RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g96 5/8 p. 19
  • Kurera Mwana Asiri Wako Ndekwako Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kurera Mwana Asiri Wako Ndekwako Here?
  • Mukai!—1996
  • Mashoko Akafanana
  • Kurera Mwana Asiri Wako Neiko Uye Sei?
    Mukai!—1996
  • Kuberekwa Patsva—Kunogadzirisei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Kurera Mwana Asiri Wako Ndinokurangarira Sei?
    Mukai!—1996
  • Nei Ndakaita Zvokurerwa Nevabereki Vasiri Vangu?
    Mukai!—2003
Ona Zvimwe
Mukai!—1996
g96 5/8 p. 19

Kurera Mwana Asiri Wako Ndekwako Here?

YAKANYORWA NOMUNYORI WEMUKAI! MUBRITAIN

“KURERA mwana asiri wako igadziriro yokubetsera vana, kwete gadziriro yokugovera mucheche varoorani vasina mwana,” anozivisa kudaro mumwe mushandi wezvemagariro avanhu weBritain. Kunyange zvakadaro, ikodzeroi iyo mwana anowanzova nayo mukurerwa kwake nevabereki vasiri vake?

Uri kurangarira kurera mwana asiri wako here? Ipapo unotarisana nechisarudzo icho chisiri bedzi chemirangariro asiwo icho chisingachinjiki. Mwana wacho achabatana sei nenzira inobudirira nemhuri yako?

Kana uri mwana ari kurerwa navabereki vasiri vako, unoziva here kuti vabereki vako vokubereka ndivanaani? Kana usingavazivi, musiyanoi waunofunga kuti kwaizoita kudai waivaziva?

Uri amai vari kurangarira kupa mucheche wavo nokuda kwokurererwa nevabereki vasiri vake here? Kureresa mwana nevabereki vasiri vake ndiko mhinduro bedzi chaiyoiyo nokuda kwefariro dzakanakisisa dzomwana wako here?

Muna 1995 vana vanopfuura 50 000 vakarerwa navabereki vasiri vavo muUnited States, uye vanenge 8 000 vavo vakaberekerwa kune dzimwe nyika. Nenzira inowedzera, vanhu vari kurera vana vasiri vavo vanobva kune dzimwe nyika. Mukuwirirana nemagazini yeTime, mumakore 25 akapfuura mhuri dziri muUnited States dzakarera vana vasiri vadzo vakaberekerwa kune dzimwe nyika vanopfuura 140 000. Nhamba dzakafanana dzeEurope iSweden 32 000, Holland 18 000, Germany 15 000, uye Denmark 11 000.

Uri kurangarira chii muiyi nhau? Kurera mwana asiri wako kunoreva kuti upenyu hwako—kwete bedzi upenyu hwomwana wacho—hahusati huchizotongovazve hwakafanana. Vabereki vanorera mwana asiri wavo vanokarira nenzira yakarurama mifarwa mizhinji, asi vanofanirawo kuva vakagadzirira nokuda kwezvinetso zvizhinji nokuodzwa mwoyo. Nenzira yakafanana, kutambudzika uko amai vanowana mukupa mwana wavo nokuda kwokurerwa navabereki vasiri vake kungasatongopera chose chose.

Chiitiko chimwe nechimwe chinopa denho yokuvaka kana kuti kuumba upenyu huduku norudo. Nyaya dzinotevera dzichapa mimwe yemifaro yacho—uye denho—dzokurera mwana asiri wako.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe