RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w26 June pp. 14-19
  • Unobatsirwa Sei Neurongwa Hwemapoka Ekuparidza?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unobatsirwa Sei Neurongwa Hwemapoka Ekuparidza?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • BASA REMUTARIRI WEBOKA NEMUBATSIRI WAKE
  • TSIGIRA BOKA RAKO REKUPARIDZA
  • KUBATSIRWA KWAUNOITWA NEBOKA RAKO REKUPARIDZA
  • Zvaungaita Kuti Ubatsirwe Nokupinda Muboka Rako Rokuparidzira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
  • Misangano Yebasa Romumunda
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
  • Vatariri Vakapiwa Basa Rekufudza Makwai
    Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
  • Kupupura Seboka Kunounza Mufaro
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
w26 June pp. 14-19

AUGUST 24-30, 2026

RWIYO 65 Fambira Mberi!

Unobatsirwa Sei Neurongwa Hwemapoka Ekuparidza?

“Ndicharumbidza Jehovha nemwoyo wangu wese ndiri muboka revakarurama uye ndiri muungano.”—PIS. 111:1.

ZVATICHADZIDZA

Tichadzidza kuti tinobatsirwa sei neurongwa hwemapoka ekuparidza.

1-2. Vanhu vakawanda vanonzwa sei nezveurongwa hwemapoka ekuparidza?

UCHIRI kuyeuka here musi wawakagadzwa semuparidzi wemashoko akanaka? Wakafara chaizvo nekuti wakanga wabatana neboka guru revashumiri vaJehovha vanorumbidza zita rake. (Pis. 148:​1, 2, 12, 13) Asi musi iwoyo, unogona kunge wakabva watoiswa muboka rekuparidza. Iri iboka rinenge riine vaparidzi vashoma vemuungano menyu. Mapoka aya ekuparidza anotibatsira kuti tiite basa ratakapiwa rekuparidza mashoko akanaka eUmambo “munyika yese.”—Mat. 24:14.

2 Unonzwa sei nezveurongwa hwemapoka ekuparidza? Imwe hanzvadzi inonzi Wendya yakati: “Urongwa hwemapoka ekuparidza hwakandidzidzisa zvakawanda. Ndakakwanisa kuvandudza unyanzvi hwangu hwekuparidza nekudzidzisa. Ndakakurudzirwa kuita zvinhu zvakaita kuti ndive pedyo naJehovha uyewo ndakava neshamwari dzechokwadi.” Imwe hama inonzi Rich yakataurawo kuti: “Basa rekuva mutariri weboka ibasa rinokosha chaizvo. Vaparidzi vanobatsira munhu kuti asvike pakubhabhatidzwa. Asi kana uri mutariri weboka, unokwanisawo kubatsira munhu iyeye kuti aite zvinhu zvichaita kuti arambe achisimbisa ushamwari hwake naJehovha.” Imwe hanzvadzi inonzi Dinah yakati: “Urongwa hwemapoka ekuparidza hwakanaka chaizvo. Ndinoona vanhu vemuboka rangu sevanhu vemumhuri yangu chaiyo.”

3. Tichakurukurei munyaya ino?

3 Munyaya ino tichatanga nekukurukura basa rinoitwa nemutariri weboka nemubatsiri wake, toona kuti zvii zvavanoita kuti vabatsire hama nehanzvadzi dziri muboka ravo. Tichazokurukura kuti mumwe nemumwe wedu angaitei kuti atsigire boka rake rekuparidza. Tichazopedzisira nekuona kuti tinobatsirwa sei neurongwa uhwu hunoratidza kuti Jehovha anotida.

BASA REMUTARIRI WEBOKA NEMUBATSIRI WAKE

4. (a) Mutariri weboka anoita basa rei? (b) Ndezvipi zvimwe zvinhu zvinofanira kuitwa nemutariri weboka paanenge achitungamirira boka rake? (Onawo bhokisi rakanzi “Zvinhu Zvinofanira Kugara Zvichiyeukwa neMutariri Weboka.”)

4 Mutariri weboka ihama inenge iri mukurub yakagadzwa nedare revakuru kuti ibatsire hama nehanzvadzi dziri muboka rayo kuti dziwedzere kuva neushamwari naJehovha uyewo dzivandudze unyanzvi hwekuparidza nekudzidzisa. Anozviita sei izvozvo? Chekutanga, mutariri weboka anoda munhu wese ari muboka rake. (Zvir. 27:23) Anonyatsoziva vanhu vese vari muboka rake uye anogara achitaura nemumwe nemumwe wavo kuti anzwe kuti ari sei. Izvozvo zvinoita kuti avabatsire kuramba vari pedyo naJehovha, avanyaradze pavanenge vachinetseka uye avabatsirewo nezvimwe zvinhu zvavanenge vachida. (Zvir. 12:25; Isa. 32:2; Jak. 2:​15-17) Chechipiri, anobatsira muparidzi mumwe nemumwe kuti ashande nesimba pabasa rekuparidza. Anoita zvese zvaanogona kuti aparidze neboka rake vhiki rega rega. Uyewo anogara achishanda nemuparidzi mumwe nemumwe kuti amukurudzire uye amubatsire kuvandudza unyanzvi hwake hwekuparidza nekudzidzisa. Kana zvikaitika kuti haapo, anoronga kuti musangano webasa uitiswe nemubatsiri wake kana kuti nemumwe muparidzi anokwanisa. Chechitatu, anobatsira hama dzakabhabhatidzwa kuti dzizokwanisawo kuita mamwe mabasa muungano. (1 Tim. 3:1) Anovatenda nezvakanaka zvavanoita, anovapa mazano anobva muBhaibheri epavanofanira kugadzirisa uye anovadzidzisawo kuti vazokodzera kuva vashumiri veungano uyewo vakuru. Basa rekuva mutariri weboka ibasa rinokosha chaizvo. Saka dare revakuru parinosarudza hama kuti izova mutariri weboka rinotsvaga mukuru wavanoziva kuti anokwanisa kuzoita basa iri zvakanaka.

Zvinhu Zvinofanira Kugara Zvichiyeukwa neMutariri Weboka

  • Ita kuti misangano yacho ive mipfupi. Haifaniri kupfuura maminitsi 7 kuitira kuti vaparidzi vakwanise kukurumidza kuenda muushumiri.

  • Ronga kuti uedze kushanda nemuparidzi mumwe nemumwe ari muboka rako kusanganisira vaya vasingakwanise kugara vachiuya kumisangano yebasa. Unogona kuronga kuparidza nevaparidzi vakadaro pane rimwewo zuva pakati pevhiki kana kuti manheru.

  • Kuti ukwanise kukurudzira vanhu vese vari muboka rako, gara uchivafudza. Unogona kunovafudza kudzimba dzavo, paImba yeUmambo kana kune dzimwewo nzvimbo. Kana zvichiita unogonawo kuvakurudzira nekuvanyorera tsamba kana kuvafonera.

  • Dzidzisa hama kuti dzikwanise kufambira mberi kuti dzizokodzera kuita mamwe mabasa akakura muungano uyewo musangano.

  • Boka rako parinobuda nemamwewo mapoka ari muungano, ivapo kuti uzokwanisa kugova vanhu vemuboka rako.

5. Zvii zvinogona kuita kuti vatariri vemapoka vaomerwe nekuita basa ravo?

5 Pane zvinhu zvakawanda zvinogona kuita kuti mutariri weboka aomerwe nekuita basa rake. Chimbofunga nezvemumwe mutariri weboka wekuGermany anonzi Jörg. Jörg ane zvinhu zvakawanda zvaanofanira kuita muungano, sezvinongoitwawo nevamwe vakuru. Jörg anoti: “Hazvisi nyore kuti ndinyatsoita basa rangu semutariri weboka nekuti ndine zvimwewo zvakawanda zvandinofanira kuita muungano. Saka ndinoomerwa nekuzadzisa chinangwa changu chekutaura nemunhu mumwe nemumwe ari muboka rangu.” Mumwewo mukuru wekuUganda ane makore 70 anonzi Abel, akati: “Muungano medu tine vakuru nevashumiri veungano vashoma, saka mapoka ekuparidza akakura. Izvozvo zvinoita kuti nditadze kufudza munhu mumwe nemumwe ari muboka rangu kakawanda sezvandinenge ndichida.” Uyewo mumwe mukuru wekuSuriname anonzi Obed akati: “Ndinofarira kudzidzisa vamwe mabasa. Asi kudzidzisa vamwe kunoda nguva nesimba uye dzimwe nguva ungasaona kuti munhu wacho wauri kudzidzisa ari kubata here zvaunenge uchimudzidzisa. Saka kazhinji handiwanzodzidzise vamwe mabasa nekuti ndinenge ndakawandirwa nezvekuita.” Chii chinogona kubatsira vakuru vari kusangana nezvinhu zvakadai?

6. Zvakanakirei kuti mapoka ekuparidza agare ari madiki?

6 Kana zvichiita, mapoka ekuparidza anofanira kunge ari madiki kuitira kuti vatariri vemapoka vakwanise kunyatsozivana nevanhu vese vanenge vari muboka ravo uyewo vavabatsire kuramba vakasimba pakunamata. Asi ko kana ungano yacho iine vakuru vashoma? Pakadaro zvinofanira kuitwa sei? Vakuru havafaniri kurega mapoka ekuparidza achikura zvekuti mutariri weboka anenge ava kutadza kuita zvese zvaanotarisirwa kuita pabasa rake. Asi dare revakuru rinogona kuronga kuti mumwe mushumiri weungano avewo neboka raanoshanda naro. Izvozvo zvinoita kuti mutariri weboka akwanise kuita basa rake rinonyanya kukosha rekubatsira vaparidzi vari muboka rake kuti varambe vakavimbika kuna Jehovha uyewo kuti vatsungirire matambudziko.

7. Kana muungano muine vakuru vashoma, zvii zvingaitwa nevatariri vemapoka kuti munhu wese ari muboka ravo awane rubatsiro rwaanenge achida? (1 Petro 5:2) (Onawo mufananidzo.)

7 Kana uri mutariri weboka muungano ine vakuru vashoma, ita zvese zvaunogona kuti udzidzise mubatsiri wako kuti akubatsire kufudza makwai aMwari. (Verenga 1 Petro 5:2.) Ipawo mubatsiri wako mabasa ekuita. Unogona kuronga kuti ambopota achiitisawo musangano webasa. Zvinokoshawo kuti unyengetere naye mokurukura mese zvamungaita kuti mubatsire muparidzi mumwe nemumwe ari muboka renyu kuti avandudze unyanzvi hwake hwekuparidza uyewo kuti arambe ari pedyo naJehovha. Gara uchienda nemubatsiri wako kunofudza vanhu vari muboka renyu. Musati maenda, rongai kuti zvii zvamuchanoita kuti mukurudzire munhu wacho. Pamunenge madzoka, tenda mubatsiri wako nezvakanaka zvaanenge aita uye muudze kana paine paanofanira kugadzirisa. Nekufamba kwenguva, mubatsiri wako anogona kuzokodzera kuvawo mutariri weboka. (2 Tim. 2:2) Unogona kukumbira vamwe vari muboka rako kuti vadzidzise vamwe basa rekuparidza. Mapiyona nevamwe vaparidzi vane unyanzvi vanogona kunoparidza nevatsva kana kuti nevamwewo vaparidzi vanenge vachida rubatsiro. Vanogona kuvabatsira kutanga kukurukura nevanhu, kudzokera kunoona vakaratidza kufarira kana kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri. Iye zvino ngatichikurukurai zvinhu zvitatu zvatingaita tese zvedu kuti titsigire mapoka edu ekuparidza.

Mutariri weboka achidzidzisa imwe hama achishandisa bhurocha rinonzi “Iva Nerudo Nevanhu​—⁠Vabatsire Kuti Vave Vadzidzi.”

Mukuru anogona kudzidzisa mushumiri weungano ari muboka rake rekuparidza kuti aitisewo musangano webasa (Ona ndima 7)


TSIGIRA BOKA RAKO REKUPARIDZA

8. Zvii zvatingaita kuti titsigire urongwa hwekuparidza neboka redu? (VaRoma 1:12)

8 Buda muushumiri. Unokwanisa ‘kukurudzirana’ nevamwe kana ukabuda muushumiri navo. (Verenga VaRoma 1:12.) Kana uine mumwe munhu wauri kuparidza naye, hauzonyanyi kutya kutaura nevamwe. Uyewo zvinokubatsira kuti ukwanise kuenda kunoparidza kune dzimwe ndima dzisingaite kuti uparidze uri wega. Kana basa rako richikutadzisa kutsigira urongwa hwekuparidza hweboka renyu, unogona kukumbira munhu waunoshandira kuti uchinje nguva yaunoshanda. Pamwe anogona kutobvuma! (Neh. 2:​4-6) Kana kurwara kana kuti kukwegura zvichikutadzisa kuti upinde musangano webasa neboka rako, unogona kutaura nemutariri weboka rako. Anogona kuronga kuti uteerere musangano wacho pafoni wozoitawo ushumiri hwekunyora tsamba kana kuti hwepafoni. Kana uchiri wechidiki uye uine utano hwakanaka, asi uchiomerwa nekugara uchienda kunoparidza, unogona kuronga kuti vhiki rega rega uve nemunhu wemuboka renyu waunenge wakaronga kubuda naye. Unogonawo kuongorora kuti zvii zvauri kunyanya kukoshesa muupenyu hwako uye kuti zvii zvaungaita kuti unyatsoshandisa nguva yako nekuchenjera. (VaR. 12:11; VaK. 4:5) Kana ukaita zvese zvaunogona kuti ugare uchibuda muushumiri neboka rako, zvichabatsira munhu wese ari muboka racho. Nyengeterawo kuna Jehovha. Achakupa ‘simba nechido’ kuti ukwanise kugara uchibuda muushumiri.—VaF. 2:13.

9. Tingaitei kuti vanhu vari muboka redu rekuparidza vafare uye vanyatsonzwa kuti vanodiwa? (VaRoma 12:13)

9 Gamuchira vaenzi zvakanaka. Kana ‘tikagamuchira vaenzi zvakanaka,’ zvichaita kuti vanhu vari muboka redu vanyatsonzwa kuti tinovada. (Verenga VaRoma 12:13.) Unogona here kuita kuti pamba pako paitirwe musangano webasa? Mune dzimwe ungano mapoka ekuparidza anopota achichinjana kugamuchira hama dzinenge dzauya kuzopa hurukuro. Boka parinowana mukana iwoyo, vari muboka racho vanoungana vodya vese vachitandara nehama yacho. Kunyange kana hama iyoyo isingakwanisi kuvapo, vanongoungana vachitandara vese vachikurudzirana. Mumwe piyona chaiye anonzi Sarah akati: “Ndinonzwa kakusagadzikana pandinokoka vanhu kuti vauye kumba kwangu. Saka kuti ndisanyanya kunetseka, handitsvagi zvinhu zvakawandawanda. Ndinongoisa pfungwa dzangu pakutandara nevanhu ndichitaura navo, kwete pakubika zvinhu zvakawandisa.” Patinoita kuti vanhu vari muboka redu rekuparidza vafare uye vanyatsonzwa kuti vanodiwa, tinowedzera kuswedera pedyo naJehovha uye tinowedzera kubatana.—Neh. 8:10; Mab. 20:35.

10. Tingaitei kana tiine pamwe patinoda kuvandudza pamaitiro atinoita ushumiri hwedu? (Zvirevo 1:5; 27:17) (Onawo mufananidzo.)

10 Vandudza unyanzvi hwako hwekuparidza nekudzidzisa. Kana tikawedzera kuva neunyanzvi hwekuparidza nekudzidzisa, zvichaita kuti tinakidzwewo nekuenda kunoparidza neboka redu. Pane here pamwe paunoda kuvandudza pamaitiro aunoita ushumiri hwako? Unogona kuudza mutariri weboka rako nezvechinangwa chako uye anogona kutokubatsira. Unogona kutokumbirawo mumwe piyona kana kuti mumwe muparidzi ane unyanzvi ari muboka renyu rekuparidza kuti akubatsire. (Verenga Zvirevo 1:5; 27:17.) Izvi ndizvo zvakaitwa neimwe hanzvadzi inonzi Heather. Kunyange zvazvo Heather ari munhu anonyara akataura kuti: “Ndakakumbira mumwe piyona kuti andibatsire kunodzokera kunoona vanhu vakanga varatidza kufarira. Piyona uyu aiva munhu anoda vanhu uye akaratidza kuti aida kundibatsira, achibva atoronga kuti tipote tichishanda tese. Akatondibatsira kuti nditange chidzidzo cheBhaibheri nemumwe munhu wandakanga ndambodzokera kunoona.” Ndinotenda chaizvo kuti ndakakumbira kubatsirwa nekuti iye zvino ndava kunakidzwa zvakare nekuenda kunoparidza. Zvese izvi zvinoratidza kuti tine zvinhu zvakawanda zvatinogona kuita kuti titsigire boka redu rekuparidza.

Hanzvadzi yechidiki ichikumbira imwe hanzvadzi yechikuru ine unyanzvi hwekuparidza kuti vazobuda vese muushumiri.

Sezvo mapoka ekuparidza ari madiki, zvinobatsira kuti tikwanise kunyatsozivana nevamwe vari muboka redu uyewo kuparidza navo (Ona ndima 10)


KUBATSIRWA KWAUNOITWA NEBOKA RAKO REKUPARIDZA

11-12. Unobatsirwa sei neurongwa hwemapoka ekuparidza? Taura muenzaniso.

11 Tinobatsirwa kuti tirambe tiri pedyo naJehovha. Tinobatsirwa munzira dzakawanda neurongwa hwemapoka ekuparidza. Jehovha anoshandisa urongwa uhwu kuti akurudzire vaya vaanoda chaizvo vakadai sechirikadzi, nherera uyewo vakwegura. (1 VaT. 2:8; Jak. 1:27) Tinodzidziswawo kuvandudza unyanzvi hwedu hwekuparidza nekudzidzisa. Uyewo hama dzakabhabhatidzwa dzinobatsirwa kuti dzifambire mberi kuti dzizokwanisawo kuita mamwe mabasa muungano.—1 Tim. 3:10.

12 Chimbofunga nezvaWendy ambotaurwa nezvake. Wendy akabatsirwa chaizvo neurongwa hwemapoka ekuparidza. Akataura kuti: “Baba vangu vaipikisa chokwadi. Saka kazhinji amai vangu vakanga vasingakwanisi kuenda kunoparidza neboka ravo pakupera kwevhiki. Asi inini ndaibvumidzwa kuenda. Imwe hanzvadzi yechikuru yaiva piyona yakabva yava shamwari yangu uye yaigara ichishanda neni muushumiri. Yakandidzidzisa kuti ndivandudze unyanzvi hwangu hwekuparidza uyewo kuti ndiite zvakawanda muungano. Ndinoyeuka kuti kakawanda mutariri weboka redu rekuparidza aindipa mazano anobva muBhaibheri uye nanhasi ndichiri kushandisa mazano iwayo.”

13. Ndeipi imwe nzira yatinobatsirwa nayo kana tikatsigira boka redu rekuparidza? (Onawo mufananidzo.)

13 Tinowana shamwari dzinotida uye dzinotitsigira. Patinoparidza “pamwe chete” nehama nehanzvadzi dzemuboka redu, tinova neushamwari hwepedyo navo. (VaF. 1:27) Sezvo mapoka ekuparidza ari madiki, zvinogona kuitira nyore vaya vanonyara kana kuti vanonetseka nekuva pavanhu vakawanda kuti vavewo neshamwari dzepedyo. (2 VaK. 6:13) Shamwari dzedu idzi dzinotibatsira patinosangana nematambudziko akadai sekurwara, kushungurudzika mupfungwa kana kufirwa. (1 VaT. 5:14) Uye kumberi kwatiri kutoenda uko, tichatowedzera kuda shamwari dzakadaro. (Mat. 24:21) Shamwari dzedu dzingasakwanisa kubvisa matambudziko edu. Asi kana tichiziva kuti tine hama nehanzvadzi dzinotida uye dzinotitsigira, zvinotibatsira kuti tikwanise kutsungirira matambudziko atiinawo.—Zvir. 17:17.

Hanzvadzi dziya mbiri dzava kubva pamusangano webasa dzichienda kundima. Dzimwe hama nehanzvadzi dzemuboka ravo rekuparidza dzichiendawo kundima.

Hanzvadzi mbiri dziri muboka rimwe chete rekuparidza, dziri muushumiri pamwe chete. (Ona ndima 13)


14. Panoitika njodzi kana kuti mamwe matambudziko anongoerekana aitika, tinobatsirwa sei neurongwa hwemapoka ekuparidza?

14 Tinobatsirwa panoitika njodzi kana kuti mamwewo matambudziko anongoerekana aitika. Zvinogona kuitika kuti mumwe wedu anogona kungoerekana arwara. Kana kuti panogona kuva nechirwere chinopararira kana kuti njodzi inongoerekana yaitika. Tinogonawo kutambudzwa nehurumende kana kuti mari yemunyika matinogara inogona kungoderera ukoshi. Panoitika zvinhu zvakadaro, muungano imwe neimwe, Dare Rebasa Reungano rinoshanda pamwe chete nevatariri vemapoka kuti varonge kuti vangabatsira sei vaya vanenge vachinyanya kuda kubatsirwa vakadai sevakwegura, vanorwara uye vakaremara. Vatariri vemapoka ndivo vanenge vari pamberi pakutsvaga kuti mhuri imwe neimwe iri muboka ravo iri kupi uye yawana here rubatsiro rwainoda. Vanobva varonga kuti vawane mishonga, zvekudya, mvura, pekugara uyewo zvekupfeka. Urongwa hwemapoka ekuparidza hwakanaka chaizvo. Uye zvikaitika kuti paitika njodzi kana kuti rimwewo dambudziko rinongoerekana raitika, ziva kuti uchawana rubatsiro rwaunenge uchida.

15. Chii chinobatanidza vashumiri vese vaJehovha?

15 Sezvatambotaura, sangano raJehovha rakakura zvisingaiti. Chikamu chekudenga chine mabhiriyoni engirozi dzakatendeka. Uye chikamu chepanyika chine vanhu vanopfuura 9 miriyoni uye chiri kutoramba chichiwedzera kukura zuva rega rega. (Zek. 8:23; Zvak. 5:11) Vashumiri vese vaJehovha kudenga nepanyika vakabatana pakuzivisa mashoko akanaka eUmambo hwaMwari. (Zvak. 14:​6, 7) Dai tese tikanyatsobatsirwa neurongwa hwemapoka ekuparidza nekuti huchaita kuti tinyatsokwanisa kurumbidza Jehovha nemwoyo wedu wese.—Pis. 111:1.

UCHIRI KUYEUKA HERE?

  • Mutariri weboka nemubatsiri wake vanobatsira sei vanhu vari muboka ravo rekuparidza?

  • Tingaitei kuti titsigire boka redu rekuparidza?

  • Tinobatsirwa sei neurongwa hwemapoka ekuparidza?

RWIYO 61 Shingai, Imi Zvapupu!

a Mamwe mazita akachinjwa.

b Kana muungano musina vakuru vanokwana kushanda sevatariri vemapoka, panogona kusarudzwa mushumiri weungano anokwanisa kuti aite basa iri, kusvikira pava nemukuru anokwanisa kuzoita basa racho. Mushumiri weungano anenge achiita basa iri anonzi mushumiri weboka, nekuti haasi mutariri muungano. Asi anenge achiita basa iri achitungamirirwa nevakuru vari muungano.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe