Swedera Pedyo naMwari
“Mwari Wokunyaradza Kwose”
ZVINHU zvakawanda zvinoitika muupenyu, zvakadai sokutambura, kuodzwa mwoyo, kusurukirwa, zvinogona kutishayisa mufaro, kunyange kutishayisa tariro. Panguva idzodzo ungabvunza kuti, ‘Ndingawana kupi rubatsiro?’ Mashoko omuapostora Pauro ari pana 2 VaKorinde 1:3, 4 anotiudza nezvomunhu asingazoregi kutinyaradza, Jehovha Mwari.
Mundima yechitatu, Mwari anonzi “Baba vengoni huru kwazvo.” Izvi zvinorevei? Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “ngoni huru kwazvo” rinogona kureva kunzwira tsitsi vanhu vanenge vachitambura.a Rimwe bhuku rinotsanangura Bhaibheri rinoti shoko iri ringashandurwa kuti “kunzwira tsitsi” kana kuti “kuva nehanya kwazvo.” “Ngoni huru” dzaMwari ndidzo dzinoita kuti atibatsire. Haubvumi here kuti kuziva unhu hwaMwari uhwu kunoita kuti tide kuswedera pedyo naye?
Pauro anotiwo nezvaJehovha ndi“Mwari wokunyaradza kwose.” Pano Pauro anoshandisa shoko rinonzi rinobatanidza “pfungwa yokunyaradza munhu ari kutambura kana kuti akasuruvara uye pfungwa yokubatsira nezviito kana kuti kukurudzira.” Bhuku rinonzi The Interpreter’s Bible rinotsanangura kuti: “Tinonyaradza munhu ari kutambura patinomupa ushingi hwokuti atsungirire zviri kumurwadza.”
Ungabvunza kuti, ‘Mwari anotinyaradza sei uye anotipa sei ushingi hwokuti titsungirire kurwadziwa kwedu?’ Anonyanya kushandisa Shoko rake Bhaibheri, uye anoshandisawo chipo chomunyengetero. Pauro anotiudza kuti Mwari akatipa norudo Shoko rake kuitira kuti “nokunyaradza kunobva muMagwaro, tive netariro.” Uyezve, kana tikanyengetera nomwoyo wose tinogona kuva no“rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose.”—VaRoma 15:4; VaFiripi 4:7.
Jehovha anonyaradza vanhu vake zvakadini? Pauro anoti Mwari “anotinyaradza pakutambudzika kwedu kwose.” (2 VaKorinde 1:4) Pasinei nokuomerwa kwatinenge taita, kushungurudzika, kana kuti kutambura, Mwari anogona kutipa ushingi uye simba, zvinhu zvatinoda kuti titsungirire. Izvi hazvitipi chivimbo here?
Kunyaradza kunoita Mwari hakugumiri pamunhu anenge achinyaradzwa. Pauro anopfuurira kuti Mwari anotinyaradza kuitira kuti “tikwanise kunyaradza vaya vari pakutambudzika chero kworudzi rupi zvarwo nokunyaradza kwatiri kunyaradzwa nako naMwari.” Kana tanyaradzwa mumatambudziko edu, tinobatsirwa kuti tinzwire tsitsi vamwe uye tibatsire vaya vanoda kubatsirwa.
Jehovha zvaari “Mwari wokunyaradza kwose,” hazvirevi kuti matambudziko edu kana kuti marwadzo edu zvichatsakatika. Asi, tine chokwadi chokuti: Kana tikamukumbira kuti atinyaradze, anogona kutisimbisa kuti titsungirire kusuruvara kana kuti kutambudzika kwatinogona kuita muupenyu. Chokwadi tinofanira kunamata uye kukudza Mwari ane tsitsi dzakadaro.
[Mashoko Omuzasi]
a Mwari anonzi “Baba vengoni huru kwazvo” nokuti tsitsi dzinobva kwaari uye ndihwo unhu hwake.