RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g03 5/8 pp. 30-32
  • Nei Ndakaita Zvokurerwa Nevabereki Vasiri Vangu?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Ndakaita Zvokurerwa Nevabereki Vasiri Vangu?
  • Mukai!—2003
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvinotsamwisa
  • Kururamisa Kufungira Zvisiri Izvo
  • Kukosha Kwokudiwa
  • Unogona Kubudirira
  • Ndingabata Sei Nezvinetso Zvokurerwa Nevabereki Vasiri Vangu?
    Mukai!—2003
  • Kurera Mwana Asiri Wako Ndinokurangarira Sei?
    Mukai!—1996
  • Kurera Mwana Asiri Wako Ndekwako Here?
    Mukai!—1996
  • Kurera Mwana Asiri Wako Neiko Uye Sei?
    Mukai!—1996
Ona Zvimwe
Mukai!—2003
g03 5/8 pp. 30-32

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Nei Ndakaita Zvokurerwa Nevabereki Vasiri Vangu?

“Zvakaita sourema husingaperi. Chirwere chomwoyo chisingarapiki.”—Robert.

NDIKO kurondedzera kunoita mumwe murume upenyu hwake pashure pokurerwa nevabereki vasiri vake kubva pakuzvarwa. Anoenderera mberi achiti: “Mazuva ose oupenyu hwako, mwoyo wako unoda kwazvo kuziva mhinduro dzemibvunzo yakadai, Mhuri yangu chaiyo ndeipi? Vari kugara kupi? Nei vakandirasa?”

Chantial, ana baba vakaita zvokurerwa nevamwe, anoti haazivi sekuru naambuya vake chaivo. Anoti: “Ndinonzwa sokuti ndakatambwa chitsotsi nokuti handizivi vanababamukuru, vanatete uye, vana vavo.” Havasi vana vose vakaita zvokurerwa nedzimwe mhuri vanonzwa seizvi. Asi vamwe vanodaro. Nei?

Zvinotsamwisa

Kuziva kuti wakaparadzaniswa nevabereki vako chaivo kunogona kuita kuti mwana ashungurudzike zvikuru. Catrina, uyo akaita zvokurerwa kubva achiri muduku, anoti: “Ndaiva nedambudziko rokushatirwa nokuti ndaisanzwisisa kuti amai vangu vakandibereka vakandirambirei. Ndainzwa kuti amai vakandibereka vakanga vachindisiya nokuti ndakanga ndakaipa uye ndisingakwanisi kudiwa. Dai vaizongondipa mukana chete, ndinoziva kuti ndaizoita kuti vadade neni. Kungofunga nezvaamai vakandibereka kwaiwedzera kunditsamwisa.”

Ukama hwaCatrina nevabereki vokurera hwakatangawo kunetsa. “Ndaifunga kuti vabereki vangu vokurera vakandibvisa kuna amai vangu chaivo,” anodaro. “Saka ndaipedzera kutsamwa kwangu pavari.” Ichokwadi kuti pane imwe nguva kutsamwa kunouya pashure pokunge waendeswa kunorerwa nevabereki vasiri vako.

Kutsamwa kwakadaro kunogona kuva nengozi. Sezvinoratidzwa nenyaya yaCatrina, paimwe nguva ungaratidza kutsamwa nenzira isiri iyo kana kuti kutsamwira vanhu vasina mhosva. Bhaibheri rinorayira kuti: “Rega kutsamwa, urase hasha.” (Pisarema 37:8) Izvi zvingakwanisika sei? Shoko raMwari rinotiwo: “Kungwara kwomunhu kunodzora kutsamwa kwake.” (Zvirevo 19:11) Kunzwisisa mamiriro ako ezvinhu kungabatsira kuderedza kutsamwa kwako. Sei?

Kururamisa Kufungira Zvisiri Izvo

Kunzwisisa kunogona kukubatsira kuongorora zvauri kufungira zvinowedzera kutsamwa kwako. Somuenzaniso, kana wakatorwa kuti uite zvokurerwa, unofunga kuti vabereki vako chaivo vakakuramba nokuti pane chimwe chinhu chakanga chakaipa panewe here? Izvi ndozvaifunga Catrina. Asi ndizvo zvazviri nguva dzose here? Zvingava zvisingabviri kuziva chakaita kuti vabereki vako vadaro, asi pane chikonzero chakanaka chokuti urege kufungidzira zvisina kunaka kudaro. Kutaura chokwadi, nei vabereki vachiwanzoita kuti vana vavo varerwe nevamwe vanhu? Kazhinji vanenge vachinzwa kuti hapana zvimwe zvavangaita.

Chimbofunga nezvomuenzaniso waMosesi. Nyaya yomuBhaibheri iri muna Eksodho chitsauko 2 inotiudza kuti Farao weIjipiti paakapa murayiro wokuparadza vanakomana vechiIsraeri, Jokebhedhi akachengeta mwanakomana wake mucheche, Mosesi, akavigwa kwemwedzi mitatu. Pakupedzisira zvakanga zvisingachaiti kuramba akavanzwa, asi aisakwanisa kutsungirira kuona mwana wake achiurayiwa. Saka “akati asichagoni kumuvanza, akamutorera tswanda yenhokwe, akainamira nebhitumini nenamo, akaisa mwana mukati mayo, akaigadzika pakati petsanga pamhenderekedzo dzorwizi.”—Eksodho 2:3.

Hapana mubvunzo kuti kusiyana nomwana wake saizvozvi kwakanga kwakamuomera kwazvo. Asi pane zvaaigona kuita here? Kuda kwaaiita mwana wake kwakamuita kuti aite zvaakafunga kuti ndizvo zvakanga zvakanakisisa nokuda kwomwana wake. Sezvineiwo, mwanasikana wake akamurinda ari pedyo kusvikira aona kuti hanzvadzi yake yakanga ichiri svava yakanga yatorwa yakachengeteka. Zvimwe akaita izvozvo arayirwa naamai vake vaishushikana.

Ichokwadi kuti havasi vana vose vanozoita zvokurerwa nevabereki vasiri vavo pamusana penjodzi yakaita seiyi, asi zvikonzero zvacho zvinowanzofanana. Robert anoti: “Baba naamai vangu vakanga vasina kuroorana pandakazvarwa. Kundirera kwaizoomera amai vangu nemhuri yavo, nokuti paiva nevamwe vana mumhuri yacho. Vangave vakafunga kuti zvaizondinakira kana ndaizorerwa nevamwe.”

Zvechokwadi panotova nezvikonzero zvakawanda zvinoita kuti vana vaendeswe kunorerwa nedzimwe mhuri. Asi sezvinoratidzwa nemienzaniso iyi, chaizvoizvo kungasava kuti amai vacho vanovenga mwana wavo kana kuti vanoona kuti akaremara. Kazhinji kacho, amai vacho vanenge vachifunga zvepachokwadi kuti mwana uyu achatarisirwa zviri nani kana akarerwa neimwe mhuri.

Kukosha Kwokudiwa

Kunzwisisa kungakubatsirazve kuziva kuti nei wakaita zvokurerwa nevamwe. Ngatidzokerezve kumuenzaniso waMosesi. Papera nguva yakati, “mwanasikana waFarao akamunhonga akamurera semwanakomana wake.” (Mabasa 7:21) Chii chakaita kuti mwanasikana waFarao adzivirire mwana waaiziva kuti mumwe wevaHebheru vaifanira kuurayiwa? Bhaibheri rinoti: “Akaona mwana, mwana wechikomana, onei unochema. Akamunzwira ngoni.” (Eksodho 2:6) Chokwadi, kurerwa neimwe mhuri kwaMosesi kwakakonzerwa kwete nokuvengwa kana nokurambwa, asi nokuti aidiwa.

Vana vakawanda vanorerwa nevabereki vasiri vavo vanosvika pakuziva kuti vabereki vavo chaivo havana kungovasiya—kunyange zvazvo izvozvi zviri kuwanzoitika mazuva ano—asi kuti vakaendeswa kune rimwe sangano rakati raizobata chokwadi kuti vanyatsotarisirwa. Uye kuzorerwa kwavo nomumwe mubereki kwakaitika pamusana pokuti mumwe munhu akada kuvatarisira. Izvi ndizvo zvakaitikawo kwauri here? Kufunga nezvorudo rwawakagamuchira uye kurukoshesa kungabatsira kuderedza marwadzo aungave uchinzwa.

Uyezve, vamwe vangakuratidzira rudo kunze kwemhuri yako yokurera. Kana uri nhengo yeungano yechiKristu, unogona kubatsirwa navanaamai vokumudzimu, vanababa, hanzvadzi, uye hama dzinokuda. (Mako 10:29-30) Vakuru vechiKristu vanogona kuva “utiziro pamhepo, sechivando pakunaya kukuru kwemvura, senzizi dzemvura panzvimbo yakaoma, somumvuri wedombo guru panyika yafa nenyota.” (Isaya 32:2) Usazeza kutaura nehama dzako dzechiKristu dzave noruzivo uchidziudza zviri pasi pomwoyo wako. Ita kuti vazive zviri mupfungwa dzako nomwoyo wako.

Robert anoona zvichikosha kutanga ushamwari hwakasimba muungano yechiKristu. “Manzwiro okunzwa usina chimwe chinhu achiripo,” anobvuma kudaro. “Zvisinei, rudo rwemhuri yangu yokumudzimu runoita kuti ndisanyanye kurwadziwa mumwoyo mangu.”

Unogona Kubudirira

Saka usagumisa nokufungira zvisiri izvo. Izvozvo zvinosanganisira pfungwa yokuti ungatadza kubudirira muupenyu nokuti wakaita zvokurerwa nevabereki vasiri vako. Pfungwa dzisina kunaka dzakadaro dzinogona kukuodza mwoyo kwazvo! (Zvirevo 24:10) Uyezve, kutaura zvazviri hadzina padzakavakirwa.

Yeuka, Mosesi akashandisa zvakanaka mikana yaakawana. Bhaibheri rinoti: “Naizvozvo Mosesi akadzidziswa muuchenjeri hwose hwevaIjipiti. Chaizvoizvo, akanga ane simba mumashoko ake nezviito.” (Mabasa 7:22) Zvinotonyanya kukosha ndezvokuti, Mosesi akawana mirayiridzo yokunamata—zvikuru zvokuti aiona Baba vake vokudenga, Jehovha, somunhu chaiye. (VaHebheru 11:27) Akabudirira here muupenyu?

Chokwadi, Mosesi akazova mutungamiriri worudzi rune simba rwaiva nevanhu vaisvika mamiriyoni matatu kana kupfuura. Akava muprofita, mutongi, mutungamiriri wehondo, munyori wenhau dzakaitika, murevereri wesungano yoMutemo, uye munyori wemabhuku mashanu okutanga eBhaibheri. Uyezve, anowanzonzi ndiye akanyora bhuku raJobho nePisarema 90. Chokwadi, Mosesi akabudirira muupenyu hwake. Vana vakawanda vanoita zvokurerwa nevabereki vasiri vavo vanobudirirawo, uye iwe unogonawo kudaro.

Robert akabudirira kurera vana vake vaviri uye iye zvino anoshumira somukuru muungano yechiKristu. Achitarira makore ake okumashure somwana wokurerwa nevabereki vasiri vake, anoti: “Ndakadzidza kusaramba ndichifunga nezvezvandisingagoni kugadzirisa asi kuonga zvikomborero zvandinazvo.”

Kana pari zvino uchigara mumusha unorera zvokungobatsira kana kuti uri mumhuri yokurerwa nevabereki vasiri vako, unganetswa nepfungwa dzisina kunaka padzimwe nguva. Asi edza kudzitsiva nepfungwa dzakanaka. VaFiripi 4:8, 9 inovimbisa kuti ‘Mwari worugare achava newe’ kana ‘uchiramba uchifunga zvinhu’ zvinofadza Mwari. Kunyange zvakadaro, ndeapizve mamwe matanho anoshanda aunogona kutora kuti ubudirire paunenge uchirarama nemhuri yako yokurera? Nyaya ichatevera yakatevedzana neino ichapindura mubvunzo iwoyo.

[Mufananidzo uri papeji 32]

Kurerwa kwako nomubereki asiri wako uchapupu hwokuti mumwe munhu akakuda kuti agare newe uye akutarisire

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe