai!—1997
  • Kunzvera Mamwe Mapindu Akakurumbira
    Mukai!—1997
  • Bindu Rakaisvonaka
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Nzira Shanu Dzekunatsiridza Nadzo Unaku Hweupenyu Hwako
    Mukai!—1998
Ona Zvimwe
Mukai!—2003
g03 12/8 pp. 17-18

Zvokudya Zvinobva Mubindu Rako Pachako

NOMUNYORI WEMUKAI! MUCENTRAL AFRICAN REPUBLIC

MUNYIKA dzakawanda, chinoita kuti vanhu vazvidye mwoyo mazuva ose ndechokuti vachawana sei zvokudya zvokuti vape mhuri dzavo. Mutengo wepamusoro wemiriwo yenguva dzose unoita kuti zviome kwazvo kupa mhuri chokudya. Kunyange zvakadaro, vamwe vakawana nzira iri nyore—kuzvirimira zvimwe zvokudya zvavo!

Ungangodaro uchida kutanga kurima kabindu kako pachako. Chokwadi, pangave pasina nzvimbo yakakura pamusha pako, asi dzimwe nguva pane nzvimbo iri pedyo yaungagona kuronga kurima. Funga nezvemari yose yaungachengetedza nokurima kudya kunonaka uye kune utano! Kurima bindu kunogona kutova nzira yokurovedza nayo muviri kunokosha kwazvo. Bindu rinogonawo kuva basa remhuri richafadza vana vako zvikuru. Zvechokwadi, kurima bindu romuriwo kunodzidzisa. Kunotidzidzisa unhu hwakadai sokushivirira. (Jakobho 5:7) Uyezve, kuona zvinhu zvichikura kunogona kukuswededza pedyo noMusiki wezvinhu zvose zvakanaka.—Pisarema 104:14.

Asi usafunga kuti kurima zvokudya zvako kuchangoitika pasina kushanda kana kuti uchaona zvibereko nokukurumidza. Zvisinei, nokutsunga nekaruzivo zvishoma, unogona kubudirira!

Mhuri Inozviita

Ngatitore somuenzaniso Timothée naLucie—murume nomudzimai vechiKristu vane vana vaviri vanogara muBangui, guta guru reCentral African Republic. Vakawana kuti kutanga kurima bindu ravo yakanga iri nzira inobatsira uye inofadza yokuwedzera nayo mari yavo shoma.

Lucie paakanga ava nemakore 13, airima kabindu kaduku pedyo nepamba pavo, achishanda imomo abva kuchikoro nepakupera kwevhiki. Zvaimufadza kuona richikura. Zvisinei, kwakazoti kwapera makore, ndipo paakafunga kutanga kurima bindu remhuri yake. Akaronga kushandisa munda waiva pedyo wakanga uchirasirwa marara. Lucie akaona kuti waigona kubudisa chimwe chinhu. Pane kuparadza ivhu, kuora kwemarara aya kwemakore kwakanga kwagadzira ivhu rinokosha nokuda kwokurima zvokudya. Lucie naTimothée vakasarudza kuchinja munda iwoyo kuva bindu rinokudza muriwo zvakanaka.

Kutanga

Zvisinei, kutanga vaifanira kumbotsvakurudza mashoko. Vakataura nevamwe vaiziva nezvokurima muriwo ndokunyatsoteerera. Sezvo nzvimbo yacho yaida kudiridzwa, vakatodzidza kuti vangachera sei tsime ravo. Kuverenga mabhuku pamusoro pokurima bindu kwakabatsirawo chaizvo.

Vakaverenga nezvokudyidzana kwezvirimwa, uye vakadzidza kuti zvimwe zvirimwa zvinobatsirana kuti zvirarame. Zvisinei, zvimwe zvirimwa zvinotokanganisa kukura kwezvimwe. Vamwe vanotaura kuti makerotsi, nemadomasi ishamwari dzakanaka mubindu romuriwo. Saizvozvo, kudyara celery necauliflower pamwe zvinobatsira zvose zviri zviviri. Uye dhiri i“shamwari” yepizi, magaka, lettuce, nehanyanisi. Zvisinei, lettuce yegirini neparsley hazvifambirani. Hanyanisi dzichakanganisa bhinzi dzegirini nepizi. Apo zvirimwa zvinenge zvisingawirirani, hazvisimbi uye hazvitani kurwiswa notupukanana nezvipembenene zvinokuvadza.

Timothée naLucie vakadzidzawo kuti kwakanga kusiri kuchenjera kurima chirimwa chimwe panzvimbo imwe. Kana chaizorwiswa notupukanana kana kuti chirwere, vaigona kurasikirwa nezvose. Kudyara zvirimwa zvemarudzi akasiyana-siyana zvakanyatsosarudzwa kwakavabatsira kuderedza ngozi iyoyo. Makwenzi nemaruva aiwedzera ruvara, upenyu, norunako rwebindu ravo romuriwo uye aikwezva nyuchi nezvimwe zvipembenene zvinokosha pakubatsira kuti bindu rirambe rakanaka.

Vaviri ava vakawanawo nzira dzokusashandisa nadzo mishonga yokufafaidza ine chepfu pazvirimwa zvavo. Vakadzidza kuti kungodyara gariki kunogona kubatsira kudzinga zvimwe zvipukanana mubindu.a

Zvaida kushanda zvakaoma nokushivirira, asi nhasi Timothée naLucie vane bindu rinokudza muriwo zvakanaka. Rine makabheji, parsely, madomasi, makerotsi, magaka, nemaeggplants—dzimwe nguva zvakawanda kupfuura izvo mhuri inogona kudya!

Rima Bindu Rako!

Zvisinei, hamusi muAfrica bedzi umo vanhu vakaona kubatsira kwazvinoita kuva nebindu ravo pachavo. Somuenzaniso muGermany, mune zviminda zvemapindu omumaguta zvinopfuura miriyoni. Dzimwe nguva zvinonzi Schrebergaerten (rakabva pazita rachiremba wokuGermany Daniel Schreber), zvimapindu zvacho zviminda zvidiki zviri pamwe chete (pakati pe200 kusvika 400 sq m) zvinorendeswa kuvanhu vanogara muguta. Maererano nomumwe mutsvakurudzi, zvimapindu zviduku izvi “zvinoita basa rinokosha rokubudisa michero ichangotanhwa uye miriwo.” Mapindu aya anoshandawo sezvidimbu zve“paradhiso” kuvaridzi vawo—nzvimbo yokushanda nokuzororera.

Bhaibheri rinopikira kuti rimwe zuva nokukurumidza, pasi rose richava bindu—paradhiso yechokwadi. (Ruka 23:43) Zvisinei, panguva ino, zvimwe unogona kuwana kamunda wova nomufaro wokuzviwanira zvokudya mukabindu kako pachako.

[Mashoko Omuzasi]

a Nokuda kwemamwe mazano okubvisa zvipukanana mubindu pasina kushandisa mishonga, ona nyaya inoti “Gardening the Organic Way,” mumagazini yeMukai! yeChirungu yaMarch 22, 2002.

[Mufananidzo uri papeji 18]

Timothée naLucie vachichera mvura yebindu remhuri yavo

[Mufananidzo uri papeji 18]

Kamunda kebindu muMunich, Germany

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe