AUGUST 31-SEPTEMBER 6, 2026
RWIYO 89 Teerera, Uzviite, Ukomborerwe
Nyatsoteerera Pamisangano
“Nyatsongwarirai kuti munoteerera sei.”—RUKA 8:18.
ZVATICHADZIDZA
Tichadzidza kuti nei zvichikosha kuti tinyatsoteerera patinenge tiri pamisangano uye kuti tingazviita sei.
1-2. (a) Jehovha ari kuitirei vanhu vake mazuva ano? (Pisarema 23:1, 2, 5) (b) Tichakurukurei munyaya ino?
MAZUVA ANO, Jehovha ari kutipa zvekudya zvekunamata zvakawanda chaizvo. Saka tinonyatsobvumirana nemashoko akataurwa naDhavhidhi ekuti: “Jehovha ndiye Mufudzi wangu. Hapana chandichashayiwa.”—Verenga Pisarema 23:1, 2, 5.
2 Imwe nzira inoshandiswa naJehovha kutipa zvekudya zvekunamata ndeyemisangano. Patinenge tiri pamisangano, tinowanzodzidza zvinhu zvatagara tichitoziva. Asi kunyange tava nemakore tiri Zvapupu uye tichinyatsoziva Bhaibheri, zvinokosha kuti tinyatsoteerera zvinhu zvatinenge tichidzidziswa. (2 Pet. 1:12) Asi zvinombokuomera here kunyatsoteerera pamisangano panenge pachidzidzwa zvinhu zvaunoziva? Kana zvichimbokuomera nyaya ino ichakubatsira. Tichaona kuti nei tichifanira kunyatsoteerera pamisangano. Tichaonawo kuti vaya vane basa rekudzidzisa vangaitei kuti zvive nyore kuti vanhu vateerere zvavanenge vachidzidzisa. Uye tichakurukura mazano anogona kutibatsira tese kuti tinyatsoteerera zvakanaka. Asi regai titange nekumboona kuti patinenge tiri pamisangano, ndiani anenge achitaura nesu.
YEUKA KUTI JEHOVHA NDIYE ANENGE ACHITAURA NESU
3. Jehovha anotaura sei nesu, uye vashumiri vake vanoshandisa sei Shoko rake?
3 Jehovha anotaura nesu achishandisa Shoko rake, Bhaibheri. (2 Tim. 3:16, 17) Jesu ainyatsonzwisisa izvi. Aishandisa Shoko raMwari neunyanzvi zvekuti vanhu vaimuteerera vakasvika pakubvunza kuti: “Munhu uyu anoziva sei Magwaro, iye asina kudzidza?” (Joh. 7:15) Vanhu vaizvininipisa uye vaida kudzidza nezvaJehovha vaifara chaizvo pavainzwa Jesu achitsanangura Shoko raMwari. VaKristu vepakutanga vakadai saPauro naAporo, vaitevedzerawo Jesu pakushandisa Shoko raMwari. Vaiwanzotora zvavaidzidzisa kubva muShoko raMwari vachibatsira vanhu kunzwisisa zvinodiwa naJehovha. (Mab. 17:2, 3; 18:24, 28) Isuwo tinoziva kuti zvinobuda mumabhuku edu, paJW Broadcasting, muhurukuro, uye mumavhidhiyo, zvinotorwa muBhaibheri. Vanhu vakawanda pavanopinda misangano yedu kekutanga, vanobayiwa mwoyo nekuti zvese zvinenge zvichidzidziswa pamisangano iyoyo zvinenge zvichibva muBhaibheri. Vaya vanodzidzisa pamisangano yacho vanoshandisa Bhaibheri pakudzidzisa. Havangoverengi Bhaibheri vobva varivhara, asi vanobatsira vanhu kunzwisisa zvinenge zvichirehwa vovaratidza kuti vangazvishandisa sei muupenyu hwavo.—Ruka 24:32.
4. MuBhaibheri panoshandiswa shoko rekuti “inzwa” uye rekuti “teerera” zvinenge zvichirevei?
4 MuBhaibheri, panowanzoshandiswa shoko rekuti “inzwa” uye rekuti “teerera” zvinenge zvichipa pfungwa yekuita zvaunenge waudzwa. Saka kana tikanyatsoteerera patinenge tiri pamisangano, zvichatibatsira kuti tinzwisise kuti Jehovha anoda kuti tiitei uye zvichatiitira nyore kuti tizviite. Tinoziva kuti Jehovha anofara paanotiona tichiteerera pamisangano uye tichishandisa zvatinenge tadzidza.—Zvir. 27:11.
NEI TICHIFANIRA KUNYATSOTEERERA PAMISANGANO?
5. Kuda Jehovha kunoita kuti tiite sei? (Johani 4:23, 24; 1 Johani 5:3)
5 Tinoteerera pamisangano nekuti tinoda Jehovha. (Mat. 22:37) Patinoramba tichidzidza nezvaJehovha, tinowedzerawo kumuda. Rudo irworwo ndirwo runoita kuti tive nechido chekumuteerera, tomunamata tichitevedzera zvaanotidzidzisa muShoko rake.—Verenga Johani 4:23, 24; 1 Johani 5:3.
6. Jehovha anotidzidzisei pamisangano?
6 Tinoteera pamisangano nekuti tinoda vanhu. (Mat. 22:39) Patinenge tiri pamisangano, Jehovha anotidzidzisa zvatingaita kuti tibatsire hama nehanzvadzi dzedu uye vaya vasati vava kumuziva. Semuenzaniso, bhurocha raIva Nerudo Nevanhu—Vabatsire Kuti Vave Vadzidzi, rinotidzidzisa zvatingaita kuti tiratidze kuti tinoda vanhu vatinoparidzira. Zvinombokuomera here kutanga kutaura nevanhu muushumiri? Kana zvichimbokuomera, nyatsoteerera hama nehanzvadzi dzako padzinenge dzichipa hurukuro dzevadzidzi pamisangano yepakati pevhiki.
7. Nei zvichikosha kuti titeerere Jehovha?
7 Tinoteerera pamisangano nekuti tinoda kurarama upenyu hwakanaka iye zvino uye tinodawo kuzorarama nekusingaperi. Jehovha akaudza vashumiri vake vekare kuti kana vaida kurarama upenyu hwakanaka uye kuzorarama nekusingaperi, vaifanira kumuteerera. (Dheut. 32:44-47) Isuwo tinofanira kuteerera pamisangano kuti tiwane mashoko achatibatsira kutsungirira matambudziko atiri kusangana nawo, takamirira nyika itsva iri kuuya. (VaR. 8:25) Kuteerera Jehovha iye zvino kunokosha nekuti tiri kurarama mumazuva ekupedzisira uye tinofanira kuramba takamuka pane zvekunamata.—Mat. 24:42-44; Zvak. 1:3.
ZVAUNGAITA KUTI ZVIVE NYORE KUTI VAMWE VATEERERE PAMISANGANO
8. Nei hama dzinopa hurukuro dzichifanira kuramba dzichivandudza unyanzvi hwadzo hwekudzidzisa?
8 Vaya vanopa hurukuro pamisangano, kunyanya vaya vanopa hurukuro dzavose, vanofanira kuramba vachivandudza unyanzvi hwavo hwekudzidzisa. Kana hama ikanyatsogadzirira hurukuro yayo, yova nechokwadi chekuti zvese zvainodzidzisa zvinobva muBhaibheri, zvinogona kutobatsira vaya vasati vava Zvapupu kuti vadzidze chokwadi cheBhaibheri. Zvinogona kubatsirawo vaya vatogara vari Zvapupu kuti vawedzere kunzwisisa Bhaibheri uye kuti vashandise zvavanodzidza muupenyu hwavo. Saka kana uine hurukuro pamisangano, yeuka kuti hurukuro yako inogona kutobatsira vanhu zvisingaiti. Kana uchimbopa hurukuro pamisangano, ona kuti ungashandisa sei mazano anotevera kuti uvandudze unyanzvi hwako hwekudzidzisa. Mazano aya anonyanya kubatsira vaya vanopa hurukuro dzavose asi anogona kubatsirawo vaya vanenge vaine dzimwe hurukuro pamisangano.—2 Tim. 4:2; Tito 1:9.
9. Nei zvichikosha kuti hurukuro yako ive nyore kuteerera, uye zvii zvaungaita kuti udaro?
9 Ronga pfungwa dzehurukuro yako zvakajeka. Paunenge uchipa hurukuro yako, ita kuti zviitire nyore vateereri vako kuti vaone kuti uri kubva nekupi uchienda nekupi. Vateereri vanogona kuomerwa nekuteerera hurukuro yako kana pfungwa dzacho dzakawandisa kana kuti dzakasangana-sangana. Saka zvii zvaungaita kuti unyatsoronga pfungwa dzehurukuro yako zvakajeka? Pane zvinhu zvitatu zvinogona kukubatsira. (1) Paunenge uchitanga hurukuro yako, nyatsojekesa kuti pfungwa huru dzauri kuda kuzotaura nezvadzo ndedzekuti chii. (2) Chitaura pfungwa imwe neimwe yakazvimiririra, uchimbomira paunopedza kukurukura pfungwa imwe neimwe. Izvi zvichabatsira vateereri vako kuona kuti wava kuenda pane imwe pfungwa. (3) Dzokorora muchidimbu pfungwa huru paunenge wava kupa mhedziso yehurukuro yako.
10. Nei zvichikosha kuti ufarire zvinhu zvaunenge uchidzidzisa?
10 Farira zvaunenge uchidzidzisa. Kana uchifarira nyaya yauri kutaura, zviri nyore kuti uitaure nechido uye vateereri vako vanotozviona. (Zvir. 2:4, 5; Mab. 4:20) Kuti uzosvika pakufarira zvinhu zvauchadzidzisa unofanira kutanga wawana nguva yekunyatsofungisisa pfungwa dziri muhurukuro yacho uye mavhesi arimo. Imwe hama yekuUnited States ine makore ari kuma70 inoyeuka imwe hurukuro yayakambonzwa payakanga ichiri mudiki. Hama yacho inoti: “Ndichiri kuyeuka kuti mukurukuri akatikurudzira kuti tinyatsofungisisa patinenge tichiverenga Shoko raMwari. Akanyatsotsanangura kuti tinozviita sei. Uye paaitsanangura, zvainyatsooneka kuti iye wacho anokoshesa zvinhu zvaaitidzidzisa. Hurukuro iyoyo yakachinja upenyu hwangu. Yakachinja maverengero andaiita Bhaibheri uye zvakandibatsira kuti nditowedzera kuda Jehovha.”
11. Zvii zvinofanira kuitwa nemukurukuri kuti vateereri vanyatsobatsirwa nehurukuro yake? (1 Timoti 4:13-16)
11 Funga kuti ndezvipi zvichanyatsobatsira vateereri vako uye varatidze kuti vangashandisa sei zvaunenge uchidzidzisa. Pane kungogumira pakutaura zvinhu zvagara zvichizivikanwa nevateereri vako, shandisa Bhaibheri kuti uvakurudzire uye vabatsire kuona kuti vangashandisa sei zvinhu zvacho zvavari kudzidza muupenyu hwavo. Izvi ndizvo zvakaitwa naPauro. Timoti paakanga ari kuEfeso achibatsira hama dzeko, Pauro akamuudza zvaaifanira kunyatsoita kuti arambe ari pedyo naJehovha. (Verenga 1 Timoti 4:13-16.) Saka funga kuti ndezvipi zvichanyatsobatsira vateereri vako uye vabatsire kuti vaone kuti vangashandisa sei zvavari kudzidza muupenyu hwavo.
12. Zvakanakirei kutaura sezvaunoita mazuva ese paunenge uchipa hurukuro yako?
12 Dzidzira hurukuro yako uchitaura zvinonzwika kuitira kuti uzokwanisa kuipa uchitaura sezvaunoita mazuva ese. Kana ukapa hurukuro yako uchitaura sezvaunoita mazuva ese usingaiti zvekuverenga, zvinoita nyore kuti vanhu vakuteerere uye vanzwisise zvaunenge uchitaura. Bhurocha raShingairira Kuverenga Nekudzidzisa rinoti: “Taura sezvaunoita mazuva ese, uchinyatsoratidza kuti unonzwa sei nezvenyaya yacho uye vateereri vako.” Kana ukataura sezvaunoita mazuva ese, vateereri vako vanonyatsoteerera zvaunenge uri kutaura uye vanonzwa vachida kuzvishandisa muupenyu hwavo.
13. Paunenge uchigadzirira hurukuro, nei zvichikosha kuti ukumbire kubatsirwa nemukurukuri ane unyanzvi? (Onawo mufananidzo.)
13 Kumbira kubatsirwa nemukurukuri ane unyanzvi. Unogona kumuratidza zvaunenge wagadzirira, woshandisa mazano aanokupa paunozopa hurukuro yako. Uyewo unogona kutopa hurukuro yako achikuteerera okuudza paunofanira kuvandudza pamadzidzisiro ako. (Zvir. 1:5) Tiri tega hapasi pese patinogona kuona patinenge tichifanira kuvandudza. Saka hama yacho inogona kukuudza zvaungaita kuti hurukuro yako ive nyore kuti vateereri vainzwisise uye vashandise zvavanenge vachidzidza. Tinoda kuvandudza unyanzvi hwedu hwekudzidzisa kuitira kuti tibatsire vateereri kuti vawedzere kunzwisisa uye kushandisa zvinhu zvinotaurwa neBhaibheri.a
Kumbira mukurukuri ane unyanzvi kuti kubatsire kuvandudza madzidzisiro ako (Ona ndima 13)
ZVAUNGAITA KUTI UNYATSOTEERERA PAMISANGANO
14. Nei tichifanira kuona zviyeuchidzo zvaMwari semaonerwo azvaiitwa nemunyori wePisarema 119? (Pisarema 119:24, 111, 167)
14 Kuti unyatsoteerera pamisangano, unofanira kuwedzera kukoshesa kwaunoita zviyeuchidzo zvinobva kuna Jehovha. Tiri kurarama ‘munguva dzakaoma, dzinonetsa kurarama madziri’ saka tinoda zviyeuchidzo zvinobva kuna Mwari kuti titsungirire matambudziko atinosangana nawo. (2 Tim. 3:1) Kana dzimwe nguva tichiona sekuti zvinhu zvatiri kudzidza takambozvidzidza kakawanda, tinofanira kuedza kuona zviyeuchidzo zvinobva kuna Mwari semaonerwo azvaiitwa nemunyori wePisarema 119.—Verenga Pisarema 119:24, 111, 167.
15. Zvii zvatingaita kuti tirambe tichikoshesa zvekudya zvekunamata zvatinodzidza pamisangano?
15 Zvinokosha kuti tirambe tichiyeuka kuti zvinhu zvatinodzidza pamisangano zvinobva kuna Jehovha. Tinogona kudzidza kubva pane zvakaitika kuvaIsraeri. Pavaiva murenje, Jehovha aivapa mana. (Eks. 16:15, 31) VaIsraeri vakatanga vachifarira mana yavaipiwa. Vaiziva kuti yaibva kuna Jehovha, yaivararamisa uye yainaka. Asi nekufamba kwenguva, vamwe vavo vakapedzisira vaneta nekudya mana mazuva ese. (Num. 21:5) Mazuva ano, zvimwe zvinhu zvatinodzidza pamisangano tinenge takatombozvidzidza kakawanda, asi hatimbofaniri kuzviona sekuti hazvichakoshi. Tinofanira kuramba tichiyeuka kuti zviri kubva kuna Jehovha. Uyewo tinofanira kuyeuka kuti muranda akatendeka anonyatsotanga afunga asati asarudza zvinhu zvatichazodzidza pamisangano. Tinofanira kuyeukawo kuti zvinhu zvatinodzidza zvinotibatsira kuti tiite zvisarudzo zvakanaka muupenyu uye kuti tizorarama nekusingaperi.—Zvir. 3:13, 16-18; Joh. 17: 3.
16. Zvii zviri kubatsira vamwe vava nemakore vachishumira Jehovha kuti vanyatsoteerera pamisangano? (Onawo bhokisi rakanzi “Zvinhu Zvichakubatsira Kuti Unyatsoteerera.”)
16 Kuti unyatsoteerera pamisangano, unogona kushandisa mazano anotevera. Chimboona zvimwe zviri kubatsira vamwe vava nemakore vachishumira Jehovha kuti vanyatsoteerera pavanenge vari pamisangano. Ashley uyo ava nemakore anopfuura 30 achishumira Jehovha anoti: “Kugadzirira ndiko kunondibatsira kuti ndinyatsoteerera. Kana ndisina kugadzirira, zvakandiomera kuti ndipindure uye pfungwa dzangu dzinenge dzichitofungawo zvimwe.” József uyo ava nemakore 52 achishumira Jehovha anoti: “Ndinofarira kunzwa nyaya dzatinenge takambodzidza kakawanda pamisangano. Pandinonzwa hurukuro yandakambonzwa ichipiwa nemumwe munhu akasiyana, ndine chimwe chinhu chitsva chandinotodzidza ipapo. Uye patinodzidza dzimwe nyaya dzatinenge takambodzidza ndonzwa vanhu vachipa mhinduro dzavo, ndinotodzidzawo chimwe chinhu chitsva.” Anotiwo: “Kana hama iri kupa hurukuro isina unyanzvi hwekudzidzisa, ndinoedza kuisa pfungwa pane zvaari kutaura kwete pamatauriro aanenge achiita nekuti ndinoziva kuti zvaari kutaura zvinenge zvichibva muBhaibheri.”
17. Ndezvipi zvimwe zvinogona kukubatsira kuti unyatsoteerera pamisangano? (Onawo mufananidzo.)
17 Unogona kushandisa here rimwe remazano ari kutaurwa mundima ino kuti ukwanise kunyatsoteerera pamisangano? (1) Kana uchienda kumisangano wadya, usadya zvakawandisa kuitira kuti usazobatwa nehope kana wava ikoko. (2) Kurumidza kusvika wosarudza pauri kuda kugara purogiramu isati yatanga. (3) Ita kuti foni yako isazokuvhiringa paunenge uri pamisangano. (4) Edza kufunga kuti ipfungwa dzipi dzichataurwa nemukurukuri. (5) Ramba wakaisa pfungwa dzako pamukurukuri. (6) Nyorawo manotsi, kana kudhirowa zvinhu zvichaita kuti uyeuke pfungwa huru. (7) Isa pfungwa dzako pamavhesi ari kushandiswa uye kuti ari kupindirana sei. (8) Funga kuti ungashandisa sei zvauri kudzidza kuti ubatsire mumwe munhu ari muungano menyu kana kuti mundima menyu. (9) Paunenge uri kugungano, tarisa musoro wegungano, hurukuro dzichapiwa uye mavhesi anokosha achashandiswa pahurukuro imwe neimwe. (10) Gara pasi wakanyarara uchinyatsoteerera mumhanzi uye uchiona mavhidhiyo anoratidzwa purogiramu isati yatanga kuitira kuti painozotanga, unenge wanyatsogadzirira kudzidziswa naJehovha.
Usarega foni yako ichikutadzisa kuteerera pamisangano (Ona ndima 17)
RAMBA UCHINYATSOTEERERA JEHOVHA
18. Nei tichifanira kuramba tichiteerera pamisangano?
18 Tinofanira kuramba tichiteerera pamisangano nekuti kana tikadaro, Jehovha anotitungamirira “munzira dzekururama.” (Pis. 23:3; 31:3) Patinoenda kumisangano Jehovha anenge achitidzidzisa kuti tikwanise kuramba tichiita zvinhu zvakanaka. Saka nyatsoteerera paunoenda kumisangano uye shandisa zvaunodzidza. (Ruka 8:18) Vaya vanoteerera Jehovha vachava nemufaro muupenyu hwavo uye vachawana upenyu husingaperi mune ramangwana.—Pis. 119:2, 14.
RWIYO 87 Uyai Muzorodzwe!
a Kuti uwane mamwe mazano anogona kukubatsira kuvandudza madzidzisiro ako, ona bhurocha rinonzi Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa uye bhuku rinonzi Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri.