RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g01 9/8 p. 19
  • Paunosangana Nenjodzi Huru

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Paunosangana Nenjodzi Huru
  • Mukai!—2001
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Uku Ndiko Kuguma Kunofadza Kwenyaya Yacho Here?
  • Kunetseka Kunokonzerwa Nokufunga Zvakaitika—Chii?
    Mukai!—2001
  • Vakatsunga Kubatira Jehovha!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Mbuya Nasekuru “Vatsva”
    Mukai!—1999
  • Zvaungaita Kana Wawakaroorana Naye Aputsa Chirangano
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Ona Zvimwe
Mukai!—2001
g01 9/8 p. 19

Paunosangana Nenjodzi Huru

“Ndine banga! Nyarara, ukangoti bufu, wafa!”

AIVA masikati ezhizha akajeka, uye Jane ane makore 17,a mumwe weZvapupu zvaJehovha akanga achitamba mune imwe paki muVirginia, kuU.S.A. Zvakaita sokuti mupaki macho makangoerekana musisina vanhu, uye akasarudza kubvamo. Sezvaakanga akagara pedyo nemotokari yemhuri yake achibvisa shangu dzine mavhiri dzaaiva nadzo, mumwe munhu waakanga asingazivi akasvika paaiva. Nemashoko anotyisa ari pamusoro apa, akati aida kurara naye, akabata Jane, ndokuedza kumuzvuzvurudzira mumotokari. Jane akazhamba zvikuru nepaaigona napo, asi izvozvo hazvina zvazvakabatsira.

“Ndakaona kuti hapana zvandaigona kuita,” Jane akadaro gare gare. “Sekambuyu kari kurwisana nehofori. Asi ndakaramba ndichizhamba uye ndichirwisa. Pakupedzisira, ndakadana kuna Mwari, ‘Jehovha, ndapota musarega izvi zvichiitika kwandiri!’” Izvozvo zvinenge zvakaita kuti murume wacho atye, akabva angomuregedza ndokubva atiza.

Murume wacho zvaakapinda mumotokari yake, Jane akazvikiyira mumotokari, achibvunda. Akatora runhare rweserura, ndokuzvishingisa kuti agadzikane. Akafonera mapurisa ndokurondedzera zvakarurama motokari yomunhu aida kumubata chibharo nenhamba yayo yerezinesi, izvo zvakaita kuti asungwe mumaminitsi mashomanana.

Uku Ndiko Kuguma Kunofadza Kwenyaya Yacho Here?

Hungu, asi kwete ipapo chaipo. Nhamo yaJane yakanga ichangotanga. Kunyange zvazvo mapurisa nemapepanhau akarumbidza kukurumidza kufunga kwake uye kufunga kwake zvakajeka paairwiswa, kuvhunduka kwokutanga kwapera, Jane haana kunyatsogadzikana. “Vhiki shomanana dzapera, ndakatanga kunetseka chaizvo,” anorondedzera kudaro. “Ndaingoramba ndichivhunduka-vhunduka, zvaiita kuti ndishaye hope. Pashure pevhiki dzinoverengeka zvichingodai, ndakanga ndisisakwanisi kudzidza kana kuisa pfungwa pachinhu chimwe chete. Ndaingoerekana ndavhunduka. Mumwe mukomana wandaidzidza naye kuchikoro akanga akada kufanana nomunhu akandirwisa akandikwenya papfudzi kuti abvunze nguva, uye hana yangu yakarova.”

Anoti: “Ndainzwisa urombo chaizvo. Ndakatadza kuramba ndichionana neshamwari dzangu, uye kusurukirwa kwacho kwakaita kuti nditonyanya kuora mwoyo. Ndaizvipa mhosva yokubvumira kuti zviitike, uye ndaitambudzika nokuti ndakanga ndisichiri munhu anofara, munhu anovimba nevamwe sezvandaimbova zvisati zvaitika. Ndakanzwa sokuti ndakanga ndava chitunha.”

Jane akanga ane zviratidzo chaizvo zvokunetseka kunokonzerwa nokufunga zvakaitika (post-traumatic stress disorder) [PTSD]. PTSD chii, uye chii chingaitwa kubatsira vaya vanotambura nezviratidzo zvayo zvinoparadza? Nyaya inotevera ichapindura mibvunzo iyi.

[Mashoko Omuzasi]

a Zita rakachinjwa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe