RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g01 9/8 pp. 27-29
  • Ndingaita sei Kuti Kuverenga Bhaibheri Kuwedzere Kunakidza?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndingaita sei Kuti Kuverenga Bhaibheri Kuwedzere Kunakidza?
  • Mukai!—2001
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Iva Nenguva Yokuverenga Bhaibheri
  • Nyengeterera Uchenjeri
  • Ita Kuti Kuverenga Kunakidze
  • Pfuurira!
  • Kubetserwa Nokurava Bhaibheri Zuva Nezuva
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Kuverenga Bhaibheri—Kunobatsira uye Kunonakidza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Ungaita Sei Kuti Unyatsobatsirwa neBhaibheri?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Shingairira Kuverenga
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
Ona Zvimwe
Mukai!—2001
g01 9/8 pp. 27-29

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Ndingaita sei Kuti Kuverenga Bhaibheri Kuwedzere Kunakidza?

“Dzimwe nguva Bhaibheri rakaoma kunzwisisa, uye izvozvo zvinogona kuodza mwoyo.”—Annalieza, ane makore 17.

“Bhaibheri raindifinha.”—Kimberly, ane makore 22.

VANHU vakawanda havanakidzwi nokuverenga. Saka bhuku guru seBhaibheri ringaratidzika serakakura zvikuru—kunyange kuvanhu vanoda zvokuverenga. “Kwandiri, Bhaibheri raiva zibhuku zihombe rine mashoko akawanda asina kujairika akanga akaoma kunzwisisa,” anodaro Tammy, ane makore 17. “Kuverenga Bhaibheri kunoda kufungisisa uye kutsungirira zvakanyanya.”

Uyezve, basa rokuchikoro rinoitirwa kumba, mabasa epamba, nokutandara zvingapedza nguva yako yakawanda uye simba. Izviwo zvingaita kuti zvive zvakaoma kuisa pfungwa dzose pakuverenga Bhaibheri ndokunakidzwa. Alicia, mumwe weZvapupu zvaJehovha, anopedzawo nguva achigadzirira uye kupinda misangano yechiKristu uye kuudzawo vamwe zvaanodavira. Anobvuma kuti: “Kuverenga Bhaibheri kungava kwakaoma nokuti zvinoratidzika sokuti kune zvinhu zvokuita zvisingaperi.”

Asi, Alicia, Tammy, nedzimwe pwere dzakawanda vakakwanisa kukunda zvipingamupinyi zvacho. Iye zvino vanoverenga Bhaibheri nguva dzose uye vanorifarira. Unogonawo kudaro! Ona zvinhu zvitatu zvaungaita kuti kuverenga Bhaibheri kuwedzere kunakidza.

Iva Nenguva Yokuverenga Bhaibheri

“Ndinofunga kuti vechiduku vanoti kuverenga Bhaibheri kunofinha nokuti havana kuverenga zvakakwana,” anodaro Kelly, ane makore 18. Kufanana nokunakidzwa kwaunoita nomutambo waunowanzotamba, uchanakidzwa nokuverenga Bhaibheri pauchaverenga nguva dzose.

Asi zvakadini kana uine nguva shoma-shoma? Muapostora Pauro akapa zano rokuti: “Rambai muchinyatsongwarira kuti kufamba kwenyu kurege kuva sevanhu vasina kuchenjera asi sevakachenjera, muchizvitengera nguva yakafanira, nokuti mazuva akaipa.” (VaEfeso 5:15, 16) ‘Ungatenga nguva’ nokupedzera nguva shoma pazvinhu zvisingakoshi zvakadai sokuona TV. Shoko rakashandurwa kuti “nguva” rakashandiswa naPauro rinogona kureva nguva yakagadzwa nokuda kwechimwe chinangwa. Ndeipi ingava nguva yako yakagadzwa yokuverenga Bhaibheri?

Vakawanda vanoverenga Bhaibheri mangwanani, vapedza kuverenga Rugwaro nemashoko zvinowanikwa mukabhuku kanonzi Kunzvera Magwaro Zuva Nezuva.a Vamwe vanosarudza kuverenga manheru vasati varara. Sarudza nguva yakanaka yaunokwanisa, uye chinja sezvingadiwa. Alicia anoti: “Kuita zvinhu panguva yakandinakira ndiko kunokosha kuti ndirambe ndiine purogiramu yokuverenga nguva dzose.”

Dzimwe pwere dzechiKristu dzinoronga maminitsi 10 kusvikira ku15 okuverenga Bhaibheri zuva nezuva. Nokudaro, dzave dzichikwanisa kupedza Bhaibheri rose mugore rimwe chete kana maviri! Kunyange kana usingakwanisi kuita kudaro, vavarira kuverenga chikamu cheBhaibheri zuva roga roga. Nokunyatsoomerera panguva yako yakagadzwa yokuverenga Bhaibheri, kuda kwaunoita Shoko raMwari kuchakura.—Pisarema 119:97; 1 Petro 2:2.

Nyengeterera Uchenjeri

Ichokwadi kuti kunyange vanoverenga Bhaibheri nguva dzose vanowana kuti zvimwe zvikamu zveShoko raMwari zvakaoma kunzwisisa. Munyori weBhaibheri, Jehovha Mwari, anoda kuti unzwisise Shoko rake. Bhuku raMabasa rinotaura nezvomumwe mufambi wokuEtiopiya aitadza kunyatsonzwisisa uprofita huri muna Isaya chitsauko 53. Murume wacho akakumbira kubatsirwa, uye ngirozi yaJehovha yakatumira mumishinari ainzi Firipi kuti amutsanangurire uprofita hwacho.—Mabasa 8:26-39.

Saka kuverenga Bhaibheri kunobudirira hakutangi nokungoverenga chete, asi nomunyengetero. Vamwe vane muitiro wokutanga vanyengetera kuna Jehovha vachikumbira uchenjeri hwokunzwisisa uye kupinza mumwoyo zvidzidzo zviri pavanenge vachiverenga, vasati vazarura Bhaibheri. (2 Timoti 2:7; Jakobho 1:5) Mudzimu waMwari unogona kukuyeuchidza ndima dzeBhaibheri dzichakubatsira kupindura mibvunzo kana kuti kukunda miedzo.

Mumwe murume muduku wechiKristu anoyeuka kuti: “Pandaiva nemakore 12, baba vangu vakasiya mhuri yedu. Humwe usiku ndakanga ndichinyengetera ndakarara, ndichikumbira kuti Jehovha aite kuti baba vangu vadzoke. Ipapo ndakatora Bhaibheri rangu ndokuverenga Pisarema 10:14 inoti: “Usina mubatsiri unozviisa kwamuri [Jehovha]; makava mubatsiri wenherera.” Ndakambomira kwekanguva. Ndakanzwa sokuti Jehovha akanga achitaura neni uye achiita kuti ndizive kuti aiva mubatsiri wangu, aiva baba vangu. Ndingava nevamwe Baba vapi vari nani vanopfuura iye?”

Ungakwanisa kuiita tsika yako yokunyengetera nguva yose yaunogara pasi kuti uverenge Bhaibheri here? Adrian anoti: “Nyengetera usati waverenga—uye wapedza—kuti ukwanise kukurukurirana naJehovha.” Munyengetero womwoyo wose uchasimbisa kutsunga kwako kuomerera papurogiramu yako yokuverenga Bhaibheri uye uchasimbisa ukama hwako naMwari.—Jakobho 4:8.

Ita Kuti Kuverenga Kunakidze

Kimberly, ane mashoko ataurwa pokutanga, aifinhwa neBhaibheri. Chokwadi, Bhaibheri ibhuku rekare-kare—rakanyorwa kusati kwatombova nekombiyuta, terevhizheni, kana ndege—uye vanhu vanotaurwa muBhaibheri vakafa zviuru zvemakore zvakapfuura. Kunyange zvakadaro, muapostora Pauro akanyora kuti: “Shoko raMwari ibenyu uye rine simba.” (VaHebheru 4:12) Bhuku rekare-kare rakadaro ringava sei nesimba?

Mumazuva omunyori Ezra, zviuru zvevarume, vakadzi, “navose vakanga vachigona kunzwisisa” zvakaungana pamwe chete muJerusarema kuti zviteerere kuverengwa kwoMutemo waMosesi. Panguva iyoyo Mutemo wakanga watova nemakore anopfuura 1 000 wanyorwa! Asi, Ezra nevaaibatsirana navo “vakarava zvi[no]nzwika kwazvo mubhuku yomurayiro waMwari; vakazvidudzira, vakanzwisisa zvinorahwa.” Varume ava pavakatsanangura Magwaro nokuadudzira, zvakaguma nei? “Ipapo vanhu vose vakaenda kundodya nokunwa, nokutumira vamwe migove, nokufara kwazvo; nokuti vakanga vanzwisisa mashoko avakaparidzirwa.”—Nehemia 8:1-12.

‘Ungadudzira’ sei zvaunoverenga muBhaibheri? Cathy, uyo anoona kuverenga sebasa rakaoma, anoverenga zvinonzwika kuti anyatsoisa pfungwa dzake pakuverenga kwacho. Nicki anoedza kuzvifungidzira ari pakaitika nhoroondo yacho. Anoti: “Ndinofungidzira manzwiro andaizoita mumamiriro ezvinhu akadaro. Nguva dzose nyaya yandave ndichifarira zvikuru inhoroondo yaRute naNaomi. Ndinogona kuiverenga ndaiverengazve. Pandakatamira kuguta idzva, ndakanyaradzwa nenyaya iyi nokuti ndaikwanisa kufungidzira manzwiro aiita Rute nokuenda kunzvimbo yaakanga asingazivi uye kusina kana munhu upi zvake waaiziva. Ndakaona kuvimba kwaaiita naJehovha, uye zvakandibatsira chaizvo kuitawo saizvozvo.”—Rute, zvitsauko 1-4.

Kuti Bhaibheri ‘rive nesimba,’ kufungisisa kunodiwa. Nguva imwe neimwe yaunoverenga, pedza nguva uchifungisisa magwaro awaverenga uye kufunga kuti uchashandisa sei zvawadzidza. Ungada kutarira mumabhuku anobatsira kudzidza Bhaibheri akabudiswa neZvapupu zvaJehovha kuti kuverenga kwako kubatsire zvikuru.b

Pfuurira!

Kuomerera papurogiramu yokuverenga Bhaibheri hakusi nyore. Kunyange purogiramu yokuverenga Bhaibheri yakanakisisa ingada kugadziriswa nguva nenguva. Ungaramba sei uine vavariro yako yokuverenga Bhaibheri zuva nezuva?

Shamwari dzako nemhuri vanogona kubatsira. Musikana anonzi Amber ane makore gumi nemashanu anoti: “Ndinoshandisa kamuri rimwe chete nomunun’una wangu. Humwe usiku ndinenge ndakaneta zvokuti ndinongoda kurara chete, asi munun’una wangu anondiyeuchidza kuverenga. Saka handimbokanganwi!” Kana ukafadzwa norumwe rugwaro kana kuti ndima, taura nevamwe nezvayo. Izvi zvichawedzera kuda kwaunoita Shoko raMwari uye zvingatoita kuti vade kuverengawo Bhaibheri. (VaRoma 1:11, 12) Kana ukatadza kuverenga Bhaibheri kwezuva rimwe chete kana kuti maviri, usabva warega! Tangira pawakasiyira, uye iva akatsunga kudarika kare kuti urambe wakaomerera papurogiramu yako.

Usambofa wakakanganwa kubatsirikana kukuru kunobva pakuverenga Bhaibheri zuva nezuva. Nokuteerera Jehovha kuburikidza neShoko rake, unogona kuva noukama hwepedyo naye. Uchasvika pakunzwisisa pfungwa dzake nemanzwiro aanoita. (Zvirevo 2:1-5) Chokwadi chinokosha ichi chinobva kuna Baba vedu vokudenga chichakudzivirira. “Jaya ringaramba richinatsa nzira yaro neiko?” akabvunza kudaro munyori wepisarema. “Kana richiichenjerera sezvinorayira shoko renyu.” (Pisarema 119:9) Saka tanga—uye pfuurira—netsika yokuverenga Bhaibheri. Ungakuwana kuchifadza zvikuru kupfuura zvawaimbofunga!

[Mashoko Omuzasi]

a Kakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

b Nharireyomurindi yaOctober 1, 2000, mapeji 16-17, inopa mazano anoshanda akawanda anokubatsira kutsvakisisa zvakadzama muBhaibheri.

[Mifananidzo iri papeji 28]

Munyengetero nokutsvakurudza zvichaita kuti kuverenga kwaunoita Bhaibheri kunakidze uye zvichakubatsira kuwana zvinoreva Magwaro

[Mufananidzo uri papeji 29]

Kuzvifungidzira uri pakaitika nhoroondo yacho kuchaita kuti Magwaro ave mapenyu

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe