Kunetseka Kuchapera!
ZVIMWE wakamborwa muhondo uye unovhumuka uye kufunga zvakaitika kare zvinoita sokuti hondo yacho haisati yapera. Zvimwe wakabatwa nechisimba zvakadai sokubatwa chibharo uye unonzwa sokuti wava chitunha. Kana kuti zvimwe mudiwa wako akafa munjodzi inongoitika yoga kana kuti tsaona uye kurarama pasina mudiwa uyu kunorwadza zvikuru.
Unomboshamisika here kana kunzwa kwakadaro kuchigona kupera? Tinogona kupindura nechivimbo kuti: Hungu, kunogona kupera! Panguva ino, vose vanonetseka vanogona kuwana nyaradzo muShoko raMwari, Bhaibheri.
Akabatsirwa Kutsungirira Dambudziko
Anenge makore zviuru zviviri akapfuura, muapostora Pauro akasangana nezviitiko zvinotyisa uye zvinoisa upenyu pangozi. Kurondedzera kwaakaita zvimwe zveizvi kwakachengetwa muBhaibheri. “Hatidi kuti muve vasingazivi,” akanyora kudaro Pauro, “pamusoro pokutambudzika kwakatiwira muruwa rweAsia, kuti taiva takamanikidzika zvikuru kupfuura simba redu, zvokuti takanga tisisina chokwadi zvikuru kunyange noupenyu hwedu. Chaizvoizvo, takafunga mumwoyo medu kuti takanga tatongerwa rufu.”—2 VaKorinde 1:8, 9.
Kunyange zvazvo zvakaitika pachiitiko ichocho zvisinganyatsozivikanwi, zvaitambudza zvechokwadi. (2 VaKorinde 11:23-27) Pauro akakunda sei?
Achifunga nezvedambudziko rake muAsia, akanyora kuti: “Mwari uye Baba vaShe wedu Jesu Kristu ngaarumbidzwe, Baba vengoni huru kwazvo uye Mwari wokunyaradza kwose, anotinyaradza pakutambudzika kwedu kwose, kuti tikwanise kunyaradza vari pakutambudzika kworudzi rupi norupi nokunyaradza kwatiri kunyaradzwa nako naMwari.”—2 VaKorinde 1:3, 4.
Hungu, “Baba vengoni huru kwazvo uye Mwari wokunyaradza kwose” vanogona kubatsira vanenge vasangana nezviitiko zvinotyisa. Ungawana sei nyaradzo yakadaro?
Mabatsirirwo Aungaitwa
Kutanga—kumbira kubatsirwa. Kana uchinzwa kuremerwa mupfungwa, yeuka kuti vamwe vakanzwawo saizvozvo. Vaya vakakunda kunzwa kwakadaro vanowanzofarira kubatsira vamwe. Kufanana nomuapostora Pauro, vanowanzonzwa kuti kunyaradzwa kwavakaitwa naMwari pamiedzo yavo kunofanira kugoveranwa ne“vari pakutambudzika kworudzi rupi norupi.” Usatya kutaura nomumwe weZvapupu zvaJehovha—chero upi wawakasununguka kutaura naye—uye kumbira kuti akuyamure kuwana rubatsiro runobva kuna Jehovha, “Mwari wokunyaradza kwose.”
Ramba uchinyengetera. Kana zvakaoma kunyengetera nemhaka yokuti wakashatirwa, kumbira mumwe akakura mumudzimu kunyengetera newe. (Jakobho 5:14-16) Paunotaura naJehovha Mwari, yeuka ‘kukandira kufunganya kwako kwose paari, nokuti ane hanya newe.’ (1 Petro 5:7) Magwaro anotaura ataurazve nezvokuti Mwari ane hanya nomumwe nomumwe wevashumiri vake.
Munyori wePisarema rechi94 zvimwe akanga atambura nechimwe chinhu, nokuti akanyora kuti: “Dai Jehovha asaiva mubatsiri wangu, mweya wangu ungadai wakakurumidza kugara pakati mwii. Panguva yandakati: Rutsoka rwangu rwotedzemuka; ngoni dzenyu, Jehovha, dzakanditsigira. Mundangariro dzangu zhinji mukati mangu kunyaradza kwenyu kunofadza mweya wangu.”—Pisarema 94:17-19.
Vamwe vane hosha inokonzerwa nokufunga zvakaitika vanonyanya kunetseka ne“ndangariro,” idzo pane dzimwe nguva dzinogona kuguma nokutya kukuru kana kuti hasha. Zvisinei, munyengetero womwoyo wose unogona ku“kutsigira” kusvikira kunzwa ikoko kwapera. Funga nezvaJehovha somubereki ane rudo uye nezvako somwana muduku waanodzivirira norudo. Yeuka chipikirwa cheBhaibheri chokuti “rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yenyu nemasimba enyu okufunga naKristu Jesu.”—VaFiripi 4:7.
Kupora—kungava mumuviri, mupfungwa, kana kuti mumudzimu—kunoitika zvishoma nezvishoma. Saka kwaisazova kuona zvinhu sezvazviri kutarisira kuti munyengetero uchaunza rugare kamwe kamwe kune avo vakakanganiswa zvakakomba nezviitiko zvinotyisa. Asi, kuramba uchinyengetera kunokosha. Kuchabatsira anenge achirwara kuti asakurirwa uye kuodzwa mwoyo nokufunga zvakaitika zvinotambudza.
Verenga uye fungisisa Shoko raMwari. Kana kuisa pfungwa kwakaoma, kumbira mumwe kuverenga pamwe chete newe nhoroondo dzeBhaibheri dzinonyaradza. Ungasarudza ndima dzinoratidza kudzika kworudo rwaJehovha kuvakatendeka vake, pasinei nokuti vakaora mwoyo zvakadini kana kuti kusurukirwa.
Jane, ataurwa munyaya dzokutanga, akawana nyaradzo kubva mundima dzakawanda dziri muMapisarema. Dzinosanganisira Pisarema 3:1-8; 6:6-8; 9:9, 10; 11:1-7; 18:5, 6; 23:1-6; 27:7-9; 30:11, 12; 31:12, 19-22; 32:7, 8; 34:18, 19; 36:7-10; 55:5-9, 22; 56:8-11; 63:6-8; 84:8-10; 130:1-6. Usaedza kuverenga ndima dzeBhaibheri dzakawanda kwazvo panguva imwe chete. Pane kudaro, tora nguva uchidzifungisisa uye uchinyengetera.
Nhamo Isingaenzaniswi Iye Zvino
Zvinosuruvarisa kuti zvibharo, umhondi, hondo, uye mhirizhonga zvakapararira nhasi uye hazvimboshamisi. Nei? Nokuti Jesu Kristu akataura kuti munguva yedu kwaizova no“kuwedzera kwokusateerera mutemo.” Akawedzera kuti: “Rudo rwevakawanda zvikuru ruchatonhora.”—Mateu 24:7, 12.
Mumakore achangopfuura kunetseka kunokonzerwa nokufunga zvakaitika kwakasvika pakujairika zvikuru—kakawanda kacho nemhaka yezviitiko chaizvo zvakafanotaurwa naJesu. Sezvakanyorwa muBhaibheri muna Mateu chitsauko 24, Mako chitsauko 13, uye Ruka chitsauko 21, Jesu akati panguva yokupedzisira yenyika ino, kwaizova nehondo munyika yose, njodzi dzinongozviitikira, uye kuwedzera kwokusateerera mutemo nokushayikwa kworudo. Asi, sezvakataurwawo naJesu, kusunungurwa hakusi kure.
Apedza kurondedzera kupararira kwematambudziko munyika yose uye kutanga kwo“kutambudzika kukuru” kuchatevera, ona zvakanzi naJesu ndizvo zvinofanira kuitwa nevanhu: “Mirai muti twasu musimudze misoro yenyu, nokuti kununurwa kwenyu kuri kuswedera pedyo.” (Mateu 24:21-31; Ruka 21:28) Hungu, mamiriro ezvinhu enyika sezvaanowedzera kuipa, tinogona kuva nechokwadi chokuti kutambudzika kukuru kuchaitika panyika ino inotambudza kuchaguma nokupera kwouipi hwose uye kutanga kwenyika itsva yakarurama.—1 Johani 2:17; Zvakazarurwa 21:3, 4.
Hatifaniri kushamisika kuti kununurwa kwedu kuchauya chete uipi nemhirizhonga zvasvika pamusoro-soro. Ndizvo zvakaitikawo kare apo Mwari akatonga nyika yomuzuva raNoa uye vagari vakaipa vomuSodhomu neGomora. Kutonga kwaMwari kwakaitika kare ikoko kunoratidza zvichaitika munguva yemberi.—2 Petro 2:5, 6.
Kuguma Kwokunetseka
Kana uchinetseka nokufunga zvakaitika (PTSD), ungashamisika kana kutambura kwaunoita kuchizopera. Zvechokwadi mhinduro yacho ndeyokuti: Hungu, kuchapera! Pana Isaya 65:17, Jehovha Mwari anozivisa kuti: “Ndinosika denga idzva nenyika itsva; zvinhu zvakare hazvingarangarirwi, kana kufungwa mumwoyo.” Kunyange zvazvo kurwadziwa mupfungwa nemhaka yezvakaitika kuchiita sokwechigarire, rugwaro urwu runovimbisa kuti rimwe zuva kuchapera zvachose.
Nhasi, rinopfuura gore ada kubatwa chibharo, Jane ari kushanda somushumiri piyona (muparidzi wenguva yakazara) weZvapupu zvaJehovha. “Ndakatanga kugadzikanazve pakapera kutongwa nyaya yacho uye aida kundibata chibharo abatwa nemhosva—inopfuura mwedzi misere ndarwiswa,” akadaro munguva ichangopfuura. “Gore rakapera panguva ino, ndingadai ndisina kumbofungidzira rugare nomufaro zvandinazvo zvino. Ndinoonga Jehovha nokuda kwetariro yakaisvonaka youpenyu husingaperi uye mukana wokuudza vamwe tariro iyoyo.”—Pisarema 27:14.
Kana uri kunetseka nokuora mwoyo uye kuremerwa mupfungwa nemhaka yePTSD, tariro iyoyo inogona kukutsigirawo.
[Mufananidzo uri papeji 24]
Kupinda misangano yechiKristu kunogona kukubatsira kukunda
[Mifananidzo iri papeji 24, 25]
Kuverenga Shoko raMwari uye kunyengetera zvinogona kukutsigira
[Mufananidzo uri papeji 26]
Munguva pfupi iri kutevera kunetseka kwose kuchava chinhu chomunguva yakapfuura