AUGUST 17-23, 2026
RWIYO 90 Kurudziranai
Zvatingaita Kuti Tirambe Tiine Ushamwari Nehama Nehanzvadzi Dzedu
“Pfekai rudo rwakadzama muchinzwirana tsitsi, mutsa, kuzvininipisa, unyoro, nemwoyo murefu.”—VAK. 3:12.
ZVATICHADZIDZA
Tichadzidza zvatingaita kuti tirambe tiine ushamwari hwakasimba nehama nehanzvadzi dzedu panoitika zvinhu zvinogona kukanganisa ushamwari hwedu.
1. Ndekupi kwatinowana shamwari dzechokwadi?
“ZVAKAOMA tisina shamwari, tave patasvika. Jehovha [anoziva kuti] tinoda shamwari dzinotida.” Unobvumirana here nemashoko erwiyo urwu runonzi “Shamwari Dzechokwadi”? Takakomborerwa kuti tinokwanisa kuwana shamwari dzechokwadi pakati pevanhu vaJehovha. (Pis. 119:63) Tiri mumhuri yevanhu vanonamata Jehovha uye vanodanana.
2. Tinoda kuva neushamwari hwakaita sei nehama nehanzvadzi dzedu?
2 Tinoda kuva neushamwari hwakanyatsosimba nehama nehanzvadzi dzedu. Hatidi kungogumira pakuzivana navo chete. Tiri mumhuri yevanhu vanoda Jehovha naJesu uye rudo irworwo ndirwo runoita kuti tibatane. (Joh. 13:35) Asi hatingoerekani tava neushamwari hwepedyo nehama nehanzvadzi dzedu. Zvinotoda kushanda nesimba. Uye nemhaka yekuti tese tinotadza, dzimwe nguva tinogona kusangana nezvinhu zvinoita kuti zviome kuti tirambe tiri shamwari.
3. Zvii zvinogona kuita kuti zviome kuti tirambe tiine ushamwari nehama nehanzvadzi dzedu?
3 Muupenyu, tinogona kunzwa tiri pedyo nevamwe vanhu kupfuura zvatinoita nevamwe. Nei zvakadaro? Pamwe inogona kunge iri nyaya yekuti tinofarira zvinhu zvakafanana kana kuti unhu hwedu hunongopindirana. Asi tinogona kuomerwa nekuramba tiine ushamwari nedzimwe hama nehanzvadzi dziri muungano. Izvi zvinogona kukonzerwa nezvinhu zvakasiyana-siyana. Dzimwe nguva tinogona kutadza kuva nemaonero akafanana pane imwe nyaya uye izvozvo zvinogona kukanganisa ushamwari hwedu. Pamwe pacho nemhaka yekuti tine unhu hwakasiyana nehwemumwe munhu, tinogona kuona sekuti hatitombokwanisi kupindirana naye. Uye dzimwe nguva chimwe chinhu chinogona kukanganisa ushamwari hwedu nehama dzedu ndechekuti hama yedu inogona kunge ichirwara zvisingaiti kana kuti iine zvimwe zvinhu zviri kuinetsa mupfungwa. Munyaya ino tichakurukura zvakaitwa naJesu zvinogona kutibatsira kuti tirambe tiine ushamwari nehama nehanzvadzi dzedu pasinei nezvinhu zvinogona kukanganisa ushamwari hwedu. Asi tisati tadaro, regai titange taona zvimwe zvinhu zvinogona kutibatsira kuti tirambe tiine ushamwari hwepedyo nehama nehanzvadzi dzedu.
ZVINHU ZVICHATIBATSIRA KUTI TIRAMBE TIINE USHAMWARI NEHAMA NEHANZVADZI DZEDU
4. Zvii zvinogona kusimbisa ushamwari hwedu nehama nehanzvadzi dzedu?
4 Kuti tisimbise ushamwari hwatiinahwo nehama nehanzvadzi dzedu, tinofanira kuisa pfungwa dzedu pazvinhu zvakanaka zvavanoita. Kana tikawana nguva yekuva navo zvichatibatsira kuti tione unhu hwavo hwakanaka. Muapostora Pauro aiva nechido chekuva nehama nehanzvadzi dzake. Akanyorera vaKristu vaiva kuTesaronika kuti: ‘Takaedza zvese zvataigona kuti tikuonei panyama.’ (1 VaT. 2:17) Vanhu vakawanda vakacherechedza kuti pavanoita nguva vachitaura neshamwari dzavo vachiita zvekuonana, zvinosimbisa ushamwari hwavo. Isusu tine mikana yakawanda yekuita izvozvo patinenge tiri muushumiri, kumisangano uyewo kumagungano. Asi kungova pamwe chete hakutadzisi kuti pave nematambudziko anogona kukanganisa ushamwari hwedu.
5. Zvii zvinogona kutibatsira kuchengetedza ushamwari hwedu nehama nehanzvadzi dzedu? Taura muenzaniso. (VaKorose 3:12)
5 Bhaibheri rinotiudza zvinhu zvinogona kutibatsira kuchengetedza ushamwari hwedu kuti husakanganiswa. (Verenga VaKorose 3:12.) Rinotiudza kuti tinofanira kuzvininipisa, kuva nemwoyo murefu, tsitsi uye mutsa. Tinogona kuzvifananidza neizvi: Kuti injini yemota ishande zvakanaka, inoda oiri. Nesuwo kana tikazvininipisa, tikava nemwoyo murefu, tsitsi, mutsa nezvimwewo, zvichatibatsira kuti tirambe tiine ushamwari hwakanaka nehama nehanzvadzi dzedu. Ngatimbokurukurei zvinhu zvitatu zvinogona kukanganisa ushamwari hwedu nehama nehanzvadzi dzedu. Patinenge tichikurukura zvinhu izvi, tichaonawo kuti tingatevedzera sei Jesu pakuzvininipisa, pakuva nemwoyo murefu, pakuratidza mutsa uye pakunzwira vamwe tsitsi. Izvi zvichatibatsira kuti tirambe tiine ushamwari hwakasimba nehama nehanzvadzi dzedu.
KANA MUSIRI KUBVUMIRANA
6. Kana vanhu vakasawirirana pane imwe nyaya, zvinogona kukanganisa sei ushamwari hwavo?
6 Kusabvumirana kunogona kukanganisa sei ushamwari hwenyu? Kazhinji kana vanhu vaviri vasiri kubvumirana pane imwe nyaya, inenge iri nyaya yekuti mumwe nemumwe ari kufunga kuti maonero ake ndiwo akanaka. Kana vakasangwarira, vanogona kutorega kanyaya kadiki kachikura zvekuti kanotokanganisa ushamwari hwavo. Mumwe nemumwe wavo anenge achifunga kuti zvaari kutaura ndizvo zvinofanira kutevedzerwa. Kana vakasataurirana, vanogona kutopedzisira vagumbukirana. Uye nguva zvainenge ichifamba, ushamwari hwavo hunogona kutoparara zvachose. Asi zvinenge zvangotangira pakanyaya kadikidiki.
7. Jesu akadzidzisa sei vadzidzi vake kuti kuzvininipisa kunobatsira kugadzirisa kusawirirana?
7 Dzidza kubva pakuzvininipisa kwaJesu. Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kuti vaifanira kuzvininipisa kuti vagadzirise kusawirirana. Vadzidzi vaJesu vakanga vava nenguva yakareba vachiitisana nharo kuti ndiani aiva mukuru pakati pavo. Iyi inyaya yavaikoshesa chaizvo. Saka kuti agadzirise mafungiro avo, Jesu akavaudza kuti vaifanira kuona vamwe sevakuru kwavari. (Mat. 20:25-28) Apa aitovadzidzisa kuzvininipisa. Kunyange usiku hwekupedzisira asati afa, Jesu akaratidza vadzidzi vake zvinhu zvavaifanira kuita kuti varatidze kuti vanozvininipisa. (Joh. 13:3-5, 12-16) Akazviita sei? Akaita basa raiwanzoitwa nevaranda. Akageza tsoka dzevadzidzi vake. Paakaita izvi, airatidza vadzidzi vake kuti vangaita sei kuti varambe vaine ushamwari. Kuona vamwe sevakuru kwavari kwaizovabatsira kuti vabvume mafungiro evamwe kunyange vaine maonero akasiyana. Izvi ndizvo zvaizoita kuti zvive nyore kuti varambe vaine ushamwari kunyange kana paine pavasiri kubvumirana.
8. Pamunenge musiri kubvumirana, kuzvininipisa kunokubatsira sei? (VaKorose 3:13) (Onawo mifananidzo.)
8 Ungaitei kuti urambe uine ushamwari nehama nehanzvadzi dzako? Kana uchizvininipisa, zvichakubatsira kuti usarega tunyaya tudiki tuchikanganisa ushamwari hwenyu uye zvichakubatsirawo kuti uregerere hama nehanzvadzi dzako zvichibva pamwoyo. (Verenga VaKorose 3:13.) Kuzvininipisa kuchakubatsirawo kuti usagumbuka paunenge usiri kuwirirana nehama yako mochengetedza ushamwari hwenyu. (Pis. 4:4) Kunyange kana hama yako ikataura mashoko anokurwadza, yeuka kuti tese zvedu tinombotaura zvinhu zvatinozodemba. (Mup. 7:21, 22) Zvibvunze kuti, ‘Chinonyanya kukosha chii? Maonero angu here kana kuti ushamwari hwedu?’ Unogonawo kusarudza kuita zviri kudiwa nehama yako. Unogona kuva nerugare kana ukasaramba uchingofunga nezvenyaya yausina kuwirirana nehama yako uye kana ukasaidzosa zvakare mudariro.
Kana uchizvininipisa, zvichakubatsira kuti usarega tunyaya tudiki tuchikanganisa ushamwari hwenyu uye zvichakubatsirawo kuti uregerere hama nehanzvadzi dzako zvichibva pamwoyo (Ona ndima 8)a
9. Kuzvininipisa kuchakubatsira sei kana nyaya ikaramba ichienderera? (Zvirevo 17:9)
9 Kuzvininipisa kunogona kukubatsirawo kana nyaya yacho ikaramba ichienderera. Usaite nharo uchida kungoratidza kuti maonero ako ndiwo akanaka. (Verenga Zvirevo 17:9; 1 VaK. 6:7) Yeuka kuti chinangwa chako ndechekuti murambe muri shamwari. Vanhu vakawanda vakaona kuti kutaura nemunhu wacho kunobatsira kana paita kusawirirana. (Pis. 34:14) Saka unogona kuenda kuhama yako yausiri kuwirirana nayo wonoti: ‘Tava nenguva tiri shamwari. Zvinoita here kuti timbotaurirana nezvenyaya iyi?’ Usanyara kubvuma kuti une zvawakaitawo kuti muzopedzisira mava kusawirirana zvakarwadzisa shamwari yako uye ibva wazokumbira ruregerero. Uye kana hama yako ikakukumbira ruregerero, zvininipise woiregerera. (Ruka 17:3, 4) Yeuka kuti chinangwa hachisi chekuratidza kuti akatadza ndiani, asi ndechekuti mugadzirise kusawirirana kwamuri kuita moramba muri shamwari.—Zvir. 18:24.
KANA UNHU HWENYU HWAKASIYANA
10. Zvii zvinogona kuita kuti zvitiomere kuti tirambe tiine ushamwari nevamwe?
10 Kana unhu hwenyu hwakasiyana zvinogona kukanganisa sei ushamwari hwenyu? Zvinogona kutiomera kuti tirambe tiine ushamwari nehama nehanzvadzi dzedu dzinenge dziine unhu hwakasiyana nehwedu. Vamwe vanhu vanogona kunge vaine humwe unhu hunotibhowa. Vamwewo vanogona kunge vaine mamwe maitiro atisingafariri. Maitiro iwayo anogona kunge achikonzerwa nekuti pamwe vakambobatwa zvakaipa muupenyu. Kana kuti patsika dzavo vanhu havawanzotauri zvinhu zvinenge zviri pamwoyo pavo. Kana kuti vanogona kunge vachitofarira zvekutaura. Kana kuti tinogona kunge takasiyana nekuti mumwe anogona kunge achifarira zvekuva pavanhu vakawanda uye mumwe anogona kunge asingazvifariri.
11. Chii chakabatsira Jesu kuti arambe aine ushamwari nevanhu vakanga vaine unhu hwakasiyana nehwake?
11 Dzidza kubva pamwoyo murefu waJesu. Jesu akaramba aine ushamwari nevanhu vakanga vaine unhu hwakasiyana nehwake. Nei tichidaro? Chimbofunga nezvekusiyana kwaakanga akaita nemuapostora Jakobho uye nemuapostora Johani. Jakobho naJohani vakaratidza kuti vaizvikudza pavakakumbira kuti vazopiwa zvinzvimbo zvepamusoro muUmambo hwaMwari. (Mako 10:35-37) Asi Jesu akaratidza kuti aizvininipisa nekuti akatosiya chinzvimbo chepamusoro chaaiva nacho kudenga uye mabasa anokosha aaiita achiitira kuti auye pasi pano. (VaF. 2:5-8) Saka Jesu nevadzidzi vake vakanga vaine unhu hwakatosiyana zvachose. Asi Jesu akaramba achiratidza Jakobho naJohani uye vamwe vese mwoyo murefu.
12. Chii chakabatsira Jesu kuti aratidze mwoyo murefu kushamwari dzake?
12 Jesu aisatarisira kuti shamwari dzake dzisatombokanganisa. Aizivawo kuti kunyange vamwe vadzidzi vaikoshesawo nyaya yekuda chinzvimbo kungofanana nezvaiitwa naJakobho naJohani. (Mako 9:34) Vanhu vakawanda vepanguva iyoyo yaJesu vaikoshesa pfungwa iyoyo yekuda zvinzvimbo uye mukurumbira. Saka Jesu ainzwisisa chaiita kuti vadzidzi vake vave nemafungiro iwayo. Asi akaramba achivaratidza mwoyo murefu uye aisavatarisira kuti vabva vatobvisa pakarepo pfungwa yekuzvikudza uye kuda mukurumbira. Ainzwisisa kuti vakanga vava nemakore vaine mafungiro iwayo.—Mako 10:42-45.
13. Kuva nemwoyo murefu kuchatibatsira sei kuti tirambe tiine ushamwari nevamwe? (VaEfeso 4:2)
13 Ungaitei kuti urambe uine ushamwari nehama nehanzvadzi dzako? Ramba uchivaratidza mwoyo murefu. (Zvir. 14:29) Izvi zvichakubatsira kuti unzwisise kuti vamwe vanhu ndozvavari, kunyange vaine unhu hwausingafariri. Tese hedu tine unhu hwakasiyana uye kazhinji kacho kunenge kungori kusiyana kwete kuti pane chinhu chakaipa chinenge chichiitwa nemunhu. Saka tinotenda chaizvo vamwe pavanotinzwisisawo sezvatiri. (Verenga VaEfeso 4:2.) Uye nesuwo zvinokosha kuti tingonzwisisawo kuti vamwe vanhu ndozvavari. Chimbofunga nezvemunhu akanyararisa uye anonyara. Zvinogona kunge zvakatomuomera kuti aende pane vanhu vakawanda uye kuti ataure nevamwe. Saka unofanira kumunzwisisa. Kana kuti chimbofunga nezvemunhu anofarira zvekutaura uye zvekugara aine vanhu. Munhu iyeye unofanira kumunzwisisa womuratidzawo mwoyo murefu. Hatitarisiri hedu kuti tichava shamwari dzepedyo nemunhu wese asi tinofanira kuyeuka kuti kunyange vaKristu vane unhu hwakasiyana zvachose vanogona kutoshanda pamwe chete zvakanaka.
14. Mwoyo murefu uchatibatsira kuti tiise pfungwa dzedu pachii?
14 Mwoyo murefu uchatibatsira kuti tiise pfungwa dzedu paunhu hwakanaka hwehama nehanzvadzi dzedu. Kana tikaita izvi, hatizoregi kusiyana kwakaita unhu hwedu kuchititadzisa kuva neushamwari nehama nehanzvadzi dzedu. Semuenzaniso, Jakobho naJohani vairatidza kuti vaingozvifunga pavakakumbira kupiwa zvinzvimbo zvepamusoro muUmambo. Asi kutokumbira kwavakaita kwairatidza kuti vainyatsobvuma kuti Umambo hwaMwari huriko zvechokwadi. Jesu akazviona uye akaratidza kuti aikoshesa kutenda kwavaiva nakwo. Kana tikaisa pfungwa paunhu hwakanaka hune shamwari dzedu, tinenge tichitevedzera Jesu uye Baba vake, Jehovha.
15. Ndiani anogona kutibatsira kuti tirambe tiine ushamwari nevaya vane unhu hwakasiyana nehwedu?
15 Chinotokosha ndechekuti tinyengetere kuna Jehovha tichimukumbira kuti atibatsire kuti tirambe tichiwirirana nevaya vane unhu hwakasiyana nehwedu. Edza kufungidzira zvinhu zvinogona kuitika zvinogona kuita kuti usvotwe neunhu hwemumwe munhu uye nyengetera kuna Jehovha kuti akubatsire kuti uzoramba wakadzikama. Yeuka kuti Jehovha ndiye Musiki wedu saka anonyatsonzwisisa kuti vanhu vese vakasiyana. Saka nyengetera kuna Jehovha uchinyatsovimba kuti anoziva zvaunoda kuti urambe uchitsungirira. Uye paunonzwa sekuti wava kutadza kuramba uchiratidza mwoyo murefu, kumbira Jehovha kuti akupe mweya wake mutsvene kuti ukubatsire kuzvidzora.—Ruka 11:13; VaG. 5:22, 23.
KANA HAMA NEHANZVADZI DZAKO DZIRI MUMATAMBUDZIKO
16. Hama nehanzvadzi dzako padzinenge dziri mumatambudziko, dzinogona kukubata sei?
16 Kana hama nehanzvadzi dzako dziri mumatambudziko zvinogona kukanganisa sei ushamwari hwenyu? Vanhu pavanenge vachirwara kana kuti vaine zviri kuvanetsa mupfungwa, vanogona kuita zvinhu zvatinogona kutadza kunzwisisa. Vanogona kutotinyararira, kukurumidza kugumbuka, kana kutoita zvimwe zvinhu zvekuti tinoshamisika. Pamwe vanogona kutaura kana kuita zvimwe zvinhu zvinotirwadza. (Job. 6:2, 3) Nemhaka yekuti tinenge tisiri kuziva matambudziko avari kusangana nawo, tinogona kuvatarisira kuti vaite zvimwe zvinhu zvavasingakwanisi kuita.
17. Tinodzidzei pane zvakaitwa naJesu kuna Bhatimeyo?
17 Tevedzera zvakaitwa naJesu pakuratidza mutsa uye kunzwira vamwe tsitsi. Jesu aiva nemutsa uye ainzwira tsitsi vanhu vaitambura kunyange vaya vaakanga asingazivani navo. Chimbofunga mabatiro aakaita mumwe murume aiva bofu ainzi Bhatimeyo. Bhatimeyo paakanzwa kuti Jesu akanga ari kupfuura nepo, akatanga kushevedzera achiitira kuti Jesu amuone. Vamwe vanhu vaivapo vakaudza Bhatimeyo kuti anyarare. Asi iye aida kuporeswa naJesu, saka akatowedzera kushevedzera. Vamwe vanhu vaivapo vanogona kunge vakagumbuka nemhaka yezvaiitwa naBhatimeyo. Asi Jesu ‘akasiririswa’ naye. (Mat. 20:34; Mako 10:46-52) Mashoko iwayo anoratidza kuti Jesu akamunzwira tsitsi zvikuru zvekuti akanga achida kumubatsira. Akataura naBhatimeyo zvakanaka uye akamurumbidza nemhaka yekutenda kwake, achibva amuporesa.
18. Unofanira kuita sei kana shamwari dzako dzichitambura? (1 VaTesaronika 5:14)
18 Ungaitei kuti urambe uine ushamwari nehama nehanzvadzi dzako? Iva nemutsa uye nzwira vamwe tsitsi. Izvi zvichakubatsira kuti utaure mashoko anonyaradza kuhama nehanzvadzi dzako dzinenge dzichirwara kana kuti dzichinetseka mupfungwa. (Verenga 1 VaTesaronika 5:14.) Yeuka kuti shamwari yechokwadi yakagadzirira kubatsira kunyanya “panguva yekutambudzika.” (Zvir. 17:17) Shamwari yechokwadi inonzwira tsitsi vaya vanenge vachitambura uyewo inoita kuti vanzwe vakagadzikana. Inovaudza mashoko anokurudzira uye inotsvagawo dzimwe nzira dzekubatsira nadzo.
19. Tingaratidza sei mutsa uye kunzwira vamwe tsitsi? (Onawo mifananidzo.)
19 Ndedzvipi zvimwe zvaungaita kuti uratidze hama yako mutsa uye kuti uinzwire tsitsi? Ungasakwanisa hako kurapa hama yako inenge iri mudambudziko. Asi unogona kuedza kunzwisisa kuti ari kunzwa sei uye kuti zvii zvaari kusangana nazvo. (Mat. 7:12; 1 Pet. 3:8) Nyatsomuteerera paanenge achitsanangura zviri kuitika muupenyu hwake. Uye kana zvichiita, unogona kumuudzawo mashoko achamunyaradza. (Zvir. 12:25) Asi usakurumidza kumufungira zvisizvo uchifunga kuti wava kuziva nyaya yacho yese. (Zvir. 18:13) Edza kuva nemwoyo murefu naye uye usatarisire kuti asatombokanganisa.—VaEf. 4:32.
Shamwari dzechokwadi dzinonyaradza vamwe padzinovanzwira tsitsi nekuvaratidza mutsa (Ona ndima 19)
20. Unoda kuva shamwari yakaita sei?
20 Tinokoshesa chaizvo ushamwari hwatiinahwo nehama nehanzvadzi dzedu. Asi tese tiri vanhu vanokanganisa. Uye vakawanda vedu tine zvinhu zvakaipa zvatakasangana nazvo muupenyu hwedu. Ndosaka dzimwe nguva tichiita kana kuti tichitaura zvinorwadza vamwe. Asi tinotenda chaizvo kuti hama dzedu dzinozvininipisa, dzinotiitira mwoyo murefu, dzinotibata zvakanaka, dzinotinzwira tsitsi uye dzinosarudza kuramba dziri shamwari dzedu. Saka nesuwo tinoda kuramba tichivawo shamwari dzakadaro kune vamwe.
RWIYO 124 Ngatirambei Takavimbika
a KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hama yechikuru isiri kubvumirana nehama yechidiki panyaya yekuti voronga sei ndima yeungano. Mumwe mufananidzo wacho unozoratidza vachiparidzira vese vachifara.