RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g97 4/8 p. 3
  • Kuda Kwedu Bindu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuda Kwedu Bindu
  • Mukai!—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mapindu Anogona Kusimudzira Utano
  • Kunzvera Mamwe Mapindu Akakurumbira
    Mukai!—1997
  • Zvokudya Zvinobva Mubindu Rako Pachako
    Mukai!—2003
  • Bindu Rakaisvonaka
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mwari Anoronga Kuti Munhu Afarikanye Upenyu muParadhiso
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
Ona Zvimwe
Mukai!—1997
g97 4/8 p. 3

Kuda Kwedu Bindu

UNOFARIRA runyararo rwebindu rakaisvonaka soutiziro kubva muruzha, uye mutoo woupenyu unochinja-chinja here? Mapaki akanyarara netsangadzi dzawo, maruva, miti ine bvute, uye zvidziva imhoteredzo dzaunoda nokuda kwepikiniki nemhuri yako kana kuti kufamba-famba neshamwari here? Hungu, bindu rinofadza, rinozorodza, rine rugare, uye kunyange kurapa sei!

Kunyange zvazvo vamwe vangasada kutarisira bindu, zvimwe nemhaka yokushaya nguva, tose zvedu tinofadzwa nemavara ebindu, kunhuwira, kurira, uye michero. Thomas Jefferson—mugadziri wemapurani ezvivako, wezvesayenzi, gweta, muvambi wezvinhu, uye purezidhendi weUnited States—aida bindu. Akanyora kuti: “Hapana basa rinondifadza zvikuru sokurima pasi. . . . Ndichakazvitsaurira kubindu. Asi kunyange zvazvo ndava harahwa, ndichingori mutarisiri webindu muduku.”

Murangariro wake une vazhinji. Gore rimwe nerimwe mamiriyoni avashanyi anodirana achienda kumapindu akakurumbira enyika—Kew Gardens (Royal Botanic Gardens), muEngland; mapindu ari muKyoto, Japan; mapindu eImba Youmambo yeVersailles, muFrance; Longwood Gardens, muPennsylvannia, U.S.A., kungodudza mashomanene. Nyika zhinji dzinewo nzvimbo dzeguta umo misha, yakavakwa pedyo nemigwagwa ine miti mumucheto, yakapoteredzwa nemakwenzi, miti, uye kujeka kweruvara rwemaruva—separadhiso duku.

Mapindu Anogona Kusimudzira Utano

Kwakacherechedzwa kuti apo vanhu vanoramba vari mumhoteredzo yomusikirwo, utano hwavo hungava huri nani, kunyange zvazvo kuvamo kusiri kunopfuura kuona maruva, miti, makwenzi, uye shiri napawindo. Ikoku kwakaparira chipatara cheNew York City kuita bindu padenga racho. “Kwakagamuchirwa nomufaro mukuru,” akadaro mumwe mukuru mukuru wechipatara. “Kwave kuri chinowedzera mufaro nokuda kwevose vari vaviri varwere nevashandi. . . . Tinokuona kuchiva nebviro dzokurapa dzakawanda.” Zvirokwazvo, nzvero dzinoratidza kuti vanhu vanogona kubetserwa mumuviri, mundangariro, uye mumirangariro kupfurikidza nokudyisa pfungwa dzavo pachisiko.

Uyezve, munhu anoda zvinhu zvemudzimu anganzwa ava pedyo zvikuru naMwari paanenge ari pakati pebasa ramaoko Ake. Urwu rutivi rwebindu runogona kurondwa kudzokera shure kubindu rokutanga chairo repasi pano, Bindu reEdheni, umo Mwari akatanga kukurukura nomunhu.—Genesi 2:15-17; 3:8.

Kuda bindu ndekwemunyika yose. Uye ikoku, sezvatichaona, kwakatanhamara. Tisati takurukura rutivi irworwo, zvisinei, tinokukumbira “kufamba” mumapindu mashomanene enhau kuti uone kuti chishuvo cheParadhiso chikuru sei chaizvoizvo mumwoyo yavanhu vose.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe