RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g01 9/8 pp. 20-23
  • Kunetseka Kunokonzerwa Nokufunga Zvakaitika—Chii?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kunetseka Kunokonzerwa Nokufunga Zvakaitika—Chii?
  • Mukai!—2001
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chii Chingaitwa?
  • Funganyo Yakanaka, Funganyo Yakaipa
    Mukai!—1998
  • Kunetseka Kuchapera!
    Mukai!—2001
  • Paunosangana Nenjodzi Huru
    Mukai!—2001
  • Nzira Yokugonana Nayo Nokubatwa Chibharo
    Mukai!—1993
Ona Zvimwe
Mukai!—2001
g01 9/8 pp. 20-23

Kunetseka Kunokonzerwa Nokufunga Zvakaitika—Chii?

MUMAKORE akapfuura, kunetseka kunokonzerwa nokufunga zvakaitika (PTSD) kwainyanya kuonekwa muvanhu vakamborwa hondo. Nhasi zvinhu zvachinja. Haufaniri kuva musoja kuti uonekwe kuti une PTSD. Unofanira kunge wakapona pachiitiko chinotyisa.

Chiitiko chacho chinogona kuva chinhu chipi nechipi kubva pahondo kusvikira pakuda kubatwa chibharo kana kuita tsaona nemotokari. Rimwe gwaro rinopa mashoko kubva kuNational Center yePTSD, muUnited States, rinoti: “Kuti munhu aonekwe kuti ane PTSD, anofanira kunge akambosangana nechiitiko chinotyisa.” Uye chiitiko ichi “chinofanira kusanganisira kukuvara kana kurwadziwa MUMUVIRI kana kuti kurwiswa zvechisimba.”

Jane, ataurwa munyaya yokutanga, anoti: “Ndava kuziva kuti kutyisidzirwa kunoerekana kwaitika kunoita kuti hana igare ichingorova, uye izvi zvinoita kuti uvhunduke-vhunduke. Kazhinji chiitiko chacho chapera, hana inotanga kugadzikana asi kana toreva nezvevane PTSD, hana inoramba ichirova.” Chiitiko chacho chakaitika munguva yakapfuura, asi kutya kwenguva iyoyo kunoratidzika sokuri kuedza kugara zvachose mupfungwa dzaJane, kufanana neroja risingachadiwi risingateereri chiziviso chokuti ribve.a

Kana wakapona pachiitiko chinotyisa uye izvi zvichiitikawo kwauri, zvakakosha kuziva kuti hausi woga. Mubhuku raakanyora nezvokubatwa chibharo, munyori anonzi Linda E. Ledray anotsanangura kuti PTSD “inoitika muvanhu vane pfungwa dzakanaka vakasangana nemamiriro ezvinhu anotyisa pavakanga vasingagoni kudzora zvakanga zvichiitika.”

Asi, kutaura kuti PTSD inoitika hazvirevi kuti munhu wose anopona pachiitiko chinotyisa achava nayo. Ledray anoti: “Imwe ongororo yakaitwa muna 1992 yakawana kuti 94 muzana yevakaongororwa yaiva nezviratidzo zvePTSD vhiki imwe vabatwa chibharo uye muvhiki gumi nembiri 47 muzana vairamba vaine zviratidzo zvacho. Hafu yevakadzi vakaonekwa paSexual Assault Resource Service muMinneapolis muna 1993 vaiva nezviratidzo zvePTSD gore rimwe vabatwa chibharo.

Nhamba dzakadai dzinoratidza kuti PTSD inobata vakawanda, vakawanda chaizvo kupfuura zvinozivikanwa nevanhu vazhinji. Uye vanhu vakasiyana-siyana vanonetseka nayo, pashure pezviitiko zvakasiyana-siyana. Vanyori vanonzi Alexander C. McFarlane naLars Weisaeth vanoti: “Ongororo dzakaitwa munguva ichangopfuura dzakaratidza kuti zviitiko zvinotyisa zvinowanzoitika kuvanhuwo zvavo munguva yorunyararo, uyewo kumasoja nevanorarama munzvimbo dzine hondo, uye kuti vakawanda vacho vanova nePTSD.” Kunyange dzimwe nzira dzokurapa kana kuti zvirwere zvemwoyo zvakaita kuti vamwe vanhu vave nePTSD.

“PTSD yaratidza kuti idambudziko rakajairika,” vanotsanangura kudaro vanyori vane mashoko ataurwa pamusoro apa. Vanopfuurira kuti: “Ongororo yevachiri kuyaruka 1 245 vokuAmerica yakaitwa pasina kusarudza yakaratidza kuti 23 muzana vakabatwa zvisina kunaka kana kubatwa chibharo, pamwe nokuona vamwe vachibatwa nechisimba. Mumwe chete wevachiri kuyaruka ava pavashanu voga voga akava nePTSD. Izvi zvinoratidza kuti iye zvino vanenge vachiri kuyaruka mamiriyoni 1,07 vokuUnited States vane PTSD.”

Kana nhamba yacho yakarurama, zvinoreva kuti kune vachiri kuyaruka vakawanda chaizvo vari kutambura nayo munyika imwe chete bedzi! Chii chingaitwa kubatsira vanhu vakadaro, pamwe chete nemamiriyoni akawanda evamwe vari kutambura nayo pasi pose?

Chii Chingaitwa?

Kana uchifunga kuti iwe kana kuti mumwe munhu waunoziva angava nePTSD, heano mazano anotevera.

Edza kuramba uine purogiramu yokunamata. “Nguva dzose ndaipinda misangano paHoro yedu yoUmambo,” anotsanangura kudaro Jane. “Kunyange pandaitadza kuisa pfungwa dzangu pane zvaitaurwa, ndaiziva kuti Jehovha Mwari aida kuti ndive ikoko. Vaya vari muungano vaiva norudo kwazvo uye vaikurudzira, uye rudo nokufarirwa zvairatidzwa zvaireva zvakawanda kwandiri munguva yose yenhamo yacho.” Jane anowedzera kuti: “Ndaibatsirikawo pandaiverenga mapisarema. Sezvineiwo minyengetero yevaitambudzika yairatidzika seyaitaura manzwiro andaiita. Pandaitadza kutaura zvandaida mumunyengetero, ndaikwanisa kungoti ‘Ameni.’”

Usarega kukurudzira anenge ari kutambura. Kana uine mudiwa ane ndangariro dzinomutyisa dzechimwe chiitiko, nzwisisa kuti haasi kunyanyisa kuvhunduka kana kuti kungoda kunetsa noune. Pamusana pokuremerwa mupfungwa, kufunganya, kana kuti hasha, angasaita nenzira yawaizoda paunenge uchiedza kumubatsira. Asi usakanda mapfumo pasi! Bhaibheri rinoti, “shamwari inoda nguva dzose; hama inoberekwa kuti ibatsire pakutambudzika.”—Zvirevo 17:17.

Ari kutambura anofanira kuziva uye kusatora nzira dzisiri dzokuchenjera dzokupedza nadzo chinetso chacho dzinokonzera mamwe matambudziko. Izvi zvinosanganisira kushandisa zvinodhaka zvinorambidzwa nomutemo uye kudhakwa nedoro. Kunyange zvazvo doro uye zvinodhaka zvichiita sezvinombopedza dambudziko racho kwechinguva, zvinoita kuti zvinyanye kuipa munguva pfupi. Zvinowanzoita kuti usada kushamwaridzana nevamwe, urambe vanhu vanenge vachida kubatsira; ushande zvinopfuura mwero; utadze kudzora hasha; udye zvishoma kana kuti zvakanyanyisa, kana kuti mimwe miitiro yokuzviparadza.

Bvunza mazvikokota wezvokurapa ane unyanzvi. Zvingaonekwa kuti ari kutambura wacho haana PTSD, asi kana ainayo, nzira dzokurapa dzinobudirira dziripo.b Kana uri kubatsirwa nachiremba, taura naye zvakajeka uye kumbira kubatsirwa kuti ubate nemaitiro api neapi ataurwa pamusoro apa.

Yeuka kuti: Kakawanda kacho zvironda ndizvo zvinotanga kupora, asi vanhu vari kurwara nePTSD vangakuvadzwa nenzira dzakawanda mumuviri, mumafungiro, uye mupfungwa. Nyaya inotevera ichakurukura dzimwe nzira idzo ari kurwara wacho nevamwe vangabatsira nadzo mukupora uye ichakurukurawo tariro iripo nokuda kwevose vanonetseka nokufunga zvakaitika.

[Mashoko Omuzasi]

a Izvi zvinokonzerwa nemvura dziri mumuviri (hormones), dzinowedzera nokukurumidza uye dzinodzikira kana chiitiko chacho chapera asi kana munhu ane PTSD hadzidzikiri.

b Zvapupu zvaJehovha hazvikurudziri nzira ipi neipi yokurapa, pangava pachishandiswa mushonga kana kuti kwete.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 22]

Zviratidzo Zvokunetseka Kunokonzerwa Nokufunga Zvakaitika

Vanhu vakawanda vanosangana nechiitiko chinotyisa vanoona chichiitikazve mupfungwa dzavo. Kakawanda kacho havagoni kuita kuti vasaramba vachizvifunga. Migumisiro yacho ingava iyi:

• Kufunga zvakaitika—kuona sokuti chinhu chacho chiri kuitikazve

• Hope dzinotyisa uye kuvhumuka

• Kungovhundutswa-vhundutswa noruzha rukuru kana kuti nomumwe munhu anenge achibva nechokumashure zvisingatarisirwi

• Kusagadzikana uye kudikitira

• Kurova zvakasimba kwomwoyo kana kunetseka nokufema

• Kuvhiringidzika paanoyeuchidzwa nezvedambudziko racho nechimwe chinhu chaanoona, chaanonzwa, chaanobata, chaanonhuwidza, kana kuti chaanoravidza

• Kufunganya kana kutya—kunzwa sokuti dambudziko racho rava kuitikazve

• Kutadza kudzora hasha nokuti zvinhu zvinokuyeuchidza dambudziko racho zvinoita kuti ufunganye, ushatirwe, kana kusuruvara

• Kutadza kuisa pfungwa pachinhu chimwe chete kana kuti kutadza kufunga zvakajeka

• Kutadza kubatwa nehope kana kuti kuramba wakakotsira

• Kuvhiringidzika uye kuramba uchingongwaririra njodzi

• Kugumirwa kana kuti kupererwa nezano

• Kutadza kufarira kana kuda vamwe vanhu

• Kuona sokuti zvakapoteredza zvakasiyana nezvawajaira uye kuti hazvisi zvechokwadi

• Kusanakidzwa nezvinhu zvaisimbokunakidza kare

• Kutadza kuyeuka zvinhu zvinokosha zvakaitika pakaitika dambudziko racho

• Kunzwa sokuti havana chokuita nezviri kuitika makavapoteredza uye zvinhu zviri kuitika kwavari

[Mifananidzo iri papeji 21]

Zviitiko zvinotyisa zvakasiyana-siyana zvingaita kuti munhu ave nePTSD

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe