Uto Riri Kufora!
“Tinogara mumusha weBelize uchiri kuvakwa, wakapoteredzwa nemiti yakawanda. Mamwe mangwanani nenguva dzinenge dza9 kiroko, musha wedu wakapindirwa neuto. Masvosve akasvika achidirana nepasi pesuo uye nepose paiva nehwangwadza, achivhima. Hapana zvataigona kuita kunze kwokumbosiya musha wedu kweinenge awa imwe kana mbiri masvosve achitonga. Patakadzoka mumba makanga musisina kana zvimwe zvipembenene zvadyiwa nemasvosve.”
KUVANHU VAZHINJI kugara munyika dzinopisa dzakadai seBelize, izvi zvinhu zvinogara zvichiitika uye hazvisi zvinhu zvisingadiwi zvachose. Inzira yokubvisa nayo zvipembenene mumba zvakadai semapete nedzimwe inda. Uye hapana tsvina inosara.
Sezvineiwo, masvosve ari kutaurwa nezvawo pano anonzi masvosve euto neChirungu nemhaka yokuita kwawo seuto nemibato yawo.a Panzvimbo pokuvaka pokugara, mauto anongofamba aya, mazana ezviuru akasimba anogadzira pokugara penguva pfupi, boka guru remasvosve akapiringidza makumbo awo akaputira mambokadzi nevana vavo. Kubva pamusasa wacho, zvikwata zvinonorwisa zvinotumwa zviri mudungwe murefu kuti zvinotsvaka zvokudya zvinosanganisira tumbuyu notupukanana, twakadai semadzvinyu. Vatungamiriri vechikwata chinorwisa vanokomba nokurudyi nokuruboshwe kuti vabate nyama. Izvi zvinoitika apo, pasina munhuwi wokutevera, vashandi vanotungamira vanozeza vorega kutevera. Masvosve anenge ari shure anoramba achifamba achienda mberi zvokuti mberi kwomutsetse wacho anotsikirirana zvichiguma nokufamba kwakawanda kunoratidza kukomba.
Masvosve euto anoshanda achidzokorora zvaanoita kwemazuva 36, achifora kwemazuva anenge 16 ozoramba ari panzvimbo imwe kwemazuva 20, nguva inokandira mambokadzi mazai ake. Pashure paizvozvo nzara inoita kuti boka racho ritange kufora zvekare. Uto rinofora racho, rakafara mamita 10, rinokombwa nemadzvatsvatsva anenge achitiza, zvinyavada, zvipembenene, matatya, uye madzvinyu uye rinoteverwa neshiri idzo dzinodya zvinenge zvichitiza izvi asi kwete masvosve pachawo.
Anorondedzerwa achinzi “akachenjera kwazvo” muBhaibheri pana Zvirevo 30:24, 25, masvosve ndechimwe chezvisikwa zvinoshamisa.
[Mashoko Omuzasi]
a Nyaya ino inotaura nezvorudzi rweEciton rweCentral neSouth America.
[Mufananidzo uri papeji 29]
Svosve reuto
[Kwazvakatorwa]
© Frederick D. Atwood
[Mufananidzo uri papeji 29]
Achigadzira zambuko nokupiringidza makumbo awo
[Kwazvakatorwa]
© Tim Brown/www.infiniteworld.org