RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/03 p. 1
  • Kupupura Seboka Kunounza Mufaro

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kupupura Seboka Kunounza Mufaro
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Mashoko Akafanana
  • Zvaungaita Kuti Ubatsirwe Nokupinda Muboka Rako Rokuparidzira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
  • Unobatsirwa Sei Neurongwa Hwemapoka Ekuparidza?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
  • Misangano Yebasa Romumunda
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
  • Kuva Nemisangano Yebasa Romumunda Inobatsira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2015
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
km 7/03 p. 1

Kupupura Seboka Kunounza Mufaro

1 Paakatuma vadzidzi 70 kunoparidza, Jesu akavarayiridza zvokutaura, akavaronga vaviri vaviri, uye akavaudza ndima yavaizoparidza. Izvi zvakaita kuti vafare. (Ruka 10:1-17) Saizvozvowo nhasi, kupupura seboka kunobatsira kushongedzera, kuronga, uye kukurudzira vanhu vaMwari mubasa rokuparidza.

2 Vakuru Vanotungamirira: Vakuru vanoita basa rinokosha mukubatsira vose kushanda nguva dzose mubasa rokuparidza. Mutariri webasa anotungamirira mukuita zvirongwa zvebasa repakati pevhiki. Mutariri wechidzidzo chebhuku mumwe nomumwe ane mutoro wokuronga basa nokuda kweboka rake, zvikurukuru pakupera kwevhiki. Panguva apo ungano yose inoungana kuti iende mubasa romumunda, zvakadai sokunge Chidzidzo cheNharireyomurindi chapera, mutariri wechidzidzo chebhuku mumwe nomumwe anofanira kutarisira zvinodiwa neboka rake pachake.

3 “Nenzira Yakafanira uye Nokurongeka”: Munhu anosarudzwa kuitisa musangano webasa romumunda anofanira kutanga nenguva uye oita kuti musangano wacho usapfuura maminitsi 10 kana kuti 15. Zvakanakisisa kuti aronge mapoka okupupura oapa ndima (kunze kwokuti vatariri vechidzidzo chebhuku vari kutarisira izvi, sezvambotaurwa) asati agumisa nomunyengetero. Izvi zvinoderedza kuungana kwevaparidzi mundima yacho, izvo zvingakanganisa chiremera chebasa redu. Zvinoenderanawo nezano raPauro rinoti: “Zvinhu zvose ngazviitike nenzira yakafanira uye nokurongeka.” (1 VaK. 14:40) Vose vanopinda misangano iyi vanofanira kutsigira kubudirira kwourongwa hwacho nokusvika pachine nguva, kushandira pamwe zvizere neari kutungamirira, uye kubva nokukurumidza kuenda kundima kana boka racho rangonzi richienda.

4 Kuswededzwa Pamwe Mukubatana: Zvirongwa zvokupupura seboka zvinopa mukana wakaisvonaka wokuti tisvike pakuziva vamwe vari muungano. Kunyange zvisingarambidzwi kufanoronga kushanda nomumwe munhu, zvingave zvinokoshawo kuti tipinde misangano yebasa romumunda tisina kufanoita humwe urongwa. Tinganzi tishande nomumwe munhu watisinganyatsozivi, nokudaro zvichiita kuti ‘tiwedzere’ rudo rwedu.—2 VaK. 6:11-13.

5 Kupupurira seboka kunotikurudzira nokutiswededza pamwe chete se“vashandi pamwe muchokwadi.” (3 Joh. 8) Ngatikuitei zvakazara!

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe