Munhu Anotevedzera Zvakaitwa noMusiki
Zvinogoneka sei kuti magirobhu emagetsi akatetepa sepepa haapwanyiki paanotsikirirwa nesimba achipfekerwa panzvimbo yawo? Maererano nerimwe bhuku rinonzi How in the World?, chinoita kuti zvidaro magadzirirwo egirobhu racho, iro rakafanana ne“zai.” Kunyange zvazvo mateko ezai ari matete chaizvo, mazai haapwanyiwi nouremu hweshiri hadzi painoararira. Zvinodaro nokuti chimiro chezai chinoita kuti pave nesimba rinogona kumirisana nokuremerwa uku. (Mateko akakora angasabvumira nhiyo kuti ichochonye ichibuda.) Vachitevedzera magadziriro oMusiki, vakagadzira magirobhu emagetsi akaita sezai kuitira kuti kana akabatwa, simba “rinopfuudzwa kuenda kumativi ose kubva panenge pakabatwa nokuurungana kwegirazi.” Nokudaro, kufanana nezai, kuremerwa hakuendi panzvimbo imwe, uye girobhu haripwanyiki. Vanhu vakadzidza zvakawanda nokudzidza zvakasikwa!