RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g03 6/8 pp. 30-32
  • Ndingabata Sei Nezvinetso Zvokurerwa Nevabereki Vasiri Vangu?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndingabata Sei Nezvinetso Zvokurerwa Nevabereki Vasiri Vangu?
  • Mukai!—2003
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Vabereki Vangu “Chaivo” Here?
  • Kudza Baba Vako Naamai
  • Kusimbisa Ukama Hwako Nevabereki Vokurera
  • Simbisa Ukama Hwako naBaba Vako Vokudenga
  • Kurera Mwana Asiri Wako Ndinokurangarira Sei?
    Mukai!—1996
  • Nei Ndakaita Zvokurerwa Nevabereki Vasiri Vangu?
    Mukai!—2003
  • “Vana, Teererai Vabereki Venyu”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Kurera Mwana Asiri Wako Ndekwako Here?
    Mukai!—1996
Ona Zvimwe
Mukai!—2003
g03 6/8 pp. 30-32

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Ndingabata Sei Nezvinetso Zvokurerwa Nevabereki Vasiri Vangu?

“Hapana kana zvandinoziva nezvevabereki vangu chaivo vakandibereka, uye ini zvinondigumbura.” —Barbara, ane makore 16.

“Handimbozivi kana kwandakaberekerwa chaiko kana kuti ndivanaani vaiva vabereki vangu vakandibereka. Dzimwe nguva ndinozvifunga usiku.”—Matt, ane makore 9.

“Pandinoitisana nharo nevabereki vangu, ndinofunga kuti zvichida vabereki vangu ‘chaivo’ vaizonzwisisa kuvapfuura. Hazvina kunaka kuti ndifunge saizvozvo, uye handina kubvira ndambovaudza zvandinofunga.”—Quintana, ane makore 16.

HAPANA mubvunzo—upenyu hwokuva mwana wokurerwa nevabereki vasiri vako hunogona kuva nezvinetso zvahwo. Vaduku vanoverengeka vanorwisana nemafungiro akafanana nearondedzerwa pamusoro apa. Vakawanda vanonetseka kuti vanofanira kutsvaka vakavabereka here, kana kuti upenyu hwaizofadza here vachigara navo. Uye izvi handizvo zvoga zvinovanetsa.

Munyaya yakapfuura yateverwa neino, takakurukura pfungwa shomanana dzisina kunaka idzo vamwe vaduku vanorerwa nevabereki vasiri vavo vanofunga kuti ndozvavari.a Kukunda pfungwa dzakadaro dzinoodza mwoyo kunokosha kuti uwane mufaro muupenyu somwana ari kurerwa nevamwe vabereki. Zvisinei, ndezvipi zvimwe zvinetso zvingavapo, uye ungatora sei matanho anobatsira kuzvikunda?

Vabereki Vangu “Chaivo” Here?

Jake ane makore gumi nematatu anotaura kuti aigarofunga amai vake vakamubereka. Izvozvo zvakakonzera zvimwe zvinetso nevabereki vake vaimurera. Anoyeuka kuti: “Pose pandaigumbuka ndaiti, ‘Nokuti hamusi amai vangu chaivo—ndosaka muchindiranga zvakadai!’”

Sezvaunogona kuona, Jake aifanira kunzwisisa uye kupindura mubvunzo unokosha wokuti: Ndiani aiva amai vake “chaivo”? Kana uri kurerwa nevabereki vasiri vako, ungave uchinetseka nomubvunzo mumwe chete uyu, zvikurukuru kana ukaona wava kufunga kana vabereki vako vakakubereka vaizokubata zvakanaka kudarika vokurera. Asi kubereka ndiko kwoga kunoita kuti vanhu vave vabereki “chaivo” here?

Amai vakarera Jake vakanga vasingafungi kudaro. Anoti: “Amai vangu vaiti, ‘Chokwadi, ndini, amai vako chaivo. Kunyange zvazvo una amai vakakubereka, pari zvino ndini amai vako chaivo.’” Vanhu vakuru pavanotora mwana mumusha wavo vobvuma kumupa pokugara, vomupa zvokudya, uye vorera mwana wacho, vachitarisira zvinodiwa nemwana uyu, chokwadi vanova vabereki vake “chaivo.” (1 Timoti 5:8) Zvingangove zvakadaro mumeso ezviremera zvenzvimbo yaunogara. Zvakadini nomumeso aMwari?

Chimbofunga nezveimwe nhoroondo inozivikanwa kwazvo munhau yomwana akarerwa nevabereki vaisava vake—iya yaJesu Kristu. Jesu akanga asiri mwanakomana akaberekwa naJosefa muvezi, asi Josefa akarera mwana uyu sewake chaiye. (Mateu 1:24, 25) Jesu paaikura, akapandukira chiremera chaJosefa here? Mukupesana neizvi, Jesu ainzwisisa kuti kwaiva kuda kwaMwari kuti ateerere baba vake vokurera. Jesu ainyatsoziva mutemo waJehovha waakanga apa vana vaIsraeri. Waiva mutemo upi iwoyo?

Kudza Baba Vako Naamai

Magwaro anoudza vaduku kuti: “Kudza baba vako naamai vako.” (Dheuteronomio 5:16) Shoko rokuti “kudza” rinowanzoshandiswa muBhaibheri kuratidza kuremekedza, uye kunzwa manzwiro anoita vamwe. Unogona kukudza vabereki vako vokurera nokuva nomutsa kwavari, kuremekedza kuva kwavo vabereki, kuteerera pfungwa dzavo, uye kugadzirira kuita zvose zvavanokukumbira.

Zvisinei, zvakadini nedzimwe nguva apo vabereki vako vokurera vanoita sevasinganzwisisi? Ichokwadi kuti izvozvo zvichaitika. Vabereki vose havana kukwana, zvisinei nokuti ndevokurera here kana kuti ndivo vakabereka. Kutadza kwavo kungaita kuti zviome chaizvo kuteerera. Uye hazvishamisi kuti, panguva dzakadaro, zvinoita sokunge unenge uchinyanya kufunga kuti uri mwana wokurerwa uye uchifunga kana izvozvo zvichiita kuti uteerere zvishoma. Asi ndozvazviri chaizvoizvo here?

Zvingakubatsira kufunga nezvaJesu. Yeuka kuti akanga akakwana. (VaHebheru 4:15; 1 Petro 2:22) Asi baba vake vokurera; kunyange naamai vake vakamubereka vakanga vasina kukwana. Saka, zvingangoita kuti pane nguva apo Jesu aikwanisa kuona paitadza vabereki vake. Akapandukira utungamiriri husina kukwana hwaJosefa somusoro kana nhungamiro yaMariya somubereki aikanganisa here? Kwete. Bhaibheri rinotiudza kuti Jesu zvaaikura, “akaramba achizviisa pasi” pevabereki vake.—Ruka 2:51.

Zvino iwe nevabereki vako vokurera pamunosiyana pakufunga, ungagutsikana kuti havana kururama. Zvisinei, unofanira kubvuma kuti hauna kukwanawo. Saka nguva dzose pane mukana wokuti iwe ungadaro uriwe wakanganisa. Pasinei nokuti ndiani akanganisa, kutevera muenzaniso waJesu haisi nzira yakanaka kwazvo here? (1 Petro 2:21) Kuita saizvozvo kuchakubatsira kuteerera. Asi panotova nechimwezve chikonzero chikuru chokuti uteerere vabereki vako.

Bhaibheri rinoti: “Imi vana, teererai vabereki venyu pazvinhu zvose, nokuti izvi zvinofadza zvikuru munaShe.” (VaKorose 3:20) Chokwadi, kuteerera kunoita kuti Baba vako vokudenga vafare. (Zvirevo 27:11) Uye vanoda kuti udzidze kuteerera nokuti vanoda kuti ufarewo. Shoko ravo rinokurudzira vaduku kuteerera, rowedzera richiti, “kuti zvikufambire zvakanaka uye ugare pasi pano kwenguva refu.”—VaEfeso 6:3.

Kusimbisa Ukama Hwako Nevabereki Vokurera

Kuva noukama hwakanaka nevabereki vako vokurera kunosanganisira zvakawanda kudarika kungovakudza nokuvateerera. Zvinotarisirwa kuti unoda musha une vanhu vane ushamwari uye vane rudo. Vabereki vako vokurera vane mutoro wokuti zvidaro. Asi unogona kuitawo zvimwe zvinokosha. Sei?

Chokutanga, tsvaka nzira dzokuti uve noukama hwepedyo nevabereki vako. Vabvunze nezvavo, upenyu hwavo, zvavanofarira. Vakumbire kuti vakupe mazano kana pane zviri kukunetsa, uchisarudza nguva yavanenge vakasununguka uye vachiteerera. (Zvirevo 20:5) Chechipiri, tsvaka nzira dzokuti ubatsirewo nemabasa epamba, akadai sokubatsira kushanda mumba nemamwe mabasa usina kutumwa.

Zvisinei, zvakadini nevabereki vako vakakubereka? Kana ukasarudza kuvatsvaka, kana kuti vakasarudza kukutsvaka, izvozvo zvinoreva here kuti ukama nevabereki vako vokurera hwatopera? Kare, masangano anotarisira zvevana vanorerwa nevabereki vasiri vavo aiwanzoramba kupa mashoko anobatsira vabereki vacho chaivo kuwana mwana wavakapa kuti arerwe nevamwe kana kuti ainyima mwana wacho mashoko akadaro. Nhasi, mitemo mune dzimwe nyika yapfava, uye vana vakawanda vakarerwa nevabereki vasiri vavo vakaitwa kuti vaonane nevabereki vavo vakavabereka vavanenge vasingachayeuki zvachose. Zvechokwadi, mitemo yevana vanoita zvokurerwa nevamwe ingave yakasiyana kwaunogara.

Chero zvazvingava, kutsvaka vabereki vako vakakubereka kana kwete chisarudzo chako, uye chingasava nyore. Vechiduku vanorerwa nevabereki vasiri vavo vane manzwiro akasiyana-siyana panyaya iyoyi. Vamwe vane shungu dzokutsvaka vabereki vavo vakavabereka; vamwe havasarudzi kuita saizvozvo. Zvisinei, ungavimbiswa kuti vaduku vakawanda vakaonana nevabereki vavo vakavabereka zvikasakanganisa ukama hwavo hwakanaka nevabereki vavo vokurera.

Tsvaka zano kuvabereki vako vokurera uye zvichida kushamwari dzakura dziri muungano yechiKristu. (Zvirevo 15:22) Nyatsoyera zvaunenge wasarudza, uye zvipe nguva usati waita chinhu. Nokuti Zvirevo 14:15 inoti, “wakangwara unongwarira mafambiro ake.”

Ukasarudza kuedza kuva noukama nevabereki vako vakakubereka, vimbisa vabereki vako vokurera kuti ucharamba uchivada nokuvaremekedza. Nenzira iyoyo, paunosvika pakuziva vakakubereka uye vakaita kuti urerwe nevamwe kare, ucharamba uine ukama hwakanaka nevabereki vako vakakurera nokukurovedza.

Simbisa Ukama Hwako naBaba Vako Vokudenga

Vaduku vakawanda vari kurerwa nevabereki vasiri vavo vanorwisana nepfungwa yokutya kusiyiwa. Vanonetseka kuti zvingaitika kuti vangangorasikirwa nemhuri yavo yokurera sokurasikirwa kwavakaitwa nemhuri yavo yakavabereka. Kutya ikoko kunonzwisisika. Kunyange zvakadaro, yeuka mashoko aya ouchenjeri: “Murudo hamuna kutya, asi rudo rwakakwana runodzingira kutya kunze.” (1 Johani 4:18) Usarega kutya kuti ungarasikirwa nevadiwa vako kuchikudzora. Asi, wedzera kuda vamwe, kusanganisira vose vaya veimba yako. Zvisinei, kupfuura zvose, wedzera kuda kwako Baba vako vokudenga, Jehovha Mwari. Zvaakavimbika zvakakwana, haambosiyi vana vake vakatendeka. Anogona kuita kuti usanyanye kutya.—VaFiripi 4:6, 7.

Catrina, uyo akaita zvokurerwa nevabereki vasiri vake paaiva mwana, anotaura kuti kuverenga Bhaibheri kwakamubatsira kwazvo kuti aswedere pedyo naMwari uye kurarama upenyu hune mufaro, hune zvibereko. Anoti ukama hwepedyo naJehovha “hunokosha kwazvo nokuti Baba vedu vokudenga vanoziva manzwiro atinoita.” Rugwaro runofarirwa zvikuru naCatrina ndiPisarema 27:10, runoti: “Nokuti baba vangu naamai vangu vakandirasa, asi Jehovha uchandigamuchira.”

[Mashoko Omuzasi]

a Ona nyaya inoti “Nei Ndaifanira Kuita Zvokurerwa Nevabereki Vasiri Vangu?” iri mumagazini yeMukai! yaMay 8, 2003.

[Mufananidzo uri papeji 32]

Tsvaka nzira dzokuti uve noukama hwepedyo nevabereki vako vokurera

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe