RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g98 6/8 pp. 18-20
  • Nzira Shanu Dzekunatsiridza Nadzo Unaku Hweupenyu Hwako

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nzira Shanu Dzekunatsiridza Nadzo Unaku Hweupenyu Hwako
  • Mukai!—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nhamba 1: Rima Bindu
  • Nhamba 2: Tenga Zvakawanda
  • Nhamba 3: Dzidza Unyanzvi Hwekuchengetedza Zvekudya
  • Nhamba 4: Edza Kupfuya Pamwero Muduku
  • Nhamba 5: Chengetedza Utsanana Hwakanaka
  • Utsanana—Nei Huchikosha?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Zvokudya Zvinobva Mubindu Rako Pachako
    Mukai!—2003
  • Unogona Sei Kutarisira Mhuri?
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
  • Zvaungaita Kuti Uve Noutano
    Mukai!—2015
Ona Zvimwe
Mukai!—1998
g98 6/8 pp. 18-20

Nzira Shanu Dzekunatsiridza Nadzo Unaku Hweupenyu Hwako

YAKANYORWA NEMUNYORI WEMUKAI! MUCENTRAL AFRICAN REPUBLIC

KUKWIRA kwemitengo, chirwere, kushaya zvokudya zvinovaka muviri, urombo—zvinetso izvi zvakapararira munyika dzichiri kusimukira. Uye hapana mhinduro yekukurumidza iri kuoneka, nemaonere emunhu. Kana uchigara munyika ichiri kusimukira, pane chipi nechipi chaunogona kuita kunatsiridza unaku hweupenyu hwako here? Hongu, chiripo! Zvinotevera zvikarakadzo zvishanu zvaungawana kuva zvinobatsira uye zvinoshanda.

Nhamba 1: Rima Bindu

“Unorima munda wake, uchava nezvokudya zvizhinji,” rinodaro Bhaibheri pana Zvirevo 28:19. Zvirokwazvo, zvingakushamisa kuona kuwanda kwezvinhu zvinogona kuitwa nekabindu. Mubhuku rake Le jardin potager sous les tropiques (Bindu Munzvimbo Dzinopisa Dzepasi), munyori Henk Waayeberg anotaura kuti bindu rakakura 50 kusvika ku100 square meters rinogona kuita miriwo yakakwana kudyisa mhuri yevatanhatu!

Kupedzerei mari yako pazvinhu zvaunogona kurima pachako? Zvichitsamira paivhu nemamirire ekunze enzvimbo, zvingabvira kurima zvinhu zvakadai sederere, mhiripiri, spinachi, parsley, lemongrass, hanyanisi dzegirini, mufarinya, manhanga, mbambaira, nzimbe, matomati, magaka, uye chibage pedyo chaipo nemba yako. Chaizvoizvo, bindu rakadaro rinogona kuwedzera zvekudya zvemhuri yako, uye ungatova nezvimwe zvemuraudzo zvaunogona kutengesa.

Kana une nzvimbo yakakwana, ungafungawo nezvekudyara miti yakasiyana-siyana yemichero. Mune zvimwe zvinoitika, muti mumwe chete wemichero unogona kubereka michero yakawanda kupfuura iyo iwe nemhuri yako munogona kudya. Kudzidza nezvekuita manyowa—muitiro wekutenderedza zvinhu zvakafa ndokuzvishandisa sefetireza—kuchakubatsira kuvandudza uwandu hwezvokudya zvako. Miti inogona kuita zvinopfuura kuitira mhuri yako zvokudya uye mari yemuraudzo. Miti yakadyarwa pakanaka inogonawo kupa mumvuri, kuchenesa mhepo, uye kuita kuti mhoteredzo yako ive yakanaka zvikuru neinofadza.

Zvakadini, kunyange zvakadaro, kana uchiziva zvishomanene pamusoro pekurima bindu? Une shamwari, vavakidzani, kana kuti vazivikanwi vane ruzivo rwekuzviwanira munhau iyi here? Ipapo kuregererei kuvabvunza nokuda kwerubatsiro kana kuti zano? Zvingabvirawo kuti utenge kana kuti kukumbira mabhuku ezvekurima bindu.—Ona nyaya inoti “Why Not Grow a Vegetable Garden?” iri muchinyorwa cheMukai! yechiNgezi yaMay 22, 1974.

Nhamba 2: Tenga Zvakawanda

Unotenga zvinhu zvinokosha zvakadai sefurawa, mupunga, uye mafuta zviri zvishoma here? Kana zvakadaro, ungave uri kupambadza mari yako yokushandisa. Panzvimbo pezvo, kana zvichitongobvira, edza kutenga zvinhu zvekudya zvakadaro zvakawanda, uchigoverana ndyiko dzacho nemhuri mbiri, nhatu, kana kuti dzinopfuura. Kutenga zvakawanda kunogonawo kuchengetedza mari painenge iri nguva yemimwe michero kana kuti miriwo. Mune zvimwe zvinoitika, ungatokwanisa kutenga zvinhu nehorosero.

Nhamba 3: Dzidza Unyanzvi Hwekuchengetedza Zvekudya

Kutenga zvinhu zvakawanda kunomutsa mubvunzo wemachengeterwe ezvinhu zvisingatani kuora. Kuomesa zvekudya ndeimwe nzira yakapararira uye inoshanda. Nhamba huru yevakadzi muAfrica inorarama nekuomesa michero, derere, bhinzi, squash, mhodzi dzemanhanga, uye zvokurungisa. Kuomesa hakudi midziyo chaiyo ipi neipi. Chinhu chacho chinogona kuiswa pakachena kana kuti kuturikwa, zvichida chakafukidzwa nejira dete kudzivirira nhunzi. Mhepo nezuva zvichaita zvasara.—Ona nyaya inoti “Can You Get By for Less?” iri muchinyorwa cheMukai! yechiNgezi yaAugust 8, 1975.

Nhamba 4: Edza Kupfuya Pamwero Muduku

Zvinobvira here kuti uchengete huku dzako pachako, mbudzi, hangaiwa, kana kuti dzimwe mhuka? Munzvimbo dzakawanda nyama yava chinhu cheumbozha. Asi uchibatsirwa zvishoma nevamwe, unogona kudzidza kuchengeta boka duku remhuka. Unofarikanya kudya hove here? Naizvozvo, ungaedza kudzidza kuita dziva rehove duku. Nyama, mazai, uye hove zvine iron, calcium, mavhitamini, mamineral, uye puroteni—zvinokosha kuutano hwemhuri yako.

Nhamba 5: Chengetedza Utsanana Hwakanaka

Utsanana hunokoshawo kuutano hwemhuri yako. Mamiriro ezvinhu asina kuchena anokwezva makonzo, nhunzi, uye mapete—zvinoparira marudzi ose ehosha. Kuchengetedza utsanana hwakanaka kuchada nguva yako nenhamburiko. Asi mutengo werucheno wakaderera kupfuura mutengo wemishonga nemabhiri achiremba. Mipimo yerucheno ingasiyana kuukuru hwakati kumunhu nemunhu uye kunyika nenyika. Zvisinei, kune nheyo shomanene dzinokosha dzinoshanda kwese.

Rangarira, somuenzaniso, zvimbudzi. Mumaruwa izvi zvinowanzoregwa zvine tsvina uye zvakasakara uye panobva kurwara nehosha zvikurusa. Vashandi vezvoutano vemunzvimbomo vangakwanisa kukugovera mirayiridzo pamusoro pemavakirwe echimbudzi chine utsanana pamutengo muduku zvikuru.

Zvakadini nemba yako pachayo? Yakashambidzika uye inotsvairwa zvakanaka here? Inonhuhwirira kuchena here? Zvakadini nekicheni yako? Yakarongedzwa uye yakachena here? Zvokudya zvinofanira kuva zvakachena uye zvakabikwa zvakanaka kuti zvive zvine utano. Majemusi nezvisvetaropa zvakazara mumvura ine tsvina. Naizvozvo sefa kana kuti vidza mvura usati waishandisa. Dzumburudza midziyo yekudyira nemvura inopisa, uye nyatsogeza maoko ako usati wabata zvekudya. Chengeta mvura mumidziyo yakachena, yakavharwa.

Imbwa, katsi, huku, uye mbudzi hazvifaniri kubvumirwa kufamba-famba mukicheni—kwete kana uchida kuchengetedza mamiriro ezvinhu eutsanana. Uyewo makonzo nembeva hazvifaniri kuregwa zvichimhanya pamusoro pemapoto nemapani, ane zvekudya zvako. Chikirimbani chingapedza chinetso chacho.—Ona “Meeting the Challenge of Cleanliness,” iri muchinyorwa cheMukai! yechiNgezi yaSeptember 22, 1988.

Pakupedzisira, Umambo hwaMwari bedzi ndihwo huchapedza zvakazara zvinetso zvose zverudzi rwemunhu. (Mateo 6:9, 10) Pari zvino, zvisinei, zvikarakadzo izvi zvakapfava zvingakubatsira kunatsiridza unaku hweupenyu hwako.

[Mufananidzo uri papeji 18]

Rima bindu

[Mufananidzo uri papeji 19]

Tenga zvakawanda

[Mufananidzo uri papeji 19]

Dzidza unyanzvi hwekuchengetedza zvekudya

[Mufananidzo uri papeji 20]

Edza kupfuya pamwero muduku

[Mufananidzo uri papeji 20]

Chengetedza utsanana hwakanaka

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe